Rwiyo 164
Vana—Zvipo Zvinokosha Zvinobva Kuna Mwari
1. Vana zvipo zvobva kuna Ja,
Vanofanira kurovedzwa.
Semiseve yowakasimba
Tovasvitsa kunharidzano.
Zvipo zvaMwari;
‘Shandisa shamhu.’
Tivatarisire norudo,
Rovedzo toinyengetera.
2. Makunzwa omwoyo wepwere
Kuabudisa kwoda nyanzvi.
Tikatanga vachivaduku
Togona kupinza zvokwadi.
To’svika mwoyo
Takurumidza.
Ngatitsamire pana Mwari,
Zvatoshandisa Shoko rake.
3. Nokukurukurirana’ku,
Vana vachasunungukawo
Kutaura vasina rutyo;
Tichavashamwari chaidzo.
Musavatuka.
Kurukurai.
Tiedze kusava nemhaka
Zvatotondeka miseve’yi.
4. Vana inhaka yedu kwazvo
Asi chaizvo ndevaMwari.
Zvibereko zvinopa tuso
Vakadzidziswa zvakanaka.
Ndozvatinoda
Kuti vadzidze.
Vimba naMwari ugotuswa.
Tirumbidze Mwari navana.