Zvapupu zvaJehovha
Tsanangudzo: Vanhu vechiKristu vari munyika yose vanobishairira kupupura nezvaJehovha Mwari nezvinangwa zvake zvine chokuita nevanhu. Zvavanotenda zvinongobva muBhaibheri chete.
Ndezvipi zvinotendwa neZvapupu zvaJehovha zvinovasiyanisa nezvimwe zvitendero?
(1) Bhaibheri: Zvapupu zvaJehovha vanhu vanotenda kuti Bhaibheri rose iShoko raMwari rakafuridzirwa, uye pane kuomerera padzidziso dzinobva patsika dzevanhu, vanotora zvose zvavanotenda muBhaibheri.
(2) Mwari: Vanonamata Jehovha saMwari mumwe chete wechokwadi uye vanotaura vakasununguka nevamwe nezvake uye zvinangwa zvake zvinoratidza kuda vanhu kwaanoita. Chero ani zvake anopupura kune vamwe nezvaJehovha anowanzonzi ndeweboka iri rimwe chete—“Zvapupu zvaJehovha.”
(3) Jesu Kristu: Havatendi kuti Jesu Kristu Utatu, asi sezvinotaurwa neBhaibheri, vanotenda kuti iye Mwanakomana waMwari, wokutanga pazvinhu zvakasikwa naMwari; vanotenda kuti asati ava munhu pano panyika, aimbovapo uye kuti upenyu hwake hwakatamiswa kubva kudenga huchienda mudumbu remhandara yainzi Mariya; kuti upenyu hwake hwakakwana hwakapiwa sechibayiro hunoita kuti vaya vanotenda vaponeswe vowana upenyu husingagumi; kuti Kristu anotova Mambo ari kutonga nyika yose kubvira mugore ra1914 nesimba raakapiwa naMwari.
(4) Umambo hwaMwari: Vanotenda kuti Umambo hwaMwari ndihwo chete tariro yevanhu; kuti ihwo ihurumende chaiyo; kuti munguva pfupi huchaparadza mamiriro ezvinhu akaipa aripo iye zvino, kusanganisira hurumende dzevanhu, uye kuti huchaita kuti kwose kwose kuve nemamiriro ezvinhu matsva achange aine kururama.
(5) Upenyu hwokudenga: Vanotenda kuti vaKristu 144 000 vakazodzwa nomudzimu mutsvene vachava madzimambo pamwe naKristu muUmambo hwake hwokudenga. Havatendi kuti kuenda kudenga mubayiro wemunhu wose “akanaka.”
(6) Pasi: Vanotenda kuti chinangwa chaMwari chepakutanga nokuda kwepasi chichazadzika; kuti vanamati vaJehovha chete ndivo vachagara pasi pano uye kuti vachararama nokusingagumi vakakwana; kuti kunyange vakafa vachamutswa vowana mukana wokuva nezvikomborero izvi.
(7) Rufu: Vanotenda kuti vakafa havana kana chavanoziva; kuti havasi kurwadziwa kana kunakidzwa vari munyikadzimu; kuti havapo asi vanoyeukwa naMwari, saka tariro yenguva yemberi yokuti vave vapenyu iri pakumuka kwevakafa.
(8) Mazuva okupedzisira: Vanotenda kuti kubvira mugore ra1914, tave tichirarama mumazuva okupedzisira emamiriro ezvinhu akaipa aripo iye zvino; kuti vanoda zvakarurama vachapukunyuka vachipinda mupasi rinenge racheneswa.
(9) Kuparadzana nenyika: Vanovavarira nemwoyo wose kuti vasava venyika, sezvakataurwa naJesu kuti vateveri vake vechokwadi vaisazova venyika. Vanoratidza rudo rwechokwadi rwechiKristu kuvavakidzani vavo, asi havapindi mune zvematongerwo enyika kana muhondo yenyika chero ipi zvayo. Vanopa mhuri dzavo zvokurarama nazvo asi vanodzivisa kudzingirirana nepfuma kunoitwa munyika uye kutsvaka mukurumbira pamwe nokunyanyisa kuita zvemafaro.
(10) Kushandisa zano reBhaibheri: Vanotenda kuti zvinokosha kushandisa zano reShoko raMwari muupenyu hwezuva nezuva iye zvino—kumba, kuchikoro, mubhizimisi, muungano. Pasinei nemararamiro aimboitwa nemunhu, iye angava Chapupu chaJehovha kana akasiya zvinhu zvinorambidzwa neShoko raMwari oshandisa zano raro rinobva kuna Mwari. Asi chero ani zvake akazova netsika yokuita upombwe, ufeve, ungochani, kushandisa madhiragi, kudhakwa, kureva nhema, kana kuti kuba, iye anodzingwa musangano.
(Zvarongwa pamusoro apa zvinongotaura zvinhu zvikuru zvishoma zvinotendwa neZvapupu zvaJehovha, asi handizvo chete zvinhu zvavanotenda zvakasiyana nezvinotendwa nezvimwe zvitendero. Magwaro anotsigira pfungwa dzataurwa pamusoro apa angawanikwa nokushandisa Indekisi yebhuku rino.)
Zvapupu zvaJehovha chitendero chokuAmerica here?
Ivo vanotsigira Umambo hwaMwari, kwete zvematongerwo enyika, zvoupfumi, kana kuti magariro erudzi chero rupi zvarwo rwenyika ino.
Ichokwadi kuti Zvapupu zvaJehovha munguva yedu zvakatangira kuUnited States. Muzinda wavo wenyika yose uri ikoko wakabatsira kuita kuti mabhuku anotsanangura Bhaibheri adhindwe uye aendeswe kunzvimbo dzakawanda dzenyika. Asi Zvapupu hazvifariri rumwe rudzi zvichivenga mamwe; zvinowanika mumarudzi anenge ose zvawo, uye zvine mahofisi munzvimbo dzakawanda dzenyika anoona nezvebasa ravo munzvimbo idzodzo.
Funga izvi: Jesu aiva muJudha akaberekerwa muPalestine, asi handizvo here kuti chiKristu hachisi chitendero chokuPalestine? Chinhu chinonyanya kukosha chokufunga nezvacho haisi nzvimbo yakaberekerwa Jesu. Zvaidzidziswa naJesu zvaibva kuna Baba vake, Jehovha Mwari, uyo asingasaruri vanhu vemarudzi ose.—Joh. 14:10; Mab. 10:34, 35.
Mari yebasa rinoitwa neZvapupu zvaJehovha inobva kupi?
Inobva pazvipo zvinopiwa nomunhu achizvidira, sezvaingoitwa nevaKristu vepakutanga. (2 VaK. 8:12; 9:7) Pamisangano yavo, hapana kandiro kanotenderedzwa vanhu vachikanda mari; havapemhi mari kuvanhu. Chero zvipo zvinobva kuvanhu vanofarira zvinoshandiswa kutsigira basa rinoitwa neZvapupu munyika yose rokudzidzisa vamwe Bhaibheri.
Zvapupu hazvibhadharwi kuti zviende paimba neimba kana kuti zvigovere mabhuku anotsanangura Bhaibheri mumigwagwa. Kuda Mwari uye kuda muvakidzani kunoita kuti vataure nezveurongwa hunoratidza rudo hwakaitirwa vanhu naMwari.
Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, sangano rechitendero repamutemo rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha, rakatangwa muna 1884 maererano nebumbiro reNonprofit Corporation Law of the Commonwealth of Pennsylvania, riri kuUnited States. Saka, maererano nemutemo, sangano racho haringavi, uye harisi, rokuita purofiti, uyewo vanhu havaiti purofiti naro. Bumbiro remutemo reSociety yacho rinoti: “[Society] yacho haifungi nezvokuti nhengo dzaro, vanotungamirira, kana kuti vakuru vakuru, vawane mubereko kana kuti purofiti, zvisina kurongwa kana kuti zvakarongwa.”
Zvapupu zvaJehovha zvakabuda mune chimwe chitendero here? Vane vakuru vakuru vavanotevera here?
Vamwe vanoti Zvapupu zvaJehovha zvakabuda mune chimwe chitendero. Zvapupu zvaJehovha hazvina kubva mune imwe chechi asi sangano razvo rine vanhu vanobva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana uye vakabva muzvitendero zvakawanda. Havana wavanoti uyu ndiye mukuru wedu asi vanoti Jesu Kristu, ndiye mutungamiriri wavo.
Zvitendero zvakawanda zvine wazvinoti mutungamiriri wazvo, uye vanhu vezvimwe zvitendero vanogara kwavo voga kusina vamwe. Zvisinei, zvinonzi ndizvo zvinofanira kugamuchirwa zvinofanira kubva muShoko raMwari, uye Zvapupu zvaJehovha zvinonyatsoomerera pane zvinotaurwa neBhaibheri. Kunamata kwavo hakusi kungozvipira asi ndomararamiro avo. Havateveri munhu kana kuzviparadzanisa nevamwe vose vachigara kwavo voga. Vanogara uye vanoshanda nevamwe vanhu.
Chitendero cheZvapupu zvaJehovha ndechekare zvakadini?
Maererano neBhaibheri, zvapupu zvaJehovha zvinotangira shure kuna Abheri akanga akatendeka. VaHebheru 11:4–12:1 inoti: “Nokutenda Abheri akapa Mwari chibayiro chaikosha kupfuura chaKaini . . . Nokutenda Noa, pashure pokunge anyeverwa naMwari nezvezvinhu zvakanga zvisati zvaonekwa, akaratidza kutya Mwari . . . Nokutenda Abrahamu, paakadanwa, akateerera akaenda kunzvimbo yaaizofanira kugamuchira senhaka . . . Nokutenda Mosesi, paakanga akura, akaramba kunzi mwanakomana womwanasikana waFarao, achisarudza kuitirwa zvakaipa pamwe chete nevanhu vaMwari panzvimbo pokufadzwa nechivi kwenguva duku . . . Naizvozvo, zvatiine gore guru kudai rezvapupu rakatikomba, ngatibviseiwo zvinhu zvose zvinorema nechivi chinotipingirisha nyore nyore uye ngatimhanyei nokutsungirira nhangemutange yakaiswa pamberi pedu.”
Richitaura nezvaJesu Kristu, Bhaibheri rinoti: “Izvi ndizvo zvinhu zvinotaura Ameni, chapupu chakatendeka nechechokwadi, wokutanga pane zvakasikwa naMwari.” Aiva chapupu chaani? Iye pachake akataura kuti akazivisa vanhu zita raBaba vake. Ndiye aiva chapupu chikuru chaJehovha.—Zvak. 3:14; Joh. 17:6.
Zvinofadza kuti vamwe vaJudha vakabvunza kana basa raJesu Kristu raiva “kudzidzisa kutsva.” (Mako 1:27) Pave paya, vamwe vaGiriki vakafunga kuti muapostora Pauro akanga achitanga ‘kudzidzisa kutsva.’ (Mab. 17:19, 20) Kwaiva kutsva kuvanhu vaikunzwa, asi chaikosha ndechokuti kudzidzisa kwacho kwaiva chokwadi, kuchienderana zvizere neShoko raMwari.
Zvapupu zvaJehovha munguva ino zvakatanga nekuumbwa kweboka raidzidza Bhaibheri muAllegheny, Pennsylvannia, muUnited States, pakutanga kwema1870. Pakutanga vaizivikanwa seVadzidzi veBhaibheri, asi muna 1931 vakava nezita rinobva muMagwaro rokuti Zvapupu zvaJehovha. (Isa. 43:10-12) Zvavanotenda nezvavanoita hazvisi zvitsva asi kutangazve kuita zvaiitwa nechiKristu chomuzana remakore rokutanga.
Zvapupu zvaJehovha zvinotenda kuti chitendero chazvo ndicho chete chakarurama here?
Bhaibheri haribvumirani nezvinofungwa nevamwe mazuva ano zvokuti pane nzira dzakawanda dzokunamata Mwari dzinogamuchirika. VaEfeso 4:5 inoti kuna “Ishe mumwe chete, kutenda kumwe chete.” Jesu akati: “Gedhi rakamanikana uye mugwagwa wakatetepa unoenda kuupenyu, uye vashomanana ndivo vanouwana. . . . Haasi munhu wose anoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe,’ achapinda muumambo hwokumatenga, asi uya anoita kuda kwaBaba vangu vari kumatenga.”—Mat. 7:13, 14, 21; onawo 1 VaKorinde 1:10.
Magwaro anotaura ataurazve nezvedzidziso dzose dzechiKristu chechokwadi se“chokwadi,” uye chiKristu chinotaurwa nezvacho se“nzira yechokwadi.” (1 Tim. 3:15; 2 Joh. 1; 2 Pet. 2:2) Sezvo Zvapupu zvaJehovha zvichitora muBhaibheri zvose zvavanotenda, mitemo yavo yetsika, uye zvinofanira kuitwa nesangano, kutenda kwavo Bhaibheri seShoko raMwari kunoita kuti vave nechivimbo chokuti chavanacho ndicho chokwadi. Saka kuti ndivo chitendero chechokwadi hakusi kuzvikudza asi kunoratidza chivimbo chavanacho chokuti Bhaibheri ndiro rinofanira kuratidza kuti chitendero chomunhu ndechechokwadi here kana kuti kwete. Havangofungi nezvavo chete asi vane chido chokuudza vamwe zvavanotenda.
Zvimwe zvitendero hazvitevedzeriwo zviri muBhaibheri here?
Zvitendero zvakawanda zvinoriti shandisei. Asi zvinonyatsodzidzisa uye kuita zviri mariri here? Funga izvi: (1) Mushanduro dzavo dzakawanda dzeBhaibheri, vakabvisa zita raMwari wechokwadi kane zviuru. (2) Dzidziso yoUtatu, maonero avanoita Mwari pachake, inobva kuvahedheni. Dzidziso iyi yakazonatsiridzwa kuti ive zvairi zvino pashure pemazana emakore Bhaibheri rapera kunyorwa. (3) Pfungwa yavo yokuti mweya womunhu haufi iyo inotsigira kuenderera mberi kwoupenyu, haibvi muBhaibheri; inobva kuBhabhironi rekare. (4) Jesu ainyanya kuparidza nezveUmambo hwaMwari, uye akatuma vadzidzi vake kuti vanotaura nevamwe nezvahwo; asi machechi mazuva ano haawanzotauri nezveUmambo ihwohwo uye nhengo dzawo hadzisi kuita basa rokuparidza “mashoko akanaka oumambo.” (Mat. 24:14) (5) Jesu akataura kuti vateveri vake vechokwadi vaizozivikanwa zviri nyore nokudanana kwavo kwokuzvipira. Izvozvo ndizvo zvinoitika mumachechi echiKristudhomu nyika padzinorwisana here? (6) Bhaibheri rinoti vadzidzi vaKristu vaisazova venyika, uye rinonyevera kuti chero ani zvake anoda kuva shamwari yenyika anozviita muvengi waMwari; asi machechi echiKristudhomu nenhengo dzawo vakanyura mune zvematongerwo enyika. (Jak. 4:4) Maererano nezvange zvichiitika izvi, tingataura here zvechokwadi kuti vanonyatsoomerera pane zviri muBhaibheri?
Chii chinobatsira Zvapupu zvaJehovha kutsanangura Bhaibheri sezvavanoita?
Chinhu chikuru ndechokuti Zvapupu zvinonyatsotenda kuti Bhaibheri iShoko raMwari uye kuti zviri mariri ndezvokuti tirayiridzwe. (2 Tim. 3:16, 17; VaR. 15:4; 1 VaK. 10:11) Saka havaiti nharo dzeuzivi kuti vanzvenge mashoko ari pachena echokwadi kana kuti kupembedza mararamiro evanhu vakarasa tsika dzaro.
Pavanoratidza zvinoreva mashoko okufananidzira ari muBhaibheri, vanoita kuti iro Bhaibheri racho ritsanangure, pane kutaura zvavanofunga kuti ndizvo zvaanoreva. (1 VaK. 2:13) Zvinoratidza zvinoreva mashoko okufananidzira zvinowanzowanika mune zvimwe zvikamu zveBhaibheri. (Somuenzaniso, ona Zvakazarurwa 21:1; wadaro, kuti uwane zvinoreva “gungwa,” verenga Isaya 57:20. Kuti uone anotaurwa nezvake se“gwayana” pana Zvakazarurwa 14:1, ona Johani 1:29 uye 1 Petro 1:19.)
Kana kuri kuzadzika kwouprofita, vanoshandisa zvakataurwa naJesu zvokugara vakatarira kuti zviri kuitika zvinoenderana sei nezvakafanotaurwa. (Ruka 21:29-31; enzanisa na2 Petro 1:16-19.) Vachingwarira, vanotaura nezvezviitiko izvozvo voratidza kuti Bhaibheri rinoti zvinorevei.
Jesu akataura kuti pasi pano aizova ne“muranda akatendeka, akangwara” (vateveri vake vakazodzwa vose zvavo seboka rimwe), waaizoshandisa kuti ape zvokudya zvine chokuita nokunamata kune vaya veimba yokutenda. (Mat. 24:45-47) Zvapupu zvaJehovha zvinobvuma urongwa ihwohwo. Kungofanana nezvaiitwa nevaKristu vomuzana remakore rokutanga, Zvapupu zvinotarira kudare rinodzora reboka ro“muranda” iyeye kuti ripindure mibvunzo yakaoma—risingashandisi uchenjeri hwevanhu, asi ruzivo rwavo rweShoko raMwari uye zvaave achiita nevashumiri vake, uye vachibatsirwa nomudzimu mutsvene waMwari, wavanonyengeterera nemwoyo wose.—Mab. 15:1-29; 16:4, 5.
Nei zvimwe zvinodzidziswa neZvapupu zvaJehovha zvave zvichichinja nokufamba kwenguva?
Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha anoita kuti vashumiri vake vanzwisise chinangwa chake zvishoma nezvishoma. (Zvir. 4:18; Joh. 16:12) Saka, vaprofita vakafuridzirwa naMwari kunyora zvikamu zveBhaibheri havana kunzwisisa zvairehwa nezvose zvavakanyora. (Dhan. 12:8, 9; 1 Pet. 1:10-12) Vaapostora vaJesu Kristu vakaziva kuti pane zvakawanda zvavaisanzwisisa panguva yavo. (Mab. 1:6, 7; 1 VaK. 13:9-12) Bhaibheri rinoratidza kuti mu“nguva yokuguma” zivo yechokwadi yaizowedzera chaizvo. (Dhan. 12:4) Zivo yakawedzerwa inowanzoda kuti munhu achinje mafungiro ake. Zvapupu zvaJehovha zvinoda kuchinja saizvozvo nokuzvininipisa.
Nei Zvapupu zvaJehovha zvichiparidza paimba neimba?
Jesu akafanotaura kuti basa iri raizoitwa munguva yedu, achiti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.” Akarayirawo vateveri vake kuti: “Endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi.”—Mat. 24:14; 28:19.
Jesu paakatuma vadzidzi vake vepakutanga, akavarayira kuti vaende kumisha yevanhu. (Mat. 10:7, 11-13) Muapostora Pauro akati nezveushumiri hwake: “Handina kurega kukuudzai zvinhu zvaikubatsirai kana kukudzidzisai pachena uye paimba neimba.”—Mab. 20:20, 21; onawo Mabasa 5:42.
Shoko rinoparidzwa neZvapupu rine chokuita noupenyu hwevanhu; vanoda kungwarira kuti hapana wavanosiya. (Zef. 2:2, 3) Kushanya kwavanoita kunobva parudo, kuda kwavanoita Mwari, uyewo kuda kwavanoita muvakidzani.
Mumwe musangano wakaitwa nevakuru vakuru vezvitendero muSpain wakati: “Zvimwe [machechi] haatomborina hanya nezvinonyanya kuita kuti Zvapupu zvibatikane, iko kushanya mudzimba kwavanoita, vachitevedzera maitiro evaapostora vechechi yepakutanga. Kakawanda, vemachechi pavanenge vachingoomerera pakuvaka temberi dzavo, vachiridza mabhero kuti vanhu vauye kuchechi uye kuparidza vari munzvimbo dzavo dzokunamatira, [Zvapupu] zvinoita sezvaiitwa nevaapostora zvokuenda paimba neimba uye kushandisa mikana yose kupupura.”—El Catolicismo, Bogotá, Colombia, September 14, 1975, peji 14.
Asi nei Zvapupu zvichingoramba zvichishanyira misha yevanhu vasiri vechitendero chavo?
Havamanikidzi vamwe kubvuma shoko ravo. Asi vanoziva kuti vamwe vanhu vanotamira mudzimba idzodzo uye kuti mamiriro ezvinhu evanhu anochinja. Rimwe zuva munhu anenge akanyanya kubatikana zvokusakwanisa kuteerera; pane imwewo nguva angafara kuteerera. Mumwe womumhuri angasafarira, asi vamwe vangafarira. Vanhu vanochinja; matambudziko akakomba muupenyu angaita kuti vanhu vazive kuti vanofanira kunamata Mwari.—Onawo Isaya 6:8, 11, 12.
Nei Zvapupu zvaJehovha zvichitambudzwa uye zvichishorwa?
Jesu akati: “Kana nyika ichikuvengai, munoziva kuti yakandivenga isati yakuvengai. Kudai maiva venyika, nyika yaizoda zviri zvayo. Zvino nokuti hamusi venyika, asi ndakakusarudzai munyika, nokuda kweizvi nyika inokuvengai.” (Joh. 15:18, 19; onawo 1 Petro 4:3, 4.) Bhaibheri rinoratidza kuti nyika yose iri kutongwa naSatani; ndiye anonyanya kuita kuti Zvapupu zvitambudzwe.—1 Joh. 5:19; Zvak. 12:17.
Jesu akaudzawo vadzidzi vake kuti: “Muchavengwa nevanhu vose nokuda kwezita rangu.” (Mako 13:13) Pano, shoko rokuti “zita” rinoreva chinzvimbo chaJesu, saMambo Mesiya. Zvapupu zvaJehovha zvinotambudzwa nokuti zvinokoshesa mirayiro yake kupfuura yomutongi wepasi pano chero upi zvake.
Kana Mumwe Munhu Akati—
‘Nei musingaitiwo zvinhu zvinobatsira nyika (nharaunda) kuti ive nzvimbo iri nani yokugara.’
Ungapindura kuti: ‘Zviri pachena kuti mamiriro ezvinhu munharaunda anokosha kwamuri, uye anokoshawo kwandiri. Ndingabvunzawo here, Idambudziko ripi ramunofunga kuti ndiro ringafanira kutanga kugadziriswa?’ Ungawedzerawo kuti: ‘Nei muchifunga kuti izvozvo zvinokosha zvakadaro? . . . Zviri pachena kuti kukurumidza kugadzirisa dambudziko racho kwekanguva kungabatsira, asi ndine chokwadi chokuti munobvuma kuti tingada kuti rigadziriswe zvachose. Iwayo ndiwo maonero anoita Zvapupu zvaJehovha nyaya yacho. (Tsanangura zvatinoita kuti tibatsire vanhu kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri muupenyu hwavo kuti vagadzirise voga chinokonzera dambudziko racho; uyewo, zvichaitwa noUmambo hwaMwari, uye nei izvi zvichagadzirisa zvachose dambudziko revanhu.)’
Kana kuti ungati: ‘(Wataura dzimwe dzepfungwa dziri mumhinduro iri pamusoro apa . . . ) Vamwe vanobatsira kuvandudza nharaunda nokupa mari; vamwe vanozvipira kuita mamwe mabasa. Zvapupu zvaJehovha zvinoita zvose zviri zviviri. Regai nditsanangure.’ Ungawedzerawo kuti: (1) ‘Kuti munhu ave mumwe weZvapupu zvaJehovha, anofanira kuva akatendeseka pakubhadhara mitero; izvozvo zvinowanisa hurumende mari yemabasa anofanira kuitwa.’ (2) ‘Tinoita zvinotopfuura izvozvo, tichishanyira vanhu mudzimba dzavo, tichivaudza kuti tinoda kudzidza navo Bhaibheri vasingabhadhari. Pavanoziva zvinotaurwa neBhaibheri, vanodzidza kuzvishandisa vokunda matambudziko avo.’
Zvimwe zvaungataura ndezvokuti: ‘Ndafara kuti mataura nezvenyaya yacho. Vanhu vakawanda havana kumbobvunza kuti vazive kuti Zvapupu zviri kumboitei panyaya yezviri kuitika munharaunda. Zviri pachena kuti pane nzira dzakawanda dzokupa rubatsiro.’ Ungawedzerawo kuti: (1) ‘Vamwe vanodaro nokuvaka zvipatara, zvikoro, misha inogara vakwegura, nezvimwewo. Vamwe vangazvipira kuenda kudzimba dzevanhu chaiko kunovabatsira zvakakodzera sezvavangakwanisa. Izvozvo ndizvo zvinoitwa neZvapupu zvaJehovha.’ (2) ‘Takaona kuti pane chimwe chinhu chinogona kuchinja zvachose maonero anoita munhu upenyu, uye ichocho kuziva zvinoratidzwa neBhaibheri kuti ndicho chinangwa chaicho choupenyu uye zviri munguva yemberi.’
Rimwezve zano nderokuti: ‘Ndinoonga kuti mabvunza izvozvo. Hatingadi here kuona zvinhu zvichivandudzika? Ndingabvunzawo here, Munofungei nezvakaitwa naJesu Kristu pachake? Mungati here kubatsira kwaaiita vanhu kwaiyamura? . . . Tinoedza kutevera muenzaniso wake.’
‘VaKristu vanofanira kuva zvapupu zvaJesu, kwete zvaJehovha’
Ungapindura kuti: ‘Iyoyo inyaya inonakidza yamataura. Uye zvamataura ndizvozvo kuti tine basa rokupupurira Jesu. Ndokusaka basa raJesu muchinangwa chaMwari richisimbiswa mumabhuku edu. (Ungada kushandisa bhuku razvino kana magazini kuratidza izvozvo.) Asi hechino chimwe chinhu chingava chitsva kwamuri. (Zvak. 1:5) . . . Jesu aiva “Chapupu Chakatendeka” chaani? (Joh. 5:43; 17:6) . . . Jesu haana kuratidza muenzaniso watinofanira kutevera here? . . . Nei zvichikosha chaizvo kuziva Jesu naBaba vake? (Joh. 17:3)’