Kudzidza Bhurocha raRambai Makarinda!
Pasi pose ungano dzichadzidza bhurocha raRambai Makarinda! kubva muvhiki yaMay 23 kusvika kune yaJune 20, 2005, paChidzidzo Chebhuku Cheungano. Tapota shandisai mibvunzo inotevera pamunenge muchigadzirira uye pamunenge muchiitisa musangano uyu. Pamunenge muchidzidza, verengai mashoko akadhindwa, uye verengai magwaro aripo kana nguva iripo.
Vhiki yaMay 23
◼ Mapeji 3-4: Mamiriro ezvinhu api akanyorwa pano akava nechokuita noupenyu hwako zvakanyanya? Chii chinokuratidza kuti aya mamiriro ezvinhu haasingori zviitiko zvepanzvimbo iri kwayo yoga?
◼ Peji 5: Chii chinoita kuti utende kuti Mwari ane hanya zvechokwadi? Chii chingaratidza kuti tine hanya zvakadini naMwari uye nezvaari kuita?
◼ Mapeji 6-8: Mateu 24:1-8, 14 inotii nezvemamiriro akaita zvinhu munyika ino? Sezvinoratidzwa na2 Timoti 3:1-5, iye zvino tiri kurarama munguva ipi? Aya mazuva okupedzisira echii? Chii chinoita kuti utende kuti chaizvoizvo Bhaibheri iShoko raMwari? Umambo hwatinoparidza nezvahwo chii?
◼ Mapeji 9-10: Nei tichifanira kunyatsofungisisa zvatinosarudza zuva nezuva uye zvatinokoshesa muupenyu? (VaR. 2:6; VaG. 6:7) Sezvaunodzokorora mibvunzo iri papeji 10, magwaro api anouya mupfungwa dzako anofanira kukubatsira pane zvaunoita?
Vhiki yaMay 30
◼ Peji 11: Nei tichifanira kufungisisa somunhu oga mibvunzo iri papeji ino? (1 VaK. 10:12; VaEf. 6:10-18) Mhinduro dzedu kumibvunzo iyi dzinoratidzei nezvokuti tinokoshesa sei zano raJesu riri pana Mateu 24:44?
◼ Mapeji 12-14: “Awa yokutonga” inotaurwa pana Zvakazarurwa 14:6, 7 chii? Chii chinorehwa ‘nokutya Mwari nokumupa mbiri’? Bhabhironi Guru chii, uye chii chichaitika kwariri? Iye zvino tinofanira kuitei nezveBhabhironi Guru? Chii chimwe chinotaurwa muawa yokutonga yakafanotaurwa? Kusaziva kwedu “zuva racho kana awa yacho” yokutonga kwaMwari kwakafanotaurwa kunoita kuti tinzwe sei? (Mat. 25:13)
◼ Peji 15: Nyaya youchangamire chii, uye inoita kuti tinzwe sei somunhu oga?
◼ Mapeji 16-19: Chii chinonzi “matenga matsva” uye “pasi idzva”? (2 Pet. 3:13) Ndiani anopikira zvinhu izvi? Matenga matsva nepasi idzva zvichachinjei? Zvichatibatsira here somunhu mumwe nomumwe?
Vhiki yaJune 6
◼ Mapeji 20-1: Jesu akapa vateveri vake vomuzana remakore rokutanga nyevero ipi yokutiza? (Ruka 21:20, 21) Kutiza kwakadaro kwaizofanira kuitika rini? Nei vaifanira kukurumidza kutiza? (Mat. 24:16-18, 21) Nei vanhu vakawanda vasingateereri nyevero? Zviuru zvevanhu muChina nePhilippines zvakabatsirwa sei nokuteerera nyevero dzakavimbika? Nei zviri zvokukurumidzira zvikuru kuteerera nyevero yeBhaibheri nezvomugumo wenyika ino? Tichifunga nezvokukurumidzira uku kukuru, tine mutoro wei? (Zvir. 24:11, 12)
◼ Mapeji 22-3: MuAustralia muna 1974 uye muColombia muna 1985, nei vanhu vakawanda vasina kukoshesa nyevero yenjodzi yaizovapo, uye zvakaguma nei? Unofunga kuti waizodai wakaita sei paipiwa nyevero iyi, uye nei? Chii chinoratidza kana taizoteerera nyevero yomuzuva raNoa? Nei vanhu vaida kurarama muguta rekare reSodhomu nenzvimbo dzakaripoteredza? Tinobatsirwa sei nokufungisisa nezvezvakaitika muSodhomu?
Vhiki yaJune 13
◼ Mapeji 24-7: Shandisa “Mibvunzo Yechidzidzo” chacho iri papeji 27.
Vhiki yaJune 20
◼ Mapeji 28-31: Shandisa “Mibvunzo Yechidzidzo” chacho iri papeji 31.
Kudzidza kwedu bhurocha racho kuchatibatsira kuti ‘tirambe takarinda’uye tova vakagadzirira. Ushumiri hwedu hwepachena ngahugare huchiratidza kutaura kwokukurumidzira kwengirozi yakati: “Ityai Mwari mumupe mbiri, nokuti awa yokutonga kwake yasvika.”—Mat. 24:42, 44; Zvak. 14:7.