-
Vabereki, Muenzaniso Wenyu Unodzidzisei?Nharireyomurindi—1999 | July 1
-
-
Vabereki, Muenzaniso Wenyu Unodzidzisei?
“Ivai vateveri vaMwari savana vanodikanwa; fambai murudo.”—VAEFESO 5:1, 2.
1. Jehovha akapa vanhu vokutanga kuroorana mirayiridzo yorudzii?
JEHOVHA ndiye Muvambi wegadziriro yemhuri. Mhuri yoga yoga yakavapo nokuda kwake nokuti ndiye akatanga mhuri yokutanga ndokupa vanhu vokutanga kuroorana masimba okubereka. (VaEfeso 3:14, 15) Akapa Adhama naEvha mirayiridzo inokosha yaiva yemitoro yavo ndokuvabvumirawo mukana mukuru wokuita izvi nechido chavo. (Genesi 1:28-30; 2:6, 15-22) Adhama naEvha vatadza, mamiriro ezvinhu ayo mhuri dzaifanira kubata nawo akawedzera kuoma. Nyange zvakadaro, Jehovha norudo akapa mirayiridzo yaizobatsira vashumiri vake kuti vabate nemamiriro ezvinhu akadaro.
2. (a) Jehovha akasimbisa sei zano rakanyorwa nemirayiridzo inoita zvokutaurwa? (b) Vabereki vanofanira kuzvibvunza mubvunzoi?
2 SoMurayiridzi wedu Mukuru, Jehovha akaita zvakawanda kupfuura kupa mirayiridzo yakanyorwa yokuti tinofanira kuitei uye tinofanira kudzivisei. Munguva dzekare akabatanidza murayiridzo wakanyorwa newaiita zvokutaurwa achishandisa vapristi nevaprofita uye achishandisa misoro yemhuri. Ari kushandisa ani kupa dzidziso iyoyo inoita zvokutaurwa muzuva redu? Vakuru vechiKristu nevabereki. Kana uri mubereki, uri kuita basa rako rokurayiridza mhuri yako munzira dzaJehovha here?—Zvirevo 6:20-23.
3. Misoro yemhuri ingadzidzei kuna Jehovha pakudzidzisa kunobudirira?
3 Murayiridzo wakadaro unofanira kupiwa sei mumhuri? Jehovha anoratidza maitirwe azvo. Anonyatsotaura kuti zvakanaka ndezvipi uye zvakashata ndezvipi, uye anoramba achingodzokorora. (Eksodho 20:4, 5; Dheuteronomio 4:23, 24; 5:8, 9; 6:14, 15; Joshua 24:19, 20) Anoshandisa mibvunzo inoita kuti munhu afunge. (Jobho 38:4, 8, 31) Achishandisa mifananidzo nemienzaniso inoitika muupenyu chaiyo, anonyandura manzwire atinoita uye anoumba mwoyo yedu. (Genesi 15:5; Dhanieri 3:1-29) Vabereki, pamunodzidzisa vana venyu, munoedza kutevedzera maitire iwayo here?
4. Tinodzidzei kuna Jehovha pakupa chirango, uye nei chirango chichikosha?
4 Jehovha anoomerera pane chakarurama, asi anonzwisisa zvinokonzerwa nokusakwana. Saka asati aranga, anodzidzisa uye anonyevera anyeverazve nokuyeuchidza ayeuchidzazve vanhu vasina kukwana. (Genesi 19:15, 16; Jeremia 7:23-26) Paanoranga, anozviita kusvika pakafanira, kwete kunyanyisa. (Pisarema 103:10, 11; Isaya 28:26-29) Kana iriyo nzira yatinobata nayo nevana vedu, zvinopa uchapupu hwokuti tinoziva Jehovha, uye zvichava nyore kwavari kuti vasvike pakumuzivawo.—Jeremia 22:16; 1 Johane 4:8.
5. Vabereki vangadzidzei kuna Jehovha nezvokuteerera?
5 Zvinoshamisa kuti Jehovha anoteerera saBaba vokudenga vane rudo. Haangorayiri chete. Anotikurudzira kudururira mwoyo yedu kwaari. (Pisarema 62:8) Uye kana mashoko atinotaura asina kunyatsorurama, haadzvovi achititsiura ari kudenga. Anotidzidzisa achishivirira. Saka, zano romuapostora Pauro rakakodzera sei rinoti: “Ivai vateveri vaMwari savana vanodikanwa”! (VaEfeso 4:31–5:1) Muenzaniso wakaisvonaka sei unoratidzwa vabereki naJehovha sezvavanoedza kurayiridza vana vavo! Muenzaniso unopinda mumwoyo yedu ndokutiita kuti tide kufamba munzira yake youpenyu.
Simba Rine Muenzaniso
6. Mafungiro nemuenzaniso zvevabereki zvinokurudzira vana vavo sei?
6 Pamusoro pemurayiridzo unoita zvokutaurwa, muenzaniso une simba guru kuvaduku. Vabereki vachida vasingadi, vana vavo vachavatevedzera. Zvingafadza vabereki—dzimwe nguva zvingavakatyamadza—pavanonzwa vana vavo vachitaura zvinhu zvavakataura ivo. Kana mufambiro nemafungiro zvevabereki zvichiratidza kuonga chaizvo zvinhu zvomudzimu, izvi zvinobatsira kukurudzira vana kuita zvakanaka.—Zvirevo 20:7.
7. Jefta akaratidza mwanasikana wake muenzaniso worudzii somubereki, uye zvakaguma nei?
7 Kushanda kunoita muenzaniso wevabereki kunonyatsoenzanisirwa muBhaibheri. Jefta, akashandiswa naJehovha kuti aite kuti Israeri akunde vaAmoni, aivawo baba. Mhinduro yake kuna mambo wevaAmoni yakanyorwa inoratidza kuti Jefta anofanira kuva akanga arava kakawanda nhau yokubata kwaJehovha naIsraeri. Aigona kutaurazve nezvenhau iyoyo akasununguka, uye akaratidza kutenda Jehovha zvakasimba. Hapana mubvunzo kuti muenzaniso wake wakabatsira mwanasikana wake kuti ave nokutenda uye chido chokurega zvimwe zvinhu zvaakaratidza pakutora basa reupenyu hwose somukadzi asina kuroorwa akazvipira kuna Jehovha.—Vatongi 11:14-27, 34-40; enzanisa naJoshua 1:8.
8. (a) Vabereki vaSamueri vakaratidza mafungiroi akaisvonaka? (b) Izvozvo zvakabatsira sei Samueri?
8 Samueri akanga ari mwana akanaka uye akanga akatendeka kuna Mwari somuprofita muupenyu hwake hwose. Munoda kuti vana venyu vaite sezvaakaita here? Ongororai muenzaniso wakaratidzwa nevabereki vaSamueri, Erikana naHana. Nyange zvazvo mamiriro ezvinhu mumba mavo akanga asina kunyatsonaka, vaigara vachienda kuShiro kuti vandonamata, kunzvimbo kwakanga kune tabhernakeri tsvene. (1 Samueri 1:3-8, 21) Cherekedzai manyengeterere akaita Hana zvichibva kutsi kwemwoyo. (1 Samueri 1:9-13) Onai kuti vose vainzwa sei nezvekukosha kwokuita mhiko chero ipi zvayo inoitwa kuna Mwari. (1 Samueri 1:22-28) Muenzaniso wavo wakanaka pasina mubvunzo wakabatsira Samueri kuti ave neunhu hwakamuita kuti akwanise kuronda nzira yakarurama—nyange apo vanhu vaiva vakamupoteredza vaiita sevainamata Jehovha vakaratidza kusaremekedza nzira dzaMwari. Pashure penguva yakati, Jehovha akapa Samueri basa somuprofita Wake.—1 Samueri 2:11, 12; 3:1-21.
9. (a) Ndivanaani pamba vakakurudzira Timotio kuita zvakanaka? (b) Timotio akava munhu worudzii?
9 Mungada kuti mwana wenyu aite saTimotio here, uyo akava shamwari yomuapostora Pauro ari jaya? Baba vaTimotio vakanga vasiri mutendi, asi mai vake nambuya vake vakaratidza muenzaniso wakaisvonaka wokukoshesa zvinhu zvomudzimu. Pasina mubvunzo izvi zvakabatsira kuisa fandesheni yakanaka youpenyu hwaTimotio somuKristu. Tinoudzwa kuti mai vake, Juniki, nambuya vake Roisi, vakanga vane “kutenda kusinganyengeri.” Upenyu hwavo sevaKristu hwakanga husiri hwokunyengera; vairarama chaizvo maererano nezvavaiti vanotenda, uye vakadzidzisa Timotio muduku kuita izvozvo. Timotio akaratidza kuti aigona kuvimbwa naye uye kuti aiva nehanya zvechokwadi nokuti vamwe vafambirwe zvakanaka nezvinhu.—2 Timotio 1:5; VaFiripi 2:20-22.
10. (a) Mienzaniso ipi isiri yepamba ingachinja vana vedu? (b) Tinofanira kuita sei zvinhu izvi pazvinobuda mumutauro kana kuti mafungiro evana vedu?
10 Mienzaniso inochinja vana vedu haisi yepamba yose. Kune vana vavanopinda navo chikoro, vadzidzisi vane basa rokuumba pfungwa dzevaduku, vanhu vane pfungwa dzakaperera pakuti munhu wese anofanira kuitawo tsika dzakadzika midzi dzedzinza kana kuti dzenzanga, shasha dzemitambo dzine basa rinorumbidzwa kwese kwese, uye vakuru vakuru vehurumende avo vane mufambiro unogara uchitaurwa munhau. Mamiriyoni evana ave achionawo utsinye hwehondo. Zvinofanira kutishamisa here kana zvinhu izvi zvikabuda mumutauro kana kuti mafungiro evana vedu? Tinoita sei pazvinodaro? Ko kutuka kana kuti kurayira zvakasimba kunopedza dambudziko racho here? Panzvimbo pokukurumidza kupindura vana vedu, hazvingavi nani here kuti tizvibvunze kuti, ‘Panzira iyo Jehovha anotibata nayo pane chimwe chinhu chingabatsira here kunzwisisa nzira yokubata nemamiriro ezvinhu aya?’—Enzanisa naVaRoma 2:4.
11. Vabereki pavanokanganisa, zvingaita kuti vana vavo vafunge sei?
11 Ichokwadi kuti vabereki vasina kukwana havazobati mamiriro ezvinhu nenzira yakanakisisa nguva dzose. Vachakanganisa. Vana pavanoziva izvozvo, zvichaita kuti varege kuremekedza vabereki vavo here? Zvingadaro, kunyanya kana vabereki vakaedza kuvhara-vhara zvikanganiso zvavo nokuratidza simba ravo nehasha. Asi zvingaguma zvaitika zvakasiyana chaizvo kana vabereki vachizvininipisa uye vachibvuma zvikanganiso zvavo vakasununguka. Pavanoita kudaro, vanogona kuratidza vana vavo muenzaniso unokosha, avo vanofanira kudzidza kuita zvakafanana.—Jakobho 4:6.
Zvinogona Kudzidziswa Nomuenzaniso Wedu
12, 13. (a) Vana vanofanira kudzidzei nezverudo, uye izvi zvingadzidziswa sei zvinobudirira zvikuru? (b) Nei zvichikosha kuti vana vadzidze nezverudo?
12 Kune zvidzidzo zvakawanda zvinokosha zvingadzidziswa zvinobatsira zvikuru apo murayiridzo unoita zvokutaurwa unobatanidzwa nomuenzaniso wakanaka. Ona zvishomanana zvacho.
13 Kuratidza rudo rwusiri rwoudyire: Chidzidzo chinonyanya kukosha chinofanira kusimbiswa nomuenzaniso ndechezvinoreva rudo. “Tinoda, nokuti [Mwari] wakatanga kutida.” (1 Johane 4:19) Ndiye Tsime uye muenzaniso mukuru werudo. Urwu rudo rwenheyo, a·gaʹpe, runotaurwa muBhaibheri kanopfuura ka100. Ivara rinoita kuti vaKristu vechokwadi vazivikanwe. (Johane 13:35) Rudo rwakadaro runofanira kuratidzwa Mwari naJesu Kristu uyewo nevanhu kune mumwe nomumwe—nyange kuvanhu vatisinganyatsonzwa tichida. (Mateo 5:44, 45; 1 Johane 5:3) Urwu rudo runofanira kuva mumwoyo yedu nokuonekwa muupenyu hwedu tisati tabudirira kurudzidzisa vana vedu. Zviito zvinotaura kupinda mashoko. Mumhuri, vana vanofanira kuona nokunzwa kuti vanodiwa uye kuona mavara akafanana, akadai sechidakadaka. Kana zvinhu izvi zvisipo, kukura kwomwana mumuviri, mupfungwa, uye mumafungiro kunovhiringidzwa. Vana vanofanirawo kuona kuti rudo nechidakadaka zvinoratidzwa sei zvakafanira kuvaKristu vavanonamata navo vasiri vemumhuri imomo.—VaRoma 12:10; 1 Petro 3:8.
14. (a) Vana vangadzidziswa sei kuti vaite basa rakanaka rinogutsa? (b) Izvi zvingaitwa sei mumamiriro ezvinhu emhuri yenyu?
14 Kudzidza mashandire: Basa chinhu chinokosha choupenyu. Kuti munhu anzwe achikosha, anofanira kudzidza maitirwe ebasa rakanaka. (Muparidzi 2:24; 2 VaTesaronika 3:10) Kana mwana akapiwa mabasa okuita aasina kurayiridzwa zvakakwana obva atukwa nokuti haana kuaita zvakanaka, kashoma kuti adzidze kuita basa rakanaka. Asi vana pavanodzidza kuburikidza nokushanda nevabereki vavo uye vachirumbidzwa zvakafanira, zvingadaro chaizvo kuti vachadzidza kuita basa rinogutsa. Kana muenzaniso wevabereki uchibatanidzwa nokutsanangura, vana vangadzidza kwete chete nzira yokuita nayo basa asiwo nzira yokukurira nayo matambudziko, nzira yokuramba vachiita basa kusvika rapera, uye nzira yokufunga nayo nokuita zvisarudzo. Panguva iyi vanogona kubatsirwa kunzwisisa kuti Jehovha anoshandawo, kuti anoita basa rakanaka, uye kuti Jesu anotevedzera Baba vake. (Genesi 1:31; Zvirevo 8:27-31; Johane 5:17) Kana mhuri ichirima kana kuti ine bhizimisi, dzimwe nhengo dzemhuri dzingashanda pamwe. Kana kuti zvimwe mai vangadzidzisa mwanakomana kana mwanasikana wavo kubika nokuchenesa kana vapedza kudya. Baba vane basa risingaitirwi pamba vangaronga kuti vashande mamwe mabasa pamba nevana vavo. Zvinobatsira sei vabereki pavanofunga nezvekusangoita kuti mabasa aripo aitwe asi kushongedzera vana nokuda kwoupenyu!
15. Zvidzidzo zvokutenda zvingadzidziswa sei? Enzanisira.
15 Kuramba tine kutenda pakutarisana nekutambura: Kutenda chimwewo chinhu chinokosha choupenyu hwedu. Kutenda pakunokurukurwa mufundo yemhuri, vana vangadzidza kukurondedzera. Vangazivawo nezveuchapupu hunoita kuti kutenda kutange kukura mumwoyo yavo. Asi pavanoona vabereki vavo vachiratidza kutenda kwakasimba pakutarisana nemiedzo yakakomba, zvazvinozoita pavari zvingagara kwoupenyu hwose. Mumwe mudzidzi weBhaibheri muPanama akatyisidzirwa nomurume wake kuti aizodzingwa mumba mavo kana aisazorega kunamata Jehovha. Nyange zvakadaro, aigara achifamba makiromita 16 nevana vake vaduku vana ozokwira bhazi kwemamwezve makiromita 30 kuti asvike kuHoro yoUmambo yaiva pedyo. Dzakurudzirwa nomuenzaniso iwowo, dzimwe nhengo 20 dzemhuri yake dzakagamuchira nzira yechokwadi.
Kuratidza Muenzaniso Pakurava Bhaibheri Zuva Nezuva
16. Nei kurava Bhaibheri zuva nezuva kuchirumbidzwa?
16 Imwe yetsika dzakakosha zvikuru kwazvo mhuri chero ipi zvayo ingatanga—tsika ichabatsira vabereki ndokuva muenzaniso wokuti vana vatevedzere—kugara muchirava Bhaibheri. Chero zvichiita, ravai Bhaibheri mazuva ose. Chinonyanya kukosha hakusi kuti marava zvakawanda sei. Chinotonyanya kukosha kugara muchizviita uye mutoo wazvinoitwa nawo. Nokuda kwevana, kurava Bhaibheri kungawedzerwa nokuteerera makaseti eBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri kana achiwanikwa mumutauro wenyu. Kurava Shoko raMwari mazuva ose kunotibatsira kuramba tichitungamidza pfungwa dzaMwari mberi. Uye kana kurava Bhaibheri kwakadaro kuchiitwa kwete chete nemunhu mumwe pachake asi nemhuri, izvi zvingabatsira vose vari mumhuri kufamba munzira yaJehovha. Muitiro iwoyu ndiwo wakakurudzirwa pakokorodzano ichangobva kuitwa ye“Nzira yaMwari Youpenyu” mumutambo waiti Mhuri—Itai Kuti Kurava Bhaibheri Zuva Nezuva Kuve Nzira Yenyu Youpenyu!—Pisarema 1:1-3.
17. Kurava Bhaibheri kwemhuri nokubata magwaro anokosha nomusoro kunobatsira sei pakushandisa zano riri pana VaEfeso 6:4?
17 Kurava Bhaibheri semhuri kunowirirana nezvakanyorwa nomuapostora Pauro mutsamba yake yakafuridzirwa yaienda kuvaKristu vaiva muEfeso, yaiti: “Madzibaba, regai kutsamwisa vana venyu; asi varerei pakuranga no[kutungamirira ndangariro kwaJehovha, NW]. (VaEfeso 6:4) Izvozvo zvinorevei? “Kutungamirira ndangariro” chaizvoizvo kunoreva “kuisa pfungwa mu-”; saka vanababa vechiKristu vari kukurudzirwa kuisa pfungwa dzaJehovha Mwari muvana vavo—kubatsira vana kuti vazive pfungwa dzaMwari. Kukurudzira vana kuti vabate nomusoro magwaro anokosha kungabatsira kuita izvi. Chinangwa ndechokuita kuti pfungwa dzaJehovha dzitungamirire kufunga kwevana kuitira kuti zvishuvo nomufambiro wavo zvirambe zvichiwedzera kuratidza zvinodiwa naMwari vabereki pavanenge vane vana vacho kana kuti kwete. Bhaibheri ndiro fandesheni yokufunga kwakadaro.—Dheuteronomio 6:6, 7.
18. Pakurava Bhaibheri, chii chingadiwa kuitira kuti (a) tirinzwisise zvakajeka? (b) tibatsirwe nezano rarinaro? (c) tibvume zvarinozivisa nezvechinangwa chaJehovha? (d) tibatsirwe nezvarinotaura nezvemafungiro nezviito zvevanhu?
18 Chokwadi, kana Bhaibheri richizochinja upenyu hwedu, tinofanira kunzwisisa zvarinotaura. Nokuda kwevakawanda, izvi zvingada kuti varave zvikamu kanopfuura kamwe. Kuti tinzwisise zvakajeka kumwe kutaura, tingafanira kutarira mashoko muduramanzwi kana kuti muInsight on the Scriptures. Kana rugwaro rwacho rune zano kana kuti murayiro, shandisai nguva yakawanda kuti muchitaura nezvemamiriro ezvinhu omuzuva redu anoita kuti rwukodzere. Mungabva mabvunza kuti, ‘Kushandisa zano iri kungatibatsira sei?’ (Isaya 48:17, 18) Kana rugwaro rwacho rwuri kutaura nezvezvinhu zvakati zvechinangwa chaJehovha, bvunzai kuti, ‘Upenyu hwedu hunobatsirwa sei neizvi?’ Zvimwe muri kurava nhoroondo inotaura nezvemafungiro nemaitiro zvevanhu. Zvinhui zvavaisangana nazvo muupenyu zvinodzvinyirira? Vakabata sei nazvo? Tingabatsirwa sei nomuenzaniso wavo? Nguva dzose wanai nguva yokukurukura zvinoreva nhoroondo yacho muupenyu hwedu nhasi.—VaRoma 15:4; 1 VaKorinte 10:11.
19. Nokuva vateveri vaMwari, tichava tichipa vana vedu chii?
19 Inzira yakaisvonaka sei yokuita kuti pfungwa dzaMwari dzipinzwe mupfungwa dzedu nemwoyo! Nokudaro tichabatsirwa zvechokwadi kuti tive “vateveri vaMwari savana vanodikanwa.” (VaEfeso 5:1) Uye tichapa muenzaniso uyo zvechokwadi unofanirwa kutevedzerwa nevana vedu.
Unoyeuka Here?
◻ Vabereki vangabatsirwa sei nomuenzaniso waJehovha?
◻ Nei kurayiridzwa kwevana nemashoko kuchifanira kubatanidzwa nomuenzaniso wakanaka wevabereki?
◻ Ndezvipi zvimwe zvidzidzo zvingadzidziswa zvakanakisisa nomuenzaniso wevabereki?
◻ Tinganyatsobatsirwa sei nokurava Bhaibheri kwemhuri?
-
-
Garai Muchidzidza Shoko raMwari SemhuriNharireyomurindi—1999 | July 1
-
-
Garai Muchidzidza Shoko raMwari Semhuri
“Munhu haangararami nechingwa bedzi, asi namashoko ose anobuda mumuromo waMwari.”—MATEO 4:4.
1. Bhaibheri rinoti kudii nezvemutoro wemisoro yemhuri wokudzidzisa vana vayo nzira dzaJehovha?
JEHOVHA MWARI aigara achiyeuchidza misoro yemhuri nezvemutoro wayo wokudzidzisa vana vayo. Murayiridzo wakadaro waishongedzera vana nokuda kweupenyu hwazvino uye waigona kubatsirawo kuvashongedzera upenyu hwemberi. Imwe ngirozi yaimirira Mwari yakaudza Abrahama mutoro wake wokudzidzisa mhuri yake kuitira kuti i“chengete nzira yaJehovha.” (Genesi 18:19) Vabereki vechiIsraeri vakaudzwa kuti vatsanangurire vana vavo kuti Mwari akanunura sei Israeri muEgipita uye kuti akanga avapa sei Mutemo paGomo reSinai, muHorebhi. (Eksodho 13:8, 9; Dheuteronomio 4:9, 10; 11:18-21) Misoro yemhuri yechiKristu inorayirwa kuti irere vana vayo “pakuranga nokurayira kwaShe.” (VaEfeso 6:4) Nyange kana mubereki mumwe chete achinamata Jehovha, iyeye anofanira kuedza kudzidzisa vana nzira dzaJehovha.—2 Timotio 1:5; 3:14, 15.
2. Fundo yemhuri inodiwa here kana mumba musina vana? Tsanangura.
2 Izvi hazvirevi kuti kudzidza Shoko raMwari semhuri ndekwemhuri dzine vana chete. Murume nomudzimai pavanoita fundo yemhuri nyange pasina vana mumba macho, izvi zvinoratidza kukoshesa zvinhu zvomudzimu kwakanaka.—VaEfeso 5:25, 26.
3. Nei kugara fundo yemhuri ichiitwa kuchikosha?
3 Kuti uite zvakanakisisa, murayiridzo unofanira kugara uchipiwa, maererano nechidzidzo icho Jehovha akadzidzisa Israeri murenje chokuti: “Munhu haararami nezvokudya zvoga, asi kuti munhu unorarama nezvose zvinobuda mumuromo waJehovha.” (Dheuteronomio 8:3) Zvichienderana nemamiriro ezvinhu emhuri yacho, dzimwe mhuri dzingaronga kudzidza vhiki nevhiki; dzimwe dzingava nezvikamu zvokudzidza zvipfupi zuva nezuva. Chero gadziriro yamunenge masarudza, musaite kuti fundo iitwe kana mangowanawo nguva. I‘tengerei nguva.’ Kubhadhara mutengo unodiwa nokuda kwenguva iyoyo ibasa rakanaka. Upenyu hwenhengo dzemhuri yenyu huri mungozi.—VaEfeso 5:15-17; VaFiripi 3:16.
Zvinangwa Zvokugara Muchifunga Nezvazvo
4 Pamunoitisa fundo yemhuri, ichanyanya kubetsera zvikuru kana mukaramba muchifunga nezvezvinangwa chaizvo zvakajeka. Cherekedzai zvishomanana zvingangoitwa.
5 Pafundo yoga yoga, edzai kukurudzira kuda Jehovha Mwari. VaIsraeri pavakanga vakaungana pamapani eMoabhi, vasati vapinda muNyika Yakapikirwa, Mosesi akaita kuti vafunge nezvewaizonzi naJesu Kristu gare gare “murayiro mukuru pamirayiro.” Wakanga uri upi? “Ude Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose.” (Mateo 22:36, 37; Dheuteronomio 6:5) Mosesi akakurudzira vaIsraeri kuti vaupinze mumwoyo mavo pachavo nokuudzidzisa vana vavo. Izvozvo zvaizoda kuti vadzokorore, kutaura nezvezvikonzero zvokuda Jehovha, kubata nemafungiro nomufambiro zvaigona kuvhiringidza kuratidzwa kworudo rwakadaro, nokuratidza kuda Jehovha muupenyu hwavo pachavo. Vana vedu vanoda rudzi rwakadaro rwemurayiridzo here? Hungu! Uye ivowo vanoda kubatsirwa ku‘dzingisa mwoyo yavo,’ kureva kuti, kubvisa chero chingavhiringidza kuda kwavo Mwari. (Dheuteronomio 10:12, 16; Jeremia 4:4) Kushuva zvinhu zvenyika nemikana yokubatanidzwa zvakanyanya mumabasa ayo ndizvo zvimwe zvinhu zvinovhiringidza zvakadaro. (1 Johane 2:15, 16) Kuda Jehovha kunofanira kuonekwa, kuratidzwa, kuchitiita kuti tiite zvinhu zvinofadza Baba vedu vokudenga. (1 Johane 5:3) Kuti fundo yenyu yemhuri ibatsire zvinogara kwenguva refu, chikamu choga choga chinofanira kuitwa nenzira inosimbisa rudo urwu.
6 Ipai zivo yakarurama yezvinodiwa naMwari. Izvozvo zvinobatanidzei? Zvinobatanidza zvinopfuura kukwanisa kurava mhinduro mumagazini kana kuti mubhuku. Zvinowanzobatanidza kukurukurirana kuti muve nechokwadi chokuti mashoko anokosha nepfungwa huru zvanyatsonzwisiswa. Zivo yakarurama chinhu chinokosha pakupfeka unhu hutsva, pakuramba tichifunga nezvezvinhu zvinokosha chaizvo pakubata nematambudziko oupenyu, uye, nokudaro, pakuita zvinonyatsofadza Mwari.—VaFiripi 1:9-11; VaKorose 1:9, 10; 3:10.
7 Batsirai kuratidza mashandisirwo ezviri kudzidzwa. Muchifunga nezvechinangwa ichi, pafundo yoga yoga yemhuri, bvunzai kuti: ‘Mashoko aya anofanira kuitei noupenyu hwedu? Zvinoda kuti tichinje pane zvatiri kuita izvozvi here? Nei tichifanira kuda kuchinja?’ (Zvirevo 2:10-15; 9:10; Isaya 48:17, 18) Kufunga zvakaringana nezvemashandisirwo angaitwa zvinhu zvinodzidzwa kunogona kuva chinhu chinokosha pakukura mumudzimu kwenhengo dzemhuri.
Shandisai Maturusi Okudzidzisa Nawo Nokuchenjera
8 “Muranda wakatendeka, wakangwara” akagovera maturusi akawanda angashandiswa pakudzidza. Magazini yeNharireyomurindi, yokushandisa neBhaibheri, inowanikwa mumitauro 131. Pane mabhuku okudzidza Bhaibheri ari mumitauro 153, mabhurocha ari mumitauro 284, makaseti okuteerera ari mumitauro 61, makaseti evhidhiyo ari mumitauro 41, uye purogiramu yekombiyuta yokunzvera Bhaibheri mumitauro 9!—Mateo 24:45-47.
9 Mhuri dzakawanda dzinoshandisa nguva yefundo yemhuri kuti dzigadzirire Fundo yeNharireyomurindi yeungano. Izvozvo zvinogona kubatsira sei! Nharireyomurindi ine zvokudya zvinokosha zvomudzimu zvinogoverwa kuti zvivake vanhu vaJehovha munyika yose. Pamunodzidza Nharireyomurindi semhuri, musangorava ndima nokupindura mibvunzo yakadhindwa. Edzai nomwoyo wose kuti munzwisise. Wanai nguva yokutarira magwaro akaratidzwa asi asina kutorwa mashoko. Kumbirai nhengo dzemhuri kuti dzitaure kuti izvi zvine chokuitai nezviri kutaurwa mundima iri kudzidzwa. Itai kuti mwoyo ubatanidzwe.—Zvirevo 4:7, 23; Mabasa 17:11.
10 Kana mumhuri yenyu mune vana, chii chamungaita kuti muite kuti fundo yenyu isangove hayo muitiro wemhuri asi nguva inovaka, inonakidza, uye inofadza? Edzai kuita kuti munhu oga oga arambe achibatanidzwa nenzira yakakodzera kuitira kuti murambe muchifunga nezvemashoko ari kudzidzwa. Pazvinoita, rongai kuti mwana oga oga ave neBhaibheri nemagazini yefundo zvake pachake. Achitevedzera ushamwari hwakaratidzwa naJesu, mubereki angaita kuti mwana muduku agare pedyo pedyo, zvimwe kufungatira muduku wacho neruoko. (Enzanisa naMarko 10:13-16.) Musoro wemhuri ungaita kuti muduku atsanangure mufananidzo unowanikwa mumashoko efundo. Mwana muduku angaudzwa pachine nguva kuti azorava rumwe rugwaro. Mumwe ati kurei angapiwa basa rokuti azotaura mikana inoshanda mashoko ari kudzidzwa.
11 Nyange zvazvo mungave muchishandisa Nharireyomurindi pakukurukurirana kwenyu, musakanganwa mamwe maturusi okushandisa kudzidza anowanikwa mumitauro mizhinji. Kana mashoko ezvaiitika kana kuti kutsanangurwa kwemamwe mashoko eBhaibheri kuchidiwa, mungazviwana muInsight on the Scriptures. Mimwe mibvunzo ingapindurwa nokutarira muWatch Tower Publications Index kana kuti nokushandisa purogiramu yekombiyuta yokunzvera yakagoverwa neSosaiti. Kudzidza kushandisa maturusi aya, kana achiwanikwa mumutauro wenyu, kungava chinhu chinokosha chefundo yenyu yemhuri. Muchifunga nezvekukuchidzira kufarira kwevaduku, mungatsaurawo imwe nguva yefundo yenyu kuti muone chikamu cheimwe yevhidhiyo dzeSosaiti dzinorayiridza kana kuteerera chikamu chemutambo uri pakaseti mobva mazvikurukura. Kushandisa zvakanaka maturusi aya okudzidza kungabatsira kuita kuti fundo yenyu yemhuri ifadze uye ibatsire mhuri yose.
Itai Kuti Zvikodzere Zvinodiwa Nemhuri Yenyu
12 Zvingadaro kuti mhuri yenyu inowanzodzidza chidzidzo cheNharireyomurindi chevhiki iyoyo. Asi rambai muchifunga nezvematambudziko nezvinofungwa nemhuri yenyu. Kana mai vasina basa rokunyika, vangakwanisa kupedza nguva yakawanda nevana mazuva ose pavanouya kumba kubva kuchikoro. Mamwe mamiriro ezvinhu angabatwa nawo nguva iyoyo; mamwe angada kuzotaurwazve nezvawo. Kana pane zvinodiwa nemhuri zvinonyanya kukosha panguva iyoyo, musazvisiya zvakadaro. (Zvirevo 27:12) Izvi zvingasabatanidza matambudziko okuchikoro chete asiwo mamwe mamiriro ezvinhu. Sarudzai mashoko akakodzera, uye zivisai mhuri pachine nguva nezvezvichadzidzwa.
13 Somuenzaniso, chikamu chikuru chenyika chiri kutambura neurombo; saka munzvimbo dzakawanda, zvingava zvakafanira kukurukura nzira yokubata nahwo. Fundo yemhuri inotaura nezvezviitiko zvoupenyu chaihwo uye nheyo dzeBhaibheri ingava inobetsera zvikuru kumhuri yenyu here?—Zvirevo 21:5; Muparidzi 9:11; VaHebheru 13:5, 6, 18.
14 Imwe nhau inoda kukurukurwa nezvayo ndeyokuita chisimba. Tose zvedu tinoda kuti maonero aJehovha asimbiswe kwazvo mupfungwa dzedu nemwoyo. (Genesi 6:13; Pisarema 11:5) Kudzidza kwemhuri nhau iyi kunoipa chirongwa chokukurukura nzira yokubata nayo nevanodherera vamwe kuchikoro, kana ichifanira kudzidza nzira dzokuzvidzivirira nadzo, uye nzira yokusarudza nayo zvokuzvivaraidza nazvo zvakakodzera. Kurwisana kwechisimba kwava kwese kwese; dzinenge nyika dzose dziri kutambudzwa nehondo dzevagari vemo, kurwisana kwezvamatongerwe enyika kana kuti kwedzinza, kana kuti nehondo dzezvikwata. Saka, mhuri yenyu ingada kukurukura nezvekuramba ine mufambiro wechiKristu painenge yakapoteredzwa nemapoka anorwisana.—Isaya 2:2-4; Johane 17:16.
15 Vana sezvavanokura, vanoda kurayiridzwa nezvenyaya dzekuroorana nokurara pamwe kwevanhu, dzinokodzera zera ravo. Mune dzimwe tsika vabereki havambokurukuri nevana vavo nyaya dzekurara pamwe kwevanhu. Vana vanenge vasingazivi vangawana pfungwa dzakamonyaniswa kune dzimwe pwere, uye zvinozoguma zvaitika zvingava zvinokuvadza. Hazvingavi zviri nani here kutevedzera Jehovha, anopa zano rakananga asi rakanaka panhau iyi muBhaibheri? Zano raMwari richabatsira vana vedu kuti varambe vachizviremekedza uye kuti vakomana varemekedze vasikana nevasikana varemekedze vakomana. (Zvirevo 5:18-20; VaKorose 3:5; 1 VaTesaronika 4:3-8) Nyange kana makatokurukura nhau idzi, musatya kuzviitazve. Sezvo mamiriro ezvinhu matsva anomuka, kudzokorora kunokosha.
16 Fundo yemhuri ingaitwa rini? Dzichitevedzera mhuri dzeBheteri pasi pose, mhuri dzakawanda dzinoronga fundo yadzo yemhuri misi yeMuvhuro manheru. Kune vamwe zvakasiyana. MuArgentina imwe mhuri yevanhu 11, kubatanidza vana 9, yaigara ichimuka na5:00 mangwanani oga oga kuti iite fundo yayo yemhuri. Nemhaka yepurogiramu dzokushanda dzakasiyana, hapanazve imwe nguva yaiita. Zvakanga zvisiri nyore, asi zvakasimbisa mupfungwa nemwoyo zvevana kukosha kwefundo yemhuri. MuPhilippines mumwe mukuru aigara achiita fundo yemhuri nemudzimai wake nevana vatatu sezvavaikura. Pakati pevhiki vabereki vacho vaidzidzawo nemwana oga oga kuitira kuti mumwe nomumwe aite kuti chokwadi chive chake. MuUnited States, imwe hanzvadzi ine murume asiri Chapupu inofamba nevana vayo kuenda kubhazi rechikoro mangwanani oga oga. Pavanenge vachimirira bhazi racho, vanopedza maminiti anenge gumi vari vose vachirava nokukurukura mashoko efundo akakodzera anobva muMagwaro, uye mai vacho vanobva vapa munyengetero mupfupi vana vacho vasati vakwira bhazi. MuDemocratic Republic of Congo, mumwe mukadzi ane murume akatiza mhuri anofanira kushanda nesimba pafundo nokuti ane dzidzo shoma. Mwanakomana wake akura anobatsira nokushanyira mhuri yacho vhiki yoga yoga, kuti atungamirire pafundo inobatanidza mai vake nevanun’una vake. Mai vacho vanoratidza muenzaniso wakanaka nokushingairira kugadzirira. Pane mamwe mamiriro ezvinhu anoita kuti fundo yemhuri yenguva dzose mumhuri yenyu iome here? Musarega. Tsvakai chikomborero chaJehovha nomwoyo wose pakuedza kwenyu kugara muchiita fundo yeBhaibheri.—Marko 11:23, 24.
Mibayiro Yokutsungirira
17 Kuronga kunodiwa. Kutsungirira kunodiwa. Asi zvakanakira kugaroita fundo yemhuri zvakakodzera kutsungirira. (Zvirevo 22:6; 3 Johane 4) Franz naHilda, vari muGermany, vakarera mhuri ine vana 11. Kwapera makore akati, mwanasikana wavo Magdalena akati: “Chandinoti chinonyanya kukosha nhasi ndechokuti hapana kana zuva rimwe haro raipfuura tisina kumbowana murayiridzo womudzimu.” Urudzi pahwakanyanyisa paitonga Adolf Hitler, baba vaMagdalena vaishandisa Bhaibheri kugadzirira mhuri yavo miedzo yavaiziva kuti iri kuuya. Pashure penguva yakati, nhengo duku dzemhuri dzakatorwa ndokuendeswa kuchikoro chevana vanodarika mutemo; vamwe vemhuri yacho vakasungwa ndokuchengetwa mumajeri nemisasa yevasungwa. Vamwe vakaurayiwa. Kutenda kwavo vose kwakaramba kwakasimba—kwete chete kwenguva iyoyo yekutambudzwa kwoutsinye asiwo, nokuda kwevakapukunyuka, mumakore akatevera.
18 Vabereki vakawanda vari voga, uyewo vaya vane varume kana vadzimai vasingatendi zvavanotenda, naivowo vakapa vana vavo murayiridzo weBhaibheri nguva dzose. Vamwe mai vari oga, chirikadzi, muIndia vakashanda zvakaoma kuti vaite kuti vana vavo vaviri vade Jehovha. Zvisinei, vakarwadziwa mwoyo apo mwanakomana wavo akarega kusonganirana nevanhu vaJehovha. Vakakumbira Jehovha kuti avakanganwire kukanganisa chero kupi zvakwo kwavakaita pavairovedza mwanakomana wavo. Asi mwanakomana wacho akanga asina kukanganwa hake chaizvo zvaakanga adzidza. Kwapera makore anopfuura gumi, akadzoka, akaenderera mberi mumudzimu zvakanaka, uye akava mukuru muungano. Zvino iye nomudzimai wake vanoshanda sevashumiri venguva yakazara vari mapiyona. Vabereki ivavo vakagamuchira zano raJehovha nesangano rake rokugaropa murayiridzo weBhaibheri mumhuri vanofara sei! Imi muri kushandisa zano iroro here mumhuri yenyu?
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Nei zvichikosha kugara tichifunda semhuri?
◻ Zvinangwa zvedu zvinofanira kuva zvei pafundo yemhuri yoga yoga?
◻ Maturusi api okudzidzisa atakagoverwa?
◻ Fundo ingaitwa sei kuti ikodzere zvinodiwa nemhuri?
4, 5. (a) Achishandisa Mosesi, Jehovha akaratidza vabereki chii sechinangwa chinokosha pakudzidzisa vana vavo? (b) Izvozvo zvinobatanidzei nhasi?
6. (a) Chii chinodiwa kuitira kuti mupe zivo yakarurama? (b) Magwaro anosimbisa sei kukosha kwezivo yakarurama?
7. (a) Kubvunza mibvunzo ipi kungabatsira mhuri kuratidza mashandisirwo emashoko anodzidzwa? (b) Magwaro anosimbisa sei kukosha kwechinangwa chakadaro?
8. Boka romuranda rakapa maturusi api okushandisa kudzidza Bhaibheri?
9. Tingashandisa sei zano riri mumagwaro akaratidzwa mundima ino patinenge tichiita fundo yemhuri yeNharireyomurindi?
10. Chii chingaitwa kuti tibatanidze vana mufundo uye kuti tiite kuti ive nguva inonakidza kwavari?
11. Ndeapi mamwe maturusi okudzidzisa akagoverwa, uye kwaanowanikwa, angashandiswa sei zvinobatsira pafundo yemhuri?
12. Fundo yemhuri ingashanda sei kubata nematambudziko emhuri anenge aripo panguva iyoyo?
13. Nei kukurukura kwemhuri nezvenzira yokubata nayo nourombo kungabatsira?
14. Mamiriro api ezvinhu angaita kuti kukurukura kwemhuri maonero anoita Jehovha kuita chisimba, hondo, uye kusava kwevaKristu nekwavakarerekera kufambirane nenguva?
15. Murayiridzo pamusoro pokuroora nokurara pamwe kwevanhu ungapiwa sei kuvana?
16. (a) Mumhuri dzakasiyana-siyana, fundo yemhuri inoitwa rini? (b) Makabata sei nezvimhingamupinyi kuitira kuti mugare muchiita fundo yemhuri?
17. (a) Kuitira kuti tigare tichiita fundo yemhuri, chii chinodiwa? (b) Chii chakaitika chinoratidza kukosha kwokugara tichirayiridzwa nzira dzaJehovha?
18. Izvo vabereki vari voga vakatamburira kuita zvakakomborerwa sei?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Zvinangwa chaizvo zvichaita kuti fundo yenyu yemhuri inakidze
-
-
Mhuri, Rumbidzai Mwari Senhengo Dzeungano YakeNharireyomurindi—1999 | July 1
-
-
Mhuri, Rumbidzai Mwari Senhengo Dzeungano Yake
“Ndicharumbidza Jehovha paungano.” —PISAREMA 26:12.
1. Kuwedzera kufundo nomunyengetero kumba, chii chimwe chinobatanidzwa pakunamata kwechokwadi chinokosha?
KUNAMATA Jehovha hakungobatanidzi kunyengetera nokudzidza Bhaibheri kumba chete asiwo kuita basa senhengo yeungano yaMwari. Israeri wekare akarayirwa ku“unganidza vanhu, varume navakadzi, nepwere,” kuti vadzidze mutemo waMwari kuitira kuti vafambe munzira yake. (Dheuteronomio 31:12; Joshua 8:35) Vakanga vakura uye “majaya nemhandara” vaikurudzirwa kuti varumbidzewo zita raJehovha. (Pisarema 148:12, 13) Gadziriro dzakafanana dzinoshanda muungano yechiKristu. MuHoro dzoUmambo pasi pose, varume, vakadzi, nevana vanobatanidzwawo vakasununguka mupurogiramu dzinobatanidza vateereri, uye vakawanda vanofadzwa kwazvo nokubatanidzwa.—VaHebheru 10:23-25.
2. (a) Nei kugadzirira kuri chinhu chinokosha pakubatsira vaduku kuti vanakidzwe nemisangano? (b) Muenzaniso waani unokosha?
2 Chokwadi, kubatsira vaduku kuti vaite muitiro wakanaka webasa reungano zvinogona kuva zvakaoma. Kana vamwe vana vanopinda nevabereki vavo vachiita sevasinganakidzwi nemisangano, chii chingave chiri kunetsa? Chokwadi, vana vakawanda vane nguva duku yavanokwanisa kuteerera uye vanofinhwa zviri nyore. Kugadzirira kungabatsira kubata nedambudziko iri. Pasina kugadzirira, vana havagoni kuitawo chimwe chinhu chinooneka mumisangano. (Zvirevo 15:23) Pasina kugadzirira, zvichava zvakaoma kwavari kuti vaenderere mberi mumudzimu zvinogutsa. (1 Timotio 4:12, 15) Chii chingaitwa? Chokutanga, vabereki vanofanira kubvunza kana ivo pachavo vachigadzirira misangano. Muenzaniso wavo unoshanda zvakasimba. (Ruka 6:40) Kuronga fundo yemhuri nokungwarira kunogonawo kuva chinhu chinokosha.
Kuvaka Mwoyo
3. Pafundo yemhuri, nei tichifanira kutovavarira kuvaka mwoyo, uye izvi zvinodei?
3 Fundo yemhuri haifaniri kuva nguva yokungozadza misoro nezivo chete asiwo kuvaka mwoyo. Izvi zvinoda kuziva zviri kunetsa vari mumhuri nokuitirana hanya. Jehovha ano“idza mwoyo.”—1 Makoronike 29:17.
4. (a) Kuva a“sina njere” zvinorevei? (b) Chii chinobatanidzwa paku“wana uchenjeri”?
4 Jehovha anoonei paanoidza mwoyo yevana vedu? Vakawanda vavo vangati vanoda Mwari, uye izvozvo zvinorumbidzwa. Asi, anenge ari muduku kana kuti achiri kutanga kudzidza nezvaJehovha haanyanyi kuziva nzira dzaJehovha. Nemhosva yokuti haana ruzivo rwakawanda, angava a“sina njere,” semataurire anoita Bhaibheri. Pamwe hazvisi zvose zvaanovavarira zvakashata, asi zvinoda nguva yakawanda kuti munhu aite kuti mwoyo wake usvike pane zvinofadza Mwari chaizvo. Izvi zvinobatanidza kuita kuti mafungiro emunhu, zvaanoshuva, zvaanoda, manzwiro, nezvaanovavarira muupenyu zviwirirane nezvinotenderwa naMwari, kusvika panokwaniswa nevanhu vasina kukwana. Apo mumwe munhu anoumba munhu womukati kudaro munzira yaMwari, ari ku“wana uchenjeri.”—Zvirevo 9:4; 19:8.
5, 6. Vabereki vangabatsira sei vana vavo ku“wana uchenjeri”?
5 Vabereki vanogona kubatsira vana vavo here kuti va‘wane uchenjeri’? Chokwadi, hapana munhu anogona kupa mumwe munhu mwoyo wakanaka. Mumwe nomumwe wedu akapiwa rusununguko, uye zvakawanda zvinoenderana nezvatinozvibvumira kufunga nezvazvo. Zvisinei, nokunzwisisa, vabereki vangaita kuti vana vavo vataure zvavanofunga, vachidzidza zviri mumwoyo nepavanoda kubatsirwa. Shandisai mibvunzo yakadai seyokuti ‘Unonzwa sei pamusoro peizvi?’ uye ‘Chii chaizvo chawaizoda kuita?’ Ipapo, teerera uchishivirira. Usanyanya kuviruka nehasha. (Zvirevo 20:5) Kuratidzwa kwemutsa, kunzwisisa, norudo kunokosha kana muchida kubaya mwoyo.
6 Kuti musimbise vavariro dzakanaka, rambai muchikurukura nezvechibereko chomudzimu—rudzi rwoga rwoga rwacho—uye shandai pamwe semhuri kuti muchiratidze. (VaGaratia 5:22, 23) Vakai kuda Jehovha naJesu Kristu, kwete chete nokungotaura kuti tinofanira kuvada asi nokukurukura zvikonzero nei tichivada uye kuti tingaratidza sei rudo irworwo. (2 VaKorinte 5:14, 15) Simbisai chishuvo chokuita zvakarurama nokutaura nezvekubatsirwa kwatinozoguma taitwa. Vakai chishuvo chokuvenga pfungwa, mutauro, nemufambiro zvisina kururama nokukurukura zvinhu zvakashata zvinozokonzerwa nezvinhu zvakadaro. (Amosi 5:15; 3 Johane 11) Ratidzai kuti pfungwa, mutauro, nemufambiro—zvingava zvakanaka kana zvakashata—zvinogona sei kuva nezvazvinoita paukama hwomunhu naJehovha.
7. Chii chingaitwa kubatsira vana kuti vabate zvinovanetsa nokuita zvisarudzo nenzira ichavaita kuti varambe vari pedyo naJehovha?
7 Mwana paanenge ane chinomunetsa kana kuti achifanira kuita chisarudzo chinokosha, tingamubvunza kuti: ‘Unofunga kuti Jehovha anoona sei izvi? Chii chaunoziva pamusoro paJehovha chinokuita kuti utaure kudaro? Wakanyengetera kwaari pamusoro pazvo here?’ Uchikurumidza kutanga sezvinobvira, batsira vana vako kutanga mararamire avanoita zvose zvavanogona kuti vazive zvinodiwa naMwari ndokuzviita. Sezvavanosvika pakunyatsowirirana naJehovha somunhu oga, vachafara kufamba munzira dzake. (Pisarema 119:34, 35) Izvi zvichavaita kuti vakoshese ropafadzo yokubatanidzwa neungano yaMwari wechokwadi.
Kugadzirira Misangano Yeungano
8. Chii chingatibatsira kubatanidza mufundo yedu yemhuri zvinhu zvose zvinoda kutaurwa nezvazvo? (b) Fundo iyoyi inokosha sei?
8 Kune nhau dzakawanda dzinoda kutaurwa nezvadzo panguva dzefundo yemhuri. Dzose mungadzipinza sei? Hazviiti kuita zvinhu zvose panguva imwe. Asi mungazviwana zvichibatsira kuti mugadzire ndaza yezvokukurukura. (Zvirevo 21:5) Nguva nenguva, idzokororei uye fungai kuti ndechipi chinoda kunyatsokurukurwa. Farirai chaizvo kuenderera mberi kwenhengo yoga yoga yemhuri. Gadziriro iyi yefundo yemhuri ndechimwe chinhu chinokosha chedzidzo yechiKristu, chinotiita kuti tigadzirire upenyu hwazvino nokutiita kuti tigadzirire upenyu husingagumi huchauya.—1 Timotio 4:8.
9. Ivavariro dzipi pamusoro pokugadzirira misangano dzatingashandira zvishoma nezvishoma pafundo dzedu dzemhuri?
9 Fundo yenyu yemhuri inobatanidza kugadzirira misangano yeungano here? Pane zvirongwa zvinoverengeka zvamungashandira zvishoma nezvishoma sezvamunodzidza mose here? Zvimwe zveizvi zvingada mavhiki, mwedzi, nyange makore kuti zviitwe. Fungai nezvevavariro idzi: (1) munhu oga oga ari mumhuri agadzirira kutsinhira pamisangano yeungano; (2) munhu oga oga ari kushandira kutsinhira nemashoko ake; (3) kubatanidza magwaro mutsinhiro; uye (4) kuongorora mashoko nechinangwa chokuashandisa iwe pachako. Zvose izvi zvingabatsira munhu kuti aite kuti chokwadi chive chake.—Pisarema 25:4, 5.
10. (a) Tingagadzirira sei misangano yedu yose? (b) Nei izvi zvichibatsira?
10 Nyange fundo yenyu yemhuri ichiwanzobva muchidzidzo cheNharireyomurindi chevhiki iyoyo, musakanganwa kukosha kwokugadzirira Fundo Yebhuku Yeungano somunhu oga kana kuti semhuri, Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, neMusangano Webasa. Izviwo ndezvimwe zvinhu zvepurogiramu zvinokosha zvokutidzidzisa kufamba munzira yaJehovha. Apo nepapo mungagadzirira misangano iyi yose seboka remhuri. Nei? Nokushanda kwenyu pamwe, mitoo yokudzidza nayo ichavandudzwa. Muchaguma mawana zvinhu zvakanaka zvakawanda mumisangano yacho pachayo. Pane zvimwe zvose, kurukurai kubatsira kwokugara muchigadzirira misangano iyi nokukosha kwokuva nenguva chaiyo yakarongerwa izvozvo.—VaEfeso 5:15-17.
11, 12. Kugadzirira kuimba kweungano kuchatibatsira sei, uye izvi zvingaitwa sei?
11 Pakokorodzano dze“Nzira yaMwari Youpenyu,” takakurudzirwa kugadzirira chimwe chinhu chemisangano—kuimba. Makaita izvozvo here? Kuita kudaro kunogona kubatsira kutemera chokwadi cheBhaibheri mupfungwa dzedu nemwoyo uye panguva imwe cheteyo kuwedzera kunakidzwa kwedu nemisangano yeungano.
12 Kugadzirira kunobatanidza kurava nokukurukura zvinoreva mashoko ari mudzimwe nziyo dzakarongwa kungatibatsira kuimba zvinobva pamwoyo. Muna Israeri wekare, zviridzwa zvaishandiswa zvikuru pakunamata. (1 Makoronike 25:1; Pisarema 28:7) Mumwe munhu mumhuri yenyu anoridza chiridzwa here? Madii mashandisa chiridzwa ichocho kuti mudzidzire imwe yenziyo dzoUmambo dzevhiki yacho, ndokuimba rwiyo rwacho semhuri. Zvimwe zvingaita kushandisa nziyo dzakarekodwa. Mune dzimwe nyika hama dzedu dzinoimba zvakanaka kwazvo dzisina zviridzwa. Padzinenge dzichifamba mumigwagwa kana kuti kuita basa radzo muminda, dzinowanzonakidzwa nokuimba nziyo dzakarongerwa misangano yevhiki iyoyo.—VaEfeso 5:19.
Kugadzirira Kwemhuri Basa Romumunda
13, 14. Nei kukurukurirana kwemhuri kunoita kuti mwoyo yedu igadzirire basa romumunda kuchikosha?
13 Kupupurira vamwe nezvaJehovha nechinangwa chake chimwe chinhu chinokosha muupenyu hwedu. (Isaya 43:10-12; Mateo 24:14) Tingava vaduku kana vakuru, tinonakidzwa nebasa iri zvikuru uye tinoita zvakanaka zvakawanda kana takagadzirira. Tingaita sei izvi mumhuri?
14 Kungofanana nedzimwe nhau dzose dzinobatanidza kunamata kwedu, zvakakosha kuti tigadzirire mwoyo yedu. Hatifaniri kungokurukura zvatichaita chete asiwo chikonzero nei tichazviita. Mumazuva aMambo Jehoshafati, vanhu vakapiwa murayiridzo mumutemo waMwari, asi Bhaibheri rinotiudza kuti “vakanga vachigere kutevera . . . nemwoyo wose.” Izvi zvakavaita kuti vave nyore kuedzwa nezvaikwezva zvaigona kuvabvisa pakunamata kwechokwadi. (2 Makoronike 20:33; 21:11) Chinangwa chedu hachisi chokuti tingokwanisa kushuma maawa anopedzerwa mubasa romumunda, kana kuti kungogovera mabhuku chete. Ushumiri hwedu hunofanira kuva kuratidzwa kwokuda kwedu Jehovha nokuda kwedu vanhu vanoda mukana wokusarudza upenyu. (VaHebheru 13:15) Ibasa ratiri “vabati pamwe chete naMwari.” (1 VaKorinte 3:9) Iropafadzo yakadini! Zvatinoitawo ushumiri, tinoita kudaro tichishandira pamwe nengirozi tsvene. (Zvakazarurwa 14:6, 7) Ndeipizve imwe nguva iri nani ingavapo yokuti tikurudzire kuonga zvakadai inopfuura pakukurukurirana kwemhuri, pangava pafundo yedu yevhiki nevhiki kana kuti pakukurukura rugwaro rwakakodzera muna Kunzvera Magwaro Zuva Nezuva!
15. Ndirini patingagadzirira basa romumunda semhuri?
15 Munomboshandisa nguva pafundo yenyu yemhuri kubatsira vemhuri yenyu kuti vagadzirire basa romumunda here? Kuita kudaro kungabatsira chaizvo. (2 Timotio 2:15) Kungabatsira kuita kuti basa ravo rioneke uye ribereke. Apo nepapo, mungaronga chikamu chose chefundo nokuda kwekugadzirira kwakadaro. Kakawanda, mungakurukura nezvezvine chokuita nebasa romumunda pakukurukurirana kupfupi pamagumo efundo yemhuri kana kuti pane imwe nguva pakati pevhiki.
16. Taurai kukosha kwedanho rimwe nerimwe rakarongwa mundima.
16 Fundo dzemhuri dzingashandiswa kuisa pfungwa pamatanho anoverengeka, akadai seanotevera: (1) Gadzirirai mharidzo yakanyatsogadzirirwa inobatanidza rugwaro rwokurava muBhaibheri kana mukana ukabvumira. (2) Ivai nechokwadi chokuti mumwe nomumwe ane bhegi rebasa romumunda rake pachake, Bhaibheri, bhuku rokunyorera zvinonyorwa, peni kana penzura, maturakiti, nemamwe mabhuku anotarisika zvakanaka, kana zvichiita. Bhegi rebasa racho harifaniri haro kuva rinodhura, asi rinofanira kuva rakatsvinda. (3) Kurukurai pokuitira uchapupu husina kurongwa nenzira yokuhuita nayo. Teverai matanho aya ose emurayiridzo uyu nenguva dzamunoshanda pamwe mubasa romumunda. Ipai mazano anoshanda, asi musapa zano pane zvinhu zvakawandisa.
17, 18. (a) Kugadzirira semhuri kworudzii kungabatsira kuita kuti ushumiri hwedu hwomumunda huwedzere zvibereko? (b) Rudzii rwokugadzirira uku rwungaitwa vhiki yoga yoga?
17 Pabasa iro Jesu Kristu akapa vateveri vake, chimwe chinokosha ndechokuita vadzidzi. (Mateo 28:19, 20) Kuita vadzidzi kunobatanidza zvinopfuura kuparidza. Zvinoda kudzidzisa. Fundo yenyu yemhuri ingakubatsirai sei kubudirira kuita izvi?
18 Semhuri, kurukurai kuti ndiani wakanaka kudzokerera. Vamwe vavo vangava vakagamuchira mabhuku; vamwe vangava vakangoteerera chete. Vangave vakaonekwa mubasa repaimba neimba kana kuti muuchapupu husina kurongwa pamusika kana kuchikoro. Itai kuti Shoko raMwari rikutungamirirei. (Pisarema 25:9; Ezekieri 9:4) Sarudzai kuti mumwe nomumwe wenyu anoda kushanyira ani vhiki iyoyo. Chii chichataurwa nezvacho? Kukurukurirana kwemhuri kungabatsira mumwe nomumwe kugadzirira. Ratidzai magwaro chaiwo okurava nevanofarira pamwe nepfungwa dzakakodzera dzinobva mubhurocha rinonzi Mwari Anodei Kwatiri? kana kuti bhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Musaedza kupedza zvakawandisa pakushanya kumwe. Siyirai saimba mubvunzo uchapindurwa pakushanya kunotevera. Madii kuzviita zvimwe zvamunogara muchiita vhiki yoga yoga semhuri kuronga kuti ishanyo dzipi dzedzokerero idzo mumwe nomumwe achaita, kuti achadziita rini, uye kuti chii chaanotarisira kuita. Kuita kudai kungabatsira kuita kuti ushumiri hwemhuri yose hubereke zvikuru.
Pfuurirai Kuvadzidzisa Nzira yaJehovha
19. Kana nhengo dzemhuri dzichizoramba dzichifamba munzira yaJehovha, dzinofanira kuwanei, uye chii chinoita kuti izvi zviitike?
19 Kuva musoro wemhuri munyika ino yakaipa kwakaoma. Satani nemadhimoni ake vanoedza kuparadza umudzimu hwevashumiri vaJehovha. (1 Petro 5:8) Uyezve, nhasi imi vabereki makaomerwa zvikuru, kunyanya imi vabereki vari voga. Zvakaoma kuti muwane nguva yokuita zvinhu zvose zvamungada kuita. Asi zvichabatsira, nyange mungashandisa zano rimwe panguva, uye ndokuvandudza purogiramu yenyu yefundo yemhuri zvishoma nezvishoma. Kuona vekwako vepedyo vachifamba vakatendeka munzira yaJehovha mubayiro unofadza zvikuru. Kuti dzibudirire kufamba munzira yaJehovha, nhengo dzemhuri dzinofanira kuwana mufaro pakuva pamisangano yeungano nepakuita ushumiri hwomumunda. Kuti izvozvo zviitike, kugadzirira kunodiwa—kugadzirira kunovaka mwoyo uye kunoita kuti munhu oga oga anyatsoshandawo.
20. Chii chingabatsira vabereki vakawanda kuti vawane rudzi rwomufaro unotsanangurwa pana 3 Johane 4?
20 Achitaura nezvevaya vaakanga abatsira mumudzimu, muapostora Johane akanyora kuti: “Handina mufaro unopfuura uyu, wokuti ndinzwe kuti vana vangu vanofamba muzvokwadi.” (3 Johane 4) Fundo dzemhuri dzinoitwa pachifungwa nezvezvinangwa chaizvo uye misoro yemhuri inobata nezvinhu zvinodiwa nenhengo imwe neimwe yemhuri nomutoo womutsa, unobatsira, ingaita zvakawanda kuti mhuri ikwanisewo kuwana mufaro wakadaro. Kuburikidza nokukurudzira kuonga nzira yaMwari youpenyu, vabereki vari kubatsira mhuri yavo kuwana nzira yakanakisisa youpenyu.—Pisarema 19:7-11.
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Nei kugadzirira misangano kuchikosha chaizvo kuvana vedu?
◻ Vabereki vangabatsira sei vana vavo kuti va‘wane uchenjeri’?
◻ Fundo yedu yemhuri ingabatsira sei pakugadzirira misangano yose?
◻ Kugadzirira basa romumunda semhuri kungatibatsira sei kubudirira zvikuru?
-