RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • bt chits. 9 pp. 69-76
  • “Mwari Haasaruri”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Mwari Haasaruri”
  • Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Aigara Achinyengetera Kuna Mwari” (Mabasa 10:1-8)
  • ‘Petro Akavhiringidzika’ (Mabasa 10:9-23a)
  • Petro “Akati Vabhabhatidzwe” (Mabasa 10:23b-48)
  • “Havana Kuzoramba Vachiita Nharo, Uye Vakakudza Mwari” (Mabasa 11:1-18)
  • “Vakawanda Vakava Vatendi” (Mabasa 11:19-26a)
  • “Kutumira Zvinhu Zvekuyamura” (Mabasa 11:26b-30)
  • Koneriyasi Anopiwa Mweya Mutsvene
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Petro Anoshanyira Kornerio
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Chitambudzo Chinoita Kuti muAndiyoki Muve Nokuwedzera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • VaKristu Vokutanga Nomutemo waMosesi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Ona Zvimwe
Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
bt chits. 9 pp. 69-76

CHITSAUKO 9

“Mwari Haasaruri”

Basa rekuparidza rinosvika kuvanhu vemamwe marudzi vasina kuchecheudzwa

Mabasa 10:1–11:30

1-3. Petro anoonei muchiratidzo, uye nei tichifanira kunzwisisa zvachinoreva?

IGORE ra36 C.E., uye Petro ari muguta reJopa rine chiteshi chezvikepe. Zuva rava kurova nhongonya, uye Petro ari kunyengetera ari pamusoro pedenga reimba iri pedyo negungwa. Ava nemazuva ari muenzi pamba apa. Kugara kwaari kuita pamba apa kunoratidza kuti maonero aanoita vamwe vanhu akati siyanei neevamwe vaJudha. Muridzi wepamba pacho, Simoni, anoita basa rekusukuta matehwe, uye vamwe vaJudha havabvumi kugara nemunhu akadaro.a Asi Petro ava kuzowana chimwe chidzidzo chinokosha nezvekusasarura kwaJehovha.

2 Petro paari kunyengetera, akatanga kuona chiratidzo. Zvaanoona muchiratidzo chacho zvinovhiringidza chero muJudha upi zvake. Anoona chimwe chinhu chakaita sejira guru chichiburuka chiine mhuka dzisina kuchena maererano neMutemo. Anoudzwa kuti adziuraye adye, obva apindura kuti: “Handina kumbobvira ndadya chinhu chakasviba, chisina kuchena.” Anoudzwa katatu kuti: “Rega kuti zvinhu zvacheneswa naMwari zvakasviba.” (Mab. 10:14-16) Chiratidzo ichi chinomusiya avhiringidzika, asi hazvina kutora nguva kuti azive kuti zviri kurevei.

3 Zvakaonekwa naPetro zvinorevei? Zvinokosha kuti tinzwisise zvazvinoreva nekuti zvinotidzidzisa chimwe chokwadi chinokosha nezvemaonerwo anoitwa vanhu naJehovha. Sezvo tiri vaKristu vechokwadi, hatigoni kupa uchapupu hwakasimba nezveUmambo hwaMwari tisina kudzidza maonerwo anoitwa vanhu naMwari. Kuti tinzwisise chiratidzo chakaonekwa naPetro, ngatitangei taona kuti zvinhu zvakanga zvakamira sei paakazochiona.

“Aigara Achinyengetera Kuna Mwari” (Mabasa 10:1-8)

4, 5. Koniriyasi aiva ani, uye chii chakaitika paakanga achinyengetera?

4 Petro akanga asina kutomboziva kuti nezuro wacho kuKesariya, guta raiva kuchamhembe riri makiromita 50 kubva paaiva, kwaiva nemurume ainzi Koniriyasi akanga audzwawo zvekuita naMwari muchiratidzo. Koniriyasi, mukuru weuto reRoma aiva “murume akazvipira pakunamata.”b Aitungamirira mhuri yake zvakanaka chaizvo nekuti “aitya Mwari pamwe chete nemhuri yake yese.” Koniriyasi akanga asina kutendeukira kuchitendero chechiJudha; aiva munhu werumwe rudzi asina kuchecheudzwa. Kunyange zvakadaro, ainzwira tsitsi vaJudha vaishayiwa, achivabatsira nezvinhu zvekurarama nazvo. Murume uyu akatendeka “aigara achinyengetera kuna Mwari.”—Mab. 10:2.

5 Koniriyasi akanga achinyengetera kuma3 dzemasikati paakaona ngirozi muchiratidzo ichimuudza kuti: “Minyengetero yako nezvipo zvako zvekubatsira varombo zvakwira sechiyeuchidzo pamberi paMwari.” (Mab. 10:4) Koniriyasi akaita zvaakaudzwa nengirozi ndokutuma varume kunodaidza muapostora Petro. Sezvo aiva munhu werumwe rudzi asina kuchecheudzwa, Koniriyasi akanga ava kuzarurirwa suo rakanga risingakwanisi kupindwa nemunhu akafanana naye. Akanga ava kuda kugamuchira shoko reruponeso.

6, 7. (a) Taura zvakaitika zvinoratidza kuti Mwari anopindura minyengetero yevanhu vanenge vachida kuziva chokwadi pamusoro pake. (b) Nyaya dzakadaro dzinotidzidzisei?

6 Ko mazuva ano Mwari anopindura minyengetero yevanhu vane mwoyo inoda kuziva chokwadi pamusoro pake here? Chimbofunga imwe nyaya yakaitika. Mumwe mukadzi wekuAlbania akapiwa Nharireyomurindi ine nyaya yaitaura nezvekurera vana.c Akaudza Chapupu chakanga chamushanyira kuti: “Mufunge ndanga ndichitonyengetera kuna Mwari kuti ndingarera sei vanasikana vangu? Ndimi vaatuma! Mashoko amandiudza ndiwo andanga ndichitotsvaga!” Mukadzi wacho nevanasikana vake vakatanga kudzidza Bhaibheri uye murume wake akatozotangawo kudzidza.

7 Ndipo pega pakangoitika zvinhu zvakadai here? Kana! Zvinhu zvakadai zvinotaurwa kakawanda kuti zvakaitika zvekuti hazvingambonzi masanga. Saka zvinotidzidzisei? Chekutanga, Jehovha anopindura minyengetero yevanhu vanomutsvaga nemwoyo wese. (1 Madz. 8:41-43; Pis. 65:2) Chechipiri, tinotsigirwa nengirozi mubasa redu rekuparidza.—Zvak. 14:6, 7.

‘Petro Akavhiringidzika’ (Mabasa 10:9-23a)

8, 9. Petro akaratidzwei nemweya, uye iye akaitei?

8 Petro achiri pamusoro pemba uye “achiri kuvhiringidzika” nezvaaratidzwa. (Mab. 10:17) Vanhu vakatumwa naKoniriyasi vanobva vasvika. Petro achabvuma here kuenda nevarume ava onopinda mumba memunhu wemamwe marudzi iye anga amboramba katatu kese kudya zvinhu zvainzi neMutemo hazvina kuchena? Mwari achashandisa mweya wake mutsvene kuti aratidze kuti kuda kwake ndekupi panyaya iyi. Petro anoudzwa kuti: “Ona! Pane varume vatatu vari kukutsvaga. Saka simuka, udzike pasi uende navo; usazeza nekuti ndini ndavatuma.” (Mab. 10:19, 20) Zvakaonekwa naPetro muchiratidzo zvinofanira kunge zvakamugadzirira kuti ateerere zvaaizoudzwa kuti aite nemweya mutsvene.

9 Paakanzwa kuti Koniriyasi akanga atuma vanhu kuti vazomudana, Petro akabva akumbira nhume dzacho kuti dzipinde mumba, “vakarara ipapo.” (Mab. 10:23a) Petro akanga atotanga kugadziridza pfungwa dzake kuti afambirane nekuda kwaMwari.

10. Jehovha anotungamirira vanhu vake sei, uye mibvunzo ipi yatinofanira kuzvibvunza?

10 Nanhasi Jehovha achiri kutungamirira vanhu vake achivazivisa kuda kwake zvishoma nezvishoma. (Zvir. 4:18) Ari kutungamirira “muranda akatendeka, akangwara” achishandisa mweya wake mutsvene. (Mat. 24:45) Dzimwe nguva tinombojekeserwa manzwisisiro atinoita Shoko raMwari kana maitiro atinoita zvinhu musangano. Tinofanira kuzvibvunza kuti: ‘Ndinoita sei panogadziriswa zvinhu saizvozvo? Ndinobvuma kutungamirirwa nemweya mutsvene panyaya dzakadaro here?’

Petro “Akati Vabhabhatidzwe” (Mabasa 10:23b-48)

11, 12. Petro akaita sei paakasvika kuKesariya, uye akanga adzidzei?

11 Mangwana acho, Petro ‘nehama 6’ dzechiJudha dzaibva kuJopa, pamwe chete nevarume vaya vatatu vakanga vatumwa, vese pamwe chete vari 10, vakapinda munzira vakananga kuKesariya. (Mab. 11:12) Koniriyasi achiziva kuti Petro ari kuuya, akafanounganidza “hama dzake neshamwari dzake dzepedyo,” idzo dzinofanira kunge dzaisavawo vaJudha. (Mab. 10:24) Petro akabva apinda mumusha memurume uyu asina kuchecheudzwa, chinova chinhu chakanga chisingatarisirwe kuti chingaitwa nemuJudha! Petro akatsanangura kuti: “Munonyatsoziva kuti Mutemo haubvumiri kuti muJudha adyidzane nemunhu werumwe rudzi kana kuti aende kwaari, asi Mwari akandiratidza kuti hapana munhu wandinofanira kuti akasviba kana kuti haana kuchena.” (Mab. 10:28) Pari zvino Petro akanga ava kunzwisisa kuti nyaya yaaidzidziswa muchiratidzo chaakaona yakanga isiri yezvekudya chete. ‘Hapana munhu waaifanira kuti akasviba [kunyange munhu asiri muJudha].’

Petro nevamwe vake vachipinda mumba maKoniriyasi.

“Koniriyasi akanga achitovatarisira uye akanga aunganidza hama dzake neshamwari dzake dzepedyo.”​—Mabasa 10:24

12 Munhu wese akanga aripo akanga akamirira kunzwa zvaizotaurwa naPetro. Koniriyasi akatsanangura kuti, “Tese tiri pamberi paMwari kuti tinzwe zvese zvawakarayirwa naJehovha kuti utaure.” (Mab. 10:33) Imbofunga uchinzwa munhu anofarira achikuudza mashoko akadaro! Petro akatanga nekutaura mashoko aya ane simba: “Iye zvino ndava kunyatsonzwisisa kuti Mwari haasaruri, asi anogamuchira vanhu vanobva mumarudzi ese vanomutya uye vanoita zvakarurama.” (Mab. 10:34, 35) Petro akanga adzidza kuti Jehovha haaoni vanhu maererano nedzinza ravo, nyika yavanobva, kana kuti zvimwewo zvinooneka. Petro akabva aenderera mberi achipa uchapupu nezveushumiri hwaJesu, rufu rwake uye kumutswa kwake.

13, 14. (a) Kutendeuka kwaKoniriyasi nevamwe vanhu vemamwe marudzi muna 36 C.E. kwakagumisa nguva ipi? (b) Nei tisingafaniri kutonga vanhu maererano nezvatinoona nechekunze?

13 Pakabva pazoitika chimwe chinhu chakanga chisati chamboitika: “Petro achiri kutaura,” mweya mutsvene wakadururirwa “pavanhu vemamwe marudzi.” (Mab. 10:44, 45) Apa ndipo chete panotaurwa muMagwaro pakadururwa mweya mutsvene pavanhu vakanga vasati vabhabhatidzwa. Petro paakaona izvi akabva aziva kuti Mwari akanga avagamuchira saka “akati vabhabhatidzwe.” (Mab. 10:48) Kutendeuka ikoko kwevanhu vemamwe marudzi muna 36 C.E. ndikwo kwaiva kuguma kwenguva yaibatwa vaJudha naMwari sevanhu vake. (Dhan. 9:24-27) Paakatungamirira pachiitiko ichi, Petro aitoshandisa yechitatu ‘pamakiyi eUmambo,’ inova ndiyo yekupedzisira. (Mat. 16:19) Kiyi iyi yakazarura suo rekuti vanhu vemamwe marudzi vasina kuchecheudzwa vave vaKristu vakazodzwa nemweya.

14 Isuwo sevazivisi veUmambo, tinoziva kuti “Mwari haasaruri.” (VaR. 2:11) Kuda kwake ndekwekuti “vanhu vakasiyana-siyana vaponeswe.” (1 Tim. 2:4) Saka hatifaniri kutonga vanhu maererano nezvatinoona nechekunze. Basa redu nderekupa uchapupu hwakasimba nezveUmambo hwaMwari, izvo zvinosanganisira kuparidzira vanhu vese, pasinei nerudzi rwavo, nyika dzavanobva, ganda ravo, kana kuti zvavanotenda.

“Havana Kuzoramba Vachiita Nharo, Uye Vakakudza Mwari” (Mabasa 11:1-18)

15, 16. Nei vamwe vaKristu vechiJudha vakatsoropodza Petro, uye akavatsanangurira sei zvaakaita?

15 Petro anofanira kunge aiva neshungu dzekuudza vamwe zvakanga zvaitika, saka akabva apinda munzira kuenda kuJerusarema. Kunenge kuti shoko rekuti “vanhu vemamwe marudzi vakanga vagamuchirawo shoko raMwari” rakamutangira kusvika kuJerusarema. Achingosvika, “vanhu vaitsigira nyaya yekuchecheudzwa vakatanga kumutsoropodza.” Vaishora kuti akanga apinda “mumba mevanhu vasina kuchecheudzwa” akadya navo. (Mab. 11:1-3) Nyaya yavo yakanga isiri pakuti vanhu vemamwe marudzi vakanga vasingagoni kuva vaKristu. Nyaya iripo ndeyekuti vadzidzi ava vechiJudha vaiti vanhu vemamwe marudzi vanofanira kuchengeta Mutemo waMozisi, kusanganisira kuchecheudzwa, kuti kunamata kwavo kugamuchirwe naJehovha. Zviri pachena kuti vamwe vadzidzi vechiJudha vaiona zvichivaomera kusiyana neMutemo waMozisi.

16 Petro akabva avatsanangurira kuti akaitirei zvaakaita. Maererano naMabasa 11:4-16, akataura zvinhu zvina zvaipa uchapupu hwekuti Mwari ndiye aitungamirira zvese zvaakaita: (1) chiratidzo chaakaona (Vhesi 4-10); (2) zvaakaudzwa nemweya mutsvene kuti aite (Vhesi 11, 12); (3) kushanyirwa kwakaitwa Koniriyasi nengirozi (Vhesi 13, 14); uye (4) kudururwa kwemweya mutsvene pavanhu vemamwe marudzi. (Vhesi 15, 16) Petro akapedzisa nekubvunza mubvunzo waida kufungisiswa wekuti: “Saka kana Mwari akavapa chipo chepachena [chemweya mutsvene] chakafanana nechaakatipawo isu [vaJudha] takatenda munaShe Jesu Kristu, ini ndaiva ani zvangu kuti ndidzivise Mwari?”—Mab. 11:17.

17, 18. (a) Zvakataurwa naPetro kuti zvakanga zvaitika zvakava muedzo sei kuvaKristu vechiJudha? (b) Chii chinogona kuita kuti zvisava nyore kuti ungano irambe yakabatana, uye tinofanira kuzvibvunza mibvunzo ipi?

17 Zvakataurwa naPetro kuti zvakanga zvaitika zvakava muedzo chaiwo kuvaKristu ivavo vechiJudha. Vaizokwanisa kusiyana nerusarura zvachose here vogamuchira vaKristu vatsva vemamwe marudzi sehama dzavo? Nyaya yacho inoenderera mberi ichiti: “Pavakanzwa izvi, [vaapostora nevamwe vaKristu vechiJudha] havana kuzoramba vachiita nharo, uye vakakudza Mwari, vachiti: ‘Saka kureva kuti Mwari apawo vanhu vemamwe marudzi mukana wekupfidza zvivi vozowana upenyu.’” (Mab. 11:18) Kubvuma ikoko kwavakaita kuchinja maonero avaiita zvinhu, kwakachengetedza ungano yakabatana.

18 Mazuva ano hazvisi nyorewo kuti vanamati vechokwadi varambe vakabatana, nekuti “vanobva kumarudzi ese nemadzinza nevanhu nendimi.” (Zvak. 7:9) Saka muungano dzakawanda mune vanhu vemarudzi akasiyana-siyana, vane tsika dzakasiyana-siyana uye vanobva kwakasiyana-siyana. Saka tinofanira kuzvibvunza kuti: ‘Ndakasiya zvachose kusarura vanhu vemamwe marudzi here? Ndiri kuramba kukanganiswa maonero andinoita vamwe vaKristu netutsika twenyika ino tunoparadzanisa vanhu here, twakadai sekusarura vanhu vanobva kune dzimwe nyika, vemamwe madzinza, uye kudada nerudzi rwako?’ Yeuka zvakaitika kuna Petro (Kefasi) pashure pemakore mashomanana kubva pakatendeuka vaKristu vemamwe marudzi vekutanga. Achingoita gundamusaira nevamwe vaisarura vamwe, Petro “akazviparadzanisa” nevaKristu vemamwe marudzi akatozotsiurwa nemuapostora Pauro. (VaG. 2:11-14) Ngatirambei tichingwarira musungo wekusarura vamwe.

“Vakawanda Vakava Vatendi” (Mabasa 11:19-26a)

19. VaKristu vechiJudha vakatanga kuparidzira vanhu vapi muAndiyoki, uye vakabudirira zvakadii?

19 Vateveri vaJesu vakabva vatanga kuparidzira vanhu vemamwe marudzi vasina kuchecheudzwa here? Cherechedza zvakazoitika kuAndiyoki yekuSiriya.d Guta iri raiva nevaJudha vakawanda, asi vakanga vasingawanzonetsane nevanhu vemamwe marudzi. Saka Andiyoki yakanga iri ndima yakanaka yekuparidzira vanhu vemamwe marudzi. Muguta iri ndimo makatanga vadzidzi vechiJudha kuzivisa mashoko akanaka kuvanhu “vaitaura chiGiriki.” (Mab. 11:20) Vaisangoparidzira vaJudha vaitaura chiGiriki chete asi vanhu vemamwe marudzi vakanga vasina kuchecheudzwa. Jehovha akakomborera basa iri, uye “vakawanda vakava vatendi.”—Mab. 11:21.

ANDIYOKI YEKUSIRIYA

Andiyoki yekuSiriya yaiva pedyo nerwizi rwaOrontes, anenge makiromita 30 kubva kuchiteshi chengarava cheSerukiya chaiva kumahombekombe egungwa reMediterranean uye makiromita anenge 550 kuchamhembe kweJerusarema. (Mab. 13:4) Seleucus I Nicator, mutongi wekutanga weUmambo hwekwaSeleucus, ndiye akavaka Andiyoki muna 300 B.C.E. Sezvo raiva guta guru reumambo hwacho, Andiyoki yakava guta rinokosha. Muna 64 B.C.E., Pompey, mutungamiriri wemauto eRoma, akaita kuti Siriya itongwe neRoma, uye Andiyoki ndiyo yakava guta racho guru. Pakazosvika makore akatanga chiKristu, guta iri ndiro rakanga rava rechitatu pakukura uye paupfumi muUmambo hwese hweRoma richitevera mumashure meRoma neArekizandriya.

Andiyoki yaiva muzinda wezvekutengeserana uye zvematongerwo enyika. Zvinhu zvese zvaiwanikwa muSiriya zvaitopfuura nemuguta iri kuti zvizoendeswa kunzvimbo dzaiva pedyo negungwa reMediterranean. Mumwe muongorori anoti: “Sezvo Andiyoki yakanga iri mumuganhu wenzvimbo dzaigarwa nevaRoma uye vaGiriki uye nechekumabvazuva kwayo kuine mamwe marudzi, yaiva netsika nemagariro zvakasiyana-siyana kupfuura mamwe maguta echiGiriki.” MuAndiyoki maiva nevaJudha vakawanda uye munyori wechiJudha Flavius Josephus akanyora kuti “vakatendeutsa vaGiriki vakawanda” vaigara imomo.

20, 21. Bhanabhasi akaratidza sei kuti aizvininipisa, uye tingaratidza sei kuzvininipisa patinoita ushumiri hwedu?

20 Ungano yekuJerusarema yakatumira Bhanabhasi kuAndiyoki kuti anoparidzira mundima iyi yakanga yaibva. Asi kunenge kuti akawana vanhu vanofarira vakawandisa zvekuti aisakwanisa kuvaparidzira ari ega. Ndiani mumwe aizokwanisa kunyatsomubatsira kunze kwaSauro, uyo aizova muapostora kumarudzi? (Mab. 9:15; VaR. 1:5) Bhanabhasi aizotyira here kuti kana pakazova nemumwe munhu waanoshanda naye angazomukunda pakudzidzisa? Haana kudaro. Akatoratidza kuzvininipisa nekuti ndiye akatoenda kuTaso kunotsvaga Sauro, achibva adzoka naye kuAndiyoki kuti amubatsire. Vakaita gore vari pamwe chete vachikurudzira vadzidzi muungano yeko.—Mab. 11:22-26a.

21 Tingaratidzawo sei kuzvininipisa patinenge tichiita ushumiri hwedu? Kuzvininipisa kunosanganisira kuzivawo kuti pane zvinhu zvatisingagoni. Tinosiyana-siyana pazvinhu zvatinokwanisa. Vamwe vanogona kunge vaine unyanzvi hwekuparidza zvisina kurongwa kana kuti paimba neimba asi zvichivaomera kudzokera kuvanhu vanofarira uye kutanga zvidzidzo zveBhaibheri. Kana paine paunofunga kuti unoda kuti vandudzei, wadii kukumbira kubatsirwa? Kana ukaita izvozvo uchabudirira uye uchawana mufaro mukuru muushumiri.—1 VaK. 9:26.

“Kutumira Zvinhu Zvekuyamura” (Mabasa 11:26b-30)

22, 23. VaKristu vekuAndiyoki vakaratidza sei kuti vaida hama dzavo, uye mazuva ano vanhu vaMwari vanoratidza sei rudo rwakadaro?

22 “MuAndiyoki ndimo makatanga kushevedzwa vadzidzi kuti vaKristu, zvichitungamirirwa naMwari.” (Mab. 11:26b) Zita iroro rakabvumirwa naMwari rinonyatsotsanangura vaya vanorarama vachitevedzera mararamiro aiita Kristu. Vanhu vemamwe marudzi pavakava vaKristu, vakabatana nevaKristu vechiJudha here? Funga zvakaitika pakwakava nenzara huru munenge muna 46 C.E.e Kare ikako, varombo ndivo vainyanya kuomerwa kana kukaitika nzara nekuti vanenge vasina mari kana zvimwewo zvekudya zvavanenge vakachengeta. Pakaitika nzara iyi, vaKristu vechiJudha vaigara muJudhiya vaida rubatsiro nekuti vakawanda vavo vanofanira kunge vaiva varombo. Hama dzaiva kuAndiyoki, kusanganisira vaKristu vemamwe marudzi, pavakaziva nezvedambudziko iri, vakatumira “zvinhu zvekuyamura hama dzaigara muJudhiya.” (Mab. 11:29) Uku ndiko kunonzi kuratidzana rudo kwehama!

23 Izvi ndizvo zvichiri kungoitwa nevanhu vaMwari mazuva ano. Patinoziva kuti hama dzedu, dzingava dzekune dzimwe nyika kana kuti dzekwatinogara dziri kutambura, tinodzibatsira. Matare Emapazi anokurumidza kuronga kuti paumbwe makomiti ekubatsira panoitika njodzi kuti abatsire hama dzedu dzinenge dzawirwa nenjodzi dzinongoitika dzega, dzakadai semadutu, kudengenyeka kwenyika nematsunami. Mabasa akadaro anoratidza kuti tine rudo rwechokwadi pakati pedu.—Joh. 13:34, 35; 1 Joh. 3:17.

24. Tingashandisa sei chidzidzo chakadzidzwa naPetro muchiratidzo chaakaona?

24 SevaKristu vechokwadi, tinokoshesa zvikuru chidzidzo chakawanikwa naPetro paakaona chiratidzo ari pamusoro pemba kuJopa makore anodarika 1 900 akapfuura. Tinonamata Mwari asingasaruri. Kuda kwake kuti tipe uchapupu hwakasimba nezveUmambo hwake, izvo zvinosanganisira kuparidzira vanhu pasinei nerudzi rwavo, kwavanobva, kana kuti vanoonekwa sei kwatinogara. Saka ngatiitei zvese zvatinogona kupa munhu wese anenge atiteerera mukana wekunzwa mashoko akanaka.—VaR. 10:11-13.

Hama nehanzvadzi dziri kugadzirisa denga remba.

Kana hama dzedu dzichishayiwa, tinotsvaga nzira yekuvabatsira nayo

KONIRIYASI UYE MAMIRIRO AKANGA AKAITA UTO REROMA

Muzinda weuto reRoma munharaunda yeJudhiya waiva kuKesariya. Uto raitungamirirwa nagavhuna raiva nemasoja 500 kusvika ku1 000 emabhiza uye mapoka mashanu etsoka. Boka rimwe chete revetsoka rainge rakanyatsosimba raigona kuva nemasoja 600. Chiuto ichi chaiwanzopindwa nevanhu vaitongwa neRoma kwete zvizvarwa zveRoma. Vakawanda vavo vaishandira muKesariya asi kune tumwe tumapoka twakanga twakapararira neJudhiya yese. Paiva nerimwe boka remasoja etsoka raigara riri paNhare yaAntonia muJerusarema richiona zvinenge zvichiitika munharaunda yetemberi nemuguta. Mauto aiwedzerwa muguta iroro panguva dzemitambo yevaJudha kuitira kana pakava nezhowezhowe.

Chikwata chemauto 100 chaitungamirirwa nemukuru weuto. Mabasa 10:1 inotaura kuti Koniriyasi aiva mukuru wechikwata chemauto 100 chainzi cheItari, chinogona kunge chaishandira muKesariya. Mukuru wemauto 100 aiva munhu airemekedzwa zvikuru uye ainge akapfuma. Mari yavaitambira yaigona kupeta ka16 yaitambirwa nemusojawo zvake.

a Vamwe vaJudha vaitarisira pasi musukuti wematehwe nekuti basa rake raiita kuti abate matehwe nemhuka dzakafa nezvimwe zvinhu zvinosemesa paaiita basa rake. Vasukuti vematehwe vaionekwa sevasingakodzeri kusvika patemberi, uye vakanga vasingabvumirwi kuita basa ravo pedyo neguta nemamita asiri pasi pe20. Ichi chingava chimwe chezvikonzero zvakaita kuti imba yaSimoni ive “pedyo negungwa.”—Mab. 10:6.

b Ona bhokisi rakanzi “Koniriyasi Uye Mamiriro Akanga Akaita Uto reRoma.”

c Nyaya yacho inoti “Mazano Akavimbika Okurera Vana,” iri muNharireyomurindi yaNovember 1, 2006, mapeji 4 kusvika ku7.

d Ona bhokisi rakanzi “Andiyoki yekuSiriya.

e Munyori wezvakaitika kare wechiJudha Josephus anoti “nzara huru” iyi yakaitika paitonga Mambo Kraudhiyo (41-54 C.E.).

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe