Rwiyo 214
Kutevera Nzira yaMwari Youpenyu
1. Chipo chakanakisa, chinokosha,
Upenyu, tisanohushandisa.
Kwamuri Mwari tinobvuma izvi:
Nzira yenyu inopa mufaro.
2. Tinofanira kukutyai Mwari.
Tinowana zivo uye njere.
Tinofara kutarira m’mutemo;
Mauri tinofamba m’umwari.
3. Upenyu hune donzo, makanaka.
NaJesu todzidza kurarama.
Tisade nyika nounyanzvi hwayo.
Tsvaka mufaro, udzidze kupa.
4. M’tibatsire kuita zvatodzidza,
Sezvo Umambo hwenyu hwasvika.
Ngatiparidzire vanyoro kwose,
Zvanamato yenyu yodzorerwa.