-
Nei Vachizoita ChisimbaNharireyomurindi—1998 | November 1
-
-
vedu. Hatingofuratiri chete! Shamwari dzangu dzinodiwa, tinoada.”
Zvidzidzo zvesayenzi zvomunguva pfupi yapfuura zvinoratidza kuti zvose zviri zviviri upenyu hweuropi nezvakatipota zvine chokuita neutsinye hwavanhu. “Tose zvatava kutanga kugumisa ndezvokuti zvinhu zvakaipa zvakatipota izvo vana vakawanda vari kukura vachiona, zvechokwadi, zviri kuparira chisimba munzanga,” anodaro Dr. Markus J. Kruesi weUniversity of Illinois Institute for Juvenile Research. “Zviitiko zvakatipota zviri kunyatsoparira kuchinja kukuru muuropi zvinoita kuti vanhu vangoerekana vaita zvinhu.” Zvinhu zvakadai se“kuparara kweupenyu hwemhuri, kuwedzera kwokuva mubereki ari oga, urombo hunoramba huchipfuurira, uye kushandisa zvinodhaka nguva dzose zvinogona kunyatsoita kuti uropi huve nehasha zvikuru—zvinhu zvaimbonzi hazvibviri,” rinodaro bhuku rinonzi Inside the Brain.
Zvinonzi kuchinja kweuropi kunobatanidza kuderedza kuwanda kweserotonin, kemikari youropi inonzi inoramba ichiita kuti hasha dzisamuka. Kunzvera kunoratidza kuti zvinodhaka zvinogona kuderedza kuwanda kweserotonin muuropi, zvichiita kuti pave nechikonzero chesayenzi chakazivikanwa kwenguva refu pakati pechisimba nokushandisa zvinodhaka zvisina kufanira.
Chimwezve chinhu chinobatanidzwa mukuwedzera kwechisimba nhasi. “Yeuka kuti,” rinonyevera kudaro bhuku rouporofita rinovimbwa naro, Bhaibheri, “pachava nenguva dzakaoma mumazuva okupedzisira. Vanhu vachava vane udyire, vanokara, vanodada, uye vanozvida; . . . vachava vasina mutsa, vasina ngoni, vanochera, vane hasha, uye vanotyisa; vachavenga zvakanaka; vachava vasingavimbiki, vasingangwariri pakuita zvinhu, uye vanodada zvikuru . . . Ugare kure navanhu vakadaro.” (2 Timotio 3:1-5, Today’s English Version) Hungu, chisimba chatinoona nhasi kuzadzika kwouporofita hweBhaibheri pamusoro pe“mazuva okupedzisira.”
Pane chimwe chinhuzve chinoita kuti ino ive nguva inoitwa chisimba zvikuru. “Mune nhamo imi nyika negungwa,” rinodaro Bhaibheri, “nokuti mweya wakaipa wakaburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, nokuti unoziva kuti uchine nguva duku.” (Zvakazarurwa 12:12) Dhiyabhorosi neboka rake remadhimoni vakadzingwa kudenga uye zvino vava kuisa pfungwa dzavo dzose pakuvenga vanhu. So“muchinda wesimba redenga,” Dhiyabhorosi anoshandisa “mweya unobata zvino muvana vokusateerera,” achiita kuti pasi pave nzvimbo inoramba ichiwedzera chisimba.—VaEfeso 2:2.
Saka zvino tinogona sei kubata no“mweya” wehasha wenyika nhasi? Uye tingapedza sei zvinetso pasina chisimba?
-
-
Nzira Yokupedza Nayo Zvinetso NorugareNharireyomurindi—1998 | November 1
-
-
Nzira Yokupedza Nayo Zvinetso Norugare
KUITA chisimba kwavanhu kunenge kune nguva refu kungofanana navanhu. Bhaibheri rinoti chisimba chakatanga naKaini, mukoma waAbheri uye mwanakomana mukuru wevaroorani vokutanga. Mwari paakada chipiriso chaAbheri kupfuura chake, Kaini “akatsamwa kwazvo.” Akaitei nezvazvo? “Kaini [waka]mukira Abheri munun’una wake, akamuuraya.” Pashure paizvozvo, akazviwana ari muchinetso chikuru naMwari. (Genesi 4:5, 8-12) Chisimba hachina kupedza chinetso chemaonerwo akaipa aiitwa Kaini noMusiki wake.
Tinogona sei kudzivisa nzira yaKaini yokushandisa simba kupedza zvinetso?
Kusiya Chisimba Ndokuva Anoshivirira
Funga nezvomurume akatarira kupondwa kwaStefano achigutsurira musoro, muKristu wokutanga kufira kutenda. (Mabasa 7:58; 8:1) Murume wacho, Sauro weTarso, haana kubvumirana nechitendero chaStefano uye akatsigira kuponda nechisimba senzira yakarurama yokugumisa nayo mabasa aStefano. Chokwadi, Sauro angava akanga asina hasha muupenyu hwake hwose. Asi akanga achida kubvuma chisimba senzira yokupedza nayo zvinetso. Stefano achangofa, Sauro “akaparadza kereke [yechiKristu], achipinda mudzimba dzose, achikakata varume navakadzi, nokuvaisa mutorongo.”—Mabasa 8:3.
Maererano nenyanzvi yeBhaibheri Albert Barnes, shoko rechiGiriki rinoshandurwa pano kuti “kuparadza” rinoreva kuparadza kunogona kuitwa nezvikara, zvakadai seshumba nemapere. Barnes anotsanangura kuti: “Sauro, akashatirirwa chechi sechikara—kutaura kwakasimba, kunoratidza kushingaira nehasha zvaakatambudza nazvo.” Sauro paaienda kuDhamasko kunounganidza vamwe vateveri vaKristu, akanga “achingorangarira kutyisa nokuuraya vadzidzi vaShe [Kristu].” Ari munzira, akataurwa naye naJesu akamutswa, uye izvi zvakaguma nokutendeutsirwa kuchiKristu kwaSauro.—Mabasa 9:1-19.
Atendeutswa, mabatire aSauro navamwe akachinja. Chiitiko chakazoitika pashure pemakore 16 chakaratidza kuchinja kwacho. Boka ravanhu rakauya kuungano yokumusha kwake muAntiokia ndokukurudzira vaKristu veikoko kuti vawirirane noMutemo waMosesi. “Kuita nharo” kwakaitika. Sauro, panguva ino akanga ava kuzivikanwa saPauro, akaita chiito mukukakavadzana kwacho. Sezviri pachena, vakakakavadzana. Asi Pauro haana kuita zvechisimba. Panzvimbo pezvo, akabvumirana nezvakafungwa neungano zvokuendesa nhau yacho kuvaapostora navakuru veungano yeJerusarema.—Mabasa 15:1, 2.
MuJerusarema, “nharo huru” dzakaitikazve pamusangano wavakuru. Pauro akamirira kusvikira ‘vanhu vazhinji vose varamba vanyerere’ ndokuzoshuma basa rinoshamisa romudzimu waMwari pakati pavatendi vasina kudzingiswa. Vapedza kukurukurirana zvomuMagwaro, vaapostora navakuru vomuJerusarema va“kati zvakanaka” kuti vasaremedza vatendi vasina kudzingiswa zvisiri madikanwa asi kuti vavarayire kuti va“reg[e] zvakabayirwa zvifananidzo, neropa, nezvakadzipwa, noupombwe.” (Mabasa 15:3-29) Zvechokwadi, Pauro akanga achinja. Akadzidza kupedza nhau pasina chisimba.
Kubata Nemiitiro Yechisimba
“Muranda waShe haafaniri kukakavara,” Pauro akazorayira kudaro, “asi ave munyoro kuvanhu vose, unoziva kudzidzisa, unotsungirira pakuitirwa zvakaipa, unodzidzisa nounyoro avo vanomudzivisa.” (2 Timotio 2:24, 25) Pauro akakurudzira Timotio, mutariri muduku, kuti abate zvinhu zvakaoma nounyoro. Pauro aitaura zvinhu zvinoitika. Aiziva kuti kunyange vaKristu vaigona kutsamwisana. (Mabasa 15:37-41) Nechikonzero chakanaka, akapa zano rokuti: “Tsamwai, musingatadzi; zuva ngarirege kuvira muchakatsamwa.” (VaEfeso 4:26) Kudzora hasha pasina kuputika nehasha dzisingadzorwi ndiyo nzira yakarurama yokubata nayo manzwire akadaro. Asi izvi zvinogona kuitwa sei?
Nhasi, hazvisi nyore kudzora hasha. “Kuva noudyire kwakakurumbira,” vakadaro Dr. Deborah Prothrow-Stith, mutevedzeri womukuru mukuru paHarvard School of Public Health. “Chaizvoizvo, unyanzvi hwokuwirirana—kutaurirana, kubvumirana, kunzwira tsitsi, kukanganwira—ndizvo zvinowanzonzi zvinoitwa nembwende.” Asi, iwayo ndiwo mavara makuru, uye anokosha kana tichizodzora miitiro yechisimba ingakura matiri.
Paakava muKristu, Pauro akadzidza nzira iri nani yokubata nayo misiyano yemafungiro. Yakanga yakavakirwa padzidziso dzeBhaibheri. Senyanzvi yakadzidza yechiJudha, Pauro akanga achiziva Magwaro echiHebheru. Anofanira kuva aiziva magwaro akadai saanoti: “Usagodora munhu unomanikidza; usatevera kunyange nomumwe wemitoo yake.” “Une mwoyo murefu unopfuura une simba; unodzora mweya wake, unopfuura unotapa musha.” “Munhu usingadzori mweya wake, wakafanana neguta rakaputswa, risina rusvingo.” (Zvirevo 3:31; 16:32; 25:28) Asi, asati atendeutswa, zivo iyoyo yakanga isina kudzivisa Pauro kuti asaita chisimba kuvaKristu. (VaGaratia 1:13, 14) Asi chii chakabetsera Pauro, somuKristu, kuti apedze nhau dzinoshatirisa achishandisa kutaurirana nokunyengetedza panzvimbo pechisimba?
Pauro akatiruma nzeve paakati: “Ivai vateveri vangu, seni ndiri muteveri waKristu.” (1 VaKorinte 11:1) Akaonga zvikuru zvaakanga aitirwa naJesu Kristu. (1 Timotio 1:13, 14) Kristu akava muenzaniso wokuti atevedzere. Aiziva kutamburira vanhu vanotadza kwakanga kwaita Jesu padanda rokutambudzira. (VaHebheru 2:18; 5:8-10) Pauro aigona kusimbisa kuti uporofita hwaIsaya pamusoro paMesiya hwakazadzika muna Jesu: “Wakamanikidzwa, kunyange zvakadaro wakazvininipisa, akasashamisa muromo wake; segwayana rinoiswa kundobayiwa, uye segwai risingachemi pamberi pavaveuri varo, saizvozvo haana kushamisa muromo wake.” (Isaya 53:7) Muapostora Petro akanyora kuti: “[Jesu] wakati achitukwa, haana kutukazve; wakati achitambudzika, haana kutyisidzira; asi wakaisa mhaka yake kuna iye unotonga zvakarurama.”—1 Petro 2:23, 24.
Kuonga kwaPauro mabatire akaita Jesu Kristu zvinhu zvakaoma kwakamuita kuti achinje. Aigona kurayira vaaitenda navo kuti: “Muitirane mwoyo murefu, muchikanganwirana, kana munhu ane mhosva nomumwe; Ishe sezvaakakukanganwirai, muite saizvozvo nemiwo.” (VaKorose 3:13) Kungobvuma kuti haufaniri kuita chisimba hakuna kukwana. Kuonga zvatakaitirwa naJehovha naJesu Kristu kunotibetsera kuti tive neshungu dzokukurira maitiro okuva nechisimba.
Zvinobvira Here?
Mumwe murume muJapan aida kukurudzirwa kwakasimba kudaro. Baba vake, vakanga vari musoja anokurumidza kushatirwa, vaibata mhuri yacho nehasha. Sezvaaitambudzwa nokurohwa uye achiona mai vake vachitamburawo zvakafanana, murume wacho akava nounhu hwehasha. Aitakura mapakatwa maviri akareba zvakasiyana aaishandisa kupedza zvinetso pamwe chete nokutyisidzira vanhu.
Mudzimai wake paakatanga kufunda Bhaibheri, akagarawo paifundwa asingazvikoshesi. Zvisinei, paakarava kabhukwana kane musoro unoti This Good News of the Kingdom,a akachinja. Nei? “Pandakarava mashoko aiva pasi pemisoro miduku yaiti, ‘Kristu Jesu’ uye ‘Chibayiro,’ ndakanyara,” anotsanangura kudaro. “Kunyange zvazvo ndairarama upenyu husina kutsarukana, ndakanga ndichiri kuda kuva nemutsa kune vandaiwirirana navo. Ndainakidzwa nokufadza shamwari dzangu kana bedzi zvakanga zvisingakanganisi upenyu hwangu. Mwanakomana waMwari, Jesu, akanga achida kupa vanhu upenyu hwake, kubatanidza vakafanana neni. Ndakashaiwa romuromo, sokunge kuti ndakanga ndarohwa nesando.”
Akarega kushamwaridzana nedzaimbova shamwari dzake uye nenguva isipi akanyoresa muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari muungano yeZvapupu zvaJehovha. Chikoro ichi chinobetsera vakanyoresa kuti vawane unyanzvi hwokudzidzisa vamwe Bhaibheri. Kosi yacho yakabetsera murume uyu zvikuru. Anoyeuka kuti: “Pandakanga ndiri muduku, ndaityisidzira nokuita chisimba nemhaka yokuti ndakanga ndisingagoni kutaura zvandaifunga navamwe. Sezvandakadzidza kukurukura zvandaifunga navamwe, ndakatanga kutaura navo panzvimbo pokungoda kurwa.”
Kufanana naPauro, akaita mararamiro aKristu mararamiro ake here? Kutenda kwake kwakaedzwa apo yaimbova shamwari yake yaakanga atsidzirana nayo kuva shamwari neshamwari yakaedza kumuregedzesa kuti ave muKristu. “Shamwari” yake yakamurova ndokumhura Mwari wake, Jehovha. Aimbova murume ane hasha uya akazvidzora ndokukumbira ruregerero nemhaka yokusakwanisa kuchengeta mhiko yacho. Yaodzwa mwoyo, “shamwari” yake yakamusiya akadaro.
Nokukurira miitiro yake yechisimba, uyu murume aimbova nehasha akawana hama nehanzvadzi dzakawanda dzomudzimu, dzakabatanidzwa nokuda Mwari nomuvakidzani. (VaKorose 3:14) Chaizvoizvo, makore anopfuura 20 ava muKristu akazvitsaurira, zvino anoshanda somutariri anofambira weZvapupu zvaJehovha. Anofara zvikuru kukwanisa kuratidza muBhaibheri kuti vanhu vane unhu hwakafanana nohwemhuka vanogona kudzidza kupedza zvinetso pasina chisimba sezvaakadzidza! Uye iropafadzo yakadini kuti akwanise kutaura nezvokuzadzika kwamashoko ouporofita anoti: “Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa”!—Isaya 11:9.
Kufanana nomuapostora Pauro nouyu murume aimbova nechisimba, iwewo unogona kudzidza kubata nezvinhu zvinoshatirisa, uchipedza zvinetso norugare. Zvapupu zvaJehovha zviri munharaunda yako zvichafara kukubetsera.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]
Pauro aitaura zvinhu zvinoitika. Aiziva kuti kunyange vaKristu vanogona kutsamwisana
[Mufananidzo uri papeji 7]
Kuonga zvatakaitirwa naMwari kunoparira ukama hune rugare
-