Rwiyo 131
Jehovha Anopukunyutsa
1. Jehovha, imi muri Mwari mupenyu;
Makaita zvose matenga nenyika.
Hakuna mumwe mwari akaenzana nemi.
Hakuna zvachose.
(KORASI)
Jehovha ndiye muponesi wedu.
Tichaona kuti Mwari ane simba.
Noushingi, tinozivisa kwose kwose
Simba renyu Jehovha, muponesi wedu.
2. Nyange pedyo norufu, ndoshevedzera,
“Ndibatsireiwo muchindishingisa.”
Inzwaiwo kuchema kwangu Mwari ndichiti,
“Ndinunureiwo.”
(KORASI)
Jehovha ndiye muponesi wedu.
Tichaona kuti Mwari ane simba.
Noushingi, tinozivisa kwose kwose
Simba renyu Jehovha, muponesi wedu.
3. Kudenga, inzwi renyu richatinhira.
Venyu vachafara, vavengi vobvunda;
Munova zvamunoda chero nguva; voona
Kuponesa kwenyu.
(KORASI)
Jehovha ndiye muponesi wedu.
Tichaona kuti Mwari ane simba.
Noushingi, tinozivisa kwose kwose
Simba renyu Jehovha, muponesi wedu.
(Onawo Pis. 18:1, 2; 144:1, 2.)