RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/05 p. 3
  • Vanhu Vose Vachaponeswa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanhu Vose Vachaponeswa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Mashoko Akafanana
  • Unongoona Bedzi Chitarisiko Chokunze Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Unoona Chitarisiko Chokunze Chete Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Usatonga Nezvinooneka Kunze
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Unoona Vamwe Sezvinoita Jehovha Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
km 4/05 p. 3

Vanhu Vose Vachaponeswa

1. Kufarirwa kwedu naMwari kunobva pachii?

1 Mutsa usina kufanirwa waMwari wakaita kuti tiponeswe. Jehovha anoda kuti “vanhu vose vaponeswe uye vasvike pazivo yakarurama yechokwadi.” (1 Tim. 2:3, 4) Kufarirwa kwedu naMwari hakubvi parudzi rwedu, chinzvimbo chedu munzanga, zvatinokwanisa kuita, kana kuti zvatiri nechokunze, asi kunobva pakutenda muchibayiro chorudzikinuro chaJesu. (Joh. 3:16, 36) Sevanhu vanoshanda pamwe naMwari, hatimbofaniri kusarura, izvo zvingazoita kuti mwoyo yedu irambe vanhu avo Jehovha anoda kugamuchira.

2, 3. Chii chingatibatsira kuti tisatonge vanhu nokungoona zvavari nechokunze?

2 Musatonga: Jehovha anotarira zvakaita vanhu nechomukati, asingaiti utsinye kana kusarura. (1 Sam. 16:7) Anoonawo zvavangagona kuzova. Saka, anoona vaya vanoda kumufadza sevanokosha. (Hag. 2:7) Tinoona vamwe semaonero anoita Mwari here?

3 Vamwe vanhu vatinosangana navo muushumiri vangatishamisa nechitarisiko chavo. Vangapfeka zvine uyanga, kana zvisina mwero, ndebvu dzakangoti nyangarara, kana kupfeka rin’i pamhuno kana pamuromo. Vamwe vangave vasina pokugara. Vamwe vangatiitira hasha. Pane kuti titonge vakadaro tichiti havangambovi vanamati vaJehovha, tinofanira kuva nemafungiro akanaka, “nokuti kunyange isu taimbova mapenzi, tisingateereri, [uye] tichitsauswa.” (Tito 3:3) Tichiziva izvi, tichada kuparidzira vanhu vose, kunyange vaya vangaratidzika sevasingakodzeri pamusana pezvavari nechokunze.

4, 5. Tinodzidzei kubva pamuenzaniso waJesu nowaPauro?

4 Mienzaniso Yomuzana Remakore Rokutanga: Jesu Kristu aida kubatsira vaya vangave vainzi nevamwe havazombofi vakachinja. (Ruka 8:26-39) Kunyange akanga asingaregereri zviito zvakaipa, aiziva kuti vanhu vaigona kurarama nenzira yakaipa. (Ruka 7:37, 38, 44-48) Saka, akanzwisisa, “akasiririswa navo, nokuti vakanga vakaita semakwai asina mufudzi.” (Mako 6:34) Tinogona kunyatsotevedzera muenzaniso wake here?

5 Muapostora Pauro akatemwa nematombo, akarohwa, uye akaiswa mujeri. (Mab. 14:19; 16:22, 23) Zviitiko zvinorwadza izvi zvakaita kuti agumbuke uye agumise kuti akanga achipedza nguva yake pakati pemamwe marudzi nemapoka emadzinza here? Aiwa. Aiziva kuti vanhu vane mwoyo yakatendeseka vaigona kuwanika pakati pemapoka emadzinza ose, uye aiva akatsunga kuvawana. Iwayo ndiwo maonero atinoita vaya vari mundima yedu vanobva mumamiriro ezvinhu netsika zvakasiyana-siyana here?

6. Maitiro edu angaitei pane vatsva kumisangano yeungano?

6 Kugamuchira Vamwe Nhasi: Vanhu vaMwari vakawanda vanofara kuti vakagamuchirwa muungano nehama nehanzvadzi dzisina kungotarira zvavari nechokunze. Mumwe murume aiva nendebvu dzakati nyangarara uye bvudzi raisvika mumapfudzi, akapfeka mbatya dzakasviba, akasvika paImba yoUmambo kuGermany. Aiva nomukurumbira wakashata. Kunyange zvakadaro, akagamuchirwa noushamwari pamusangano wacho. Akazvifarira chaizvo zvokuti akadzokazve vhiki yakatevera. Pasina nguva, akagadzirisa chitarisiko chake, akarega kusvuta, uye akachata nomukadzi waaigara naye. Nenguva isipi, ivo nevana vavo vakanga vava kushumira Jehovha semhuri yakabatana.

7. Tingatevedzera sei Mwari wedu asingasaruri?

7 Tichitevedzera Mwari wedu asingasaruri, ngatikoke vanhu kuti vabatsirwe nomutsa usina kufanirwa waMwari waanopa vanhu vose.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 3]

“Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.”—Mab. 10:34, 35.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe