RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ip-2 chits. 2 pp. 16-29
  • Mashoko Ouprofita Anonyaradza Anobatanidza Iwe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mashoko Ouprofita Anonyaradza Anobatanidza Iwe
  • Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha Anodana Marudzi
  • Mununuri Anodanwa
  • Marudzi Anotya Anovimba Nezvidhori
  • Musatya!
  • Nyaradzo Kuna Israeri
  • Kudanwa Kwevavengi vaIsraeri
  • Jehovha Mukuru!
  • Jehovha—“Mwari Wakarurama noMuponesi”
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
  • Mwari Wechokwadi Anofanotaura Nezvokununurwa
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
  • “Ndimi Zvapupu Zvangu”!
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
  • Dzokai Kuzonamata Jehovha
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
Ona Zvimwe
Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose II
ip-2 chits. 2 pp. 16-29

Chitsauko 2

Mashoko Ouprofita Anonyaradza Anobatanidza Iwe

Isaya 41:1-29

1. Nei tichifanira kufarira uprofita hwaIsaya?

ISAYA akanyora bhuku rine zita rake makore anenge 3 000 akapfuura, asi rinokosha zvikuru kwatiri nhasi. Tinogona kudzidza nheyo dzinokosha pazviitiko zvakaitika zvaakanyora. Uye tinogona kuvaka kutenda kwedu nokudzidza uprofita hwaakanyora muzita raJehovha. Hungu, Isaya akanga ari muprofita waMwari mupenyu. Jehovha akamufuridzira kuti anyore zvakaitika zvisati zvaitika—kurondedzera zviitiko zvisati zvaitika. Jehovha nokudaro akaratidza kuti anogona kufanotaura pamwe nokuronga zvichaitika. Pashure pokudzidza bhuku raIsaya, vaKristu vechokwadi vane chokwadi chokuti Jehovha achazadzika zvose zvaakapikira.

2. Zvinhu zvaive zvakaita sei muJerusarema Isaya paakanyora bhuku rake rouprofita, uye kuchinjai kwaizoitika?

2 Isaya paakapedza kunyora uprofita hwake, Jerusarema rakanga richisiri mungozi neAsiria. Temberi yakanga ichiripo, uye vanhu vakanga vachiita mabasa avo ezuva nezuva sezvavakanga vaita kwemazana emakore. Zvisinei, izvozvo zvaizochinja. Nguva yaizouya apo upfumi hwemadzimambo echiJudha hwaizotakurwa kuenda kuBhabhironi uye vaJudha vaduku vaizova vakuru vakuru vedare muguta iroro.a (Isaya 39:6-7) Izvi zvaizoitika anopfuura makore 100 gare gare.—2 Madzimambo 24:12-17; Dhanieri 1:19.

3. Ishokoi rinowanikwa muna Isaya chitsauko 41?

3 Zvisinei, shoko raMwari nokuna Isaya, harisi shoko rokutongawo zvaro. Isa Chitsauko 40 chebhuku rake chinotanga neshoko rokuti “Nyaradzai.”b VaJudha vaizonyaradzwa nevimbiso yokuti ivo kana kuti vana vavo vaizokwanisa kudzokera kunyika yokumusha kwavo. Isa Chitsauko 41 chinoenderera mberi nemashoko anonyaradza iwayo uye chinofanotaura kuti Jehovha aizomutsa mambo ane simba kuti aite kuda kwaMwari. Chinovimbisazve uye chinokurudzira kuva nokutenda muna Mwari. Chinofumurawo vanamwari venhema kuti havana simba avo vanhu vemarudzi vanovimba navo. Muzvose izvi, mune zvakawanda zvokusimbisa kutenda, muzuva raIsaya nomuzuva redu.

Jehovha Anodana Marudzi

4. Jehovha anodana marudzi nemashoko okuti chii?

4 Jehovha nokumuprofita wake anoti: “Nyararai pamberi pangu, imi zviwi; vanhu ngavawane simba idzva, ngavaswedere, ipapo ngavataure; ngatiswedere pamwe chete kutongerwa mhaka.” (Isaya 41:1) Nemashoko aya Jehovha anodana marudzi anoshora vanhu vake. Ngaamire pamberi pake azvisunge kuti ataure! Sezvichaonekwa gare gare, Jehovha anorayira, sokunge mutongi ari mudare, kuti marudzi aya ape uchapupu hwokuti zvidhori zvawo ndivanamwari zvechokwadi. Vanamwari ava vanogona kufanotaura mabasa okuponesa vanamati vavo here kana kuti kutonga vavengi vavo here? Kana zvakadaro, vanogona here kuzadzika uprofita hwakadaro? Mhinduro ndeyokuti kwete. Jehovha bedzi ndiye anogona kuita zvinhu izvi.

5. Tsanangura kuti uprofita hwaIsaya hune kuzadzika kunopfuura kumwe sei.

5 Sezvatinoongorora uprofita hwaIsaya, ngatiyeuke kuti, kungofanana nouprofita hweBhaibheri huzhinji, mashoko ake anozadzika kanopfuura kamwe. Muna 607 B.C.E., nyika yeJudha ichatapwa neBhabhironi. Zvisinei, uprofita hwaIsaya hunoratidza kuti Jehovha achanunura vaIsraeri vakatapwa imomo. Izvi zvinoitika muna 537 B.C.E. Kusunungurwa ikoko kwakava nekwakafanana nakwo mumazuva okutanga ezana remakore rechi20. Muhondo yenyika yokutanga, vashumiri vakazodzwa vaJehovha pasi pano vakapfuura nomunguva yokutambudzika. Muna 1918 kumanikidzwa kwaibva kunyika yaSatani—kwaikonzerwa nechiKristudhomu sorutivi rukuru rweBhabhironi Guru—kwakapotsa kwamisa basa rokuparidza mashoko akanaka zvakarongwa. (Zvakazarurwa 11:5-10) Vamwe vamiririri vakuru veWatch Tower Society vakaendeswa kujeri nemhosva dzokunyeperwa. Zvairatidza sokuti nyika yakanga yakunda muhondo yayo nevashumiri vaMwari. Zvadaro, sezvakaitika kare muna 537 B.C.E., Jehovha nenzira isingatarisirwi akavasunungura. Muna 1919 vamiririri vacho vakanga vaiswa mujeri vakasunungurwa, uye zvavakanga vachipomerwa zvakazoregwa. Kokorodzano yepaCedar Point, muOhio, muna September 1919 yakamutsiridza vashumiri vaJehovha kuti vaenderere mberi nebasa rokuparidza mashoko akanaka oUmambo. (Zvakazarurwa 11:11, 12) Kubva ipapo kusvika zvino, kukura kwebasa rokuparidza iroro kwakawedzera zvinoshamisa. Uyezve, mazhinji emashoko aIsaya achava nokuzadzika kunoshamisa muParadhiso yepasi ichauya. Saka mashoko aIsaya ekare anobatanidza marudzi ose nevanhu nhasi.

Mununuri Anodanwa

6. Muprofita anorondedzera sei mukundi womunguva yemberi?

6 Achishandisa Isaya, Jehovha anofanotaura nezvomukundi achaponesa vanhu vaMwari paBhabhironi nokutonga vavengi vavo. Jehovha anobvunza kuti: “Ndianiko wakamutsa mumwe kumabvazuva, unokunda pose pose paanotsika? Ndianiko unomupa marudzi avanhu, achimubatisa madzimambo paushe hwake? Unovaisa pamunondo wake seguruva, napauta hwake sehundi inodzingwa nemhepo. Unodzingana navo, ndokupfuura hake zvakanaka nenzira yaasina kumbotsika netsoka dzake. Ndianiko wakabata basa iro nokuzviita? Ndiye unodana marudzi kubvira pakutanga; ini Jehovha, wokutanga, nouri kune wokupedzisira, ndini iye.”—Isaya 41:2-4.

7. Mukundi ari kuuya ndiani, uye anoitei?

7 Ndiani achamutswa kubva kumabudazuva, kumativi okumabvazuva? Nyika dzeMedhia nePersia uye Erami dziri kumabvazuva kweBhabhironi. Koreshi muPersia anofamba achibva ikoko, pamwe nemauto ake ane simba. (Isaya 41:25; 44:28; 45:1-4, 13; 46:11) Kunyange zvazvo Koreshi asiri munamati waJehovha, anoita maererano nokuda kwaJehovha, Mwari akarurama. Koreshi anokurira madzimambo, uye iwaya akaita rumwe rumwe sehuruva pamberi pake. Achikurira anopfuura “zvakanaka,” kana kuti akachengeteka, nomunzira dzisingawanzofambwa, achikurira mhinganidzo dzose. Panosvika gore ra539 B.C.E., Koreshi anosvika muguta rine simba reBhabhironi orikurira. Zvinoguma nokusunungurwa kwevanhu vaMwari kuitira kuti vadzokere Jerusarema kuti vanotangazve kunamata kwakachena.—Ezra 1:1-7.c

8. Chii icho Jehovha bedzi anogona kuita?

8 Saka, achishandisa Isaya, Jehovha anofanotaura nezvokumuka kwaKoreshi nguva refu mambo iyeye asati aberekwa. Mwari wechokwadi bedzi ndiye anogona kuprofita zvakarurama chinhu chakadaro. Jehovha haana akaenzana naye pakati pavanamwari venhema vemarudzi. Nechikonzero chakanaka, Jehovha anoti: “Kukudzwa kwangu handingakupi mumwe.” Jehovha bedzi ndiye anogona nenzira yakakodzera kuti: “Ndini wokutanga nowokupedzisira, kunze kwangu hakuna Mwari.”—Isaya 42:8; 44:6, 7.

Marudzi Anotya Anovimba Nezvidhori

9-11. Marudzi anoitei nokuuya kwaKoreshi?

9 Isaya zvino anorondedzera zvichaita marudzi kumukundi womunguva yemberi uyu achiti: “Zviwi zvakaona, zvikatya; migumo yenyika inodedera, inoswedera, youya. Mumwe nomumwe unobatsira wokwake; unoti kuhama yake: Tsunga hako mwoyo. Saizvozvo muvezi unosimbisa mupfuri wendarama, nounopfura nenyundo unosimbisa unorova panhera, achiti pamusoro pokunamatidza: Zvakanaka; ndokuzvirovera nembambo kuti zvirege kuzununguka.”—Isaya 41:5-7.

10 Achitarisa anenge makore 200 ari mberi, Jehovha anoona mamiriro enyika. Hondo dzakasimba dzichitungamirirwa naKoreshi dzinofamba nokukurumidza, dzichikurira vose vanopikisa. Marudzi—kunyange vagari vezvitsuwa, vari kunzvimbo dziri kure kwazvo—anodedera paanosvika. Nokutya anobatana kuti arwise uyo Jehovha akadana kubva kumabvazuva kuti azotonga. Anoedza kusimbisana achiti: “Tsunga hako mwoyo.”

11 Vavezi vanoshanda pamwe chete kuveza vanamwari vezvidhori kuti vanunure vanhu. Furemu yomuti inovezwa nomuvezi, uyo anozokurudzira mupfuri kuti aiise simbi, pamwe ndarama. Muvezi wemabwe anopfura simbi yacho kusvika yati tsepete oti inamwe. Pamwe kutoseka kutaura nezvokuti ibatanidzwe nezvipikiri kuti isawe kana kuti kuratidza kusasimba, sezvakaita chidhori chaDhagoni chakawa pamberi peareka yaJehovha.—1 Samueri 5:4.

Musatya!

12. Ikurudziro yei iyo Jehovha anopa Israeri?

12 Zvino Jehovha anofunga nezvevanhu vake. Kusafanana nemarudzi anovimba nezvidhori zvisina upenyu, vanovimba naMwari wechokwadi havafaniri kumbotya. Kukurudzira kwaJehovha kunotanga nechiyeuchidzo chokuti Israeri mwana weshamwari yake Abrahamu. Mundima inoratidza unyoro hukuru, Isaya anotaura mashoko aJehovha okuti: “Asi iwe Israeri, muranda wangu, Jakobho, wandakasanangura, vana vaAbraham[u] shamwari yangu, iwe wandakatora kumigumo yenyika, ndikakudana kumakona ayo, ndikati kwauri: Uri muranda wangu, ndakakusanangura, handina kukurasha; usatya, nokuti ndinewe; usavhunduka, nokuti ndiri Mwari wako; ndichakusimbisa, zvirokwazvo, ndichakubatsira; zvirokwazvo, ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rwokururama.”—Isaya 41:8-10.

13. Nei mashoko aJehovha achava enyaradzo kunhapwa dzechiJudha?

13 Mashoko aya achava anonyaradza sei kuvaJudha vakatendeka vakatapwa munyika yokumwe! Zvichava zvinokurudzira sei kunzwa Jehovha achivadana kuti “muranda wangu” panguva yavari nhapwa, varanda vamambo weBhabhironi! (2 Makoronike 36:20) Kunyange zvazvo Jehovha achavaranga nemhaka yokusatendeka kwavo, haazovarasi. Israeri ndewaJehovha, kwete weBhabhironi. Hapazovi nechikonzero chokuti vashumiri vaMwari vabvunde panosvika Koreshi anokunda. Jehovha achave nevanhu vake kuti avabatsire.

14. Mashoko aJehovha kuna Israeri anonyaradza sei vashumiri vaMwari nhasi?

14 Mashoko iwayo akakurudzira nokusimbisa vashumiri vaMwari kunyange kusvika kuzuva redu. Kare muna 1918 vaida kwazvo kuziva zvaidiwa naJehovha kwavari. Vaishuva kununurwa pausungwa hwavo hwomudzimu. Nhasi tinoda kwazvo kuzorodzwa pakudzvinyirirwa kwatinoitwa naSatani, nyika, uye kusakwana kwedu. Asi tinoonga kuti Jehovha anonyatsoziva nguva yokuita chiito akamirira vanhu vake uye kuti achazviita sei. Sevana vaduku tinobatirira paruoko rwake rune simba, tiine chivimbo chokuti achatibatsira kukurira. (Pisarema 63:7, 8) Jehovha anokoshesa vanomushumira. Anotitsigira nhasi sokungotsigira kwaakaita vanhu vake nomunguva yakaoma ya1918-19 uye sokungotsigira kwaakaita vaIsraeri vakatendeka kare kare.

15, 16. (a) Chii chichaitika kuvavengi vaIsraeri, uye Israeri akafanana nehonye munzira dzipi? (b) Mashoko aJehovha anonyanya kukurudzira nhasi kana tichifunga nezvokurwisa kupi kuri kuuya?

15 Funga nezvezvinotevera kutaurwa naJehovha nokuna Isaya achiti: “Tarira, vose vanokutsamwira, vachanyadziswa vave nenyadzi; vanokakavara newe vachava sechinhu chisipo, vachaparara. Uchavatsvaka, asi haungavawani, ivo vanokakavara newe; vanorwa newe vachava sechinhu chisipo, sechinhu chisina maturo. Nokuti ini Jehovha, Mwari wako, ndichabata ruoko rwako rworudyi, ndichiti kwauri: Usatya, ini ndichakubatsira. Usatya, iwe honye Jakobho, nemi varume vaIsraeri; ini ndichakubatsira, ndizvo zvinotaura Jehovha, mudzikinuri wako ndiye Mutsvene waIsraeri.”—Isaya 41:11-14.

16 Vavengi vaIsraeri havazobudiriri. Avo vanotsamwira Israeri vachanyadziswa. Avo vanorwa naye vachapera. Kunyange zvazvo vaIsraeri vari nhapwa vachiratidzika sevasina simba uye vasingagoni kuzvidzivirira sehonye iri kuzvongonyoka muhuruva, Jehovha achavabatsira. Iyi yave iri kurudziro yakadini mu“mazuva okupedzisira” ose sezvo vaKristu vechokwadi vakatarisana nevazhinji vakatsunga kuvavenga munyika! (2 Timoti 3:1) Uye chinosimbisa sei chipikirwa chaJehovha tichifunga nezvokurwisa kwaSatani kwave pedyo, uyo anotaurwa nezvake muuprofita sa“Gogi, wenyika yaMagogi”! Mukurwisa kunotyisa kwaGogi, vanhu vaJehovha vacharatidzika sevasingagoni kuzvidzivirira sehonye—rudzi rwe“vagere vasina masvingo” uye “vasina zvipfigiso kana masuo.” Asi, avo vanovimba naJehovha havafaniri zvavo kubvunda nokutya. Wemasimba Ose pachake acharwa kuti avanunure.—Ezekieri 38:2, 11, 14-16, 21-23; 2 VaKorinde 1:3.

Nyaradzo Kuna Israeri

17, 18. Isaya anorondedzera sei kupiwa simba kwaIsraeri, uye tingava nechokwadi nezvokuzadzika kwei?

17 Jehovha anoenderera mberi nokunyaradza vanhu vake achiti: “Tarira, ndakakuita mupuro mutsva, unopinza, une meno; uchapura makomo nokuaputsa-putsa, uchaita zvikomo zvive sehundi. Uchaarudza, achatorwa nemhepo, chamupupuri chichaaparadzira kwose; iwe uchafarira Jehovha, nokuzvirumbidza noMutsvene waIsraeri.”—Isaya 41:15, 16.

18 Israeri achapiwa simba rokuita chiito uye, mupfungwa yomudzimu, kukurira vavengi vake vakaita segomo. Israeri paanodzoka kubva kwaakatapwa, achakurira vavengi vanoedza kudzivisa kuvakwazve kwetemberi nemasvingo eJerusarema. (Ezra 6:12; Nehemia 6:16) Zvisinei, mashoko aJehovha achazadzika pamwero mukuru pana “Israeri waMwari.” (VaGaratiya 6:16) Jesu anopikira vaKristu vakazodzwa kuti: “Iye anokunda ochengeta mabasa angu kusvikira kumugumo ndichamupa simba pamusoro pemarudzi, uye rakafanana nerandakagamuchira kubva kuna Baba vangu, uye achafudza vanhu netsvimbo yedare zvokuti vachaputswa-putswa semidziyo yevhu.” (Zvakazarurwa 2:26, 27) Nguva ichauya zvechokwadi apo hama dzaKristu dzinenge dzamutsirwa kumbiri yokudenga dzichabatsirawo mukuparadza vavengi vaJehovha Mwari.—2 VaTesaronika 1:7, 8; Zvakazarurwa 20:4, 6.

19, 20. Isaya anonyorei pamusoro pokudzorerwa kwaIsraeri kunzvimbo yorunako, uye izvi zvinozadzika sei?

19 Mumutauro wokufananidzira, Jehovha zvino anosimbisa chipikirwa chake chokuunza zororo pavanhu vake. Isaya anonyora kuti: “Varombo navanoshayiwa vanotsvaka mvura, asi haipo, marimi avo anooma nenyota; ini, Jehovha ndichavapindura, ini, Mwari waIsraeri, handingavarashi. Ndichazarura nzizi pamakomo asina miti, namatsime pakati pemipata; renje ndichariita dziva remvura, nenyika yakaoma zvitubu zvemvura. Ndichasima parenje miti yemisidhari, nemiakasia, nemimirte, nemiorivhi; ndichaisa musango misipresi, nemipaini, nemifiri, iyo yose; kuti vaone, nokuziva, nokurangarira, nokunzwisisa vose, kuti ruoko rwaJehovha ndirwo rwakaita izvozvo, uye kuti Mutsvene waIsraeri ndiye wakazvisika.”—Isaya 41:17-20.

20 Kunyange zvazvo vaIsraeri vakatapwa vachigara muguta guru resimba renyika yose rakapfuma, rakaita segwenga risina mvura kwavari. Vanonzwa sezvaiita Dhavhidhi paaivanda Mambo Sauro. Muna 537 B.C.E., Jehovha anovazarurira nzira yokuti vadzokere kunyika yeJudha kunovakazve temberi yake muJerusarema, nokudaro vachidzorera kunamata kwakachena. Zvadaro Jehovha anovakomborerawo. Mune humwe uprofita huri mberi Isaya anofanotaura kuti: “Nokuti Jehovha wakanyaradza Ziyoni; wakanyaradza matongo aro ose, akashandura renje raro rive seEdheni, nesango raro rive somunda waJehovha.” (Isaya 51:3) Izvi zvinoitika zvechokwadi vaJudha vadzokera kunyika yokumusha kwavo.

21. Kudzorerwazve kwechii kwakaitika munguva dzazvino, uye ndokupi kuchaitika munguva yemberi?

21 Chimwe chinhu chakafanana chakaitika munguva dzazvino apo Koreshi Mukuru, Kristu Jesu, akasunungura vateveri vake vakazodzwa pakutapwa kwomudzimu kuitira kuti vashande kudzorera kunamata kwakachena. Vakatendeka ivavo vakakomborerwa neparadhiso yomudzimu yakapfuma, bindu reEdheni rokufananidzira. (Isaya 11:6-9; 35:1-7) Nokukurumidza, Mwari paachaparadza vavengi vake, pasi pose pachashandurwa kuva paradhiso chaiyo, seizvo Jesu akapikira mutadzi padanda.—Ruka 23:43.

Kudanwa Kwevavengi vaIsraeri

22. Jehovha anodana marudzi zvakare nemashoko okuti chii?

22 Jehovha zvino anodzoka kugakava rake nemarudzi navanamwari vawo vezvidhori achiti: “Zvanzi naJehovha: Revai mhaka yenyu; zvanzi namambo waJakobho: Uyai namashoko enyu akasimba. Ngavauye nawo, vatiudze zvichaitwa; tiudzei zvinhu zvakare, kuti ndezvei, kuti tizvirangarire, tizive kuguma kwazvo; kana mutizivise zvichazovapo. Tiudzei zvinhu zvichazovapo pashure, tizive kuti muri vamwari; zvirokwazvo, itai zvakanaka, kana itai zvakaipa, kuti tishamiswe, tizvione tose pamwe chete. Tarirai imi hamuzi chinhu, nebasa renyu harizi chinhu; unokusanangurai unonyangadza.” (Isaya 41:21-24) Vanamwari venyika vanokwanisa kuprofita zvakarurama here uye nokudaro vachiratidza kuti vanoziva kupfuura vanhu? Kana vachikwanisa, zvechokwadi panofanira kuva nezvinobuda, zvingava zvakanaka kana kuti zvakaipa, kutsigira zvavanotaura. Zvisinei, kutaura chokwadi, vanamwari vezvidhori havakwanisi kuita chero chinhu uye vakaita sechinhu chisipo.

23. Nei Jehovha, achishandisa vaprofita vake, akaramba achishora zvidhori kudaro?

23 Muzuva redu vamwe vanganetseka kuti nei Jehovha, achishandisa Isaya pamwe nevamwe vake vaprofita, akapedza nguva yakawanda kudaro achishora upenzi hwokunamata zvidhori. Kusabatsira kwezvidhori zvinogadzirwa nevanhu kungaratidza sokuri pachena kuvazhinji nhasi. Zvisinei, kana tsika yenhema yechimwe chitendero yangotangwa nokugamuchirwa nevakawanda chete, zvakaoma kuibvisa mundangariro dzevanoidavira. Zvimwe zvitendero zvomunguva ino ndezvoupenzi sokungodavira kuti zvidhori zvisina upenyu ndivanamwari chaivo. Asi, vanhu vanonamatira kuzvitendero zvakadaro pasinei zvazvo nokufunga kwokunyengetedza kunopesana nazvo. Kunongozova nemhaka yokunzwa chokwadi chichidzokororwa apo vamwe vanozoona uchenjeri hwokuvimba naJehovha.

24, 25. Jehovha anotaurazve nezvaKoreshi achiti kudii, uye izvi zvinotiyeuchidza nezvohumwe uprofita hupi?

24 Jehovha anotaurazve nezvaKoreshi achiti: “Ndamutsa mumwe unobva kurutivi rwokumusoro, zvino wasvika; mumwe unobva kumabudazuva, unodana zita rangu; iye uchatsika vabati samatope somuumbi unokanya ivhu.” (Isaya 41:25)d Kusafanana navanamwari vemarudzi, Jehovha anogona kuita zvinhu. Paanounza Koreshi achibva kumabvazuva, kubva “kumabudazuva,” Mwari acharatidza kukwanisa kwake kufanotaura zviri mberi nokuzviita kuti zvizadzike zvaakafanotaura.

25 Mashoko aya anotiyeuchidza nezvokurondedzera kwouprofita kwomuapostora Johani, kwemadzimambo achamutswa kuti aite chiito munguva yedu. Pana Zvakazarurwa 16:12, tinoverenga kuti nzira ichagadzirirwa “madzimambo anobva kunobuda nako zuva.” Madzimambo aya haasi vamwe kunze kwaJehovha Mwari naJesu Kristu. Kungofanana naKoreshi akanunura vanhu vaMwari kare, madzimambo ane simba guru kwazvo aya achaparadza vavengi vaJehovha nokufudza vanhu vake nomudambudziko guru kupinda munyika itsva yokururama.—Pisarema 2:8, 9; 2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 7:14-17.

Jehovha Mukuru!

26. Jehovha zvino anobvunza mubvunzo wokuti chii, uye unopindurwa here?

26 Jehovha anozivisa zvakare chokwadi chokuti iye oga ndiye Mwari wechokwadi. Anobvunza kuti: “Ndianiko wakatiudza izvozvo kubvira pakutanga, kuti tizive? Napanguva yakare kuti titi: Zvirokwazvo? Zvirokwazvo, hakuna unotiudza, zvirokwazvo, hakuna unotiratidza, zvirokwazvo, hakuna unonzwa mashoko enyu.” (Isaya 41:26) Hakuna mwari wechidhori akazivisa kuuya kwomukundi kuzosunungura avo vanovimba naye. Vanamwari vose vakadaro havana upenyu, zvimumumu. Havasi vanamwari zvachose.

27, 28. Ichokwadi chipi chinokosha chinosimbiswa mundima dzokupedzisira dzaIsaya 41, uye ndiani bedzi anozivisa izvi?

27 Apedza kutaura mashoko ouprofita anokurudzira aya aJehovha, Isaya anosimbisa chokwadi chinokosha achiti: “Ndini ndichatanga kuti kuZiyoni: Tarirai, tarirai, havo; ndichatumira Jerusarema nhume inouya namashoko akanaka. Kana ndichatarira, hakuna munhu; pakati pavo hakuna unogona kurayirira, ungapindura shoko, kana ndichivabvunza. Tarirai, ava vose havana maturo, mabasa avo haana maturo, haazi chinhu; mifananidzo yavo yakaumbwa imhepo nezvisina maturo.”—Isaya 41:27-29.

28 Jehovha ndiye wokutanga. Mukuru! Ndiye Mwari wechokwadi, anozivisa kusunungurwa kwevanhu vake, achivaunzira mashoko akanaka. Uye Zvapupu zvake bedzi ndizvo zvinozivisa ukuru hwake kumarudzi. Achiseka, Jehovha anoshora vanovimba nokunamata zvidhori, achiramba zvidhori zvavo se“mhepo nezvisina maturo.” Chikonzero chakasimba sei chokunamatira pana Mwari wechokwadi! Jehovha bedzi ndiye akakodzera kuti tive nechivimbo chechokwadi naye.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona chitsauko 29 choUprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I.

b Ona chitsauko 30 choUprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I.

c Koreshi Mukuru, uyo muna 1919 akasunungura “Israeri waMwari” pakutapwa kwomudzimu, haasi mumwe kunze kwaJesu Kristu, uyo agere pachigaro choUmambo chaakagadzwa saMambo woUmambo hwaMwari kubva muna 1914.—VaGaratiya 6:16.

d Kunyange zvazvo nyika yokumusha kwaKoreshi yakanga iri kumabvazuva kweBhabhironi, paakarwisa guta racho kokupedzisira, akadzika achibva kumusoro, kubva kuAsia Minor.

[Mufananidzo uri papeji 19]

Koreshi, kunyange zvazvo ari muhedheni, anosarudzwa kuita basa raMwari

[Mufananidzo uri papeji 21]

Marudzi anovimba nezvidhori zvisina upenyu

[Mifananidzo iri papeji 27]

Israeri, kufanana no“mupuro” acha‘putsa makomo’

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe