RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • be chidzidzo 32 p. 194-p. 196 ndim. 4
  • Ataurwa Nechivimbo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ataurwa Nechivimbo
  • Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mashoko Akafanana
  • Kuparidza Mashoko Akanaka Nokutendiswa Kwakasimba
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Ratidza Kuti Une Chokwadi Nezvauri Kutaura
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Mirai Makakwana Muchitendiswa Zvakasimba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Vabereki—Batsirai Vana Venyu Kuti Vave ‘Vakachenjera Kuti Vawane Ruponeso’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
Ona Zvimwe
Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
be chidzidzo 32 p. 194-p. 196 ndim. 4

CHIDZIDZO 32

Ataurwa Nechivimbo

Unofanira kuitei?

Taura nenzira inoratidza kuti une chivimbo chizere chokuti zvauri kutaura ndezvechokwadi uye zvinokosha.

Nei zvichikosha?

Chivimbo chako chichakurudzira vamwe kufungisisa zvaunotaura ndokuita chimwe chinhu.

MUNHU paanotaura nechivimbo, vamwe vanoona kuti anotenda chaizvo zvaari kutaura. Chivimbo chakadaro chaionekwa muushumiri hwomuapostora Pauro. Kune vaya vakava vatendi muTesaronika, akanyora kuti: “Mashoko akanaka atinoparidza haana kuuya kwamuri nokutaura kwoga asiwo . . . nokutendiswa kwakasimba.” (1 VaT. 1:5) Chivimbo chacho chaionekwa mumatauriro aaiita uye mumararamiro ake. Chivimbo chakasimba chinofanirawo kuonekwa munzira yatinotaura nayo chokwadi cheBhaibheri.

Kutaura nechivimbo hakurevi kungoomerera pane zvaunofunga, chandagwinyira, kana kuti kuvirima. Asi munhu anoratidza chivimbo paanotaura zvinhu zviri muShoko raMwari, anodaro nenzira inoratidza kutenda kwakasimba.—VaH. 11:1.

Nguva Dzokutaura Nechivimbo. Zvinokosha kutaura nechivimbo paunenge uri muushumiri hwomumunda. Kazhinji vanhu vanoona matauriro ako sezvavanonzwa mashoko ako. Vanonzwa manzwiro auri kuita chaiwo pamusoro pezvauri kutaura. Chivimbo chako chinogona kuratidza zvine simba kupfuura mashoko chete, kuti une chimwe chinhu chinokosha zvikuru chokutaura.

Pakutaura nevateereri vari hama dzako dzechiKristu zvinodawo kuratidza chivimbo. Muapostora Petro akanyora tsamba yake yokutanga yakafuridzirwa kuti a“pe kurudziro nouchapupu hwemwoyo wose kuti uyu ndiwo mutsa usina kufanirwa wechokwadi waMwari.” Mairi akakurudzira hama kuti: “Mirai zvakasimba.” (1 Pet. 5:12) Pauro paainyorera ungano yokuRoma akaratidza chivimbo chakavabatsira. Akanyora kuti: “Nokuti ndine chokwadi kuti rufu kana upenyu kana ngirozi kana hurumende kana zvinhu zviripo zvino kana zvinhu zvichauya kana masimba kana kukwirira kana kudzika kana chimwe chinhu chakasikwa hazvikwanisi kutiparadzanisa norudo rwaMwari ruri muna Kristu Jesu Ishe wedu.” (VaR. 8:38, 39) Pauro akanyorawo achiita zvokunyengetedza, nezvokudikanwa kwokuparidzira vamwe, uye kushingaira kwake mubasa iroro kwakaratidza kuti iye aiva nechokwadi nezvokukosha kwaro. (Mab. 20:18-21; VaR. 10:9, 13-15) Chivimbo chakadaro chinofanira kuonekwawo muvakuru vechiKristu nhasi sezvavanodzidzisa Shoko raMwari.

Panguva dzokudzidza nedzimwewo, vabereki vanofanira kutaura nechivimbo pakutaura zvinhu zvine chokuita nokunamata Mwari kwavanoita nevana vavo. Izvi zvinoda kuti vabereki vawedzere kuda Mwari nenzira dzake mumwoyo yavo. Zvadaro vanogona kutaura nechivimbo chinobva pamwoyo nevana vavo ‘nokuti muromo unotaura zvizhinji zviri mumwoyo.’ (Ruka 6:45; Dheut. 6:5-7) Kuva nechivimbo chakadaro kuchakurudzira vabereki kuva nomuenzaniso wakanaka woku‘tenda kusina unyengeri.’—2 Tim. 1:5.

Zvinotonyanya kukosha kuti utaure nechivimbo kutenda kwako pakunenge kuchipikiswa. Waunodzidza naye kuchikoro, mudzidzisi, kana kuti waunoshanda naye angashamisika kuti haubatani nevamwe mune dzimwe mhemberero. Mhinduro yakasimba, yakanyatsofungwa ingamubatsira kuremekedza zvaunotenda zvinobva muBhaibheri. Zvakadini kana mumwe akaedza kukukwezvera mumufambiro wakaipa—kusatendeseka, kushandisa zvinodhaka, kana kuti unzenza? Zvinokosha kujekesa kuti hauzomboiti zvinhu zvakadaro uye kuti hapana kunyengetedza kupi nokupi kuchakuchinjisa pfungwa dzako. Izvi zvinoda kuti utaure nechivimbo paunenge uchiramba chikumbiro ichocho. Paairamba chikumbiro chounzenza chomudzimai waPotifari, Josefa akataura zvakasimba kuti: “Ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa zvikuru nditadzire Mwari?” Paakaramba achimumanikidza, akatiza mumba macho.—Gen. 39:9, 12.

Kuratidzwa Kunoita Chivimbo. Mashoko aunoshandisa anogona kuita zvakawanda kuonesa chivimbo chaunacho. Panguva dzakawanda Jesu aitanga mashoko anokosha nokuti “Chokwadi chokwadi ndinoti kwauri.” (Joh. 3:3, 5, 11; 5:19, 24, 25) Chivimbo chaPauro chairatidzwa nokutaura kwakadai sokuti “Ndine chokwadi,” “Ndinoziva uye ndinotendiswa munaShe Jesu,” uye “Ndiri kutaura chokwadi, handisi kureva nhema.” (VaR. 8:38; 14:14; 1 Tim. 2:7) Nezvokuzadzika kweshoko rake, Jehovha pane dzimwe nguva akafuridzira vaprofita vake kutaura mashoko akasimba, akadai sokuti, “Zvichauya zvirokwazvo.” (Hab. 2:3) Paunotaura nezvouprofita hwakaita souhwu, ungashandisa kutaura kwakafanana. Kana ukasazvivimba, asi ukavimba naJehovha uye ukataura nevamwe uchivaremekedza, mashoko anoratidza chivimbo chakafanana acharatidza kuti une kutenda kwakasimba.

Chivimbo chinogonawo kuratidzwa nokuva nomwoyo wose uye kusimba kwemashoko ako. Zvaunoita chiso chako, kushandisa dzimwe nhengo dzomuviri kwaunoita, manzwiro aunoita sezvinoratidzwa nomuviri wako zvose zvinobatsira pane izvi, kunyange zvazvo izvi zvingasiyana pamunhu nomunhu. Kunyange kana uchinyara kana kuti uri munhu agara ari munyoro, kana une chivimbo chakakwana kuti zvauri kutaura ichokwadi uye vamwe vanofanira kuzvinzwa, chivimbo chako chichaonekwa.

Zvisinei, zvose zvatinotaura nechivimbo zvinofanira kuva zvechokwadi. Kana vanhu vakaziva kuti tiri kunyepedzera pane kutaura zvichibva pamwoyo, zvimwe vachagumisa kuti shoko redu haribatsiri. Saka chinhu chikuru, iva zvauri. Zvichienderana nouwandu hwevateereri vako, ungafanira kutaura nenzwi guru kupfuura nguva dzose uye nesimba rakawedzerwa. Asi chinangwa chako chinofanira kuva chokutaura uri zvauri uye wakasununguka.

Zvinobatsira Kuti Utaure Nechivimbo. Sezvo chivimbo chako chichisanganisira manzwiro ako pamusoro pemashoko ako, kugadzirira kwakanaka ndicho chinhu chinokosha. Kungokopa mashoko mubhuku woadzokorora hakuna kukwana. Unofanira kunzwisisa mashoko acho zvakajeka uye kukwanisa kuataura nemashoko ako. Unofanira kunzwa une chivimbo chokuti zvauri kutaura ichokwadi uye zvinobatsira vateereri vako. Izvi zvinoreva kuti pakugadzirira hurukuro yako, unofunga nezvemamiriro avo ezvinhu uye zvavangave vachitoziva nezvenyaya yacho kana kuti vanganzwa sei nezvayo.

Zviri nyore kuti vamwe vaone chivimbo chedu kana tichiita zvokudedemura pakutaura kwedu. Saka kunze kwokungogadzirira mashoko akanaka, dzidzira kwazvo makurukuriro auchaita. Nyatsogadzirira zvikamu zvehurukuro yako zvinoda kuti uve nechivimbo chikuru kuti ugozvikurukura usingaiti zvokuverenga. Yeukawo kunyengetera kuti kuedza kwako kukomborerwe naJehovha. Kana ukadaro ucha‘piwa ushingi naMwari wedu’ hwokutaura nenzira inoratidza kuti unovimba kuti shoko rako rinokosha uye nderechokwadi.—1 VaT. 2:2.

MAITIRWO AZVO

  • Taura uchiratidza manzwiro akakodzera hurukuro yako.

  • Shandisa mashoko anoratidza chivimbo chako.

  • Dzidzira hurukuro yako kusvikira wava kuinzwisisa zvakajeka uye wava kugona kuitaura nemashoko ako. Unofanira kuva nechivimbo chizere chokuti ndeyechokwadi uye kuti inokosha kuvateereri vako.

BASA ROKUITA: Dzidza nhau dzomuBhaibheri dzinotevera: Eksodho 14:10-14; 2 Madzimambo 5:1-3; Dhanieri 3:13-18; Mabasa 2:22-36. Panguva dzataurwa, vashumiri vaMwari vakaratidza sei chivimbo chavo? Chivimbo chavo chaibva pachii? Ungaratidza sei chivimbo chakadaro nhasi?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe