RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • kl chits. 5 pp. 43-52
  • Mwari Anogamuchira Kunamata Kwaani?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Anogamuchira Kunamata Kwaani?
  • Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • NAMATA NOMUDZIMU NEZVOKWADI
  • KUITA KUDA KWABABA
  • ZIVO YAKARURAMA—IDZIVIRIRO
  • MIRAYIRO YAVANHU SEDZIDZISO
  • DZIVISA KUGUMBURA MWARI
  • CHENGETA MIPIMO YAKAKWIRIRA YAMWARI
  • KUNAMATA KWOMWEYA WOSE
  • Kunamata Mwari Nenzira Yaanoda
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Kunamata Kwechokwadi Kuchaita Kuti Uwedzere Kufara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Tevedzera Jesu—Namata Mwari Nenzira Yaanoda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
kl chits. 5 pp. 43-52

Ganhuro 5

Mwari Anogamuchira Kunamata Kwaani?

WATI wamboshamiswa here kuti, ‘Mwari anogamuchira kunamata kwaani?’ Mumwe mukadzi angave akafunga mubvunzo wakadaro apo akataura naJesu Kristu pedyo neGomo reGerizimi muSamaria. Achinangidzira ngwariro kumusiyano pakati pokunamata kwavaSamaria nouko kwavaJudha, akati: “Madzibaba edu ainamata pagomo iri; imi munoti muJerusarema ndimo munofanira kunamatwa.” (Johane 4:20) Jesu akaudza mukadzi weSamaria kuti Mwari anogamuchira kunamata kwose here? Kana kuti akataura here kuti zvinhu chaizvo zvinodikanwa kufadza Mwari?

2 Mhinduro inokatyamadza yaJesu yakanga iri iyi: “Nguva inouya, yamusingazonamati Baba pagomo iri, kana paJerusarema.” (Johane 4:21) VaSamaria vakanga vanguve vanamata Jehovha navamwe vamwari paGomo reGerizimi. (2 Madzimambo 17:33) Zvino Jesu Kristu akataura kuti nzvimbo iyoyo kana kuti zvimwe Jerusarema hazvisati zvaizokosha mukunamata kwechokwadi.

NAMATA NOMUDZIMU NEZVOKWADI

3 Jesu akapfuurira kuudza mukadzi weSamaria, kuti: “Imi munonamata chamusingazivi; isu tinonamata chatinoziva, nokuti ruponeso runobva kuvaJudha.” (Johane 4:22) VaSamaria vaiva nepfungwa dzorudzidziso rwenhema uye vaingogamuchira bedzi mabhuku mashanu okutanga eBhaibheri saakafuridzirwa—uye iwaya bedzi murugwaro rwavo vamene rwakanatswa runozivikanwa seSamaritan Pentateuch. Naizvozvo, vakanga vasingazivi Mwari chaizvoizvo. Zvisinei, vaJudha vakanga varonzwa zivo yapaMagwaro. (VaRoma 3:1, 2) Magwaro akapa vaJudha vakatendeka navamwe vapi navapi vaizoteerera chavaida kuti vazive Mwari.

4 Chaizvoizvo, Jesu akaratidza kuti vose vari vaviri vaJudha navaSamaria vaizofanira kugadziridza manamatire avo kuti vafadze Mwari. Akati: “Nguva inouya, uye yasvika, apo vanamati vechokwadi vachanamata Baba nomudzimu nezvokwadi, nokuti, zvirokwazvo, Baba vanotsvaka vakadaro kuti vavanamate. Mwari Mudzimu, uye avo vanomunamata vanofanira kunamata nomudzimu nezvokwadi.” (Johane 4:23, 24, NW) Tinofanira kunamata Mwari “nomudzimu,” tichisundwa nemwoyo yakazara nokutenda norudo. Kunobvira kunamata Mwari ‘nezvokwadi’ kupfurikidza nokufunda Shoko rake, Bhaibheri, uye kupfurikidza nokumunamata maererano nezvokwadi yake yakaziviswa. Unodisa kuita izvozvo here?

5 Jesu akasimbisa kuti Mwari anoda kunamata kwechokwadi. Ikoku kunoratidza kuti kune zvimiro zvokunamata zvisingagamuchiriki kuna Jehovha. Kunamata Mwari kunoreva kumupa rukudzo rwokuremekedza nokumuitira basa rinoyera. Kudai waida kuratidza rukudzo kumutongi ane simba, sezvingabvira waizova anodisa kumubatira ndokuita zvingamufadza. Zvirokwazvo, ipapoka, tinoda kufadza Mwari. Panzvimbo pokungoti, ‘Rudzidziso rwangu rwakandikodzera,’ naizvozvo tinoda kuva nechokwadi chokuti kunamata kwedu kunosvitsa zvinodikanwa zvaMwari.

KUITA KUDA KWABABA

6 Ngatiravei Mateo 7:21-23 tione kana tichigona kuwana chinhu chinokosha chinosarudza kana kunamata kwose kuchigamuchirika kuna Mwari. Jesu akati: “Havazi vose vanoti kwandiri, Ishe, Ishe, vachapinda muushe hwokudenga; asi unoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga. Vazhinji vachati kwandiri nezuva iro: Ishe, Ishe, hatina kuporofita muzita renyu here? Nokudzinga mweya yakaipa [zvisikwa zvomudzimu zvakaipa] muzita renyu here? Nokuita mabasa esimba mazhinji muzita renyu here? Zvino ndichavaudza pachena: Handina kutongokuzivai; ibvai kwandiri, imi vaiti vokusarurama.”

7 Kubvuma Jesu Kristu saShe kunokosha mukunamata kwechokwadi. Asi chimwe chinhu chaizova chichishayika mukunamata kwavakawanda vaavo vanotaura kuva vadzidzi vaJesu. Akataura kuti vamwe vaizoita “mabasa esimba,” akadai sokuporesa kunofungidzirwa kunoshamisa. Zvisinei, vaizokundikana kuita icho Jesu akati chinokosha. Vaizova vasati vachi“ita kuda kwaBaba” vake. Kana tichida kufadza Mwari, tinofanira kudzidza chiri kuda kwaBaba ndokubva takuita.

ZIVO YAKARURAMA—IDZIVIRIRO

8 Kuita kuda kwaMwari kunoda kuziva kwakarurama vose vari vaviri Jehovha Mwari naJesu Kristu. Kuziva kwakadaro kunotungamirira kuupenyu husingaperi. Zvirokwazvo, ipapoka, tose zvedu tichada kurangarira zvakakomba nhau yokuwana zivo yakarurama muShoko raMwari, Bhaibheri. Vamwe vanotaura kuti hakuna kudikanwa kwokuitira hanya chero bedzi tiri vapachokwadi uye tichishingaira mukunamata kwedu. Vamwe vanoti, ‘Ukaziva zvishomanene, zvishomanene zvinokarirwa kwauri.’ Bva, Bhaibheri rinotikurudzira kuwedzera mukuziva Mwari nezvinangwa zvake.—VaEfeso 4:13; VaFiripi 1:9; VaKorose 1:9.

9 Zivo yakadaro idziviriro pakushatiswa kwokunamata kwedu. Muapostora Pauro akataura nezvechimwe chisikwa chomudzimu chinonyepera kuva “ngirozi yechiedza.” (2 VaKorinte 11:14, NW) Chichinyengedza kudaro, ichi chisikwa chomudzimu—Satani—chinoedza kutitsausira mukuita zvinhu zvinopesana nokuda kwaMwari. Zvimwe zvisikwa zvomunhu zvinosonganirana naSatani zvave zvichishatisawo kunamata kwavanhu, nokuti Pauro akati: “Zvinhu izvo marudzi anobayira anobayira kumadhemoni, uye kwete Mwari.” (1 VaKorinte 10:20, NW) Sezvingabvira, vakawanda vakafunga kuti vakanga vachinamata nenzira yakarurama, kunyange zvazvo vakanga vasiri kuita izvo Mwari aida. Vakanga vachitsausirwa mukunamata kusina kuchena kwenhema. Tichadzidza zvakawanda pamusoro paSatani namadhemoni gare gare, asi ava vavengi vaMwari vave vachishatisa zvirokwazvo kunamata kworudzi rwomunhu.

10 Kudai waiziva kuti mumwe munhu akanga aisa chepfu namaune mumvura yako, waizopfuurira kuinwa here? Zvirokwazvo, waizoita chiito chapakarepo kuti uwane manyuko emvura yakanaka, yakachena. Eya, kuziva kwakarurama Shoko raMwari kunotishongedza kuziva rudzidziso rwechokwadi nokuramba tsvina dzinoita kuti kunamata kuve kusingagamuchiriki kuna Mwari.

MIRAYIRO YAVANHU SEDZIDZISO

11 Apo Jesu akanga ari pasi pano, vaJudha vakawanda havana kuita maererano nokuziva Mwari kwakarurama. Ivo naizvozvo vakarasikirwa nomukana wokuva nechimiro chakachena pamberi paJehovha. Nezvavo, Pauro akanyora, kuti: “Ndinovapupurira kuti vanoshingairira Mwari, asi havaiti nokuziva.” (VaRoma 10:2) Vakazvisarudzira vamene manamatirwe aMwari panzvimbo pokuteerera zvaaitaura.

12 VaIsraeri pakuvamba-vamba vaishandisa rudzidziso rwakachena rwakapiwa naMwari, asi rwakazoshatiswa nedzidziso nouzivi zvavanhu. (Jeremia 8:8, 9; Maraki 2:8, 9; Ruka 11:52) Kunyange zvazvo vatungamiriri vorudzidziso vechiJudha vaizivikanwa savaFarise vaifunga kuti kunamata kwavo kwaigamuchirika kuna Mwari, Jesu akavaudza, kuti: “Isaya wakaporofita kwazvo pamusoro penyu, imi vanyengeri, sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni. Asi vanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso, iri mirayiro yavanhu.”—Marko 7:6, 7.

13 Kunobvira here kuti tingaita sezvakaita vaFarise? Ikoku kungagona kuitika kana tikatevera magamuchidzanwa orudzidziso akagamuchidzwa kwatiri panzvimbo pokunzvera izvo Mwari akataura pamusoro pokunamata. Achinyevera nezvengozi iyoyi chaiyoiyo, Pauro akanyora, kuti: “Mweya unoreva pachena, kuti panguva dzinouya vamwe vachatsauka pakutenda, vachiterera mweya inonyengera nedzidziso dzemweya yakaipa.” (1 Timotio 4:1) Naizvozvo hakuna kukwana kungorangarira kuti kunamata kwedu kunofadza Mwari. Kufanana nomukadzi weSamaria uyo akasangana naJesu, tingave takagara nhaka manamatire edu kuvabereki vedu. Asi tinofanira kuva nechokwadi chokuti tiri kuita zvinhu zvinowana tendero yaMwari.

DZIVISA KUGUMBURA MWARI

14 Kutoti tichingwarira, tingaita chimwe chinhu chisingagamuchiriki kuna Mwari. Somuenzaniso, muapostora Johane akawira patsoka dzengirozi kuti “ainamate.” Asi ngirozi yakanyevera, kuti: “Unangwarira! Usadaro! Ndinongova muranda biyako nowehama dzako dzine basa rokupupurira Jesu. Namata Mwari.” (Zvakazarurwa 19:10, NW) Naizvozvo unoona here kudikanwa kwokuva nechokwadi chokuti kunamata kwako hakushatiswi norudzi rupi norupi rwokunamata zvidhori?—1 VaKorinte 10:14.

15 Apo vamwe vaKristu vakavamba kushandisa tsika dzorudzidziso dzakanga dzisingafadzi Mwari, Pauro akabvunza, kuti: “Modzokerazve seiko kune zvokuvamba zvisine simba, zvourombo, muchidazve kutanga kuva varanda vazvo? Munochengeta misi nemwedzi, nenguva namakore. Ndinotya pamusoro penyu, kuti zvimwe ndakabate basa kwamuri pasina.” (VaGaratia 4:8-11) Vanhu ivavo vakanga vaziva Mwari asi gare gare vakaita mhosho kupfurikidza nokuchengeta tsika dzorudzidziso namazuva matsvene zvakanga zvisingagamuchiriki kuna Jehovha. Sezvakataura Pauro, tinofanira ku“ramba tichiva nechokwadi nezvechinogamuchirika kunaShe.”—VaEfeso 5:10, NW.

16 Tinofanira kuva nechokwadi chokuti tinodzivisa mazororo orudzidziso nedzimwe tsika dzinopunza nheyo dzaMwari. (1 VaTesaronika 5:21) Somuenzaniso, Jesu akati nezvavateveri vake: “Havazi venyika, seni ndisi wenyika.” (Johane 17:16) Rudzidziso rwako rwakabatanidzwa mumitambo namazaroro izvo zvinopunza nheyo yokusatora rutivi kuzvinhu zvenyika ino here? Kana kuti vatsigiri vorudzidziso rwako pane dzimwe nguva vanogoverana mutsika nemitambo zvingabatanidza mufambiro unowirirana nouyo wakarondedzerwa nomuapopstora Petro here? Akanyora, kuti: “Nguva yakapfuura yakaringana kuita kuda kwavahedheni, nokufamba noutere, nokuchiva, nokunwa waini, nokutamba kwakaipa, namabira, nokunamata zvifananidzo zvisakafanira.”—1 Petro 4:3.

17 Muapostora Johane akasimbisa kudikanwa kwokudzivisa miitiro ipi neipi inoratidzira mudzimu wenyika isina umwari yakatipoteredza. Johane akanyora, kuti: “Musada nyika kunyange nezvinhu zviri munyika. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari. Nokuti zvose zviri munyika, zvinoti, kuchiva kwenyama, nokuchiva kwameso, nokuzvikudza kwoupenyu, hazvibvi kuna Baba, asi panyika. Nyika inopfuura nokuchiva kwayo; asi unoita kuda kwaMwari, unogara nokusingaperi.” (1 Johane 2:15-17) Wacherekedza here kuti avo ‘vanoita kuda kwaMwari’ vachagara nokusingaperi? Hungu, kana tikaita kuda kwaMwari ndokudzivisa mibato inoratidzira mudzimu wenyika ino, tinogona kuva netariro youpenyu husingaperi!

CHENGETA MIPIMO YAKAKWIRIRA YAMWARI

18 Mwari anoda kuti vanomunamata vave avo vanowirirana nemipimo yake yakakwirira netsika. Vamwe vaiva muKorinte yakare vaikanganisa kufunga kuti Mwari aizoshivira unzenza. Tinogona kuona kuti vakanga vasina kururama sei kupfurikidza nokurava 1 VaKorinte 6:9, 10. Kana tichizonamata Mwari nenzira inogamuchirika, tinofanira kumufadza mushoko nechiito. Chimiro chako chokunamata chiri kukugonesa here kuita izvozvo?—Mateo 15:8; 23:1-3.

19 Kubata kwedu navamwe vanhu kunofanira kuratidzirawo mipimo yaMwari. Jesu Kristu akatikurudzira kubata vamwe sezvataizoda kuti vatibate, nokuti ikoku rutivi rwokunamata kwechokwadi. (Mateo 7:12) Cherekedza zvaakataurawo pamusoro pokuratidzira rudo rwouhama: “Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu, kana muno rudo pakati penyu.” (Johane 13:35) Vadzidzi vaJesu vanofanira kudanana ndokuita chiri chakanaka kuvanamati biyavo navamwe.—VaGaratia 6:10.

KUNAMATA KWOMWEYA WOSE

20 Mumwoyo mako, ungada kunamata Mwari nenzira inogamuchirika. Kana zvakadaro, unofanira kuva nomurangariro waJehovha wokunamata. Mudzidzi Jakobho akasimbisa kuti murangariro waMwari ndiwo unokosha, kwete wedu. Jakobho akati: “Kunamata, kwakarurama, kusine mhosva pamberi paMwari wedu naBaba, ndiko kufambira nherera nechirikadzi pakutambudzika kwavo, nokuzvichengeta, kuti arege kusvibiswa nenyika.” (Jakobho 1:27) Ane chishuvo chokufadza Mwari, mumwe nomumwe wedu anofanira kunzvera kunamata kwedu kuva nechokwadi chokuti hakuna kushatiswa nemiitiro isiri youmwari kana kuti hatisi kurega chimwe chinhu icho anorangarira kuva chinokosha.—Jakobho 1:26.

21 Kunamata kwakachena, kwomweya wose bedzi kunofadza Jehovha. (Mateo 22:37; VaKorose 3:23) Apo rudzi rwaIsraeri rwakapa Mwari kwakaderera kuna ikoko, akati: “Mwanakomana unokudza baba vake, nomuranda unokudza tenzi wake; zvino kana ndiri baba venyu, kukudzwa kwangu kuripiko? Kana ndiri tenzi, kutyiwa kwangu kuripiko?” Vakanga vachigumbura Mwari kupfurikidza nokubayira mhuka dzakapofumara, dzakaremara, uye dzinorwara muchibayiro, uye iye akaramba mabasa akadaro okunamata. (Maraki 1:6-8) Jehovha akafanirwa nechimiro chakachena zvikurusa chokunamata uye haagamuchiri chisingasviki kuzvipira kwakakwana.—Eksodho 20:5; Zvirevo 3:9; Zvakazarurwa 4:11.

22 Mukadzi weSamaria uyo akataura naJesu sezvinooneka aifarira kunamata Mwari nenzira yaibvumirwa nenzira youmwari. Kana ichocho chiri chishuvo chedu, tichadzivisa dzidziso dzose dzinoshatisa nemiitiro. (2 VaKorinte 6:14-18) Panzvimbo pezvo, tichazvishandisa timene kuti tizive Mwari zvakarurama ndokuita kuda kwake. Tichasanonamatira kuzvinodikanwa zvake zvokunamata kunogamuchirika. (1 Timotio 2:3, 4) Zvapupu zvaJehovha zviri kuvavarira kuita izvozvo chaizvo, uye zvinokukurudzira noushamwari kugoverana nazvo mukunamata Mwari “nomudzimu nezvokwadi.” (Johane 4:24, NW) Jesu akati: “Baba vanotsvaka vakadaro kuzomunamata.” (Johane 4:23) Kunokarirwa kuti iwe uri munhu akadaro. Kufanana nomukadzi iyeyo weSamaria, pasina kupokana ungada kuva noupenyu husingaperi. (Johane 4:13-15) Asi unoona vanhu vachikwegura ndokufa. Ganhuro rinotevera rinotsanangura chikonzero nei.

EDZA ZIVO YAKO

Sezvinoratidzwa pana Johane 4:23, 24, kunamatai uko Mwari anogamuchira?

Tinogona sei kuziva kana Mwari achifadzwa netsika dzakati nemitambo?

Ndezvipi zviri zvinodikanwa zvokunamata kunogamuchirika?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

1. Chii icho mukadzi weSamaria aida kuziva pamusoro pokunamata?

2. Mukupindura mukadzi weSamaria, chii chakataura Jesu?

3. (a) Nei vaSamaria vaisaziva Mwari chaizvoizvo? (b) VaJudha vakatendeka navamwe vaigona sei kuziva Mwari?

4. Maererano naJesu, chii icho vose vari vaviri vaJudha navaSamaria vaizofanira kuita kana kunamata kwavo kwaizova kunogamuchirika kuna Mwari?

5. (a) Ku“namata” kunorevei? (b) Chii chatinofanira kuita kana tichida kuti Mwari agamuchire kunamata kwedu?

6. 7. Nei Jesu asingabvumi vamwe vanotaura kuva vadzidzi vake?

8. Kana tichizoita kuda kwaMwari, chii chinodikanwa, uye mirangariroi yakaipa yatinofanira kudzivisa?

9. Zivo yakarurama inotidzivirira sei, uye nei tichida dziviriro yakadaro?

10. Chii chawaizoita kudai mumwe munhu akakuisira chepfu namaune mumvura yako, uye kuziva Shoko raMwari kwakarurama kunotishongedzera kuitei?

11. Chii chakanga chakaipa nokunamata kwavaJudha vakawanda?

12. Chii chakashatisa kunamata kwaIsraeri, uye nomugumisiroi?

13. Tingaita sei sezvakaita vaFarise?

14. 15. Kunyange kana tine zivo yakati yokuda kwaMwari, nei tichifanira kungwarira?

16. Johane 17:16 na 1 Petro 4:3 anotibetsera sei kusarudza kana mazororo netsika zvichifadza Mwari?

17. Nei tichifanira kudzivisa chinhu chipi nechipi chinoratidzira mudzimu wenyika?

18. VaKorinte vakakanganisa sei pamusoro pomufambiro, uye chii chatinofanira kudzidza muna ichochi?

19. Kunamata kwechokwadi kunotapura sei kubata kwedu vamwe?

20, 21. (a) Rudzii rwokunamata runoda Mwari? (b) Nei Jehovha akaramba kunamata kwaIsraeri muzuva raMaraki?

22. Kana tichida kuti Mwari agamuchire kunamata kwedu, tichadzivisei, uye tichaitei?

[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 44]

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe