RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yp-CA chits. 1 pp. 11-17
  • Ndinofanirireiko ‘Kukudza Baba Vangu Naamai Vangu’?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinofanirireiko ‘Kukudza Baba Vangu Naamai Vangu’?
  • Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Icho ‘Kuvakudza’ Kunoreva
  • Vabereki Vanonetsa—Vanokodzerwa Norukudzo Here?
  • Kubata Nokunzwa Kwepfunde-pfunde
  • ‘Izvo Baba Vangu Vakataura Zvakanga Zvakarurama’
  • Neiko Vabereki Vangu Vasingandinzwisisi?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Ndinofanira Kuitei Kana Vabereki Vangu Vachipopotedzana?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Ndinofanirireiko Kuteerera Mai naBaba?
    Mukai!—1988
  • Nei Paine Mitemo Yakawanda Kudai?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
Ona Zvimwe
Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
yp-CA chits. 1 pp. 11-17

Ganhuro 1

Ndinofanirireiko ‘Kukudza Baba Vangu Naamai Vangu’?

“KUDZA baba vako naamai vako.” Kupwere zhinji aya mashoko anonzwika sechimwe chinhu chinobva muMazera Erima.

Veda muduku akazivisa pamhene kupandukira baba vake kupfurikidza nokuronga musi womuvhakacho nomukomana aishandisa zvisina kufanira mirimo nezvinwiwa zvinodhakisa. Nomutoo wokuzvidza, aiendawo kunodzana kutozosvikira kumaawa omumangwanani-ngwanani. “Ndairangarira kuti ivo vakanga vachinyanyova norumano,” Veda anotsanangura kudaro. “Ndakanga ndine zera ramakore 18, uye ndaifunga kuti ndaiziva zvose. Ndairangarira kuti baba vangu vakanga vane utsinye uye vakanga vasingadi havo chaizvoizvo kuti ndive nenguva yakanaka, naizvozvo ndakaenda ndokuita zvandaida kuita.”

Pwere zhinjisa sezvingabvira dzingasabvumira zviito zvaVeda. Asika, kana vabereki vadzo vakadziraira kuchenesa kamuri radzo, kuita basa radzo rinoitirwa kumba, kana kuva pamba paawa yakati kuti, zhinji dzaizofufutirwa nepfunde-pfunde kana kuti, zvakatoipisisazve, dzaizoshora pamhene vabereki vadzo! Kunyange zvazvo zvakadaro, marangaririre anoita pwere vabereki vayo pakupedzisira anogona kureva usati uchingova bedzi musiano pakati pehondo norugare pamusha asiwo upenyu hwayo humene. Nokuti murairo wokuti ‘kudza vabereki vako’ unobva kuna Mwari, uye anobatanidza kurudziro inotevera yokutetekera uyu murairo, unoti: “Kuti zvigokunakira uye ugogara nguva refu pasi pano.” (VaEfeso 6:2, 3) Kuva pamutanhiko kwakakwirira. Naizvozvo, ngatinzverei patsva icho kukudza baba vako naamai vako kunoreva chaizvozvo.

Icho ‘Kuvakudza’ Kunoreva

“Kukudza” kunobatanidza kuziva chiremera chakagadzwa nomutoo wakafanira. Somuenzaniso, maKristu anorairwa ku“va norukudzo nokuda kwamambo.” (1 Petro 2:17) Kunyange ungasava anogarobvumirana nomubati ushe worudzi, nzvimbo yake kana basa richiri rinofanira kuremekedzwa. Nomutoo wakafanana, Mwari akapa vabereki chiremera chakati kuti mumhuri. Ikoku kunoreva kuti iwe unofanira kuziva maruramiro avo avakapiwa naMwari okuita mirau nokuda kwako. Chokwadi, vamwe vabereki vangava vasina rumano kupfuura zvakaita vako. Kunyange zvazvo zvakadaro, vabereki vako vane basa rokusarudza chiri chakanakisisa nokuda kwako—uye mhuri dzakasiana dzingava nemipimo yakasiana.

Ndokwechokwadiwo kuti kunyange vabereki vakanakisisa panhambo nenhambo vanogona kuva vanoshusha—kunyange kuita zvisinokufanira. Asika pana Zvirevo 7:1, 2 mumwe mubereki akachenjera akati: “Mwanakomana wangu [kana mwanasikana], . . . chengeta mirairo yangu ugopfuurira kurarama.” Nenzira yakafanana, mirau yavabereki vako, kana “mirairo,” inowanzoitirwa kubetserekana kwako uye chiratidziro chorudo rwavo chairwoirwo neitiro hanya.

Somuenzaniso, John akanga audzwa audzwazve naamai vake kuti nguva dzose anofanira kushandisa mudanho unopfuura napamusoro pomugwagwa mukuru une migwagwa mitanhatu uri pedyo nomusha wavo. Rimwe zuva, vasikana vaviri vachibva kuchikoro vakamukurudzira kushinga kudimburira mukudarika mugwagwa iwo umene. Achifuratira kushora kwavo kwo“ubwende!” John akafamba napamudanho. Ava pakati pokudarika, John akanzwa kurira kwokukweshera kwamataya. Achitarira pasi, akaona mukutya sezvo vasikana vaviri vakanga vachibonderwa nemotokari ndokukandirwa mumhepo! Sezvinobvumwa, kuteerera vabereki vako hakuwanzokuva nhau youpenyu norufu. Hunyanguvezvo, kuteerera kunowanzokukubetsera.

‘Kukudza vabereki vako’ kunorevawo kugamuchira ruramiso, kusarundumwara kana kufufutirwa nehasha painoitwa. Fuza bedzi “rinozvidza chirango chababa varo,” inodaro Zvirevo 15:5.

Pakupedzisira, kuratidza kukudza kunoreva zvinopfuura kungoita bedzi ruremekedzo rwomuitiro kana kuteerera kwechisimbwa. Shoko rechiito rapakuvamba rechiGiriki rinoshandurwa kuti “kudza” muBhaibheri zvikurukuru rinoreva kurangarira mumwe munhu sowoukoshi hukuru. Nokudaro vabereki vanofanira kurangarirwa savanokosha, vanokosheswa zvikuru, navanodikanwa kwauri. Ikoko kunobatanidza kuva nokunzwa kwoushamwari, kwokuonga nokuda kwavo. Zvisinei, dzimwe pwere hadzitongorina chinhu chipi nechipi kunze kwokunzwa kwoushamwari kuvabereki vadzo.

Vabereki Vanonetsa—Vanokodzerwa Norukudzo Here?

Imwe pwere inonzi Gina yakanyora, kuti: “Baba vangu vainwa zvikuru kwazvo, uye handati ndaigona kurara nokuti vabereki vangu vaizopopota nokutukana zvikuru. Ndaivata pahuvato ndokungochema bedzi. Handati ndaigona kuvaudza manzwire andaiita pamusoro pakwo nokuti amai vangu zvimwe vaizondirova. Bhaibheri rinoti ‘kudza baba vako,’ asika ini handingagoni.”

Vabereki vanoshatirwa zvikuru kana voutere, vari zvidhakwa, kana vanokakavadzana—vanokodzerwa zvomenemene norukudzo here? Hungu, nokuti Bhaibheri rinoshora “kuseka” mubereki upi noupi. (Zvirevo 30:17) Zvirevo 23:22 inotiyeuchidzazve kuti vabereki vako va“kaparira kuberekwa kwako.” Ikoku koga bedzi chikonzero chokuvakudza. Gregory, uyo aichimbova anozvidza zvikuru, zvino anoti: “Ini ndinoonga Jehovha Mwari kuti [amai vangu] havana kundisvodza kana kundirashira padurunhuru somucheche. Ivo mubereki mumwe, uye paiva navatanhatu vedu. Ndinoziva kuti kwakanga kwakavaomera.”

Kunyange zvazvo vasingasviki pakukwana, vabereki vako vakazvinyimawo zvikuru nokuda kwako. Gregory anopfuurira, kuti: “Pane imwe nguva zvose zvakanga zvatisarira zvokuti tidye zvakanga zviri chibage chomugaba namaotsi. Amai vangu vakachigadzirira isu vana, asi ivo havana kudya. Ini ndakandorara ndakaguta, asi ndakaramba ndichishamisika kuti chikonzero nei Amai vasina kudya. Zvino sezvo ndava nemhuri yangu ndimene, ndinoziva kuti ivo vairashikirwa nokuda kwedu.” (Imwe fundo yokunzvera inoisa ndyiko yokurera mwana kusvikira kuzera ramakore 18 pa$66 400.)

Zivawo kuti nemhaka bedzi yokuti muenzaniso womubereki hauzati wakanakisisa, ikoku hakuzati kuchireva kuti chinhu chiri chose chaanokuudza chakaipa. Mumazuva aJesu, vatungamiriri vorudzidziso vakanga vakashata. Asi, Jesu akaudza vanhu, kuti: “Zvinhu zvose zvavanokuudzai, itai uye chengetai, asi musaita mukuwirirana namabasa avo.” (Mateo 23:1-3, 25, 26) Ko iyi nheyo haingagoni kushandisirwa kuvamwe vabereki here?

Kubata Nokunzwa Kwepfunde-pfunde

Zvakadiniko kana uchinzwa kuti mubereki ari kushandisa zvisina kufanira nomutoo wakakomba chiremera chake?a Ramba wakaterama. Kupandukira hakuiti chinhu, ndozvinoitawo muitiro woruvengo, woutsinye. (Muparidzi 8:3, 4; enzanisa naMuparidzi 10:4.) Mumwe musikana wezera ramakore 17 akafufutirirwa vabereki vake nemhaka yokuti vakanga vakabatikana nokupopotedzana kwavo vamene uye vairatidzika vasingamuitiri hanya. Kuvatsamwira ipapo kwakarereudzirwa kunheyo dzeBhaibheri vabereki vake vakanga vaedza kumudzidzisa. Nokuda kworuvengo rukuru, akapinda muutere hwevatano nokushandiswa zvisina kufanira kwemirimo. “Ndakarangarira kuti ndinofanira kutsiva vabereki vangu,” yakanga iri tsananguro yake yakakomba. Asi kupfurikidza nokuva noruvengo, akangozvikuvadza bedzi iye amene.

Bhaibheri rinonyevera, kuti: “Ngwarirai kuti kutsamwa kurege kukunyengedzai kupinda [muzviito] zvoruvengo. . . . Rindai kuti murege kutendeukira kune zviri zvinokuvadza.” (Jobho 36:18-21) Zivai kuti vabereki vane mutoro pamberi paJehovha nokuda kwomufambiro wavo uye vachazvidavirira nokuda kwokusaruramisira kupi nokupi kwakakomba.—VaKorose 3:25.

Zvirevo 19:11 inoti: “Zivo yomunhu zvamazvirokwazvo inodzora kutsamwa kwake, uye runako kwaari kukanganwira kudarika.” Padzimwe nguva kwakanakisisa kuedza kukanganwira ndokukanganwa zviito zvinokuvadza zvomubereki. Panzvimbo pokufungisisa zvikanganiso zvake, rereudzira ngwariro pamavara ake akanaka. Dody, somuenzaniso, akanga anamai vasingaitiri hanya nababa vokurera chidhakwa. Cherechedza kuti kuziva kwake zvikanganiso zvavo kwakapedza sei ukasharari. Iye anoti: “Zvimwe amai vangu havana kutongotiitira rudo nokuti, somwana akabatwa zvisina kufanira, ivo havana kutongodzidziswa maitirwo acho. Baba vangu vokurera vairatidzira fariro mumibato yedu apo vakanga vakapengenuka, asi ikoko kwakanga kusati kuri kwakazhinji kazhinji zvikuru. Asika, mukoma wangu neni nguva dzose takanga tine pokugara nezvokudya mufirinji.”

Sezvineiwo, vabereki vane chisimbwa kana kuti vanoregeredza vashomanene. Sezvinobvira zvikuru vabereki vako vanokufarira uye vanoedza kugadza muenzaniso wakanaka. Kunyange zvakadaro, ungavatsamwira padzimwe nguva. “Padzimwe nguva apo ini ndakanga ndichikurukura chinetso naAmai uye ivo havati vaigona kuona pfundo rangu,” rinobvuma kudaro rimwe jaya rinonzi Roger, “ndaizopenga ndokutaura chimwe chinhu nokuda kwepfini kungovakuvadza bedzi. Yakanga iri nzira yangu yokuvatsiva. Asi pandakaenda, ndakanzwa zvisina kunaka zvikuru, uye ndaiziva kuti ivo havana kunzwawo zvakanaka.”

Mashoko asina mufungo anga‘baya’ ndoku‘parira marwadzo,’ asi haazati achizogadzikisa zvinetso zvako. “Rurimi rwavakachenjera chiporeso.” (Zvirevo 12:18; 15:1) “Kunyange zvazvo kwakanga kwakaoma, ndaizodzokera ndokukumbira ruregerero,” anotsanangura kudaro Roger. “Ipapo ndaigona kukurukura chinetso changu nomutoo wakaterema zvikuru, uye taigona kuita kuti chipere.”

‘Izvo Baba Vangu Vakataura Zvakanga Zvakarurama’

Nomutoo unofadza, dzimwe pwere dzinozvinetsa dzimene uye vabereki vadzo dzichiramba miraidzo yavabereki, kungondowana bedzi gare gare kuti vabereki vadzo vaiva vakarurama nguva iri yose. Rangarira Veda (adudzwa pakutanga-tanga), somuenzaniso. Iye akaenda nemotokari neshamwarikomana yake rimwe zuva. Iye akanga akabatwa zvikuru nemarijuana nedoro. Motokari yakapudzunyuka pakudzora ndokurova bango romwenje pakumhanya makiromita 100 paawa. Veda akapona—aine mbonje yakadzama pahuma yake. Shamwarikomana yakatiza pachinoitikacho, haina kutongouya kunyange kuchipatara kuzomubetsera.

Veda anobvuma, kuti: “Apo vabereki vangu vakasvika kuchipatara ini ndakavaudza kuti chinhu chiri chose baba vangu vakanga vataura chakanga chakarurama uye kuti ndaifanira kuve ndakateerera kare kare. . . . Ndakanga ndaita mhosho huru, uye yakadokuuraya upenyu hwangu.” Pashure paikoko, Veda akaita chinjo huru muchimiro chake chendangariro kuna vabereki vake.

Zvimwe chinjo dzakati kuti dzingava dzakafanira kwauriwo. ‘Kukudza vabereki vako’ zvamazvirokwazvo kungaratidzika kuva pfungwa yechinyakare. Asi hachizati chichingova bedzi chinhu chokuchenjera chokuita asi chinhuwo chakarurama chokuita mumeso aMwari. Kunyange zvazvo zvakadaro, zvakadiniko kana iwe uchida kuratidzira vabereki vako ruremekedzo asi uchinzwa usinganzwisiswi kana kuti zvimwe uchipinganidzwa neganhuriro? Ngatinzverei kuti unogona sei kuvandudza rutivi rwako mumigariro yakadaro.

[Mashoko Omuzasi]

a Pano isu hatizati tichinongedzera kuzvinoitika zvokurohwa kana kuti kubatwa zvisina kufanira muvatano muiyo pwere ingada kutsvaka betsero younyanzvi inobva kunze kwomusha.

Mibvunzo Yekurukurirano

◻ Ko kukudza vabereki vako kunorevei?

◻ Neiko vabereki vachiita mirau yakawanda kudaro? Mirau iyoyo inogona kukubetsera here?

◻ Unotofanira kukudza vabereki vako kana mufambiro wavo uchizvidzisa here? Neiko?

◻ Ndedzipi dzimwe nzira dzinobereka zvibereko dzokubata nadzo nepfunde-pfunde yaunganzwa panhambo nenhambo kuvabereki vako? Ndedzipi dzimwe nzira dzoufuza?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 16]

“Ndakarangarira kuti baba vangu vakanga vane utsinye uye vakanga vasingadi bedzi kuti ndive nenguva yakanaka, naizvozvo ndakaenda ndokuita zvandaida kuita”

[Mufananidzo uri papeji 12]

Unofanira kurangarira sei mirau yavabereki vako?

[Mufananidzo uri papeji 14]

Unofanira kukudza vabereki vanomufambiro unozvidzisa here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe