Rwiyo 94
Kugutsikana Nezvipo Zvakanaka zvaMwari
Rakaprindwa
1. Zvipo zvose zvakanaka,
Zvatinoda kwazvo,
Zvinokosha muupenyu,
Zvinobva kunaShe.
Kunyange zvodini iye
Haatombochinji.
Jehovha anotipa zvose,
Upenyu, chiedza.
2. Hatizvidyi mwoyo kuti
Torarama nei;
Tinoziva ane rudo,
Anodyisa shiri.
Zvinhu zvisina maturo,
Hatimbozvitsvaki.
Asi isu togutsikana,
Nezvinhu zvishoma.
3. Zvinokosheswa nevanhu
Hazvina maturo.
Tishandise nguva yedu
M’basa rinokosha.
Ngatiunganidze pfuma
Kudenga kunaShe.
Tinobva tagutsikanawo
Nezvinhu zvishoma.
(Onawo Jer. 45:5; Mat. 6:25-34; 1 Tim. 6:8; VaH. 13:5.)