Kunyange pashure pekunge dare rinotungamirira ragadzirisa nyaya ine chekuita nekuchecheudzwa, pane vamwe vaKristu vakaramba vachiomesa musoro panyaya iyi. Muapostora Pauro akavati “hama dzenhema” dzaida “kutaura nepasipo mashoko akanaka pamusoro paKristu.”—VaG. 1:7; 2:4; Tito 1:10.
Kunenge kuti chinangwa chevanhu ava chaiva chekufadza vaJudha kuti vasapikisa chiKristu. (VaG. 6:12, 13) Vaiti kururama kwemunhu kunounzwa nekutevedzera Mutemo waMozisi pazvinhu zvakadai sezvekudya, kuchecheudzwa uye mitambo yechiJudha.—VaK. 2:16.
Saka hazvishamisi kuti vanhu vaitenda zvinhu izvi vakanga vasinganzwi zvakanaka kana vari pedyo nevanhu vemamwe marudzi. Kunyange vamwe vaKristu vechiJudha vairemekedzeka vaitomboratidza mafungiro akadaro. Dzimwe hama dzaimiririra ungano yekuJerusarema padzakashanyira ungano yekuAndiyoki, dzaizviparadzanisa nehama dzeko dzemamwe marudzi. Kunyange Petro, uyo akanga achitombowadzana nevanhu vemamwe marudzi akaitawo izvozvo asingatodi kana kudya navo. Akatanga kunyatsoita zvinhu zvaanga achidzidzisa vamwe kuti vasaita. Izvi zvakaita kuti atsiurwe zvakasimba naPauro.—VaG. 2:11-14.