Rwiyo 2
Tinokutendai, Jehovha
Rakaprindwa
1. Tinotenda Jehovha nguva dzose,
Otivhenekera nechiedza.
Totenda kuti tinonyengetera,
Kuti tikuudzei zvinetso.
2. Totenda nokutipa Mwana wenyu,
Akakunda nyika nokutenda.
Totenda kutitungamira kwenyu,
Kuti tizadzise mhiko dzedu.
3. Totenda kuti tinoparidzira
Zita renyu pamwe nechokwadi.
Totenda kuti nhamo dzichapera,
Zvikomborero hazvizoperi.
(Onawo Pis. 50:14; 95:2; 147:7; VaK. 3:15.)