RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yp-CA chits. 36 pp. 289-295
  • Ndinogona Sei Kudzora Miitiro Yangu Yokuona TV?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinogona Sei Kudzora Miitiro Yangu Yokuona TV?
  • Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ndinogona Sei Kudzora Kuona Kwangu?
  • Kuona Terevhizheni Nokungwarira
    Mukai!—2000
Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
yp-CA chits. 36 pp. 289-295

Ganhuro 36

Ndinogona Sei Kudzora Miitiro Yangu Yokuona TV?

KUNA vazhinji vakuru navaduku, kuona TV kunoparira kupindwa muropa kwakakomba. Kunzvera kunoratidzira kuti pakuzosvika pazera ramakore 18 pwerewo zvayo yeAmerica ichava yaona TV kwamaawa ane 15 000! Uye kuti kupindwa muropa kwapachokwadi kunobatanidzwa kunova pachena apo vaoni vokunyanyisa vanoedza kurega muitirowo.

“Ndinowana terevhizheni ichinge isingadzivisiki. Apo inenge yakavhurwa, handigoni kuifuratira. Handigoni kuivhara. . . . Sezvo ndinosvasvavirira kuvhara terevhizheni, simba rinopera mumaoko angu. Nokudaro ini ndinogara hangu apo kwamaawa namaawa.” Ipwere isati yakura muzivo here? Aiwa, uyu akanga ari murairidzi wapakoreji wechiNgezi! Asi pwere dzinogonawo kuva vaoni nokupindwa muropa neTV. Cherechedza kuita kwavamwe vakabvuma kuti kuve ne“Vhiki Rokusava neTV”:

“Ini ndave ndine mugariro wokupera mwoyo . . . Ndave kuda kupenga.”—Susan wezera ramakore gumi namaviri.

“Handifungi kuti ndichakwanisa kurega muitirowo. Ndinonyanyoda zvikuru TV.”—Linda wezera ramakore gumi namatatu.

“Dzvinyiriro yakanga yakakomba. Ndakaramba ndichiva nekuchidziro. Nguva yakaomesesa yakanga iri nguva yousiku pakati penguva yesere neyegumi.”—Louis wezera ramakore gumi nerimwe.

Ipapoka, hakusatiwo kuchishamisa kuti pwere zhinjisa dzinobatanidzwa dzakafarira mugumo we“Vhiki Rokusava neTV” nechimbi-chimbi youpengo nokuda kweTV. Asi kure nokuva chimwe chinhu chinosekwa, kupindwa muropa neTV kunouya pamwe chete nezvinetso zvizhinjisa zvinobvira. Rangarira zvishomanene bedzi zvazvo:

Kuderera kwamamakisi: Sangano Rorudzi Routano Hwendangariro (U.S.) rakashuma kuti kunyanyoona TV kunogona kuparira “rubudiriro rwakaderera zvikuru rwechikoro, zvikurukuru mukurava.” Bhuku rinonzi The Literacy Hoax rinopomerawo, kuti: “Tapuro yeterevhizheni pavana ndeyokuparira tariro yokuti kudzidza kunofanira kuva nyore, kwokusatamburira, uye kunovaraidza.” Mupindwi muropa neTV nokudaro angawana kufunda kuri kwakaoma.

Miitiro isina kutsarukana yokurava: Wakapedzisira rini kunhonga bhuku ndokurirava kubva kubutiro kusvikira kubutiro? Mutauriri weSangano raVatengesi Vamabhuku reWest Germany akachema, achiti: “Isu tazova rudzi rwavanhu vanoenda kumba pashure pebasa ndokurara pamberi peterevhizheni. Tiri kuderera zvishoma nezvishoma mukurava.” Mushumo wokuAustralia nomutoo wakafanana wakati: “Nokuda kweawa riri rose rinopedzerwa mukurava, mwanawo zvake weAustralia achave aona maawa manomwe eterevhizheni.”

Upenyu hwemhuri hwakaderera: Mumwe mukadzi wechiKristu akanyora, kuti: “Nokuda kwokunyanyoona TV . . . Ini ndakanga ndine ushoma zvikuru uye ndakanzwa ndiri ndoga. Kwakanga kwakaita sokunge kuti vomumhuri [yangu] vose vaiva vaenzi.” Iwe unozviwana umene nenzira imwe cheteyo uchipedzera nguva shoma uine mhuri yokwenyu nokuda kweTV here?

Usimbe: Vamwe vanorangarira kuti kusaita chinhu zvikuru kweTV “kungaparira kariro [yepwere] yokuti zvinodikanwa [zvake] zvichasvitswa pasina nhamburiko uye nomutoo wokusaita chinhu woupenyu.”

Kusadzivirirwa kupesvedzero dzisina kuchena: Dzimwe gadziriro dzemibatanidzwa dzeterevhizheni yecable dzinopinza mifananidzo youtere yavanhu mumusha. Uye kurongwa kwepurogiramu kwenguva yose kunowanzogovera zvokuona zvakatsiga zvemotokari dzinobonderana, kuputika, kubayana, kupfurana, uye kubanhana kwekarati. Mukuwirirana nokumwe kurangarira, muduku mumwe muUnited States achaona kuurawa kwavanhu kune 18 000 paTV panguva yaanova nezera ramakore 14, tisingadudzi zvedu kurwisina nezvibhakera uye kuparadza zvinhu.

Munzveri weBritain William Belson akawana kuti vakomana vanonyanyogara pamapurogiramu eTV yamasimba masimba vane bviro huru yoku“pinda mumasimba masimba orudzi rwakakomba.” Iye akataurawo kuti masimba masimba apaTV anogona kumutsa “kutuka nokushandiswa kwomutauro wakashata, kudenha mumutambo kana kuti mukutamba, kutyisidzira kushandisa masimba masimba pane mumwe mukomana, kunyora zviratidzo pamadziro, [uye] kuputsa mafafitera.” Kunyange iwe ungazvifunga umene kuva asingatapurwi nepesvedzero dzakadaro, kunzvera kwaBelson kwakawana kuti kusadziviririka kumasimba masimba apaTV hakuna “kuchinjira zvimiro zvendangariro zvakarurama zvavakomana” kumasimba masimba. Sezvinooneka kuonwa kwakatsiga kwamasimba masimba kwakapedza zvishoma nezvishoma dziviso dzavo dzomukati dzokurwisana namasimba masimba.

Kunyange zvazvo zvakadaro, yokutoitira hanya zvikuru ndiyo tapuro inogona kuva nokupindwa muropa namasimba masimba eTV paukama hwomunhu naMwari uyo ‘anovenga munhu upi noupi anoda masimba masimba.’—Pisarema 11:5.

Ndinogona Sei Kudzora Kuona Kwangu?

Ikoku hakusati kuchireva kuti TV inofanira kurangarirwa seyakashata hayo. Munyori anonzi Vance Packard anoratidzira, kuti: “Zvakawanda zvinoratidzirwa paterevhizheni yeU.S. zvinogona kuva zvinotusa . . . Kazhinji kazhinji kune mapurogiramu kutanga kwomumadekwana ayo ari emifananidzo yakaisvonaka inoratidzira zvimiro zvezvisikwa zviri pabasa—kubvira pamibato yezvimuremwaremwa, tsenzi, nyati yeAmerica inonzi bison kusvikira kune yeyo yehove inonzi blowfish. Terevhizheni yenzanga ine dzano yebhareti, purogiramu inosiya chiringa, nenziyo dzamarimba dzeboka zvinoyevedza. TV yakanaka zvikuru pakufukidza zvinoitika zvinokosha . . . Kazhinji kazhinji TV inoratidzira mitambo yezvinoitika zvinokatyamadza inofundisa.”

Hunyanguvezvo, kunyange chinhu chakaisvonaka kana chakanyanyisa zvikurusa chinogona kuva chinokuvadza. (Enzanisa naZvirevo 25:27.) Uye kana ukawana kuti unoshaiwa kuzvidzora kwokuvhara mifananidzo inokuvadza, kwakanaka kuyeuka mashoko omuapostora Pauro, anoti: “Ini handisati ndichizorega chinhu chipi nechipi chichindiita muranda wacho.” (1 VaKorinte 6:12, Today’s English Version) Ko zvino, unogona sei kuzvisunungura muuranda hweTV ndokudzora kuona kwako?

Munyori Linda Nielsen anocherekedza, kuti: “Kuzvidzora kunovamba kupfurikidza nokudzidza kugadza nharidzano.” Kutanga, nzvera miitiro yako yazvino uno. Kwevhiki, ramba uchironda mifananidzo yaunoona uye kuti inguva yakadini yaunopedza zuva rimwe nerimwe uri pamberi peterevhizheni. Unoivhura paminiti yaunosvika pamba here? Unoivhara rini? Mapurogiramu mangani ari “anofanira kuonwa” vhiki riri rose? Ungashamiswa nemiuyo yacho.

Ipapo nzvera zvakasimba iri mifananidzo yawave uchiona. “Ko nzeve iyo imene haiedzi mashoko somukanwa munoravidza zvokudya here?” rinobvunza kudaro Bhaibheri. (Jobho 12:11) Naizvozvo shandisa nzwisiso (pamwe chete nepangiro yavabereki vako) ndokuedza ari mapurogiramu aripo akafanirwa zvomenemene nokuonwa. Vamwe vanosarudza pachine nguva yemberi ari mapurogiramu avachaona ndokuvhura TV bedzi nokuda kwaaya mapurogiramu! Vamwe vanoshandisa nhano dzakakomba, vachigadza mirairo yokusaona terevhizheni mukati mevhiki rechikoro kana ganhuriro dzeawa rimwe pazuva.

Asi zvakadini kana TV isina kuvhurwa ikabvumikisa kuva muedzo mukurusa chaizvoizvo? Imwe mhuri yakapedza chinetsocho neiyi nzira: “Isu tinochengeta terevhizheni yedu iri muimba yapasi kuti tirege kuiona . . . Muimba yapasi mune muedzo muduku wokungoivhura bedzi paunopinda mumba. Unotofanira kuita rwendo chairwo kudzika ikoko kundoona chimwe chinhu.” Kuchengeta terevhizheni yako iri muwodhiropu, kana kuti kungosiya bedzi isina kupuragwa, kungashanda chaizvoizvo nomutoo unobudirira.

Nomutoo unofadza, pakati pe‘marwadzo oruchiva chairwo rwokuona’ adzo ose pwere dzinotora rutivi mu“Vhiki Rokusava neTV” dzakawana zvitsivo chaizvoizvo zveTV. Mumwe musikana anoyeuka, kuti: “Ini ndakataura naamai vangu. Ivo vakava munhu anofadza zvikuru kwazvo mukuona kwangu, nokuti ngwariro dzangu dzakanga dzisina kukamukana pakati pavo neterevhizheni.” Mumwe musikana akashandisa nguva achiyedza kubika kwake. Mumwe mukomana muduku anonzi Jason akatokuwana kuti kungava kunofadza kuenda “kumunhanga panzvimbo peTV,” kana kuti kunoredza, kurava, kana kuti kuenda kugungwa.

Chinoitika chaWyant (ona wedzero ino musoro unoti “Ini Ndakanga Ndiri Mupindwi Muropa neTV”) chinoratidzira kuti chimwe chinhu chikuru chokudzora kuona TV ndechokuva “nezvakawanda zvokuita mubasa raShe.” (1 VaKorinte 15:58) Iwewo uchawana kuti kuswedera pedyo naMwari, kufunda Bhaibheri kupfurikidza nebetsero yezvinyorwa zvizhinji zvakaisvonaka zvinowanikwa zvino, uye kuzvibatikanisa iwe umene mubasa raMwari zvichakubetsera kukurira kupindwa muropa neTV. (Jakobho 4:8) Chokwadi, kuganhurira kuona kwako TV kuchareva kupotsa mamwe amapurogiramu ako aunoda. Asika neiko uchifanira kushandisa TV zvizere zvikuru, nomutoo wouranda uchitevera purogiramu imwe iri yose? (Ona 1 VaKorinte 7:29, 31.) Kuri nani zvikuru kuzvi‘omesera’ iwe umene somuapostora Pauro, uyo akamboti: “Ini ndinowadzisa muviri wangu ndichiutungamirira somuranda.” (1 VaKorinte 9:27) Ikoku hakusati kuri nani zvikuru here kupinda kuva muranda weTV?

Mibvunzo Yekurukurirano

◻ Neiko kuona TV kuchigona kuva kunonzi kupindwa muropa nokuda kwedzimwe pwere?

◻ Ndeipi iri mimwe miuyo inokuvadza inobvira yokunyanyoona TV?

◻ Ndedzipi dzimwe nzira dzokudzora kuona TV?

◻ Chii chaunogona kuita munzvimbo yokuona TV?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 295]

“Ini ndave ndine mugariro wokupera mwoyo . . . Ndave kuda kupenga.”—Susan, wezera ramakore gumi namaviri, mutori rutivi mu“Vhiki Rokusava neTV”

[Bhokisi riri papeji 292, 293]

‘Ini Ndakanga Ndiri Mupindwi Muropa NeTV’—Bvunzurudzo

Mubvunzurudzi: Wakanga wakura zvakadini apo iwe wakapindwa muropa neTV?

Wyant: Rinenge zera ramakore gumi. Nokukurumidza pandaisvika pamba kubva kuchikoro, ndaizovhura TV. Kutanga, ndaizoona mifananidzo inosetsa namapurogiramu avana. Ipapo paizova nenhau, . . . uye ndaizopinda muimba yokubikira ndokutsvaka chimwe chinhu chokudya. Pashure paikoku, ndaizodzokera kuTV ndokuiona kutozosvikira ndoda kuenda kundorara.

Mubvunzurudzi: Asika ndirini pawaiva nenguva nokuda kweshamwari dzako?

Wyant: TV yakanga iri shamwari yangu.

Mubvunzurudzi: Ipapoka wakanga usitongorina nguva yokutamba here kana kuti yemitambo?

Wyant: [achiseka] Ini handina mano emitambo yokumhanya. Nemhaka yokuti ini ndaiona TV nguva yose, handina kutongoakudziridza. Ini ndiri mutambi asingagoni zvikuru wenhabvu yebhora rinokandwa mumumbure. Uye mukirasi rokurovedza muviri nguva dzose ini ndaiva wokupedzisira kusarudzwa. Kunyange zvazvo zvakadaro, ndinoshuva kuti kudai ndakati kudziridzei mano omutambo wokumhanya zvishoma—kwete kuti ndaizodai ndakafamba-famba ndichizvitutumadza, asi kungoti bedzi ndigone kuva nokungozvifadza bedzi.

Mubvunzurudzi: Zvakadiniko namamakisi ako?

Wyant: Ndaibudirira muchikoro chesekondari yenyanzvi. Ndaizogara kusvikira hwava usiku ndokuita basa rinoitirwa kumba pakupedzisira. Asi kwakanga kwakaoma zvikuru muchikoro chapamusoro nokuti ini ndakanga ndakudziridza miitiro yakadaro isina kutsarukana yokufunda.

Mubvunzurudzi: Ko kuona TV kwose ikwoko kwakakutapura here?

Wyant: Hungu. Padzimwe nguva pandinenge ndine vanhu, ndinongozviwana ndimene ndichingovatarisa bedzi—sokunge kuti ndakanga ndichiona purogiramu yehurukuro yeTV—panzvimbo pokutora rutivi mukurukurirano. Ndinoshuva kuti kudai ndaigona kukurukura zviri nani zvikuru kuvanhu.

Mubvunzurudzi: Eya, waita zvakaisvonaka chaizvo mukurukurirano ino. Sezvinooneka wakurira kupindwa muropa kwako.

Wyant: Ndakatanga kubva paTV pashure pokunge ndapinda chikoro chapamusoro. . . . Ndakatsvaka songanirano yepwere dzeZvapupu ndokutanga kuita enderero mberi mumudzimu.

Mubvunzurudzi: Asi ikoku kwakava nechokuitai nokuona kwako TV?

Wyant: Nzwisiso yangu nokuda kwezvinhu zvomudzimu zvayakaramba ichikura, ndakaziva kuti mapurogiramu mazhinji andaichiona zvomenemene akanga asati ari amaKristu. Zvakare, ndakanzwa kudikanwa kwokuita kufunda kwakawanda Bhaibheri uye kugadzirira nokuda kwemisangano yechiKristu. Ikoku kwakareva kutapudza kuona kuzhinji TV. Kwakanga kusati kuri nyore, kunyange zvazvo zvakadaro. Ini ndaiwanzoda mapurogiramu aya anosetsa amangwanani eChitanhatu. Asika zvino hama yechiKristu yomuungano yaindikoka kuenda nayo mubasa rokuparidzira pasuo nesuo pamangwanani eChitanhatu. Ikoku kwakapedza muitiro wangu wamangwanani eChitanhatu weTV. Naizvozvo pakupedzisira ndakadzidza zvomenemene kuderedza kuona kwangu TV.

Mubvunzurudzi: Zvakadiniko nhasi?

Wyant: Eya, ndichine chinetso chokuti kana TV yakavhurwa, handigoni kuita kuti chinhu chipi nechipi chiitwe. Naizvozvo ndinoirega yakadzima nguva zhinji. Kureva idi, TV yangu yakafa mwedzi mishomanene yakapfuura uye handina kuzvinetsa kuita kuti igadzirwe.

[Mufananidzo uri papeji 291]

Kuona TV kupindwa muropa kwakakomba kuna vamwe

[Mufananidzo uri papeji 294]

Apo terevhizheni inenge yakaiswa panzvimbo inonetsa kusvika pairi, pane muedzo muduku wokuivhura

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe