RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yp-CA chits. 8 pp. 65-72
  • Ndinogona Sei Kuita Shamwari Chaidzoidzo?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinogona Sei Kuita Shamwari Chaidzoidzo?
  • Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nyengedzo Inorwisana Neshamwari Chaidzoidzo
  • Kuwana Shamwari
  • Fariro Yokushingaira Muna Vamwe
  • “Mateererere Aunoita”
  • Iva Akavimbika
  • Goverana Kunzwa Kwako
  • Usakarira Kukwana
  • Nei Ndisingagoni Kuchengeta Shamwari?
    Mukai!—1996
  • Bhaibheri Rinotii Nezveushamwari?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Unogona Kuva Shamwari yaJehovha
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Shamwari Yechokwadi Yakaita Sei?
    Mukai!—2014
Ona Zvimwe
Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
yp-CA chits. 8 pp. 65-72

Ganhuro 8

Ndinogona Sei Kuita Shamwari Chaidzoidzo?

“INI ndave ndichienda kuchikoro mune urwu ruwa kwamakore masere, asi munguva iyoyo yose handina kutongokwanisa kuita shamwari imwe hayo! Kwete kunyange neimwe.” Pwere inonzi Ronny yakachema kudaro. Uye zvimwe padzimwe nguva iwe wakanzwa nenzira imwe cheteyo sekundikano paushamwari. Asika chaizvoizvo chii chiri shamwari chaidzoidzo? Uye chii chiri chakavanzika chokuva nadzo?

Chirevo chinoti: “Shamwari inoda panguva dzose uye inova hama munguva dzenhamo.” (Zvirevo 17:17, The Bible in Basic English) Asika pane zvakawanda paushamwari panokuva nepfudzi rokuchemera pariri. Inodaro imwe mhandara inonzi Marvia: “Padzimwe nguva inonzi shamwari ichakuona uchipinda munhamo dzokonokei yoti, ‘Ini ndakakuona uri kunanga ikoko, asi ndakanga ndichitya kukuudza.’ Asi apo shamwari chaiyoiyo inokuona uchienda munzira isina kururama, ichaedza kukunyevera kusati kwava kunyanyononoka—kunyange kana ichiziva kuti iwe ungasada zvainotaura.”

Waizobvumira chinendirini chakakuvadzwa kukuparira kuramba mumwe munhu akakuitira hanya zvikuru kukuudza zvokwadi here? Zvirevo 27:6 inoti: “Pane chivimbo chikuru chinofanira kuiswa mumavanga anoitwa nouyo anokuda kupfuura kutsvoda kwakawanda kunoitwa nouyo anokuvenga.” (Byington) Munhu anofunga zvakanaka naanotaura zvakananga nokudaro ndiye rudzi rwomunhu waunofanira kuda seshamwari.

Nyengedzo Inorwisana Neshamwari Chaidzoidzo

“Upenyu hwangu chibvumikiso chokuti handi ‘shamwari’ dzose dzinobudisa zvakanakisisa zvako,” anodaro Peggy wezera ramakore 23. Sowechiduku, Peggy akanga agombedzerwa kubva pamusha. Zvisinei, iye akava noushamwari neZvapupu zvaJehovha zviviri, Bill nomudzimai wake, Lloy. Vakavamba fundo yeBhaibheri naPeggy. “Mwedzi yandakapedza ndinavo yakanga yakazara nomufaro chaiwo, gutsikano norugare,” akadaro Peggy. Asika, iye akasarudza hake kuva nedzimwe pwere dzaakanga asangana nadzo—ndokusiya Bill naLloy.

Peggy anoyeuka, kuti: “Ini ndakadzidza zvinhu zvizhinji kune ‘shamwari’ dzangu itsva—kuba masiterio, kuchinjisa cheki dzakashata, kusvuta marijuana uye, pakupedzisira, mutoo wokutsigira nawo muitiro wemirimo we[Z$480] pazuva.” Pazera ramakore 18 iye akasangana nerimwe jaya rainzi Ray iro rakamupa mirimo yose yaaigona kushandisa—pachena. “Ndakafunga kuti nhamo dzangu dzose dzakanga dzapera. Handizati ndaizotongofanirazve kuba nokunyengedza,” Peggy akafunga kudaro. Zvisinei, Ray akamusuma kuuhure. Pakupedzisira Peggy akatiza gutaro uye “shamwari” dzake dzapamwoyo.

Ava kunzvimbo yake itsva, rimwe zuva Peggy akashanyirwa navaviri veZvapupu zvaJehovha. “Misodzi yomufaro yakafashamira mumeso angu sezvandakambundira vakadzi vaviri vakakatyamadzwa,” akarondedzera kudaro Peggy. “Ndakanga ndawedzera kuzvidza kwangu nyengedzo ye‘shamwari’ dzangu dzekare, asika hevano vave vari vanhu vaiva vechokwadi chaivoivo.” Peggy akavambazve fundo yake yeBhaibheri.

Kunyange zvazvo zvakadaro, kuchinjira upenyu hwake kunzira dzaMwari kwakanga kusati kuri nyore. Chakanga chakaoma zvikurukuru kwakanga kuri kurega kusvuta. Zvisinei, shamwari iri Chapupu yakapangira, kuti: “Panzvimbo pokunyengetera nokukumbira kanganwiro pashure pokunge wakundikana, huregererei kunyengetera pamberi pacho ndokukumbira simba apo iwe unonzwa havi yokusvuta?” Peggy anoti: “Uru rudzi rwechikarakadzo chinoshanda rwakakuita. . . . Kwenguva yokutanga mumakore, ndakanzwa ndachena mukati uye ndakaziva zvakwaireva kuva nokuzviremekedza.”

Chinoitika chaPeggy chinosimbisa uzvokwadi hwamashoko eBhaibheri ari pana Zvirevo 13:20: “Iye unofamba navanhu vakachenjera uchava akachenjera, asi iye anova nokubata namafuza achaguma nezvakaipa.” Peggy anoti: “Kudai ndakanga ndachengeta bedzi ushamwari hwangu navanhu ivavo vaida Mwari, ndingadai ndakadzivisa zvinhu zvose izvozvo zvino zvava yeuko yakashata.”

Kuwana Shamwari

Ndokupi kwaunogona kuwana shamwari dzinoda Mwari? Mukati meungano yechiKristu. Tsvaka pwere dzisati dzichingoita bedzi kambiro yokutenda asiwo dzina mabasa okutsigira kutenda kwadzo nokuzvipira. (Enzanisa naJakobho 2:26.) Kana pwere dzakadaro dzakaoma kuwana, iva anoziva mamwe maKristu ari vakuru kwauri. Zera harizati richidikanirwa kuva mhinganidzo youshamwari. Bhaibheri rinozivisa nezvoushamwari hwomuenzaniso pakati paDhavhidhi naJonatani—uye Jonatani akanga akura zvakaringanira kuva baba vaDhavhidhi!—1 Samueri 18:1.

Kunyange zvazvo zvakadaro, unogona sei kuita kuti ushamwari hutangwe?

Fariro Yokushingaira Muna Vamwe

Jesu Kristu akaumba ushamwari hwakanga hwakasimba zvikuru zvokuti shamwari dzake dzakamufira nokudisa. Neiko? Kutanga, Jesu aiitira hanya vanhu. Aisvasvavirira achibetsera vanhu. Iye ‘aida ku’batanidzwa. (Mateo 8:3) Chokwadi, kuva netariro muna vamwe ndiyo nhano yokutanga yokuita shamwari.

Somuenzaniso, imwe pwere inonzi David, yakava nebudiriro mukuita shamwari nokuda kwoku“va norudo chairwoirwo nokuda kwavanhu uye kuita fariro yokushingaira muna vamwe.” Iyo inowedzera, kuti: “Chimwe chezvinhu zvikurusa ndechokuziva zita romunhu. Vamwe kazhinji kazhinji vanoororwa kuti wakaitira hanya zvakaringanira kuyeuka zita ravo. Nokuda kwaikoku vangava nechinoitika chakati kuti kana kuti chinetso uye ushamwari hunotanga kuumbika.”

Ikoku hakuzati kuchireva kuti iwe unotofanira kuva anonyanyonyanyisa mukuva anofara. Jesu akanga ari “munyoro mumwoyo,” kwete akachachamara kana kuti akatanhamara. (Mateo 11:28, 29) Ifariro yapachokwadi muna vamwe inovayevedza. Kazhinji kazhinji zvinhu zvakapfava zvikurusa, zvakadai sokugoverana zvokudya pamwe chete kana kuti kubetsera shamwari nebasa rakati, kunobatira kukudza ushamwari.

“Mateererere Aunoita”

“Ngwarirai kuteerera kwamunoita,” akarumbidza kudaro Jesu. (Ruka 8:18) Kunyange zvazvo iye akanga achiyeuka ukoshi hwokuteerera mashoko aMwari, nheyo inoshanda zvakanaka mukuita ukama. Kuva muteereri akanaka kunokosha mukuvaka ushamwari.

Kana tichifarira chaizvoizvo mune izvo vamwe vari kutaura, ivo vanowanzokweverwa kwatiri. Asika ikoku kunoda “kusvinurira [kwako], isati iri fariro yako umene pamusoro penhau dzako umene bedzi [zvimwe pamusoro pezvaunoda kutaura bedzi], asiwo mufariro chaiyo pamusoro peizvo zvavamwe.”—VaFiripi 2:4.

Iva Akavimbika

Jesu akanamatirana neshamwari dzake. Iye “akavada kusvikira kumugumo.” (Johane 13:1) Rimwe jaya rinonzi Gordon rinobata shamwari dzaro nenzira imwe cheteyo: “Vara guru reshamwari ndiro kuvimbika kwayo. Ko iyo ichanamatirana newe apo nguva dzinotambudza here? Shamwari yangu neni taizodzivirirana apo vamwe vaizotaura mashoko anozvidza. Takanamatirana zvomenemene—asi bedzi kana taiva murutivi rwakarurama.”

Kunyange zvazvo zvakadaro, shamwari dzokuzviitisa hadzifungi chinhu mukureverana nhema. “Kune shamwari dziriko dzine murangariro wokuputsanya,” inodaro Zvirevo 18:24. Waizo“putsa” mukurumbira weshamwari kupfurikidza nokukumbanira mumakuhwa akaipa here, kana kuti waizoidzivirira mukuvimbika?

Goverana Kunzwa Kwako

Jesu akapfuurirazve kuzviita kuti iye amene adiwe navamwe kupfurikidza nokuratidzira kunzwa kwake kukurusa. Dzimwe nguva aikuita kuti kuzivikanwe kuti iye “ainzwira tsitsi,” “aida,” kana kuti ai“nzwa shungu zvikuru.” Zvimwe pane imwe nhambo iye akato“svimha misodzi.” Jesu akanga asinganyari kuratidzira mwoyo wake kuna avo vaaivimba navo.—Mateo 9:36; 26:38; Marko 10:21; Johane 11:35.

Chokwadi, ikoku hakuzati kuchireva kuti iwe unofanira kudururira mavara ako kumunhu ari wose waunosangana naye! Asi unogona kuva akatendeseka kuno munhu ari wose. Uye sezvaunosvika pakuziva nokuvimba nomumwe munhu, unogona pashoma napashoma kuratidzira zvakawanda zvokunzwa kwako kukurusa. Panguva imwe cheteyo, kudzidza kuzviisa munzvimbo yomumwe uye “kunzwira ngoni” nokuda kwavamwe kunodikanwa nokuda kwoushamwari hune revo.—1 Petro 3:8.

Usakarira Kukwana

Kunyange apo ushamwari hunova namavambo akanaka, usakarira kukwana. “Isu tose tinoita mhosho mumarudzi ose enzira, asi munhu anogona kutaura kuti iye haatongotauri chinhu chisina kururama anogona kuzvirangarira iye amene kuva akakwana.” (Jakobho 3:2, Phillips) Kupfuurirazve, ushamwari hunodhura—nguva nendangariro. “Unotofanira kudisa kupa,” rinodaro rimwe jaya rinonzi Presley. “Irworwu rutivi rukuru rwoushamwari. Une kunzwa kwako umene pamusoro pezvinhu asi unodisa kutera kuti usiire nzvimbo kunzwa nemirangariro zveshamwari yako.”

Zvisinei, mutengo woushamwari hausati uri chinhu pakuenzanisirwa nomutengo wokusada—upenyu hwoushoma husine chinhu. Naizvozvo zviitire umene shamwari. (Enzanisa naRuka 16:9.) Zvipe iwe umene. Teerera uye ratidzira fariro chaiyoiyo muna vamwe. SaJesu, ipapo ungave nedzisingaverengeki idzo unogona kuti kwadziri, “Imi muri shamwari dzangu.”—Johane 15:14.

Mibvunzo Yekurukurirano

◻ Unogona sei kuziva shamwari chaiyoiyo? Rudzii rweshamwari dziri dzenyengedzo?

◻ Ndokupi kwaunogona kutsvaka shamwari? Nguva dzose dzinofanira kuva dzezera rako here?

◻ Chii chaunofanira kuita kana shamwari iri munhamo yakakomba?

◻ Ndedzipi nzira ina dzokuita nadzo shamwari?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 66]

“Ini ndakadzidza zvinhu zvizhinji kune ‘shamwari’ dzangu itsva—kuba masiterio, kuchinjisa cheki dzakashata, kusvuta marijuana uye, pakupedzisira, mutoo wokutsigira nawo muitiro wemirimo we[Z$480] pazuva”

[Bhokisi riri papeji 68, 69]

Ndinofanira Kuzivisa Pamusoro Peshamwari Yangu Here?

Kana iwe ukaziva kuti shamwari yako yakanga ichipota ichibatikana mumirimo, ichiedza vatano, kunyengera, kana kuba—waizoudza mumwe munhu ane mutoro pamusoro pakwo here? Vazhinjisa havazati vangakuita, vachiomerera kumupimo wakati wokunyarara unowanzopararira pakati pepwere.

Dzimwe dzinotya kuva dzinopiwa chiratidzo chokuti “mucheri.” Dzimwe dzine pfungwa yoruvimbiko runoiswa pasipo. Dzichirangarira chirango sechimwe chinhu chinorwadza, dzinofunga kuti dzinoitira shamwari yadzo nyasha kupfurikidza nokufukidza zvinetso zvayo. Kupfuurira, kuputsa mupimo iwowo wokunyarara kunogona kuratidzirazve munhu kukunyomba kwavezera rake nokurashikirwa kunobvira kwoushamwari hwavo.

Hunyanguvezvo, apo pwere inonzi Lee yakaziva kuti shamwari yayo yakanakisisa, Chris, yakanga ichisvuta, yakasarudza kuita chiito. Anodaro Lee: “Hana yangu yakanga ichinditambudza nokuti ndaiziva kuti ndaitofanira kuudza mumwe munhu!” Imwe pwere yomunguva dzeBhaibheri yakanangana nomugariro wakafanana. “Josefa, apo akanga ava nezera ramakore ane gumi namanomwe, akanga achifudza makwai navakoma vake . . . Naizvozvo Josefa akaunza mushumo wakashata pamusoro pavo kuna baba vavo.” (Genesi 37:2) Josefa aiziva kuti kudai iye aizoramba akanyarara, garikano yomudzimu yavakoma vake yaizova inokuvadzwa.

Chivi isimba rinoodza, rinoshatisa. Kutoti bedzi shamwari inotadza ikagamuchira betsero—zvimwe muchimiro chechirango chakatsiga chapaMagwaro—iyo ingapindazve muushati hwakaipa zvikuru. (Muparidzi 8:11) Naizvozvo, kufukidza chakaipa cheshamwari hakuzati kuchiita zviduku bedzi asiwo kungaita kuvadziko isingarapiki.

Bhaibheri nokudaro rinoraira, kuti: “Hama, kunyange zvazvo kana munhu akatora nhano yakati isina kunaka iye asati aiziva, imi vane zvikwaniriso zvomudzimu edzai kugadziridza munhu wakadaro mumudzimu wounyoro.” (VaGaratia 6:1) Iwe unganzwa hako kuti hauna zvikwaniriso zvomudzimu zvokugadziridza shamwari inotadza. Asika hakuzati kwaizoita mufungo here kutarisira kuti nhau yacho inoshumwa kuno mumwe munhu ari anokwaniriswa kubetsera?

Nokudaro kuri madikanwa kuti iwe usvike shamwari yako ndokuratidzira mhaka yake. (Enzanisira naMateo 18:15.) Ikoku kuchada ushingi noutsungi kwauri. Iva akatsiga, uchipa ufakazi hunopwisa pamusoro pechivi chake, zvikurukuru kuzivisa zvaunoziva uye kuti wakasvika pakuchiziva sei. (Enzanisira naJohane 16:8.) Usavimbisa kuti hauzati uchizoudza munhu upi noupi, nokuti vimbiso yakadaro ingava isingashandi mumeso aMwari, uyo anoshora kufukidza chakaipa.—Zvirevo 28:13.

Zvimwe kusanzwisisa kwakati kuti kwakaitika. (Zvirevo 18:13) Kana kusina kudaro, uye chakaipa chichibatanidzwa zvomenemene, kungava kuti shamwari yako inosununguka kuita kuti chinetso chayo chibude pamhene. Iva muteereri akanaka. (Jakobho 1:19) Rega kuomesa kuyerera kwakasununguka kwokunzwa kupfurikidza nokushandisa kutaura kwokutonga, kwakadai sokuti, “Hauzati waifanira!” kana kutaura kwokukatyamadzwa, kwakadai sokuti, “Waigona sei!” Ratidzira kuzviisa munzvimbo yomumwe uye inzwa izvo shamwari yako inonzwa.—1 Petro 3:8.

Kazhinji kazhinji mugariro wacho unoda betsero yakawanda yaunokwanisa kupa. Ipapoka, omerera pakuti shamwari yako izivise chakaipa kuvabereki vayo kana kuvamwe vakuru vanovimbwa navo. Uye kana shamwari yako ikaramba kuita kudaro? Ita kuti izive kuti kana iyo isati ichijekesa nhau mukati menhambo yakati kuti yenguva, iwe, seshamwari yake yechokwadi, uchasungirwa kuenda kuno mumwe munhu nokuda kwake.—Zvirevo 17:17.

Pakutanga shamwari yako ingava isinganzwisisi chikonzero nei wakatora chiito chakadaro. Ingatova inoshatirwa ndokuchimbidzikira kugura ushamwari hwenyu. Asika Lee anoti: “Ndinoziva kuti ndakaita chinhu chakarurama kupfurikidza nokuudza mumwe munhu. Hana yangu yakanzwa zviri nani zvikuru nokuti Chris akanga achiwana betsero yaaida. Gare gare akauya ndokundiudza kuti iye haana kundishatirirwa nokuda kwokuita zvandakaita uye izvozvo zvakandisunungurawo.”

Kana muzivikanwi wako akapfuurira kushatirirwa zviito zvako zvoushingi, sezvinooneka iye akanga asati achitongova shamwari yechokwadi pakutanga. Asi iwe uchava negutsikano yokuziva kuti iwe wakabvumikisa ruvimbo rwako kuna Mwari uye wakazviratidzira umene kuva shamwari yechokwadi.

[Mufananidzo uri papeji 67]

Une chinetso mukuita shamwari here?

[Mufananidzo uri papeji 70]

Kufarira vamwe ndicho chinhu chinokosha pakutanga ushamwari

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe