RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 2/15 pp. 8-11
  • Vabereki—Dzivirirai Vana Venyu!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vabereki—Dzivirirai Vana Venyu!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mirangariro yeAfrica Pamusoro Pedzidzo Yevatano
  • Nei Muchifanira Kurayiridza?
  • Kurukurirano Yakanaka
  • Vakadzivirirwa Uye Vanofara
  • Taura Nevana Vako Nyaya Dzebonde
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Ndingaita Sei Kuti Ndisabvume Kufurirwa Kuita Zvebonde?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Dzivirirai Mhuri Yenyu Papesvedzero Dzinoparadza
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Mungaita Sei Kuti Mhuri Yenyu Ifare?—Chikamu 2
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 2/15 pp. 8-11

Vabereki—Dzivirirai Vana Venyu!

MUCHIKORO chesekondari chomuNigeria, mumwe musikana akanga achizivikanwa nembiri younzenza aifarikanya kupa vanhukadzi vaaidzidza navo zano panhau dzevatano. Mumwe wemishonga yake yokubvisa pamuviri wakanga uri doro restout rakasanganiswa nefodya. Nhau dzake, dzaaisarudza mumabhuku ezvevatano, dzaifadza zvikuru vakawanda vevaaidzidza navo. Vamwe vakavamba kuedza vatano, uye mumwe wavo akava napamuviri. Kuti abvise pamuviri pacho, akanwa musanganiswa westout nefodya. Mukati memaawa mashomanene, akavamba kurutsa ropa. Mazuva mashomanene gare gare, akafira muchipatara.

Munyika yanhasi, pwere dzakawanda dzinoramba dzichitaura pamusoro pevatano, dzichiparadza vateereri vanodisa. Vaduku vanofanira kuenda kuna ani kuti vawane zivo yakarurama ichavadzivirira? Zvakaisvonaka sei pavanogona kutarira kuvabereki vavo vanoda Mwari, vane mutoro wokuvarera mu“kuranga nokurayira kwaShe.”—VaEfeso 6:4.

Mirangariro yeAfrica Pamusoro Pedzidzo Yevatano

Munyika yose, vabereki vakawanda vanozviwana zvakaoma zvikuru kukurukura nevana vavo nhau dzevatano. Izvi ichokwadi zvikurukuru muAfrica. Donald, vamwe baba vomuSierra Leone vakati: “Zvinenge zvisingatomboitwi. Harusi rutivi rwetsika yeAfrica kuita kudaro.” Mumwe mukadzi womuNigeria anonzi Confident anobvuma kuti: “Vabereki vangu vanoona vatano sechimwe chinhu chisingambofaniri kutaurwa nezvacho pachena; zvinoyera mutsika yedu.”

Mune dzimwe tsika dzeAfrica, zvinorangarirwa sezvinonyadzisa kutaura mashoko ane chokuita nevatano akadai sechirema, urume, kana kuti kuenda kumwedzi. Vamwe amai vechiKristu vakatorambidza mwanasikana wavo kushandisa shoko rokuti “vatano,” kunyange zvazvo vakataura kuti mwanasikana wacho aigona kushandisa shoko rokuti “ufeve.” Mukupesana, Shoko raMwari Bhaibheri rinotaura zvakajeka pamusoro pevatano nemitezo yevatano. (Genesi 17:11; 18:11; 30:16, 17; Revhitiko 15:2) Chinangwa cheizvi hachisi chokukatyamadza kana kuti kufadza asi kudzivirira nokurayiridza vanhu vaMwari.—2 Timotio 3:16.

Kunze kwetsika dzinoyera, chimwe chikonzero nei vamwe vabereki vachirega kutaura chakataurwa navamwe baba vokuNigeria: “Kana ndikakurukura pamusoro pevatano nevana vangu, zvingavanyandura kuita unzenza.” Asi mashoko ane chiremera, akavakirwa paBhaibheri pamusoro pevatano anokurudzira vana kuti vamhanyire kuedza here? Aiwa, haadaro. Kutaura idi, zvingatova kuti kana vaduku vane zivo shomanene, vangangopinda muchinetso. “Uchenjeri [hwakavakirwa pazivo yakarurama] chitaviridzo,” Bhaibheri rinodaro.—Muparidzi 7:12.

Mumuenzaniso waJesu, munhu akachenjera, achifanoona kubvira kwemadutu enguva yemberi, akavakira imba yake paruware nepo benzi rakavakira pajecha uye rakatambura ngwavaira. (Mateo 7:24-27) Nenzira yakafanana, vabereki vechiKristu vakangwara, vachiziva kuti vana vavo vachatarisana nezvinetso zvakafanana nedutu zvokuti vawirirane nemipimo yenyika younzenza, vanosimbisa vana vavo nezivo yakarurama nenzwisiso izvo zvichavabetsera kuramba vakasimba.

Chimwe chikonzero chokuwedzera nei vabereki vakawanda vasingakurukuri pamusoro pevatano nevana vavo chakataurwa nomumwe mukadzi womuAfrica: “Pandakanga ndiri pwere, vabereki vangu vari Zvapupu havana kukurukura nhau dzevatano neni, naizvozvo handifungi zvokukurukura zvinhu izvi nevana vangu.” Zvisinei, zvinetso zvakakura pavanhu vaduku vanhasi kupfuura zvazvakanga zvakaita pavanhu vaduku makore 10 kana kuti 20 apfuura. Izvi hazvishamisi. Shoko raMwari rakafanotaura kuti “namazuva okupedzisira . . . vanhu vakaipa navanyengeri vachanyanyisa pakuipa, vachitsausa vamwe nokutsauswa ivo.”—2 Timotio 3:1, 13.

Idi rokuti vana vakawanda vanozengurira kana kuti havakwanisi kutaura nechivimbo kuvabereki vavo rinowedzera chinetso chacho. Kurukurirano inoitwa navaviri kakawanda inova isina kunaka kunyange panhau duku. Imwe pwere ine makore 19 okukura yakachema kuti: “Handikurukuri zvinhu navabereki vangu. Hapana kurukurirano yakanaka pakati pangu nababa vangu. Havateereri.”

Vaduku vangatyawo kuti kubvunza pamusoro penhau dzevatano kuchaunza migumisiro yakaipa. Mumwe musikana ane makore 16 okukura akati: “Handikurukuri zvinetso zvevatano navabereki vangu nemhaka yenzira yavanodavidza nayo kuzvinhu zvakadaro. Imwe nguva yakapfuura mukoma wangu akabvunza Mai mimwe mibvunzo ine chokuita nevatano. Panzvimbo pokuti Mai vamubetsere nechinetso chake, vakanyumwira vavariro dzake. Kakawanda Mai vaindidana ndokubvunza pamusoro pomukoma wangu, padzimwe nguva vachifungira zvakaipa tsika dzake. Handidi kuisa mungozi kurasikirwa nokundida kwaMai, nokudaro handitauri navo zvinetso zvangu.”

Nei Muchifanira Kurayiridza?

Kurayiridza vana vedu kusvika kumwero wakakwana munhau dzevatano hakusi hako chinhu chakarurama chomutsa asi chinhu chakanaka chokuita. Kana vabereki vakasadzidzisa vana vavo pamusoro pevatano, vamwe vachaita kudaro—kazhinji kazhinji nokukurumidza kupfuura zvinokarira vabereki uye zvinenge zvisingambowirirani nenheyo dzaMwari. Mumwe musikana ane makore 13 okukura akaita ufeve nemhaka yokuti akaudzwa nowaaidzidza naye pachikoro kuti kana akasarasikirwa noumhandara hwake, aizotambura marwadzo akakomba munguva yemberi. “Vachacheka umhandara hwako nechigero,” akaudzwa kudaro. Paakabvunzwa gare gare chikonzero nei asina kuudza mai vake vechiKristu zvaakanga anzwa, musikana wacho akapindura kuti nhau dzakadaro dzaisambokurukurwa navanhu vakuru.

Mumwe musikana womuNigeria akati: “Shamwari dzangu dzokuchikoro dzakaedza kundipwisa kuti vatano chakanga chiri chimwe chinhu icho vanhu vose vakakwana vanofanira kuita. Vakandiudza kuti kana ndikasaita vatano zvino, pandinosvika makore 21 ezera, ndaizotanga kuva nechirwere chaizova nomugumisiro une ngwavaira pakuva mukadzi kwangu. Nokudaro, kuti ndidzivise ngozi yakadaro, vakati, zvakanga zvakanaka kuti ndiite vatano ndisati ndaroorwa.”

Achiva nekurukurirano yakanaka navabereki vake, akakurumidza kuziva kuti zvakanga zvichipesana nezvaakanga adzidza kumba. “Senguva dzose, ndakadzokera kumba ndokuudza mai vangu zvavakanga vandiudza kuchikoro.” Mai vake vakakwanisa kukurira mashoko enhema.—Enzanisa naZvirevo 14:15.

Kupfurikidza nokupa zivo inodikanwa kubetsera vana kuwana uchenjeri hwaMwari munhau dzevatano, vabereki vanovashongedzera kuti vazive mamiriro ezvinhu ane ngozi uye kuti vazive vanhu vanoshuva kuvashandisa zvakaipa. Zvinobetsera kuvadzivirira panhamo yezvirwere zvinopiwa muvatano uye pamuviri pasingadiwi. Zvinowedzera kuzviremekedza kwavo uye ruremekedzo rwavanowana kune vamwe. Zvinovasunungura pamirangariro yakaipa uye kufunganya. Zvinokurudzira murangariro wakanaka, wechokwadi pamusoro pevatano yakarurama, zvichiwedzera mufaro kana vakaroora kana kuti kuroorwa gare gare. Zvinogona kuvabetsera kuchengeta chimiro chinotenderwa naMwari. Uye sezvo vana vanoona kuitira hanya kworudo kuchiratidzirwa kwavari, zvinogona kuvasunda kuremekedza nokuda vabereki vavo zvikuru.

Kurukurirano Yakanaka

Kuti vabereki vape zano rakafanira zvinodikanwa zvavana vavo, panofanira kuva nekurukurirano yavaviri. Kutoti kana vabereki vachiziva zviri mundangariro nomwoyo zvavana vavo, kunyange zano rakanaka ringabetsera zvishoma, kungofanana nachiremba anoedza kupa mushonga asingazivi rudzi rwechirwere chomurwere wacho. Kuti vave vapi vezano vanobudirira, vabereki vanofanira kuziva zvinofunga vana vavo chaizvoizvo uye manzwire avanoita. Vanofanira kunzwisisa dzvinyiriro nezvinetso zviri kutarisana nevana vavo uye mibvunzo iri kuvanetsa. Zvinokosha kuteerera vana nokungwarira, ku“kurumidz[a] kunzwa, [ku]nonok[a] kutaura.”—Jakobho 1:19; Zvirevo 12:18; Muparidzi 7:8.

Zvinoda nguva, shiviriro, uye nhamburiko kuti vabereki vasakurire ndokuchengeta ukama hwapedyo nevana vavo, ukama umo vana vanonzwa vakasununguka kutaura mirangariro yavo yomukatikati. Asi izvi zvakazonaka apo zvinoitwa! Vamwe baba vevana vashanu vokuWest Africa vanoti: “Ndiri zvose zviri zviviri baba neanovimbwa naye. Vana vanokurukura neni vakasununguka nhau dzose, kubatanidza vatano. Kunyange vasikana vanotaura neni nechivimbo. Tinowana nguva yokukurukura zvinetso zvavo. Vanogoveranawo mifaro yavo neni.”

Bola, mumwe wevanasikana vake, anoti: “Handivanziri baba vangu chinhu chipi nechipi. Baba vanorangarira uye vanonzwira tsitsi. Havatishushi kana kuti kutibata nehasha, kunyange patinenge taita zvakaipa. Panzvimbo pokushatirwa, vachanzvera nhau yacho ndokutiratidza zvatinofanira kuita kana kuti zvatanga tisingafaniri kunge taita. Vanowanzonongedzera kubhuku raUpwere uye bhuku raMufarwa Wemhuri.”a

Pazvinobvira, zvakanaka kuti vabereki vatange kutaura nevana vavo pamusoro pevatano apo vana vanenge vari vaduku zvikuru. Izvi zvinoisa hwaro hwekurukurirano dzinopfuurira mumakore anowanzova akaoma zvikuru ouduku. Apo kurukurirano dzisingatangwi nokukurumidza, pane dzimwe nguva zvinonyadzisa kuzodzitanga gare gare, asi zvinogona kuitwa. Vamwe mai vevana vashanu vakati: “Ndakazvimanikidza kutaura pamusoro pazvo kusvikira pakupedzisira ndisingachanyari, uye mwana asingachanyariwo.” Nezvakawanda kwazvo zviri mungozi, nhamburiko dzakadaro zvechokwadi dzakafanira.

Vakadzivirirwa Uye Vanofara

Vana vanoonga vabereki vanovashongedzera nenzira yorudo nezivo ichavadzivirira. Rangarira tsinhiro dzakaitwa nezvimwe Zvapupu zvomuAfrica zvaJehovha:

Mojisola pazera ramakore 24 akati: “Ndicharamba ndichionga mai vangu. Vakandipa dzidzo inodikanwa pamusoro pevatano panguva yakarurama. Kunyange zvazvo ndainyara pavaikurukura nhau idzodzo kare, zvino ndinoona zvinhu zvakanaka zvandakaitirwa namai vangu.”

Iniobong akawedzera kuti: “Nguva dzose ndinofara pandinotarira shure ndokufunga zvandakaitirwa naMai kupfurikidza nokundipa rovedzo yakakwana pamusoro pevatano. Yave iri yamuro inokosha zvikuru mukunditungamirira kuva mukadzi. Ndinopika kuita zvimwe chetezvo kuvana vangu vomunguva yemberi.”

Kunle ane makore gumi nemapfumbamwe okukura akati: “Vabereki vangu vakandibetsera kukurira zvinetso zvinobva kuvakadzi vokunyika zvokuita vatano yemadiro. Kudai vasina kundirovedza, ndingadai ndakawira muchivi. Ndicharamba ndichionga zvavakaita.”

Christiana akati: “Ndinowana betsero dzakazowanda nokukurukura namai vangu pamusoro pevatano. Ndakadzivirirwa pazvirwere zvinouraya uye pamuviri pasingadiwi, uye ndakakwanisa kugadzira hanzvadzi dzangu duku nevanin’ina muenzaniso wakanaka wokuti vatevere. Ndakaremekedzwawo nevanhu, uye murume achandiroora achandiremekedzawo. Zvinokosha zvikuru, ndine ukama hwakanaka naJehovha Mwari nemhaka yokuchengeta murayiro wake.”

Bola, ambodudzwa pakuvamba, akati: “Ndakanga ndine wandaidzidza naye mukirasi aitaura kuti vatano inofanira kufarikanywa pasina kuzvipira kupi nokupi kuroorano. Kwaari, yaifadza. Zvisinei, akaziva kuti yakanga isingafadzi paakava napamuviri uye asingagoni kunyora zamanishoni yechikoro nesu. Kudai ndisina kuva nababa vakanaka vakanditungamirira, zvichida ndingadai ndakava saiye, ndichidzidza nenzira yakaoma.”

Chikomborero chakadini apo vabereki vechiKristu vanobetsera vana vavo kuva no“uchenjeri hunoisa kukuponeswa” munyika ino yapenga nevatano! (2 Timotio 3:15) Murayiridzo wavo wakavakirwa paBhaibheri wakafanana nenekiresi inokosha iyo inoshongedza ndokunatsa vana mumeso aMwari. (Zvirevo 1:8, 9) Vana vanonzwa vakachengeteka, uye vabereki vanofarikanya gutsikano huru. Vamwe baba vomuAfrica avo vanovavarira nguva dzose kukurukura nevaduku vavo vakati: “Tine rugare rwendangariro. Tine chivimbo kuti vana vedu vanoziva zvinofadza Jehovha; havagoni kutsauswa nevanhu vokunze. Tine chivimbo chokuti havazoiti zvinhu zvicharwadzisa mhuri yacho. Ndinoonga Jehovha kuti vakaruramisa chivimbo chedu.”

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Mufananidzo uri papeji 10]

Pwere dzechiKristu dzinogamuchira mashoko akavakirwa paBhaibheri anobva kuvabereki dzinogona kuramba mashoko anovhiringidza anotaurwa nedzimwe pwere

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe