Rwiyo 123
Pfuurira Mberi!
1. Pfurira, Pfurira kuukuruwo!
Mwari anotida kuti tive namano.
Edza kunatsa hushumiri hwako,
Ukomborerwe naMwari.
Kune nzvimbo yavose mubasa;
Ibasa rakaitwa naJesu.
Tarira kuna Mwari usambowa.
Mira pachakarurama.
2. Pfurira, Pfurira uchipupura!
Mashoko akanaka kuna vanhu vose.
Rumbidza Jehovha
Mambo wedu’yo Nokupupura pasuo.
Nhamo dzingada kukutyisira,
Usarega, ita vose vanzwe
Mashoko oUmambo hwava pedyo.
Zvino zivisa zvokwadi.
3. Pfurira, Pfurira kutevedzera!
Vandudza umhizha hwako kuita basa!
Bvumira mudzimu ukusundire
Ukuzivise mufarwa.
Ida hama nokuda kwaMwari;
Pinda misangano nguva dzose.
Yamura vaite fambiro mberi,
M’vhenekere pamwe chete.