Ngwarira Usimoni!
SIMONI weSamariya airemekedzwa zvikuru munzanga yake. Akararama muzana ramakore rokutanga C.E., uye vanhu vaiororwa zvikuru nokushandisa kwake mashiripiti zvokuti vaiti nezvake: “Uyu munhu isimba guru raMwari.”—Mabasa 8:9-11.
Zvisinei, Simoni ava muKristu akabhabhatidzwa, akaona simba guru zvikuru kupfuura raaimboratidza. Raiva simba rakanga rapiwa vaapostora vaJesu, richivagonesa kuti vape vamwe zvipo zvinoshamisa zvomudzimu mutsvene. Simoni akaororwa zvikuru zvokuti akapa vaapostora mari ndokukumbira kuti: “Ndipei neniwo simba iri, kuti wandinenge ndichiisa maoko pamusoro pake, apiwe Mweya Mutsvene.”—Mabasa 8:13-19.
Muapostora Petro akatuka Simoni, achiti: “Sirivheri yako ngaiparadzwe newe, nokuti wakafunga kutenga chipo chaMwari nemari. Hauna mugove, kana chikamu, pachinhu ichi, nokuti mwoyo wako hauna kururama pamberi paMwari.”—Mabasa 8:20, 21.
Shoko rokuti “usimoni” rinobva munhoroondo iyi yeBhaibheri, yakarondedzerwa se“chivi chokutenga kana kuti kutengesa chinzvimbo kana kuti kukwidziridzwa muchechi.” New Catholic Encyclopedia inobvuma kuti kunyanyanyanya kubvira muzana ramakore rechi9 kusvikira kune rechi11 “usimoni hwakanga hwakazara munzvimbo dzavafundisi, vafundisi vakaderera, mabhishopi, kunyange vanapapa.” Chinyorwa chechipfumbamwe cheThe Encyclopædia Britannica (1878) chinoti: “Kufunda nezvemisangano yavanaPapa kunopwisa mudzidzi kuti hapana kugadzwa kwakamboitwa pasina usimoni, nepo muzviitiko zvakawanda usimoni hunoitwa mumisangano yezvimwe zvitendero hwave huri hwakaoresesa, hunonyadzisa zvikuru, uye huri pachena.”
VaKristu vechokwadi nhasi vanofanira kungwarira usimoni. Somuenzaniso, vamwe vanganyanyisa kurumbidza kana kuti kupa zvipo zvakawanda kune avo vanogona kuvapa maropafadzo akawedzerwa. Uyewo, avo vanogona kupa maropafadzo akadaro vanganyanyoda avo vanokwanisa—uye vanowanzoda—kuvapa zvipo. Izvi zvose zvinobatanidza usimoni, uye Magwaro anoshora muitiro iwoyo zvakajeka. “Naizvozo tendeuka pakuipa kwako,” Petro akakurudzira Simoni, “ukumbire kunaShe, kuti zvimwe ukanganwirwe murangariro womwoyo wako [“aya maitiro ako,” New Jerusalem Bible]. Nokuti ndinoona kuti wapinda munduru inovava, napakusungwa kusakarurama.”—Mabasa 8:22, 23.
Achifara, Simoni akaona kukomba kwechishuvo chake chakaipa. Akakumbira vaapostora kuti: “Mundikumbirire zvikuru imi kunaShe, kuti ndirege kuwirwa nechimwe chaizvozvo zvamareva.” (Mabasa 8:24) Vachiteerera chidzidzo chinokosha chiri munhoroondo iyi, vaKristu vechokwadi vanoedza kudzivisa usimoni hwose.