-
Zvipe Umene Kuti UraveNharireyomurindi—1996 | May 15
-
-
anova tategurukadzi waDhavhidhi uye pakupedzisira waJesu Kristu. Naizvozvo akawana “mubayiro wakakwana.” Uyezve, avo vanorava nhoroondo yapaMagwaro vanodzidza chidzidzo chinokosha: Iva akavimbika kuna Jehovha, uye uchakomborerwa zvikuru.—Rute 2:12; 4:17-22; Zvirevo 10:22; Mateo 1:1, 5, 6.
16. VaHebheru vatatu vakatambura muedzoi, uye nhoroondo iyi inogona sei kutibetsera?
16 Nhoroondo yavaHebheru vainzi Shadraki, Meshaki, uye Abhedhi-nego inogona kutibetsera kuva vakatendeka kuna Mwari mumamiriro ezvinhu akaoma. Isa muchiono chiitiko chacho sezvo Dhanieri ganhuro 3 inoraviwa zvinonzwika. Mufananidzo mukuru wendarama wakamira mubani reDhura, apo vakuru vakuru veBhabhironi vaunganidzwa. Pakurira kwezviridzwa, vanowira pasi ndokunamata mufananidzo uwo Mambo Nebhukadnezari akanga amisa. Ndiko kuti, vose kusara kwaShadraki, Meshaki, uye Abhedhi-nego vanoita saizvozvo. Nokuremekedza, asi nenzira yakasimba, vanoudza mambo kuti havasati vachizobatira vamwari vake ndokunamata mufananidzo wendarama. Ava vaHebheru vaduku vanokandirwa muchoto chinopisa zvikuru. Asi chii chinoitika? Achitarira mukati, mambo anoona varume vana vakasimba, mumwe wavo “akaita somwanakomana wavamwari.” (Dhanieri 3:25) VaHebheru vatatu vanobudiswa muchoto, uye Nebhukadnezari anorumbidza Mwari wavo. Kwave kuchitusa kuisa muchiono nhoroondo yacho. Uye chidzidzo chakadini chainogovera pamusoro pekutendeka kuna Jehovha mumuedzo!
Betserwai Nokurava Bhaibheri Semhuri
17. Nokupfupikisa dudza zvimwe zvezvinhu zvinobetsera izvo mhuri yako inogona kudzidza kupfurikidza nokurava Bhaibheri pamwe chete.
17 Mhuri yako inogona kufarikanya betsero zhinji kana nguva dzose mukapedza nguva muchirava Bhaibheri pamwe chete. Kuvambira muna Genesi, unogona kuona chisiko ndokuona musha womunhu wapakuvamba weParadhiso. Unogona kugoverana zvakaitika zvemadzitateguru akatendeka nemhuri dzawo ndokutevera vaIsraeri sezvavanoyambuka Gungwa Dzvuku tsoka dzakaoma. Unogona kuona mukomana mufudzi Dhavhidhi achikunda hofori yechiFiristia Goriati. Mhuri yako inogona kucherekedza kuvakwa kwetembere yaJehovha muJerusarema, inogona kuona kuparadzwa kwayo namapoka eBhabhironi, uye inogona kuona kuvakwazve kwayo mukutungamirira kwaGavhuna Zerubhabheri. Pamwe chete nevafudzi vakaderera pedyo neBhetrehema, unogona kunzwa kuzivisa kwengirozi kuberekwa kwaJesu. Unogona kuwana udzame pamusoro perubhapatidzo rwake neushumiri hwake, unogona kumuona achipa upenyu hwake hwomunhu serudzikinuro, uye unogona kugoverana mufaro wekumutswa kwake. Tevere, unogona kufamba nemuapostora Pauro ndokucherekedza kuvambwa kweungano sezvo chiKristu chinopararira. Ipapo, mubhuku raZvakazarurwa, mhuri yako inogona kufarikanya chiono chinoshamisa chaJohane cheramangwana, kubatanidza Kutonga Kwamakore Ane Chiuru kwaKristu.
18, 19. Zvikarakadzoi zvinogoverwa pamusoro pekurava Bhaibheri kwemhuri?
18 Kana muri kurava Bhaibheri zvinonzwika semhuri, riravei norujeko nembavarira. Pakurava zvimwe zvikamu zveMagwaro, mutezo mumwe wemhuri—sezvinobvira baba—ungarava mashoko enhoroondo yacho. Vamwe venyu vanogona kutora nzvimbo dzavanhu vemuBhaibheri, muchirava mativi enyu nekunzwa kwakakodzera.
19 Sezvaunogoverana mukurava Bhaibheri semhuri, mano ako ekurava angavandudzika. Sezvingabvira, kuziva kwako Mwari kuchawedzera, uye ikoku kunofanira kukuswededza pedyo zvikuru naye. Asafi akaimba, kuti: “Kana ndirini, kuswedera pedyo [kwa]ari ndizvo zvinondifadza; Ishe Mwari ndakamuita nhare yangu, kuti ndiparidze mabasa enyu ose.” (Pisarema 73:28) Ikoku kuchabetsera mhuri yako kuva saMosesi, uyo “akatsungirira somunhu unoona iye usingaonekwi,” ndiko kuti, Jehovha Mwari.—VaHebheru 11:27.
Kurava uye Ushumiri hwechiKristu
20, 21. Basa redu rokuparidza rakabatana sei namano okurava?
20 Chishuvo chedu chokunamata “usingaonekwi” chinofanira kutisunda kushandira kuva varavi vakanaka. Mano okurava zvakanaka anotibetsera kupupurira zvinobva muShoko raMwari. Zvirokwazvo kunotibetsera kupfuurira mubasa rokuparidza Umambo iro Jesu akatuma vateveri vake apo akati: “Endai . . . mudzidzise marudzi ose, muvabhapatidze muzita raBaba, neroMwanakomana, neroMweya Mutsvene; muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurairai imi.” (Mateo 28:19, 20; Mabasa 1:8) Kupupura ibasa guru ravanhu vaJehovha, uye mano okurava anotibetsera kuriita.
21 Nhamburiko inodikanwa yokuva muravi akanaka nomudzidzisi ane unyanzvi weShoko raMwari. (VaEfeso 6:17) Naizvozvo, ‘ita unani hwako kuti uzvipe umene uchitenderwa kuna Mwari, uchibata shoko rezvokwadi zvakarurama.’ (2 Timotio 2:15) Wedzera zivo yako yezvokwadi yapaMagwaro nemano ako seChapupu chaJehovha kupfurikidza nokuzvipa umene kuti urave.
-
-
Rava Shoko raMwari Ndokumubatira MuzvokwadiNharireyomurindi—1996 | May 15
-
-
Rava Shoko raMwari Ndokumubatira Muzvokwadi
“Ndidzidzisei nzira yenyu, Jehovha, ndichafamba muzvokwadi yenyu.”—PISAREMA 86:11.
1. Chaizvoizvo, chii icho chinyorwa chekutanga chemagazini ino chakataura pamusoro pezvokwadi?
JEHOVHA anotuma chiedza nezvokwadi. (Pisarema 43:3) Anotipawo mano okurava Shoko rake, Bhaibheri, uye okudzidza zvokwadi. Chinyorwa chekutanga chemagazini ino—July 1879—chakati: “Zvokwadi, seruva duku rakapfava riri murenje roupenyu, rakakomberedzwa uye rinodokuva rakavhungwa nokukura kukuru kwamasora enhema. Kudai waizozviziva unofanira kungwarira nguva dzose. Kudai waizoona runako rwaro unofanira kubvisa masora enhema nerukato rwokusindimara. Kudai uchida kuva naro unofanira kukotama kuti uriwane. Usagutsikane neruva rimwe rezvokwadi. Kudai rimwe rakanga rakakwana kungadai kusisina. Ramba uchiunganidza, tsvaka
-