“Kutaura Kwenyu Ngakuve . . . Kwakarungwa Nomunyu” Nguva Dzose
1. Zvinorevei ‘kurunga matauriro edu nomunyu’?
1 “Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive mapinduriro amunofanira kuita.” (VaK. 4:6) Kurunga matauriro edu nomunyu kunoreva kusarudza mashoko akarurama uye kutaura nenzira inofadza nzeve dzomunhu anenge akateerera. Zvinokosha zvikuru kuti tiite izvozvo patinenge tiri muushumiri.
2. Jesu akakwanisa sei kuparidzira mukadzi weSamariya?
2 Zvaiitwa naJesu: Paakanga akazorora pedyo netsime, Jesu ndiye akatanga kutaura nomumwe mukadzi weSamariya akauya kuzochera mvura. Kakawanda pakukurukurirana kwacho, mukadzi wacho akataura mashoko airatidza kuvengana kwaiita vaJudha nevaSamariya kwainge kwagara kwenguva refu. Akataurawo zvaaidavira kuti vaSamariya vakanga vari vazukuru vaJakobho, kunyange zvazvo vaJudha vaisimbirira kuti vaSamariya vaiva vatorwa. Pane kupikisa zvaaitaura, Jesu akaita kuti varambe vachikurukurirana zvakanaka. Saka kuparidza kwaakaita kwakabatsira mukadzi uyu nevanhu vomuguta racho.—Joh. 4:7-15, 39.
3. Tingatevedzera sei zvaiitwa naJesu patinenge tiri muushumiri?
3 Patinenge tichiparidzira tinofanira kuramba tichiyeuka chinangwa chedu choku“zivisa mashoko akanaka ezvinhu zvakanaka.” (VaR. 10:15) Tinoda kuudza saimba mashoko anofadza uye anovaka anobva muBhaibheri tisingapi pfungwa yokuti tiri kushora zvaanodavira. Kana akataura zvisiri izvo, hatifaniri kumupindura nenzira yokumuratidza kuti atadza. Pane zvaanenge ataura pane chimwe chinhu chatinobvumirana naye here kana kuti chingaita kuti timurumbidze nomwoyo wose? Zvichida tingasuma rugwaro tichiti, “Makambofunga kuti izvi zvinoita here?”
4. Tinofanira kuitei kana saimba asingaremekedzi?
4 Zvakadini kana saimba wacho asingaremekedzi kana kuti zviri pachena kuti anoda kungoita nharo? Tinofanira kuramba tichiratidza unyoro norupfave pane zvatinoita uye mumatauriro edu. (2 Tim. 2:24, 25) Kana munhu wacho asingafariri mashoko oUmambo, zvakanaka kuti tibve paari nokuchenjera.—Mat. 7:6; 10:11-14.
5. Imwe hanzvadzi yakava sei migumisiro yakanaka zvabva pamhinduro nyoro?
5 Migumisiro Yakanaka: Imwe hanzvadzi payaiedza kuparidzira muvakidzani wayo, mukadzi wacho akaipengera nehasha achiituka nemashoko anonyadzisa. Hanzvadzi yedu yakapindura zvinyoronyoro ichiti: “Ndine urombo kuti muri kunzwa saizvozvo. Zvisinei, sarai henyu zvakanaka.” Kwapera mavhiki maviri, mukadzi wacho akagogodza pasuo rehanzvadzi iyi, achikumbira ruregerero pane zvaakanga aita ndokuti aida kunzwa zvaida kutaurwa nehanzvadzi iyi. Mhinduro nyoro inowanzoita kuti pave nemigumisiro yakanaka!—Zvir. 15:1; 25:15.
6. Nei zvichikosha kuti tishandise mashoko akarungwa nomunyu muushumiri?
6 Edza kushandisa mashoko akarungwa nomunyu paunenge uchizivisa mashoko akanaka. Kunyange kana saimba asingadi kuteerera, angazoda kuteerera pane imwe nguva paanozoshanyirwazve neZvapupu zvaJehovha pamba pake.