RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yp-CA chits. 30 pp. 236-241
  • Ndagadzirira Roorano Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndagadzirira Roorano Here?
  • Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kariro Huru
  • Hadzizati Dzagadzirira Mabasa Adzo
  • Zvinetso Zvemari
  • “Dzakasiana Zvikurukuru”
  • Kuzvinzvera
  • Wanano Chipo Chinobva Kuna Mwari
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Kuroorana Chipo Chinobva Kuna Mwari Ane Rudo
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Upenyu Pashure Pezuva Remuchato
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Bhaibheri Rinotii Nezvewanano?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
yp-CA chits. 30 pp. 236-241

Ganhuro 30

Ndagadzirira Roorano Here?

ROORANO haizati iri mutambo. Mwari akarongedzerera varume navadzimai kuti vaumbe chisungo chechigarire, chiri pedyo zvikuru kupfuura nomumwe munhu upi noupi. (Genesi 2:24) Mukwanyina weroorano nokuda kweichi chikonzero ndimumwe munhu waunonamatira kwaari—kana kuti waunonamatirana naye—nokuda kwoupenyu hwako hwose.

Roorano ipi neipi ine chokwadi cho“kurwadziwa nokutambudzika” kwakati kuti. (1 VaKorinte 7:28, The New English Bible) Asi Marcia Lasswell, uyo ari purofesa wesayenzi yokuzvibata, anonyevera, kuti: “Kana pane mashoko akati kuti asingapokanidzwi atinawo pamusoro pokuti roorano ichagara nokusingagumi here kana kwete, ndeokuti avo vari vaduku zvikuru apo ivo vanoroora vane mugariro unonetsa wakanangana navo.”

Neiko roorano zhinji kwazvo dzepwere dzichikundikana? Mhinduro yaikoku ingava nechokuita chakasimba pamusoro pokusarudza kana iwe wagadzirira nokuda kweroorano kana kuti kwete.

Kariro Huru

“Takanga tine pfungwa isina kutsarukana yezvakanga zviri roorano,” anobvuma kudaro mumwe musikana wechiduku. “Taifunga hedu kuti taizouya ndokuenda, tichiita zvataida, tichisuka kana kusasuka ndiro, asika hakuna kudaro.” Pwere zhinji dzinochengeta mirangariro isina kukwana yeroorano. Dzinoifungidzira kuva roto rorudo. Kana kuti dzinonanga roorano nokuti idzo dzinoda mugariro wokuratidzika kuva dzakakura. Asi dzimwe dzinongoda bedzi kunzvenga mugariro wakashata wapamusha, kuchikoro, kana womunzanga yavo. Mumwe musikana akadururira mwoyo wake kushamwari yake, achiti: “Ndichava anofara zvikuru apo tinoroorana. Ipapo handizati ndichizombofanirazve kuita zvimwe zvisarudzo zvipi nezvipi!”

Asi roorano haizati iri roto kana kuti chigadzikiso chezvinetso. Kana ichitongovapo, inopa chirongwa chitsva chose chezvinetso zvokubata nazvo. “Vechiduku vazhinji vanoroora kuti vaite mahumbwe,” anodaro Vicky, uyo akava nomwana wake wokutanga ane makore 20. “Haiwa, kunoratidzika sokunofadza kwazvo! Unofunga nezvemwana sechidhori chiduku, chimwe chinhu chakaisvonaka uye icho unogona hako kutamba nacho bedzi, asika handizvo zvakuri.”

Pwere zhinji dzine kariro dzisati dziri dzechokwadi pamusoro pevatano. Rimwe jaya iro rakaroora rine zera ramakore 18, rakati: “Pashure pokunge ndaroora ndakawana kuti mufaro mukuru wevatano unopera nokukurumidza zvikuru uye ipapo takatanga kuva nezvinetso chaizvoizvo zvakati kuti.” Kumwe kunzverwa kwavaviri vechiduku kwakawana kuti chechipiri kuzvinetso zvemari, kuitirana nharo kukurusa kwakanga kuri pamusoro pevatano. Mukusapanikira ikoku imhaka yokuti kugutsa vatano dzeroorano kunoparirwa nokusava noudyire nokuzvidzora—mavara ayo pwere dzakakundikana kazhinji kazhinji kukudziridza.—1 VaKorinte 7:3, 4.

Nomutoo wokuchenjera, Bhaibheri rinokurudzira maKristu kuroora apo iwo “anenge akura.” (1 VaKorinte 7:36) Kuroora apo ruchiva rwevatano ruri pamwero wakakwirira kunogona kutsausa kufunga kwako ndokukupofumadzira kuzvikanganiso zvomukwanyina wako anokarirwa.

Hadzizati Dzagadzirira Mabasa Adzo

Mumwe mwenga wechiduku akataura nezvemurume wake, kuti: “Zvino zvatakaroorana, nguva bedzi yaanondifarira ndeapo iye anoda vatano. Iye anofunga hake kuti kuva neshamwari dzake kunokosha zvikuru sokuva neni. . . . Ndaifunga kuti ini ndaizova wake uye ini bedzi, asika ndakanyengedzwa.” Ikoku kunosimbisa mufungo wakashata uri unozivikanwa pakati pamajaya, wokuti: Iwo anofunga kuti savarume, iwo achiri anogona kurarama mararamire epfunda.

Mwenga wezera ramakore 19 anoratidzira chinetso chinozivikanwa pakati pamadzimai maduku: “Ndingatosva hangu ndaona TV ndokurara pane kuchenesa imba ndokubika zvokudya. Ndinonyara apo vabereki vomurume wangu vanoshanya nokuti vanochengeta imba yakanaka uye yangu inogarova netsvina. Uyewo ndiri mubiki asingagoni.” Haiwa idambudziko rakadini rinogona kuwedzerwa kuroorano apo musikana anenge asingakwanisi kutarisira imba! “Roorano musengwa chaiwoiwo,” akadaro Vicky (anokorwa mashoko pakuvamba). “Iyo haizati iri mutambo. Mufaro womuchato wapera. Nokukurumidza inova kurarama kwezuva nezuva uye ikoko hakuzati kuri nyore.”

Asika zvakadiniko nechinetso chezuva nezuva chokutsigira mhuri? Murume waVicky, Mark, anoti: “Ndinoyeuka kuti nokuda kwebasa rangu rokutanga ndaitofanira kumuka na 6 a.m. Ndakaramba ndichifunga, kuti: ‘Iri ibasa rakaoma. Ndichazombowana sununguko here?’ Uye ipapo apo ini ndaisvika kumba ndainzwa kuti Vicky akanga asinganzwisisi zvandakanga ndichitambura nazvo.”

Zvinetso Zvemari

Ikoku kunotisvitsa kune chimwe chisakiso chokusawirirana kweroorano dzavaviri vechiduku vakaroorana: mari. Vanyakuroorana vechiduku vane makumi mana navasere vakabvuma kuti pashure pemwedzi mitatu yeroorano, chinetso chavo chikurusa chakanga chiri “kupambadza mari yemhuri.” Pashure paanenge makore matatu, vane 37 vaava vanyakuroora vakabvunzwa mubvunzo mumwe chetewo. Zvinetso zvemari zvaivazve zvokutanga—uye funganyo yavo yakanga yakatoipisisa! “Mufaroi waunogona kuwana muupenyu,” akabvunza kudaro Bill, “apo usitongorina mari yakaringanira yokutenga zvinhu zvaunoda zvokukugutsa? . . . Paunenge usina yakaringanira inovapo kubvira pazuva rimwe rokutambira kusvikira kune rimwe, kunogona kutanga kurwisana kuzhinji nokusafara.”

Zvinetso zvemari zvinozivikanwa pakati pavechiduku, sezvavanowanzova nomwero mukurusa wokusava nebasa nemiripo yakaderera zvikurusa. “Nemhaka yokuti ndakanga ndisingagoni kuriritira mhuri yangu, taitofanira kugara navabereki vangu,” akabvuma kudaro Roy. “Ikoku kwakaparira chinetso chaichoicho, zvikurukuru sezvo takanga tine mwana zvakare.” Zvirevo 24:27 inopangira, kuti: “Gadzirira basa rako kunze, uye riite kuti rive rakagadzirirwa nokuda kwako umene mumunda. Pashure pacho iwe unofanira kuvakawo imba yako.” Munguva dzeBhaibheri, varume vaishanda nesimba kuti vakwanise zviri nani gare gare kuriritira mhuri. Vakundikana kuita gadziriro dzakadaro dzakaringanira, varume vazhinji vechiduku nhasi vanowana basa romuriritiri kuva rimwe rinoremedza.

Asi kunyange ukuru hwakanaka hwomuripo hahuzati huchizogumisa zvinetso zvemari kana vanyakuroorana vane murangariro wouhwana hwezvinhu zvokunyama. Imwe nzvero yakawadzanyura kuti “vechiduku vaikarira kuva vanokwanisa kutenga nokukurumidza zvinhu zvakatanhamara zvemhuri dzavo izvo zvizhinji zvezvinhuzvo zvichida zvakatorera vabereki vavo makore mazhinji kuzviwana.” Vatsunga kufarikanya izvi zvinhu zvokunyama zvino, vazhinji vakapinda zvikurukuru muchikwereti. Vachishaiwa ukuru muzivo hwokuva vanogutsikana ne“zvokudya nezvokufuka,” vakawedzera chinetso muroorano yavo.—1 Timotio 6:8-10.

“Dzakasiana Zvikurukuru”

Maureen anoyeuka, kuti: “Ini ndakanga ndichidanana naDon. Iye akanga akanaka zvikuru, akasimba zvikuru, ari mutambi akanaka wemitambo naanozivikanwa zvikuru . . . Roorano yedu yaitofanira kubudirira.” Asi haina. Pfunde-pfunde yakakura kusvikira kupfundo uko, sokutaura kunoita Maureen, “Chinhu chiri chose chaiita Don chaindishatirisa—kunyange maridziro aaiita miromo yake pataidya. Pakupedzisira, isu tose tiri vaviri hataigona kukutsungirirazve.” Roorano yavo yakaputsika makore maviri asati apera.

Chii chaiva chinetso? “Nharidzano dzedu dzoupenyu dzakanga dzakasiana zvikuru,” akatsanangura kudaro Maureen. “Zvino ndakaziva kuti ndaida mumwe munhu wandaigona kuwirirana naye mundangariro. Asika upenyu hwose hwaDon hwakanga huri hwemitambo. Zvinhu zvandaifunga kuti zvakanga zvichikosha pazera ramakore 18 nokukurumidza zvakasareva chinhu kwandiri.” Pwere dzinowanzova nomurangariro wouhwana hwezvadzinoda mumukwanyina weroorano, dzichiita chitarisiko chakanaka chinhu chokutanga. Zvirevo 31:30 inonyevera, kuti: “Rutsvindo rungava runonyengera, uye runako rungava rusina maturo.”

Kuzvinzvera

Bhaibheri rinoidza munhu anoita mhiko yakakomba kuna Mwari kuti chimbi-chimbi, asi bedzi ‘pashure pemhiko iye anokombamira kukuzvinzvera.’ (Zvirevo 20:25) Hakuzati here, ipapoka, kwaizoita mufungo kuzvinzvera mubetsero yaMagwaro pamberi pokupinda mune chimwe chinhu chakakomba chakadai semhiko yeroorano? Chii chaizvoizvo chiri nharidzano dzako muupenyu? Ko idzodzi dzinotapurwa sei neroorano? Unoda kuroora nokuda bedzi kwokuva nevatano kana kuti kunzvenga zvinetso here?

Uyewo, ko iwe wakagadzirira kusvikira kuukuru hwakadini kuti uite basa romurume kana kuti romudzimai? Unokwanisa here kutarisira imba kana kuti kuwana zvokurarama nazvo? Kana uchizviwana iwe umene uchipfuurira kurwisana navabereki vako, uchakwanisa kugarisana nomukwanyina weroorano here? Unogona here kukurira miedzo namadambudziko anouya pamwe chete neroorano? Wati warega zvamazvirokwazvo “miitiro yomwana” pakureva nezvokutarisira mari here? (1 VaKorinte 13:11) Pasina panikiro vabereki vako vachava nezvakawanda zvokutaura pamusoro pamasvitsire aunoita.

Roorano inogona kuva manyuko omufaro mukurusa kana kuti amarwadzo anorwadza zvikurusa. Zvakawanda zvinotsamira pakuti wagadzirira zvakadini nokuda kwayo. Kana uchiri wechiduku, huregererei kumirira hako kwechinguvana usati watanga kuronga misi yokuvhakacha? Kumirira hakuzati kuchizokukuvadza. Kuchangokupa bedzi nguva yaunoda kuva akagadzirira zvamazvirokwazvo kana uye apo unotora nhano iyoyo yakakomba—uye yechigarire—yeroorano.

Mibvunzo Yekurukurirano

◻ Ko dzimwe pwere dzinochengeta mirangariroi isina kukwana yeroorano?

◻ Neiko uchifunga kuti hakuzati kuri kune mufungo kungoroora bedzi nokuda kwevatano?

◻ Ko dzimwe pwere dzakabvumikisa sei kuva dzisina kugadzirira nokuda kwebasa romurume kana kuti romudzimai?

◻ Neiko vanyakuroorana vechiduku vachiwanzova nezvinetso zvakakomba pamusoro pemari?

◻ Ko dzimwe pwere dzinoita mhoshoi mukusarudza mukwanyina weroorano?

◻ Ko iwe ungazvibvunza umene mibvunzoi pamusoro pokuva kwako agadzirira nokuda kweroorano? Pashure pokurangarira aya mashoko, ko iwe unorangarira kuti wagadzirira zvakadini kuti uroore?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 240]

“Kana pane mashoko akati kuti asingapokanidzwi atinawo pamusoro pokuti roorano ichagara nokusingaperi here kana kuti kwete, ndeokuti avo vari vaduku zvikuru apo ivo vanoroora vane mugariro unonetsa wakanangana navo.”—Marcia Lasswell, purofesa wesayenzi yokuzvibata

[Mufananidzo uri papeji 237]

Pwere zhinji dzinopinda muroorano dzisina kugadzirira zvikuru nokuda kwayo kupinda idzi

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe