Rwiyo 111
Chiedza Chinopenya Zvikuru
1. Chiedza cheShoko raShe chopenya,
Chopenyesa zvaZuva rinoswedera (pedyo zvikuru).
Zvokwadi dzoUshe dzowadzanyurwa;
Unokumbira kuti: ‘Tisanomunzwa’ (Iye Mwari).
Nguva yokuva m’usungwa
Hworudzidziso yapfu’ra.
Zuva raShe
Nedi rasvika.
Chiedza chakapenya rungwanani,
Chichipenyera vakarurama chiedza,
Chiedza chaJa.
2. Chiedza pakarurama chowanda.
Jehovha anochibudisa norudo (rukuru kwazva).
Anobudisa zvinokunzwisisa;
Ari kuumba vanhu nezvokwadi’dzi (dzakanaka).
Nemhaka yokusakwana
Tingagona kutsauka;
Bva zvokwadi
Inopenyesa.
Mwari anotipa chimwe chiedza.
Anopa chiedza chakapenya zvikuru,
Kupenya kwazvo.
3. Chiedza chopenya panzira yedu
Kungofanana nezuva masikati (asina gore).
Mwari chiedza chinotipenyesa;
Anopenyesa nzira, tisagomere (isu tose).
Tisambofunganya zvedu,
Nokugombedzera idi.
Panzira’yi
Ngatirambire.
Chiedza chinopenya chinowanda.
Vakarurama vanofara nechiedza.
Kufara kwazvo.