Shingairira Kuverenga
MHUKA hadzigoni kuita zvauri kutoita iye zvino. Munhu mumwe chete pavatanhatu vose haana kudzidza kuverenga—kazhinji pamusana pokushaya mukana wokuenda kuchikoro—uye pane avo vakaenda, vakawanda havadaro nguva dzose. Asi mano ako okuverenga pepa rakanyorwa anokuita kuti uende kune dzimwe nyika nenzira iyi, kusangana nevanhu vane upenyu hungasimudzira hwako, uye kuwana zivo inoshandisika ichakubatsira kutarisana nezvinonetsa muupenyu.
Zvaunoverengera vana vako zvingavabatsira kuumba unhu hwavo
Kugona kuverenga ndiko kunoita kuti wechiduku awane zvinobatsira kana kuti ashaye, pakudzidza kwake. Paanotsvaka basa, mano ake okuverenga angatema rudzi rwebasa raanokwanisa kuwana uye uwandu hwemaawa aanofanira kushanda kuti awane chokurarama nacho. Madzimai epamba anoverenga zvakanaka anokwanisa kutarisira mhuri dzawo zviri nani pazvokudya zvinovaka muviri, utsanana, uye kudzivirira zvirwere. Vanaamai vanoverenga zvakanaka vangabatsirawo kwazvo pakukura kwomwana wavo muungwaru.
Chokwadi, rubatsiro rukuru runobva pakuverenga rungaita kuti ukwanise “kuwana zivo yaMwari.” (Zvir. 2:5) Dzakawanda dzenzira dzatinoshumira Mwari nadzo dzinosanganisira kugona kuverenga. Magwaro uye mabhuku ane zvinobva muBhaibheri anoverengwa pamisangano yeungano. Kubudirira kwako muushumiri hwomumunda kunotemwa zvikuru kwazvo nemaverengere aunoita. Uye kugadzirira zvose izvi kunosanganisira kuverenga. Pamusana peizvi, kukura kwako muzivo yaMwari kunotemwa pamwero mukuru netsika dzako dzokuverenga.
Shandisa Mukana Wacho Zvakanaka
Dzidza kuratidza upenyu mune zvauri kuverengera vanhu
Vamwe vari kudzidza nzira dzaMwari vakadzidza zvishoma. Vangada kudzidziswa kuverenga kuti vawedzere kufambira mberi kwavo muzivo yaMwari Kana kuti vangada kubatsirwa vari voga kuwedzera unyanzvi hwavo hwokuverenga. Kwazvinenge zvichidiwa, ungano dzinoedza kuronga makirasi okudzidzisa kuverenga nokunyora pachishandiswa bhuku rinonzi Apply Yourself to Reading and Writing. Zviuru zvakawanda zvakabatsirwa kwazvo nechirongwa ichi. Nokuti kukwanisa kunyatsoverenga kunokosha kwazvo, dzimwe ungano dzinoronga makirasi okuvandudza kuverenga kuti aitwe Chikoro chaMwari Choushumiri pachinenge chichiitwawo. Kunyange kuya kusina makirasi akadaro, munhu angafambira mberi zvakanaka nokuwana nguva zuva rimwe nerimwe kuti averenge zvinonzwika uyewo nokugaropinda uye kugoverana muchikoro.
Zvinosuruvarisa kuti mabhuku enyambo neterevhizheni, kuwedzera pane zvimwewo, zvakarasira kuverenga kure, muupenyu hwevanhu vazhinji. Kuona terevhizheni nokuverenga zvishoma kungakanganisa kukudziridza kwomunhu unyanzvi hwake hwokuverenga uye mano ake okufunga nokunyatsotsanangura zvinhu zvakajeka, uye kunyatsotaura zvinonzwisisika.
Mabhuku anotibatsira kunzwisisa Bhaibheri anopiwa no“muranda akatendeka, akangwara.” Iwaya anowanisa pfuma huru yemashoko ine chokuita nenhau dzomudzimu dzinokosha. (Mat. 24:45; 1 VaK. 2:12, 13) Anoitawo kuti tifambirane nezvinoitika zvinokosha zvomunyika, nezvazvinoreva; anotibatsira kunyatsoziva zvisikwa zviri munyika, otidzidzisa kutarisana nenhau dzine chokuita nesu. Kupfuura zvose, anoonesa nzira yokushumira nayo Mwari zvinotenderwa ndokufarirwa naye. Kuverenga kwakanaka kudaro kuchakubatsira kufambira mberi somunhu anoda Mwari.
Chokwadi, mano okuverenga zvakanaka haasi chikomborero pachawo. Unyanzvi hwacho hunofanira kushandiswa zvakafanira. Kufanana nokudya, kuverenga hakudi kungoverenga zvose zvose. Kudyirei zvokudya zvisingavaki kana kuti zvingatova chepfu kwauri? Saizvozvowo, kuverengerei mashoko, kunyange okungosanganidzanawo nawo zvawo, angakanganisa pfungwa nomwoyo? Zviri muBhaibheri zvinofanira kupa nhungamiro yatinoyera nayo chero zvatinosarudza kuverenga. Usati wasarudza zvauchaverenga, funga nezvemagwaro akadai saMuparidzi 12:12, 13; VaEfeso 4:22-24; 5:3, 4; VaFiripi 4:8; VaKorose 2:8; 1 Johani 2:15-17; uye 2 Johani 10.
Verenga Nechinangwa Chakanaka
Kukosha kwechinangwa chakanaka pakuverenga kunova kwakajeka pakuongorora nyaya dzeEvhangeri. Somuenzaniso, muEvhangeri yaMateu, tinoona Jesu achibvunza vatungamiriri vechitendero vanonyatsoziva Magwaro mibvunzo yakadai seiyi “Hamuna ku[mboverenga] here?” uye “Hamuna kumbo[verenga] here izvi?” asati avapa mhinduro dzinobva muMagwaro pamibvunzo yavo younyengeri. (Mat. 12:3, 5; 19:4; 21:16, 42; 22:31) Chimwe chidzidzo chatinowana apa ndechokuti kana chinangwa chedu chokuverenga chisina kunaka, tingagumisa zvisiri izvo kana kuti kutotadza kunzwisisa zvachose. VaFarisi vaiverenga Magwaro nokuti vaifunga kuti nawo, vaizowana upenyu husingaperi. Mubayiro iwoyo, sezvakataura Jesu, haupiwi vaya vasingadi Mwari uye vasingagamuchiri nzira Yake yokuponesa. (Joh. 5:39-43) Zvaivavarirwa nevaFarisi zvaiva zvoudyire; saka zvose zvavaifunga zvakanga zvisina kururama.
Kuda Jehovha ndicho chinhu chakanakisisa chingatiita kuti tivavarire kuverenga Shoko rake. Rudo irworwo runoita kuti tidzidze zvinodiwa naMwari, nokuti rudo “runofara nechokwadi.” (1 VaK. 13:6) Kunyange kana taisafarira kuverenga kare, kuda Jehovha “nepfungwa dz[edu] dzose” kuchatiita kuti tishingirire nepfungwa dzedu kupinza zivo yaMwari. (Mat. 22:37) Rudo runoita kuti tifarire, uye kufarira kunokurudzira kudzidza.
Funga Nezvokumhanya Kwacho
Kuverenga kunofambirana nokuona wobva waziva. Kunyange sezvauri kuverenga iye zvino, uri kuona mashoko wobva waaziva uchiyeuka zvaanoreva. Ungawedzera kumhanya kwokuverenga kwako kana ukawedzera mashoko auri kuona. Pane kuti umire uchitarira shoko rimwe nerimwe, edza kuona mashoko akawanda panguva imwe. Sezvaunokudziridza unyanzvi uhwu, uchawana kuti uchanyatsonzwisisa zvauri kuverenga.
Kuverenga pamwe chete kunobatanidza nhengo dzemhuri
Zvisinei, paunenge uchiverenga mashoko akadzama, zvaunowana pakuedza kwako zvingawedzerwa nokushandisa mumwe mutoo. Achirayira Joshua pakuverenga kwake Magwaro, Jehovha akati: “Bhuku iyi yomurayiro haifaniri kubva pamuromo wako, asi unofanira kuirangarira [“kuriverenga nenzwi riri pasi,” NW].” (Josh. 1:8) Kutaura nenzwi riri pasi kunowanzoitwa kana munhu achizeya pfungwa. Saka, shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “nenzwi riri pasi” rinoshandurwawo kuti “fungisisa.” (Pis. 63:6; 77:12; 143:5) Pakufungisisa, munhu anofunga zvakadzama; haakurumidzisi. Kuverenga uchidzamisa pfungwa kunoita kuti Shoko raMwari richinje kwazvo pfungwa nomwoyo. Bhaibheri rine uprofita, zano, zvirevo, nhetembo, kuziviswa kwokutonga kwaMwari, mashoko ezvinangwa zvaJehovha, uye mienzaniso yomuupenyu chaiyo yakawanda—zvose zvinobatsira kune vanoda kufamba munzira dzaJehovha. Zvinobatsira zvakadini kuverenga Bhaibheri nenzira inoita kuti rirovererwe zvakadzama mupfungwa nomwoyo wako!
Dzidza Kuisa Pfungwa Pamwe Chete
Tsika dzako dzokuverenga dzinotema kukura kwako muzivo yaMwari
Sezvaunoverenga, zviise pachiitiko chimwe nechimwe chiri kurondedzerwa. Edza kuona vanhu vacho nemaziso epfungwa dzako, uye zvinzwe uripo pane zviri kuitika muupenyu hwavo. Izvi zviri nyore kwazvo paunenge uchiverenga nyaya yakadai seyaDhavhidhi naGoriyati, yakanyorwa muna 1 Samueri chitsauko 17. Asi kunyange mashoko ari kuna Eksodho naRevhitiko pamusoro pokuvakwa kwetebhenekeri kana kugadzwa kwevapristi achanakidza paunoona nepfungwa urefu nezvaishandiswa kana kuti fungidzira munhuhwi wezvinonhuhwirira, upfu hwakakangwa, nemhuka dzaipiwa sezvibayiro zvinopiswa. Funga kuti zvinofanira kuva zvaityisa sei kuita mabasa oupristi! (Ruka 1:8-10) Kushandisa pfungwa dzako uye manzwiro ako saizvozvi zvichakubatsira kunzwisisa zvinorehwa nezvauri kuverenga uye kuchabatsira pfungwa kuti dziyeuke.
Zvisinei, kana ukasachenjerera, paunoedza kuverenga, pfungwa dzako dzingadzungaira. Maziso ako angatarira papeji asi pfungwa dzako dziri kumwewo zvakwo. Mumhanzi uri kurira here? Terevhizheni yakavhurwa here? Nhengo dzemhuri dziri kutaura here? Kana zvichiita, zvakanakisisa kuverengera panzvimbo yakanyarara. Zvisinei, zvinovhiringidza zvingabva mumwoyo. Pamwe waswera uchishanda zvakaoma. Hungu, zviri nyore sei kuzvidzokorora mupfungwa dzako! Chokwadi, zvakanaka kudzokorora zvaitika muswere wezuva—asi kwete paunenge uchiverenga. Pamwe unotanga pfungwa dzako dziripo dzose, kana kuti ungatotanga nguva yako yokuverenga nomunyengetero. Asi sezvaunoverenga, pfungwa dzako dzinotanga kudzungaira. Edzazve. Zvidzore kuti pfungwa dzako dzirambe dzakananga pamashoko auri kuverenga. Zvishoma nezvishoma, uchaona zvichiita nani.
Unoita sei paunosvika pashoko rausinganzwisisi? Mamwe mashoko ausingazivi angatsanangurwa kana kukurukurwa mundima. Kana kuti ungakwanisa kunzwisisa zvarinoreva pane zviri kutaurwa. Kana zvisina kudaro, wana nguva yokuritarira muduramanzwi kana riripo, kana kuti tara shoko racho kuti uzobvunza mumwe munhu. Izvi zvichakudza dura rako remashoko zvowedzera kunzwisisa kwako pakuverenga.
Kuverengera Vanhu
Ramba uchishingairira kuverengera vanhu
Pauro paakaudza Timoti kuti arambe achishingairira kuverenga, chaizvoizvo Pauro aireva kuverengera vamwe kuti vabatsirwe. (1 Tim. 4:13) Kuverengera vanhu kunobudirira kunosanganisira zvinopfuura kungoshevedzera mashoko ari papeji. Muverengi anofanira kunzwisisa zvinorehwa nemashoko acho onzwisisa pfungwa yaari kubudisa. Kana aita izvi bedzi ndipo paangagona kupa pfungwa yacho zvakarurama obudisa zvinodiwa nenzira yakarurama. Chokwadi, izvi zvinoda kunyatsogadzirira uye kuzvirovedza. Saka Pauro akarayira kuti “Ramba uchishingaira paku[verenge]ra vanhu vose.” Ucharovedzwa chaizvo kuti uve nounyanzvi uhwu hunokosha muChikoro chaMwari Choushumiri.
Wana Nguva Yokuverenga
“Ndangariro dzavashingairi dzinouyisa zvizhinji; asi ani naani unokurumidzisa unovangira kushayiwa.” (Zvir. 21:5) Izvozvo ichokwadi sei pakureva nezvechido chedu chokuverenga! Kuti ti“uyise zvizhinji,” tinofanira kunyatsoronga kuitira kuti zvimwe zvinhu zvisatitorere nguva yokuverenga.
Unoverenga nguvai? Unobatsirwa nokuverenga mangwanani-ngwanani here? Kana kuti unozochangamuka pave paya zuva rakwira? Kana ukakwanisa kuwana nguva kunyange maminitsi 15 kana 20 zuva rimwe nerimwe okuverenga, uchashamisika nezvaunogona kuita. Chinokosha kugarozviita.
Jehovha akasarudzirei kuti zvinangwa zvake zvinoshamisa zvinyorwe mubhuku? Kuitira kuti vanhu vagone kuverenga Shoko rake. Izvi zvinoita kuti vakwanise kufunga mabasa anoshamisa aJehovha, kuaudza vana vavo, uye kuchengeta mupfungwa zvinoitwa naMwari. (Pis. 78:5-7) Kuonga kwedu rupo rwaJehovha mune izvi kunonyatsoratidzwa nokushingairira kwatinoita kuverenga Shoko rake rinopa upenyu.