RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/05 pp. 4-5
  • Ngatichengetei Nzvimbo Yedu Yokunamatira Yakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ngatichengetei Nzvimbo Yedu Yokunamatira Yakanaka
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
km 4/05 pp. 4-5

Ngatichengetei Nzvimbo Yedu Yokunamatira Yakanaka

1. Nei kuchengeta Imba yoUmambo yakachena uye ichitaridzika zvakanaka kuchikosha?

1 Zvinoitwa kuti Imba yoUmambo igare yakanaka zvinokosha mubasa redu dzvene. (Ona bhuku raHushumiri Hwedu mapeji 61-2.) Sezvo Imba yoUmambo ichishandiswa kanoverengeka vhiki imwe neimwe, inofanira kugara ichicheneswa nokugadziriswa. Kazhinji vanhu vanozvipira vomuungano dzinopindira muImba yoUmambo iyi ndivo vanoita izvi. Somunguva inotaurwa muBhaibheri, nhasi vashumiri vaJehovha vanofanira kushingaira ku“vandudza nokugadzirisa” nzvimbo yedu yokunamatira.—2 Mak. 34:10.

2. Kucheneswa kweImba yoUmambo kunorongwa sei, uye ndivanaani vangaitawo basa iri?

2 Purogiramu yokuchenesa Imba yoUmambo vhiki nevhiki inofanira kunamirwa pachikwangwani chemashoko. Mapoka ose ezvidzidzo zvebhuku anofanira kuchinjana kuchenesa imba yacho vhiki imwe neimwe, achiita zvinhu zvakarongwa kuti zviitwe. Vose vanokwanisa vanofanira kushandawo mubasa revhiki nevhiki rokuchengeta Imba yoUmambo yakachena uye ichitaridzika zvakanaka. Vabereki vangashandawo nevana, vachivatarisira nokuvadzidzisa kukoshesa ropafadzo iyi. Zvikurukuru kana ungano dzinopfuura imwe dzichishandisa Imba yoUmambo imwe chete, kushandira pamwe kwakanaka kunokosha kuitira kuti kuitwa kwebasa iri rinokosha rokunamata kwedu kusangoitwa nevashomanana chete.

3. Chii chinofanira kuitwa kuitira kuti ungano izive zvokuita painenge ichichenesa chivako chacho?

3 Pepa rezvinhu zvinofanira kuitwa ringanamirwa, zvichida panzvimbo inochengeterwa zvokushandisa. Pepa iri rinofanira kutsanangura mabasa anofanira kuitwa vhiki nevhiki, kusanganisira kutsvaira, kuchenesa mahwindo, kupukuta pamusoro pemakaunda, kurasa marara ari mumabhini, kukorobha uriri, uye kuchenesa magirazi. Mamwe mabasa angasada kuitwa nguva dzose, akadai sokupukuta fenicha yemapuranga ipi neipi uye kunyatsochenesa macheya, maketeni, mablinds, uye panopfekerwa magirobhu. Mishonga yose inoshandiswa pakuchenesa inofanira kuchengeterwa pasingasviki vana uye inofanira kunyorwa zvakajeka. Panofanira kupiwa tsanangudzo pfupi yokuti mushonga mumwe nomumwe unoshandiswa sei.

4. Kuchengeteka kunokosha zvakadini, uye zvii zvinofanira kuongororwa nguva nenguva? (Ona bhokisi riri papeji ino.)

4 Kudzivirira njodzi paImba yoUmambo kunokosha zvikuru. (Dheut. 22:8) Maererano neizvi, bhokisi riri papeji ino rinoronga zvinhu zvinofanira kugara zvichiongororwa nguva nenguva kuitira kuti njodzi dzidzivirirwe.

5. Basa rokugadzirisa Imba yoUmambo rinotarisirwa sei?

5 Kutarisira Imba yoUmambo: Dare revakuru rine mutoro wokuona nezvokutarisirwa kweImba yoUmambo. Kazhinji, mukuru kana kuti mushumiri anoshumira anosarudzwa kuti atarisire basa racho. Anoronga kushanda kwezuva nezuva kweImba yoUmambo, achiva nechokwadi chokuti inochengetwa yakachena uye yakanaka uye kuti pane zvokushandisa zvakakwana. Zvinokosha kuti pasava nezvinhu zvinogona kukonzera njodzi muimba yacho kana kuti pachivanze. Kana ungano mbiri kana kupfuura dzichishandisa imba imwe chete, matare evakuru anosarudza dare rinotarisira kushanda kwayo kuti rironge zvirongwa zvokutarisira chivako chacho uye zvinhu zviripo. Dare iri rinoshanda richitungamirirwa nematare evakuru.

6. (a) Chii chinoitwa gore negore kuti pave nechokwadi chokuti Imba yoUmambo inochengetwa yakanaka? (b) Zvii zvinoda kugara zvichiongororwa nguva nenguva? (Ona bhokisi riri papeji ino.)

6 Imba yoUmambo inoongororwa zvakadzama gore negore. Vakuru vane mutoro wokuita zvirongwa zvokunyatsotarisira zvinhu zvipi nezvipi zvinoda kutarisirwa. Vaparidzi vangakumbirwa kubatsira pane zvinoda kugadziriswa. Vose vanofanira kuedza kugadzirisa kunyange zvinhu zviduku uye vanofanira kukurumidza kutarisira zvinhu zvinoda kugadziriswa.

7. Vakuru vangataura neDare Rokuvaka Dzimba dzoUmambo Renharaunda nhau dzine chokuita nokugadzirisa kana zvaita sei?

7 Kana vakuru vakafunga kuti vanoda mazano kana kuti kubatsirwa kutarisira kugadziriswa kweImba yoUmambo, vangataura neDhipatimendi Rokuvaka Dzimba dzoUmambo riri pabazi. Izvi zvingasanganisira zvinhu zvakadai semitswe yemadziro, kupedzwa kwounyoro hunoitika muchivako chacho, uye zvimwe zvinetso zvechivako chacho. Ungano ndiyo ine mutoro wokubhadhara zvinenge zvagadziriswa. Vose vanofanira kuona kupa mipiro yemari uye zvokushandisa pakugadzirisa kwacho seropafadzo.

8. Inzira ipi inofanira kuteverwa kana muchifanira kutsvaka mushandi wokunze?

8 Kushandisa Mari Yeungano Nokuchenjera: Basa rakawanda rinoitwa paImba yoUmambo nepachivanze rinoitwa nevanhu vanozvipira. Mabasa avo okuzvipira chiratidzo chakanaka kwazvo chorudo uye anoyamura zvikuru kuti mari inoshandiswa ive shoma. Kana pachifanira kutsvakwa mushandi wokunze kuti aite rimwe basa rakadai sokuuraya tumbuyu kana kuti kugadziridza chivako, vakuru vanofanira kutaura neDhipatimendi Rokuvaka Dzimba dzoUmambo riri pahofisi yebazi nokukurumidza kuti vapiwe mimwe mirayiridzo.

9. Chii chinoitwa kuti tive nechokwadi chokuti mari yeungano inoshandiswa zvakakodzera?

9 Vakuru vanotorawo matanho akakodzera kuti vawane mitero yakaderera yemenisiparati inoenderana nenzvimbo dzokunamatira. Somuenzaniso, ungano dzakawanda dzakabatsirwa nokuderedzwa kwemitero yemvura nemagetsi pashure pokutaurira zviremera zvomunzvimbo yacho zvakaita bumbiro rezvinoitwa paungano yacho. Kana Imba yoUmambo ichishandiswa neinopfuura ungano imwe, dare rinotarisira kushanda kwayo rinoramba riine akaundi yokubhengi yakasiyana uye rinopa mishumo yemari yakanyorwa yomwedzi nomwedzi kudare revakuru rimwe nerimwe, richiita kuti vakuru varambe vachiziva kuti mari iri kushandiswa sei. Vakuru vane mutoro wokushandiswa zvakanaka kwemari yeungano.

10. Chii chinofanira kuitwa kana kugadzirisa kwakakura kana kuti kugadziridza kuchifanira kuitwa?

10 Kugadzirisa Nokugadziridza Kwakakura: Kana dare rinotarisira kushanda kweImba yoUmambo rikafunga kuti chimwe chinhu chikuru chinodiwa maererano nokushanda uye kugadziriswa kwayo, dare racho rinotaurira matare evakuru nhau yacho kuti riwane mirayiridzo.

11. Tingaratidza sei kuti tinoonga ropafadzo yokupinda misangano paImba yoUmambo?

11 Tinokoshesa zvikuru ropafadzo yedu yokuungana pamwe chete paImba yoUmambo! Hatimbodi kurega kupinda misangano yedu kana kuti kuirerutsa. Tose tinogona kubatsira kubudirira kwourongwa uhwu hwokuti tikurudzirwe kuburikidza nokushanda zvakazara mukutarisira Imba yedu yoUmambo. Izvi zvinokudziridza kunamata kwakachena uye zvinounza rukudzo pazita raJehovha. Ngatitsungei kuchengeta nzvimbo yedu yokunamatira yakanaka.

[Bhokisi riri papeji 4]

Zvinhu Zvokuongorora Pakudzivirira Njodzi

◻ Zvokudzimurisa moto zvinofanira kuva panzvimbo inosvikika nyore uye zvichiongororwa gore negore.

◻ Misuo yokubuda nayo uye masitepisi zvinofanira kuiswa zviratidzo zvakajeka, zviine chiedza chakakwana, uye zviri nyore kuzvishandisa, uye mokubatira pakukwira kana kuburuka masitepisi munofanira kuva makasimba.

◻ Makamuri anochengeterwa zvinhu nezvimbudzi zvinofanira kuva zvakachena, zvakarongedzwa zvakanaka, uye zvisina zvinhu zvinobatira moto zvikuru, midziyo yevanhu, uye marara.

◻ Denga uye magata zvinofanira kuongororwa zvogara zvichicheneswa.

◻ Tunzira twetsoka uye pokupaka motokari zvinofanira kuva nechiedza uye zvinofanira kugara zvisina chinhu chingakonzera kutsvedza kana kudonha.

◻ Michina yemagetsi nemafeni zvinofanira kuongororwa ndokunyatsogadziriswa.

◻ Pose panobvinza panofanira kugadziriswa nokukurumidza kuitira kuti pasava nezvinetso zvounyoro zvakakura.

◻ Chivako chacho chinofanira kukiyiwa kana pasina munhu arimo.

[Bhokisi riri papeji 5]

Kutarisira Chivako uye Zvinhu

◻ Kunze: Denga, fascia boards, pendi, mahwindo, madziro okunze, chikwangwani cheImba yoUmambo zviri kutaridzika zvakanaka here?

◻ Chivanze: Chiri kutarisirwa zvakanaka here? Tunzira twetsoka, waya, uye pokupaka motokari zviri kutaridzika zvakanaka here?

◻ Mukati: Kapeti, maketeni, macheya/mabhenji, zvemagetsi nepombi dzemvura, madziro akapendwa, uye makabhodhi emabhuku anotaridzika zvakanaka here?

◻ Zvokushandisa: Magetsi, gudzanzwi, nemafeni zviri kushanda zvakanaka here?

◻ Zvimbudzi: Izvi zvakachena uye zvinoshanda zvakanaka here? Pombi dziri kushanda zvakanaka here?

◻ Magwaro Eungano: Magwaro okumenisiparati kana kuti ouridzi ari kuenderana nenguva uye akarurama here? Kwaanodiwa uye kwaanoshanda, mafomu okurega kubvisa mutero wezvinhu ari kuiswa mufaira gore negore here? Mari yechibvumirano chepagore negore iri kubhadharwa here kana ichidiwa?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe