Rwiyo 31
Tiri Zvapupu zvaJehovha!
1. Voveza vanamwari
Havazivi chaiye
Wemasimbaose,
Ari pachena.
Vavo havambooni
Zviri muramangwana;
Votsvaka zvapupu voshaya.
Nokuti havasi Mwari.
(KORASI)
Wedu isu ndiMwari
Anoreva chokwadi.
Tiri Zvapupu zvaJehovha.
Hatityi kutaura.
2. Tozivisa Jehovha
Pamwe nembiri yake.
Tisingatyi tozi-
visa Umambo.
Vamwe vachazivawo
Chokwadi vonunurwa.
Kana vasimba voimbawo,
Vachimurumbidza nesu.
(KORASI)
Wedu isu ndiMwari
Anoreva chokwadi.
Tiri Zvapupu zvaJehovha.
Hatityi kutaura.
3. Kuparidza kwoita
Kuti zita rikudzwe.
Kuchinyeverawo
Vanorizvidza.
Kwounza kanganwiro
Kuvanotendeuka.
Kunopa mufaro, rugare,
Netariro youpenyu.
(KORASI)
Wedu isu ndiMwari
Anoreva chokwadi.
Tiri Zvapupu zvaJehovha.
Hatityi kutaura.
(Onawo Isa. 37:19; 55:11; Ezek. 3:19.)