RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 5/15 pp. 7-9
  • Juniki naRoisi—Vadzidzisi Vomuenzaniso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Juniki naRoisi—Vadzidzisi Vomuenzaniso
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Dzidzo “Kubvira Paucheche”
  • Kuenda kwaTimotio
  • Zvidzidzo Zvinokosha
  • Vanaamai—Dzidzai Pamuenzaniso waYunisi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • “Mwana Wangu Wandinoda, Akatendeka munaShe”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Timoti Aida Kubatsira Vanhu
    Dzidzisai Vana Venyu
  • Vaduku—Rongai Zvinangwa Zvinokudza Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 5/15 pp. 7-9

Juniki naRoisi—Vadzidzisi Vomuenzaniso

Sevabatiri vaJehovha, tinoziva kuti kugovera dzidzo yorudzidziso inobudirira nokuda kwavana vedu mutoro wakakomba. Kunyange munguva dzakanakisisa, basa iri ringava rakazadzwa nemarudzi ose emhinganidzo nezvinetso. Izvi zvakatooma zvikuru apo mubereki wechiKristu anenge achitarisana nedenho iyoyo mumhuri yakakamukana mune zvorudzidziso. Mamiriro ezvinhu akadaro haasi matsva. Magwaro anotiudza pamusoro pomumwe mubereki akazviwana ari munzvimbo yakafanana muzana rokutanga ramakore C.E.

Mhuri yomumwe mukadzi ainzi Juniki yaigara muRistra, rimwe guta raiva munharaunda yeRikaonia kumaodzanyemba ari pakati peAsia Minor. Ristra rakanga riri guta duku reruwa risingakoshi zvikuru. Rakanga riri nyika yeRoma yainzi Julia Felix Gemina Lustra, yakawanwa naAugusto Kesari kuti adzivise mibato yematsotsi munharaunda dzakapoteredza. Juniki wakanga ari muKristu wechiJudha aigara mumhuri yakakamukana mune zvorudzidziso nomurume wake wechiGiriki, mwanakomana wake Timotio, uye mai vake Roisi.—Mabasa 16:1-3.

Sezvingabvira, kwakanga kune vaJudha vashomanene vaiva muRistra, sezvo Bhaibheri risingadudzi nezvesinagoge ikoko, kunyange zvazvo kwakanga kune vanhu vechiJudha muIkonio, kure namakiromita 30. (Mabasa 14:19) Naizvozvo zvinofanira kuva zvakanga zvisiri nyore kuti Juniki ashandise kutenda kwake. Idi rokuti mwanakomana wake Timotio, akanga asina kudzingiswa pashure pokunge aberekwa rakaita kuti dzimwe nyanzvi dzifungidzire kuti murume waJuniki akanga ashora pfungwa iyoyo.

Zvisinei, Juniki akanga asiri oga muzvitendero zvake. Zvinoratidzika sokuti Timotio akagamuchira murayidzo wake mu“manyoro matsvene” kwose kuri kuviri kuna mai vake uye kuna mbuya vake mai vamai vake, Roisi.a Muapostora Pauro akarayira Timotio kuti: “Rambira pane zvawakadzidza nezvawakatendiswa, uzive kuti wakazvidzidza kuna ani, kuti kubvira paucheche hwako wakaziva Manyoro Matsvene anogona kukupa uchenjeri hunoisa kukuponeswa nokutenda kuri muna Kristu Jesu.”—2 Timotio 3:14, 15.

Dzidzo “Kubvira Paucheche”

Apo Pauro akataura kuti dzidzo yaTimotio mu“Manyoro Matsvene” yakanga yapiwa “kubvira paucheche,” sezviri pachena izvi zvaireva kuti kubvira achiri rusvava. Izvi zviri maererano nokushandisa kwake shoko rechiGiriki (breʹphos) iro rinowanzonongedzera kurusvava. (Enzanisa naRuka 2:12, 16.) Nokudaro Juniki akarangarira mutoro wake wakapiwa naMwari nenzira yakakomba, asingapambadzi nguva kupa Timotio rovedzo yaizomubetsera kukura kuva mubatiri akazvipira waMwari.—Dheuteronomio 6:6-9; Zvirevo 1:8.

Timotio akanga “atendiswa” zvokwadi dzeMagwaro. Maererano nerimwe duramashoko rechiGiriki, shoko rakashandiswa naPauro pano rinoreva “kunyengetedzwa zvakasimba nezve; kuva nechokwadi che”chimwe chinhu. Pasina mubvunzo, nguva nenhamburiko zvakati zvaidikanwa kuti zvitange chitendero chakasimba chakadaro mumwoyo waTimotio, zvichimubetsera kurangarira Shoko raMwari ndokushandisa kutenda mariri. Sezviri pachena, ipapo, vose vari vaviri Juniki naRoisi vakashanda zvakaoma kuti vadzidzise Timotio muMagwaro. Uye mubayiro wakadini wakawanwa nevakadzi ivavo vanoda Mwari! Pauro aigona kunyora nezvaTimotio kuti: “Ndichiyeuchidzwa kutenda kusinganyengeri kuri mauri, kwaimbogara muna mbuya vako, vaRoisi, nomuna mai vako, vaJuniki, kwandinoziva kwazvo kuti kunogarawo mauri.”—2 Timotio 1:5.

Ibasa rinokosha zvakadini rakaitwa naJuniki naRoisi muupenyu hwaTimotio! Munhau iyi, munyori David Read anoti: “Kudai muapostora aidavira kuti hapana chinhu chaikosha kunze kworuzivo rwokuzviwanira rwaTimotio pachake rwokutendeuka, angadai akamuyeuchidza nezvazvo pakarepo. Asi chinhu chokutanga chaanofanira kutaura pamusoro pokutenda kwaTimotio chakanga chiri chokuti kwakanga kwatova ‘kupenyu muna Roisi . . . naJuniki.’” Kutaura kwaPauro pamusoro pokutenda kwaRoisi, Juniki, uye Timotio kunoratidza kuti kakawanda dzidzo yapakuvamba yeMagwaro inopiwa kumba navabereki uye kunyange vanasekuru nambuya inokosha zvikuru mukusarudza kariro dzomudzimu dzeramangwana romunhu muduku. Izvozvo hazvifaniri kuita kuti mitezo yemhuri ifunge zvakakomba pamusoro pezvairi kuita kuti iite iri basa kuna vose vari vaviri Mwari nevana vavo here?

Zvichida Pauro akanga ari kufungawo nezverudzi rwemhoteredzo yapamusha iyo Roisi naJuniki vakanga vaparira. Muapostora angava akashanyira musha wavo mukati mokugara kwake kwokutanga muRistra, munenge muna 47/48 C.E. Vakadzi vacho vaviri zvimwe vakatendeukira kuchiKristu panguva iyoyo. (Mabasa 14:8-20) Zvichida ukama hwoushamwari, hunofadza hwaifarikanywa mumhuri iyoyo hwakapesvedzera kusarudza mashoko kwaPauro paainongedzera kuna Roisi sa“mbuya” vaTimotio. Maererano nenyanzvi Ceslas Spicq, shoko rechiGiriki raakashandisa (mamʹme, mukupesana nerounyanzvi uye rokuremekedza teʹthe) i“shoko romwana rokuda” nokuda kwambuya vake, iro mumashoko akapoteredza pano rinoreva “musiyano wokurovedzana nechidakadaka.”

Kuenda kwaTimotio

Kuti mamiriro eroorano yaJuniki akanga akadini chaizvo apo Pauro akashanyira Ristra kechipiri (munenge muna 50 C.E.) hazvina kujeka. Nyanzvi dzakawanda dzinofungidzira kuti akanga ari chirikadzi. Muchiitiko chipi nechipi, munhungamiro yamai vake nambuya, Timotio akanga akura kuva murume muduku akanaka, zvichida ane makore anenge 20 okukura pakasvika nguva iyoyo. Iye “waipupurirwa zvakanaka nehama dzapaRistra neIkonio.” (Mabasa 16:2) Sezviri pachena, chishuvo chokuparadzira mashoko akanaka oUmambo chakanga chasimwa mumwoyo maTimotio, nokuti akagamuchira kokero yaPauro yokuenda naye naSirasi parwendo rwavo rwoufundisi.

Fungidzira kuti Juniki naRoisi vakanzwa sei apo Timotio akanga oda kuenda! Vaiziva kuti pashanyo yaPauro yokutanga kuguta ravo, muapostora akanga atakwa namabwe uye aitwa kafiramberi. (Mabasa 14:19) Naizvozvo zvinofanira kuva zvakanga zvisiri nyore kuti varege muduku Timotio achienda. Sezvingabvira, vainetseka kuti aizova asipo kwenguva yakareba sei uye kana aizodzoka akakotsekana. Pasinei zvapo nefunganyo dzakadaro dzinobvira, mai vake nambuya pasina mubvunzo vakamukurudzira kugamuchira iyi ropafadzo chaiyo yaizomugonesa kubatira Jehovha zvakazara zvikuru.

Zvidzidzo Zvinokosha

Zvakawanda zvinogona kudzidzwa mukurangarira Juniki naRoisi kwokungwarira. Kutenda kwakavasunda kuti varere Timotio zvakasimba mumudzimu. Muenzaniso wokukura mumudzimu, wakadzikama wokuzvipira kuna Mwari uyo vanasekuru navanambuya vanogadzira vazukuru vavo navamwe unogona kuva unobetsera zvirokwazvo ungano yose yechiKristu. (Tito 2:3-5) Muenzaniso waJuniki nenzira yakafanana unoyeuchidza vanamai vane varume vasingatendi nezvemutoro nemibayiro zvokupa murayiridzo womudzimu kuvana vavo. Kuita izvi kungada kushinga zvikuru padzimwe nguva, zvikurukuru kana baba vacho vasingafariri zvikuru zvitendero zvorudzidziso rwomukwanyina wavo. Zvinodawo unyanzvi, sezvo mudzimai wechiKristu achifanira kuremekedza umusoro hwomurume wake.

Kutenda, nhamburiko, uye kuzviramba kwaRoisi naJuniki zvakatuswa kupfurikidza nokuona kwavo Timotio achiita fambiro mberi yomudzimu kusvikira pakuva mufundisi akaisvonaka uye mutariri. (VaFiripi 2:19-22) Nenzira yakafanana nhasi, kudzidzisa zvokwadi dzeMagwaro kuvana vedu kunoda nguva, shiviriro, uye kutsunga, asi mugumisiro wakaisvonaka unoita kuti nhamburiko yose ive yakafanira zvechokwadi. Pwere dzechiKristu dzakawanda dzomuenzaniso dzakadzidziswa ‘manyoro matsvene kubvira paucheche’ mumhuri yakakamukana mune zvorudzidziso dzinounza mufaro mukuru kuvabereki vadzo vanoda Mwari. Uye ndechechokwadi zvikuru chirevo chinoti: ‘Uyo anobereka mwana akachenjera uchafara’!—Zvirevo 23:23-25.

Muapostora Johane akati nezvevana vake vomudzimu: “Handina mufaro unopfuura uyu, wokuti ndinzwe kuti vana vangu vanofamba muzvokwadi.” (3 Johane 4) Zvechokwadi, mufungo wakataurwa mumashoko iwayo unogoveranwa navakawanda vakabvumikisa kuva saJuniki naRoisi, vadzidzisi vaviri vomuenzaniso.

[Mashoko Omuzasi]

a Kuti Roisi akanga asiri mai vababa vaTimotio zvinoratidzirwa neshanduro yechiSiria “mai vamai” iri pana 2 Timotio 1:5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe