Rwiyo 171
Rwiyo Rworukundo
1. ‘Imbirai Ja nokuti iye wakudzwa kwazvo.
Bhiza nomutasvi Wakanyudza mugungwa.
Ja ndiye simba rangu, Anondipa ruponeso.
Mwari wangu; Ndomukudza kwazvo.
Ngoro dzaFarao nesimba reuto Wakakanda mugungwa.
Ruoko rwenyu Jehovha rune Simba zvikuru kwazvo.’
2. VaIsraeri voimba, Ja wakapa rukundo.
Tino’na rukundo M’nguva yatorarama.
Kristu Jesu ndiMambo, Tsika’yi yodzedzereka.
Tinofara, Nunurwo yasvika!
Satani Dragoni nengirozi dzake Vakakandirwa pasi.
Gwaina rinotasva m’rukundo. Rima pasi rapfu’ra.
3. Rumbidzai Ja imi vanhu, Mwari une simba.
Umambo humire, Kuti hugorovanya.
Tinom’rumbidza kwazvo. Tino’nga Mwari naKristu.
Tinofara Nokuva vapenyu.
Kuna Mwari Jehovha uye Mesia Tino’nga nguva dzose.
Ndiko tinowana ruponeso. Rwiyo rwedu rukuru.