RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w03 8/1 pp. 4-7
  • Urombo—Kuwana Chinohupedza Zvachose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Urombo—Kuwana Chinohupedza Zvachose
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Matanho Anobatsira Okubata Nourombo
  • Bhaibheri Rinopa Chikonzero Chetariro
  • Uchavamo Here?
  • Nokukurumidza, Hapana Achava Murombo!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Urombo
    Mukai!—2015
  • Kuguma Kweurombo Kuri Kuswedera Pedyo
    Mukai!—1998
  • Tevedzera Muenzaniso waJesu Uratidze Kuti Une Hanya Nevarombo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
w03 8/1 pp. 4-7

Urombo—Kuwana Chinohupedza Zvachose

PASINEI nemishumo yakaipa inotaurwa pasi pose nezvourombo, pane vaya vanoramba vaine tariro yokuti chimwe chinhu chaicho chinogona kuitwa. Somuenzaniso, maererano nomusoro mukuru waiva muManila Bulletin, Asian Development Bank rakashuma kuti “Asia inogona kupedza urombo mumakore 25.” Bhengi racho rakarumbidza kuwedzera kwoupfumi senzira yokubudisa nayo vanhu muurombo hukuru.

Mamwe masangano nehurumende akazivisa mazano nourongwa hwakawanda hwokuedza kupedza nahwo chinetso chacho. Pakati pawo pane: mapurogiramu einishuwarenzi yokuyamura vasingashandi, vakwegura, kana kuti vakaremara, dzidzo yakanatsiridzwa, kukanzurwa kwezvikwereti zvenyika dzichiri kusimukira zvakakweretwa kunyika dzakapfuma, kubviswa kwezvipingamupinyi zvokupinza zvinhu munyika kuitira kuti nyika dzine varombo vakawanda dzigone kutengesa zvinhu zvadzo zviri nyore zvikuru, uye dzimba dzinobhadharwa mari shoma nokuda kwevarombo.

Mugore ra2000, United Nations General Assembly yakaronga zvinangwa zvichazozadzikwa muna 2015. Izvi zvaisanganisira kubviswa kwourombo nenzara yakanyanya uyewo musiyano mukuru wemari inotambirwa munyika dzakawanda. Pasinei nokuti zvinangwa izvozvo zvingava zvakakwirira sei, vakawanda havana chokwadi chokuti zvinogona kuitwa munyika ino isina kubatana.

Matanho Anobatsira Okubata Nourombo

Sezvo tariro yokunyatsofambira mberi pasi pose iri duku, munhu angaendepi kuti abatsirwe? Sezvambotaurwa, pane tsime rouchenjeri hunoshanda ringabatsira vanhu iye zvino chaiye. Nderipi iroro? Iro iShoko raMwari, Bhaibheri.

Chii chinoita kuti Bhaibheri risiyane nemamwe mabhuku ose? Rinobva kuchiremera chikuru pane zvose, Musiki wedu. Akaisa mumapeji aro uchenjeri hunokosha—nhungamiro dzinobatsira dzinoshanda kuvanhu vose, munzvimbo dzose, uye panguva dzose. Kana dzikateverwa, nhungamiro idzi dzingabatsira varombo kuva noupenyu hunogutsa zvikuru kunyange iye zvino. Ngationei mienzaniso mishomanana.

Ona mari zvakakodzera. Bhaibheri rinoti: “Uchenjeri chitaviridzo, mariwo chitaviridzo; asi kunakisa kwezivo ndiko, kuti uchenjeri hunochengeta upenyu hwaiye unahwo.” (Muparidzi 7:12) Chii chiri kurehwa? Mari haisi zvinhu zvose. Chokwadi, inochengetedza pamwero wakati. Inoita kuti tikwanise kutenga zvimwe zvinhu zvatinoda, asi ine painogumira. Pane zvinhu zvinokosha zvikuru izvo mari isingagoni kutenga. Kuziva chokwadi ichi kuchatibatsira kuona zvinhu zvokunyama nenzira yakafanira, nokudaro kwava kudzivisa kuora mwoyo kunoita vaya vane upenyu hwakavakirwa pakuunganidza mari. Mari haigoni kutenga upenyu, asi kuita nokuchenjera kunogona kuchengetedza upenyu iye zvino uye kungatozarura mukana woupenyu husingaperi.

Rarama maererano nezvinhu zvaunazvo. Zvatinoda handizvo hazvo zvatinofanira kuva nazvo. Tinofanira kuisa munzvimbo yokutanga zvatinofanira kuva nazvo. Tinogona kuzvinyengedza nyore nyore kuti tinofanira kuva nechimwe chinhu, nepo chaizvoizvo chiri chinhu chatinongoda zvedu kwete chatinofanira kuva nacho. Munhu akachenjera achatanga kurongera mari yaanenge atambira zvinhu zvaanofanira kuva nazvo pakarepo—zvokudya, zvokupfeka, pokugara, nezvimwewo. Ipapo, asati ashandisa ipi neipi inenge yasara, achaona kana mari yake yasara ingakwana zvimwe zvinhu zvokuwedzera. Mune mumwe wemienzaniso yake, Jesu akakurudzira kuti munhu ‘atange agara pasi overenga zvinodiwa, kuti aone kana ane zvakakwana.’—Ruka 14:28.

KuPhilippines, Eufrosina, mumwe mubereki ari oga ane vana vatatu, akava nedambudziko rokuwana zvokurarama nazvo uye rokuronga mashandisiro emari shomanana yaaiva nayo kubva zvaakasiyiwa nomurume wake makore adarika. Pakuita izvi, ave achidzidzisa vana vake kuziva zvinoiswa munzvimbo yokutanga pakushandisa kwavanoita mari yavainayo. Somuenzaniso, vana vangaona chimwe chinhu chavangada. Pane kungoti kwete, anokurukura navo achiti: “Munogona kuva nazvo kana muchida, asi munofanira kusarudza chamunoda. Tine mari inongokwana chinhu chimwe. Tinogona kutenga chinhu ichi chamunoda, kana kuti tinogona kutenga nyama shomanana kana kuti muriwo wokudya nawo mupunga wedu wevhiki ino. Zvino, chii chamungada? Sarudzai.” Kazhinji, vana vanokurumidza kuona pfungwa yacho vobvuma kuti vangada kuva nezvokudya pane kuva nechimwe chinhuwo zvacho.

Iva anogutsikana. “Kana tine zvokudya nezvokupfeka nepokugara, tichagutsikana nezvinhu izvi,” inodaro imwe nhungamiro yeBhaibheri. (1 Timoti 6:8) Mari pachayo haiunzi mufaro. Vanhu vakapfuma vakawanda havafari, nepo varombo vakawanda vanofara zvikuru. Vokupedzisira ava vakadzidza kugutsikana nezvinhu zviri nyore chete zvinodiwa muupenyu. Jesu akataura nezvokuva ‘neziso rakanaka’ rinonyatsotarira zvinhu zvinokosha zvikuru. (Mateu 6:22) Izvi zvinobatsira munhu kuva anogutsikana. Varombo vakawanda vanonzwa vachigutsikana zvikuru nokuti vakakudziridza ukama hwakanaka naMwari uye vane upenyu hwemhuri hunofadza—zvinhu zvisingagoni kutengwa nemari.

Iyi inongova mienzaniso mishomanana yemazano eBhaibheri anoshanda ayo angabatsira varombo kurarama nezvinetso zvavo. Pane mimwe yakawanda. Somuenzaniso, usaita zvinhu zvakashata zvakadai sokusvuta fodya nokubheja, izvo zvinopambadza pfuma; ziva zvinhu zvinokosha zvikuru muupenyu, zvikurukuru vavariro dzomudzimu; kunzvimbo dzine mabasa mashoma, edza kuva nounyanzvi hwebasa kana kuti kuita basa iro vamwe vanoda kuitirwa. (Zvirevo 22:29; 23:21; VaFiripi 1:9-11) Bhaibheri rinorumbidza kushandiswa kwo“uchenjeri chaihwo nokungwara” kwakadaro nokuti “zvichava upenyu hwomweya wako.”—Zvirevo 3:21, 22.

Kunyange mazano eBhaibheri angasunungura vaya vari kuparapatika nourombo, mibvunzo pamusoro peramangwana inoramba iripo. Varombo vakanzi vachangoramba vari varombo nokusingaperi here? Misiyano iri pakati pevakapfuma zvikuru nevarombo vakanyanya ichazombogadziriswa here? Ngationei chigadzikiso chisingazivikanwi nevakawanda.

Bhaibheri Rinopa Chikonzero Chetariro

Vakawanda vanobvuma kuti Bhaibheri ibhuku rakanaka. Zvisinei, kazhinji havazivi kuti rinopa mashoko akananga anotaura kuchinja kukuru kwava kubva kwoitika.

Mwari anoda kuita chiito kuti apedze zvinetso zvevanhu, kusanganisira urombo. Sezvo hurumende dzevanhu dzaratidza kuti hadzikwanisi kana kuti hadzidi kuita kudaro, Mwari anoda kudzitsiva. Sei? Bhaibheri rinotaura zvakasimba pana Dhanieri 2:44 kuti: “Mwari wokudenga uchamutsa ushe, husingatongozoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kune rumwe rudzi rwavanhu; asi ihwo huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo huchamira nokusingaperi.”

Pashure pokubvisa “ushe” uhwu, kana kuti hurumende, Mutongi waMwari pachake akagadzwa achaita chiito. Mutongi iyeye haasi munhu wenyama asi munhu wokudenga ane simba saMwari pachake, ane mano okuchinja zvinhu zvinonyatsooneka kuitira kuti abvise misiyano iripo iye zvino. Mwari akasarudza Mwanakomana wake pachake kuti aite izvi. (Mabasa 17:31) Pisarema 72:12-14 rinorondedzera zvichaitwa noMutongi uyu, richiti: “Ucharwira mushayiwi kana achidanidzira; nomurombo usina mubatsiri. Uchanzwira nyasha murombo nomushayiwi, uchaponesa mweya yavashayiwi. Uchadzikinura mweya yavo pakutambudzika napakumanikidzwa; ropa ravo richava chinhu chinokosha pamberi pake.” Itariro yakazonaka! Kusunungurwa pakupedzisira! Mutongi waMwari akagadzwa achaita chiito nokuda kwevarombo uye vakaderera.

Zvinetso zvakawanda kwazvo zvine chokuita nourombo zvichapedzwa panguva iyoyo. Ndima 16 yePisarema 72 inoti: “Kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pamakomo.” Hakuchazovi nokuperevedza kwezvokudya pamusana penzara, kushayiwa mari, kana kuti utarisiri husina kunaka.

Zvimwe zvinetso zvichapedzwawo. Somuenzaniso, nhasi nhamba huru yevagari vepasi havana musha wavo pachavo. Zvisinei, Mwari anopikira kuti: “Vachavaka dzimba nokugaramo; vachasima minda yemizambiringa, nokudya michero yayo. Havangavaki dzimba, mumwe achizogaramo; havangasimi, mumwe achizodya; nokuti samazuva omuti, ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu; vasanangurwa vangu vachapedza nguva huru vachifarira mabasa amaoko avo.” (Isaya 65:21, 22) Munhu wose achava nomusha wake pachake ndokufarira basa rake. Saka Mwari ari kuvimbisa kupedza urombo zvachose. Hakuchazovipozve misiyano yakakura pakati pevapfumi nevarombo, hapachazovizve nevanhu vanoparapatika kuti vararame.

Pakutanga kunzwa zvipikirwa izvi zveBhaibheri, mumwe angafunga kuti hazvisi zvechokwadi. Zvisinei, kunyatsoongorora Bhaibheri kunoratidza kuti zvipikirwa zvaMwari zvose zvomunguva yekare zvakazadzika. (Isaya 55:11) Saka haisi nyaya yokuti kana zvichazoitika. Asi, mubvunzo chaiwo ndewokuti, Unofanira kuitei kuti ubatsirwe pazvinoitika?

Uchavamo Here?

Sezvo hurumende yacho iri yaMwari, tinofanira kuva rudzi rwevanhu ruchagamuchirwa naMwari sevagari vemo pasi poutongi ihwohwo. Haana kutisiya tisingazivi kuti tingakodzera sei. Mirayiridzo yacho irimo muBhaibheri.

Mutongi akagadzwa, Mwanakomana waMwari, akarurama. (Isaya 11:3-5) Saka, vanogamuchirwa nokuda kwoupenyu pasi pehurumende iyi vachatarisirwawo kuva vakarurama. Zvirevo 2:21, 22 inoti: “Vakarurama vachagara panyika, vakakwana vacharambirapo. Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; vanoita nokunyengedzera vachadzurwapo.”

Pane nzira ipi neipi here yokuita nayo zvinodiwa izvi? Hungu, iripo. Nokudzidza Bhaibheri uye kushandisa nhungamiro dzaro, unogona kuzvipinza mumutsetse weramangwana iri rakaisvonaka. (Johani 17:3) Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubatsira kudzidza kwacho. Tinokukumbira kushandisa mukana uyu kuti ubatanidzwe munzanga isingazombovi nourombo uye kusaruramisira.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Eufrosina: “Kurarama nezvinhu zvishoma chaizvo kunobatsira mhuri yangu kuva nezvainofanira kuva nazvo”

[Mifananidzo iri papeji 6]

Ukama hwakanaka naMwari uye upenyu hwemhuri hunofadza hazvigoni kutengwa nemari

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe