Rwiyo 32
Ivai Vakasimba, Vasingazununguki!
Rakaprindwa
1. Marudzi zvino azotambura.
Vanhu vari kutya ramangwana.
Tive vakasimba, vasingatyi;
Tive vakatendeka.
(KORASI)
Ngative vakasimba;
Tive kure nenyika.
Tidzidze chokwadi uye tivimbike.
2. Misungo yenyika yakawanda.
Funga zvakanaka uinzvenge.
Batisisa zvinhu zvechokwadi,
Mwari akuchengete.
(KORASI)
Ngative vakasimba;
Tive kure nenyika.
Tidzidze chokwadi uye tivimbike.
3. Ngatinamatei muchokwadi.
Ngatiiteiwo basa raShe.
Paridza mashoko akanaka.
Uipi huchabviswa.
(KORASI)
Ngative vakasimba;
Tive kure nenyika.
Tidzidze chokwadi uye tivimbike.
(Onawo Ruka 21:9; 1 Pet. 4:7.)