Rwiyo 100
Tiri Uto raJehovha!
Rakaprindwa
1. Tiri uto raMwari,
Rasunungurwa,
Roparidza Umambo
Hwotongwa naJesu.
Tichifambira mberi
Takazvipira,
Hatidzoki shure
Kana kumbotya.
(KORASI)
Tiri uto raMwari;
Pamwe naKristu,
Tozivisa kuti
“Mwari otonga.”
2. Vashumiri vaMwari,
Totsvaka vanhu,
Vaya vakarasika,
Uye vanochema.
Tovashanyira uye
Tovadzidzisa
Tichivakokera
Kumisangano.
(KORASI)
Tiri uto raMwari;
Pamwe naKristu,
Tozivisa kuti
“Mwari otonga.”
3. Iuto raJehovha,
Kristu pamberi.
Rashongedzera hondo,
Vose vakashinga.
Tive vakachenjera,
Takarurama.
Kana pane ngozi,
Tichatendeka.
(KORASI)
Tiri uto raMwari;
Pamwe naKristu,
Tozivisa kuti
“Mwari otonga.”
(Onawo VaEf. 6:11, 14; VaF. 1:7; Fir. 2.)