RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • rs p. 390-p. 396
  • VaJudha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • VaJudha
  • Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Mashoko Akafanana
  • Nyika yeIsrael Ndiyo Here Inorehwa Nouprofita hweBhaibheri?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mugari Wemo Kana Kuti Wokumwe, Mwari Anokugamuchira!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Zvapupu zvechiKristu Zvine Ugari Hwekudenga
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Ona Zvimwe
Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
rs p. 390-p. 396

VaJudha

Tsanangudzo: Semashandisirwo arinonyanya kuitwa mazuva ano, shoko racho rinoreva vanhu vechiHebheru nevamwe vakatendeukira kuchiJudha. Bhaibheri rinotaurawo kuti pane vaKristu vanonzi vaJudha pane zvokunamata uye vanoumba “Israeri waMwari.”

Mazuva ano, vanhu vechiJudha ndivo here vanhu vakasarudzwa naMwari?

Izvozvo ndizvo zvinotendwa nevaJudha vakawanda. Encyclopaedia Judaica (Jerusalem, 1971, Vol. 5, col. 498) inoti: “Mashoko anowanzoshandisirwa vanhu vokuIsrael okuti VANHU VAKASARUDZWA, anopa pfungwa yokuti vanhu vokuIsrael vane ukama chaihwo namwari wezvinhu zvose, uhwo vamwe vasina. Pfungwa iyi yave ichikosha chaizvo munhoroondo yose yechitendero chechiJudha.”—Ona Dheuteronomio 7:6-8; Eksodho 19:5.

Vakawanda vari muchiKristudhomu vanofungawo saizvozvo. Chikamu che“Chitendero” cheJournal and Constitution yeAtlanta (January 22, 1983, peji 5-B) chakati: “Kusiyana nezvave zvichidzidziswa nemachechi kwemazana emakore zvokuti Mwari ‘akarasa vanhu vake vaIsraeri,’ akavatsiva ne‘vaIsraeri vatsva,’ iye [Paul M. Van Buren, imwe nyanzvi inodzidza nezvezvitendero paTemple University iri muPhiladelphia] anoti machechi iye zvino anotaura kuti ichokwadi kuti ‘sungano yaMwari nevanhu vechiJudha inogara nokusingaperi. Kuchinja ikoko kunoshamisa kwave kuchiitwa nevaPurotesitendi nevechechi yeRoma, vari kumativi maviri eAtlantic.’” The New York Times (February 6, 1983, peji 42) yakawedzera kuti: “Timothy Smith, muzvinadzidzo wezvechitendero paJohns Hopkins University uye mupurotesitendi anotevera dzidziso dzaWesley, akati, ‘VaPurotesitendi vanoomerera pachinyakare vari kufarira chaizvo zvine chokuita nevanhu vokuIsrael uye pfungwa yokuti zvose zvinoitwa nevanhu vokuIsrael zvinofanira kutsigirwa, nokuti Mwari ari kudivi ravo.’” Vamwe vari muchiKristudhomu vanotarisira kuti vose vorudzi rwaIsraeri vachatendeuka vobva vaponeswa. Vamwe vanofunga kuti Mwari nevaIsraeri vagara vakabatana zvisingaparadzanisiki, zvokuti vanofunga kuti vemamwe marudzi chete ndivo vanofanira kuyananiswa naye pachishandiswa Kristu.

Chimbofunga izvi: Pashure pokunge vatapwa kuBhabhironi, vaIsraeri pavakadzoserwa kunyika yavo, vaifanira kunotangazve kunamata kwechokwadi vari munyika yavo yavakapiwa naMwari. Chimwe chezvinhu zvokutanga zvakaitwa kwaiva kuvakazve temberi yaJehovha yaiva muJerusarema. Zvisinei, kubvira pakaparadzwa Jerusarema nevaRoma muna 70 C.E., temberi haina kuzombovakwazve. Asi, paichimbova netemberi pava netemberi yevaMuslim. Kudai vaJudha, avo vanoti vari pasi poMutemo waMosesi, vaizova muJerusarema nhasi sevanhu vakasarudzwa vaMwari, temberi yakatsaurirwa kumunamatira ingadai isina kuvakwazve here?

Mat. 21:42, 43: “Jesu akati kwavari [vapristi vakuru nevarume vakuru vechiJudha vaiva muJerusarema]: ‘Hamuna kumboverenga here muMagwaro kuti, “Dombo rakarambwa nevavaki ndiro razova dombo guru repakona. Iri rakabva kuna Jehovha, uye rinoshamisa mumaziso edu”? Ndokusaka ndichiti kwamuri, Muchatorerwa umambo hwaMwari hwopiwa rudzi runobereka zvibereko zvahwo.’”

Mat. 23:37, 38: “Jerusarema, Jerusarema, muurayi wevaprofita neanotema nematombo vakatumwa kwaari,—ndaiwanzoda sei kuunganidza vana vako, sokuunganidza kunoita huku nhiyo dzayo pasi pemapapiro ayo! Asi imi hamuna kuzvida. Tarirai! Maramwirwa imba yenyu.”

Sungano yaMwari naAbrahamu inopa vimbiso here yokuti vaJudha vachiri vanhu vaMwari vakasarudzwa?

VaG. 3:27-29: “Imi mose makabhabhatidzwa muna Kristu, makapfeka Kristu. Hapana muJudha kana muGiriki, hapana muranda kana munhu akasununguka, hapana munhurume kana munhukadzi; nokuti imi mose muri munhu mumwe chete pamwe naKristu Jesu. Uyewo, kana muri vanhu vaKristu, chokwadi muri vana vaAbrahamu, vagari venhaka kana tichitaura nezvechipikirwa.” (Saka, maererano nemaonero aMwari, kuva wedzinza raAbrahamu hakusi iko kunoita kuti munhu ave mwana waAbrahamu.)

VaJudha vose vachatendeutswa kuti vatende Kristu vowana ruponeso nokusingaperi here?

VaR. 11:25, 26: “Handidi kuti imi, hama, murege kuziva chakavanzika chitsvene ichi, kuti murege kuva vakangwara mumaziso enyu, chokuti: vamwe vaIsraeri vakagomara pfungwa kusvikira nhamba yakazara yevanhu vemamwe marudzi yapinda, uye vaIsraeri vose vachaponeswa saizvozvi [“seizvi,” TEV; “pamusana paizvozvo,” CC, By; chiGiriki, houʹtos].” (Ona kuti kuponeswa kwe“vaIsraeri vose” kuchaitwa, kwete nokutendeutswa kwevaJudha vose, asi ‘nokupinda’ kwevanhu vanobva mune Mamwe marudzi. Vamwe vashanduri vanoshandura VaR 11 ndima 26 kuti; “Uye pashure peizvi vamwe vaIsraeri vose vachaponeswa.” Asi bhuku rinonzi A Manual Greek Lexicon of the New Testament [Edinburgh, 1937, G. Abbott-Smith, peji 329] rinotsanangura shoko rokuti houʹtos serinoreva kuti “seizvi, naizvozvo, saizvozvi.”)

Kuti tisvike pakunzwisisa zvakarurama zvakanyorwa pana VaRoma 11:25, 26, tinofanira kufungawo nezveizvi zvakanga zvatotaurwa muna VaRoma: “Anonzi muJudha haasi uya akadaro nechokunze, uye kudzingiswa hakusi kuya kwokunze kunoitwa panyama. Asi anonzi muJudha ndiye uya akadaro nechomukati, uye kudzingiswa kwake ndiko kuya kwomwoyo nomudzimu, kwete nebumbiro romutemo rakanyorwa.” (VaR 2:28, 29) “Havasi vose vanobva kuna Israeri vari ‘Israeri’ chaiye.”—VaR 9:6.

VaJudha vanofanira here kutenda muna Jesu Kristu kuti vaponeswe?

Isaya 53:1-12 yakafanotaura nezvorufu rwaMesiya kuti ‘atakure chivi chevanhu vakawanda, uye areverere vadariki.’ Dhanieri 9:24-27 yakaratidza kubatana kwakaita kuuya kwaMesiya uye kufa kwake ‘nokugumiswa kwechivi uye kukanganwirwa kwezvakaipa.’ (JP) Ndima idzodzi dziri mbiri dzinoratidza kuti vaJudha vaifanira kurevererwa uye kukanganwirwa zvivi. Vaigona kuramba Mesiya asi votarisira kugamuchirwa noUya akamutuma here?

Mab. 4:11, 12: “[NezvaJesu Kristu, mudzimu mutsvene wakaita kuti muapostora Petro ati kuvatongi vechiJudha nevarume vakuru vaiva muJerusarema:] Uyu ndiro ‘dombo rakanzi harikoshi nemi vavaki razova musoro wekona.’ Uyezve, hapana mumwe angaponesa vanhu, nokuti hapana rimwe zita pasi pedenga rakapiwa pakati pevanhu ratinofanira kuponeswa naro.” (Kunyange zvazvo rudzi rwevaIsraeri rusisina nyasha dzaMwari, nzira ichakazarukira muJudha mumwe nomumwe, sezvazvakangoita kuvanhu vemamwe marudzi ose, kuti vabatsirwe noruponeso urwo Jesu, Mesiya, anoita kuti ruvepo.)

Zviri kuitika kuIsrael iye zvino kuzadzika kwouprofita hweBhaibheri here?

Ezek. 37:21, 22, JP: “Zvanzi naIshe MWARI: Onai ndichabvisa vaIsraeri pakati pendudzi dzokuya kwavakaenda, ndichivaunganidza kumativi ose ndichizovadzoserazve kunyika yavo; uye ndichavaita rudzi rumwe chete pamakomo aIsraeri ari munyika yavo, uye vose vachava namambo mumwe chete.” (Mazuva ano Israel haisi nyika iri kutongwa namambo wedzinza raDhavhidhi. Iyo inyika ine mutungamiriri akaita zvokuvhoterwa.)

Isa. 2:2-4, JP: “Pamazuva okupedzisira zvichaitika ndezvizvi, gomo reimba yaISHE richamiswa rikava guru kudarika mamwe makomo, uye richava refu kudarika zvikomo zvose; uye ndudzi dzose dzichadirana dzichiendako. Uye vanhu vazhinji vachaenda vachiti: ‘Uyai tikwire mugomo raISHE, tiende kuimba yaMwari waJakobho; uye Iye achatidzidzisa nzira Dzake, uye tichafamba mumakwara Ake.’ . . . Uye vachapfura mapakatwa avo, vachiaita miromo yemagejo, uye mapfumo avo vachiaita zvokuchekereresa miti; rudzi haruzosimudziri rumwe rudzi bakatwa, uye havazodzidzizve kurwa.” (Iye zvino muJerusalem, paimbova netemberi hapasisina “imba yaMwari waJakobho,” asi pane temberi yevaMuslim. Uye vanhu vokuIsrael kana kuti dzimwe nyika dzavakavakidzana nadzo havasi kumbo“pfura mapakatwa avo, vachiaita miromo yemagejo.” Kuti vapone, vanovimba nokugara vakagadzirira kuita zvehondo.)

Isa. 35:1, 2, JP: “Gwenga nenyika yakaoma zvichafara kwazvo; uye renje richapururudza nomufaro, uye richatumbuka seruva rinonzi rozi. Richatumbuka kwazvo, uye richapururudza nomufaro richiimba; richapiwa kunaka kweRebhanoni, kunaka kukuru kweKameri neSharoni; vachaona kubwinya kwaISHE, kunaka kukuru kwaMwari wedu.” (Kusimazve miti zvakanyanya nezvimwe zvirongwa zvokudiridza zvave zvichibudirira chaizvo muIsrael. Asi vatungamiriri venyika yacho havarumbidzi Ishe Mwari pamusana pokubudirira kwacho. Sezvakataurwa neaichimbova mutungamiriri wenyika iyoyo anonzi David Ben-Gurion: “Israel yakatsunga . . . kukunda renje, yoita kuti zvakawanda zvimere imomo pachishandiswa simba rezvesayenzi uye pfungwa dzokutanga zvinhu zvitsva, yochinja nyika yacho kuva nyika inorwira kuzvitonga.”)

Zek. 8:23, JP: “Mumazuva iwayo zvichaitika ndezvokuti, varume gumi vanobva mumitauro yose yemamwe marudzi, vachatobata nguo yaiye muJudha, vachiti: Tichaenda nemi, nokuti takanzwa kuti Mwari anemi.” (NdiMwari upi anotaurwa nezvake muuprofita hwacho? Mumutauro wechiHebheru zita rake [יהוה, rinowanzoshandurwa kuti Jehovha] rinowanika ka130 mubhuku iri rimwe chete reMagwaro Matsvene. Mazuva ano, mumwe munhu paanoshandisa zita iroro, vanhu vanoti munhu wacho muJudha here? Aiwa; kwemazana akawanda emakore, kutenda mashura kwakaita kuti vanhu vechiJudha vose varege kutombotaura zita raMwari pachake. Kuwedzera kufarira zvine chokuita nerudzi rwevaIsraeri kuri kuitwa mazuva ano nevezvitendero hakukodzeri uprofita uhwu.)

Saka, zviri kuitika kuIsrael iye zvino zvinofanira kuonekwa sei? Zvinofanira kungoonekwa sezviitiko zviri kuitika munyika yose zvakafanotaurwa neBhaibheri. Izvi zvinosanganisira hondo, kusateerera mutemo, kutonhora kwokuda Mwari, uye kuda mari.—Mat. 24:7, 12; 2 Tim. 3:1-5.

Mazuva ano uprofita hune chokuita nokudzorerwa kwaIsraeri huri kuzadzika kuna vanaani?

VaG. 6:15, 16: “Kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvikoshi, asi chisikwa chitsva ndicho chinokosha. Vaya vose vachafamba zvakanaka maererano nomurau uyu wokufamba nawo, rugare nengoni ngazvive pavari, kunyange pana Israeri waMwari.” (Saka “Israeri waMwari” haasisina chokuita nokutevedzera murayiro wakapiwa Abrahamu kuti aite, wokudzingisa vanhurume vose veimba yake. Asi, sezvinotaurwa pana VaGaratiya 3:26-29, vaya vari vanhu vaKristu uye vari vanakomana vaMwari vakaberekwa nomudzimu mutsvene “chokwadi [ndivo] vana vaAbrahamu.”)

Jer. 31:31-34: “‘Tarirai! Mazuva achauya,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘andichaita sungano itsva neimba yaIsraeri uye neimba yaJudha . . . Mumwe nomumwe haazodzidzisizve shamwari yake uye mumwe nomumwe hama yake, achiti, “Zivai Jehovha!” nokuti vose vachandiziva, kubvira kumuduku wavo kunyange kusvikira kumukuru wavo,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.” (Sungano itsva iyoyo yakaitwa nevateveri vakavimbika vaJesu Kristu vaya vakapiwa tariro yokunorarama kudenga, haina kuitwa nerudzi rwaIsraeri chairwo. Paaitanga Chirangaridzo chorufu rwake, Jesu akavapa kapu yewaini akati: “Kapu iyi inomirira sungano itsva muropa rangu.” [1 VaK. 11:25])

Zvak. 7:4: “Ndakanzwa nhamba yevaya vakaiswa chisimbiso, vane zviuru zvine zana nemakumi mana nezvina, vakaiswa chisimbiso vachibva mumadzinza ose evanakomana vaIsraeri.” (Asi mundima dzinotevera, munotaurwa nezve“dzinza raRevhi” uye “dzinza raJosefa.” Aya aisabatanidzwa pamadzinza 12 aIsraeri. Zvinonakidza ndezvokuti kunyange zvazvo zvichinzi vanhu vaizo“iswa chisimbiso vachibva mumadzinza ose,” dzinza raDhani neraEfremu haataurwi nezvawo. [Enzanisa naNumeri 1:4-16.] Pano panofanira kunge pachitaura nezvaIsraeri waMwari, Israeri womudzimu, vaya vanonzi naZvakazarurwa 14:1-3 vachava muUmambo hwokudenga pamwe naKristu.)

VaH. 12:22: “Imi maswedera kuGomo reZiyoni, uye kuguta raMwari mupenyu, iro Jerusarema rokudenga, nokumakumi ezviuru engirozi.” (Saka vaKristu vechokwadi havatarisiri kuona kuzadzika kwezvipikirwa zvaMwari paJerusarema repasi pano asi pa“Jerusarema rokudenga.”)

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe