RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • sn rwiyo 114
  • Bhuku raMwari—Ipfuma Chaiyo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhuku raMwari—Ipfuma Chaiyo
  • Imbirai Jehovha
  • Mashoko Akafanana
  • Bhuku raMwari—Ipfuma Chaiyo
    ‘Imbira Jehovha Uchifara’
  • Bhuku raMwari Amene—Ipfuma
    Imbirai Jehovah Rumbidzo
  • Kuonga Shiviro Youmwari
    Imbirai Jehovah Rumbidzo
  • Tsvaga Mwari Kuti Ununurwe
    ‘Imbira Jehovha Uchifara’
Ona Zvimwe
Imbirai Jehovha
sn rwiyo 114

Rwiyo 114

Bhuku raMwari​—Ipfuma Chaiyo

Rakaprindwa

(Zvirevo 2:1)

1. Pane bhuku ramapeji mazhinji,

Rinopa tariro nomufaro.

Zvarinazvo zvinhu zvinopa simba;

‘Vafi’ vom’tswa “mapofu” oona.

Bhuku iro iBhaibheri Dzvene.

Rakafuridzirwa naJehovha

Achishandisa vanhu vaimuda

Akavafemera nomudzimu.

2. Vakanyora nezvesimba raMwari

Kusika kwaakaita zvose;

Kuti munhu aisava nechivi;

Nokurasika kweParadhiso.

Vakataura zveimwe ngirozi

Yakaramba kutongwa naMwari.

Zvikaguma nechivi uye nhamo,

Asiwo Jehovha achakunda.

3. Nhasi uno tava kufara kwazvo.

Kristu ava kutonga saIshe.

Jehovha ava pedyo kuponesa

Vanouya kwaari zvizere.

Ibhuku rine shoko rinofadza;

Shoko ririmo rinotapira.

Mune rugare rusingafungiki;

Vanhu verengai bhuku iri.

(Onawo 2 Tim. 3:16; 2 Pet. 1:21.)

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe