Ramba Uchitaura Shoko raMwari Noushingi
1 Sevashumiri vechiKristu, tinoziva kuti havasi vose vachateerera patinoparidza. (Mat. 10:14) Zvisinei, hatibvumiri kuti kusafarira kwevamwe kuite kuti tirege kuzivisa mashoko akanaka. (Zvir. 29:25) Chii chinotibatsira kuti tirambe tichitaura shoko raMwari noushingi?
2 Muapostora Pauro akanzwisisa “kukosha kukuru kwokuziva Kristu Jesu.” Izvi zvakamuita kuti ataure ‘nechokwadi chakasimba.’ (VaF. 3:8; 1 VaT. 1:5) Kunyange zvazvo vamwe vaiona shoko raaiparidza serisina simba uye soupenzi, aiziva kuti raiva “simba raMwari rinoponesa kumunhu wose anotenda.” (VaR. 1:16) Naizvozvo, kunyange paaishorwa, akaramba ‘achitaura noushingi uye achishandisa simba raJehovha.’—Mab. 14:1-7; 20:18-21, 24.
3 Kunobva Simba Redu: Rakanga risiri simba raPauro rakaita kuti agone kuparidza noushingi. Achitaura nezvake naSirasi, Pauro akanyora kuti: “Pashure pokunge tatambura uye taitirwa zvakaipa muFiripi, takava noushingi sei naMwari wedu kuti tikutaurirei mashoko akanaka aMwari tichitamburira kwazvo.” (1 VaT. 2:2; Mab. 16:12, 37) Uyezve, paaiva akasungwa muRoma, Pauro akakumbira kuti vamwe vamunyengeterere kuitira kuti arambe achizivisa mashoko akanaka ‘noushingi sezvaaifanira kutaura.’ (VaEf. 6:18-20) Nokuvimba naJehovha pane kuzvivimba, Pauro akagona kuramba achitaura shoko raMwari noushingi.—2 VaK. 4:7; VaF. 4:13.
4 Ndizvo zvazvakaitawo nhasi. Imwe hama yaiona zvakaoma zvikuru kutaura kuti yaiva mumwe weZvapupu zvaJehovha kubasa kwayo uye yaiona zvakaoma kuti iparidzire zvisina kurongwa, yakanyengetera nezvazvo ndokutanga kuparidza. Mumwe wainoshanda nayo akamboramba kuparidzirwa, asi pakataurwa nezvetariro yorumuko akabva atanga kudzidza Bhaibheri. Kubvira ipapo, hama yacho yakashandisa mukana wose kuti iparidze. Payakazoenda kunoshanda kumwe, mumakore 14 yakabatsira vanhu 34 kusvika vabhabhatidzwa. Tinogona kuvimba kuti Jehovha achatisimbisawo kuti ‘tirambe tichitaura shoko rake noushingi.’—Mab. 4:29.