Chirangaridzo (Kudya kwaShe Kwemanheru)
Tsanangudzo: Kudya kwokuyeuka rufu rwaJesu Kristu; kureva kuti chirangaridzo chorufu rwake, urwo rwakabatsira vanhu zvikuru kupfuura rwaani naani zvake. Ichi ndicho chete chiitiko chakanzi naIshe Jesu Kristu vadzidzi vake vachengete. Chinonziwo Chirayiro chaShe, kana kuti Kudya kwaShe Kwemanheru.—1 VaK. 11:20.
Chirangaridzo chinorevei?
Jesu akaudza vaapostora vake vakatendeka kuti: “Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.” (Ruka 22:19) Muapostora Pauro paainyorera nhengo dzeungano yevaKristu vakazodzwa nomudzimu, akawedzera kuti: “Pose pamunodya chingwa ichi nokunwira mukapu iyi, munoramba muchizivisa rufu rwaShe, kusvikira asvika.” (1 VaK. 11:26) Saka Chirangaridzo chinonyanya kuratidza kukosha kworufu rwaJesu Kristu pakuitwa kwechinangwa chaJehovha. Chinosimbisa zvinorehwa norufu rwaJesu rwokuzvibayira, kunyanya zvine chokuita nesungano itsva uye kuti rufu rwake runobatsira sei vaya vachagara nhaka yoUmambo hwokudenga pamwe chete naye.—Joh. 14:2, 3; VaH. 9:15.
Chirangaridzo chinotiyeuchidzawo kuti rufu rwaJesu nemafiro aakaita, maererano nechinangwa chaMwari chinotaurwa pana Genesisi 3:15 nedzimwe ndima dzinozotevera, zvakaita kuti zita raJehovha ritsveneswe. Jesu paakaramba akaperera kuna Jehovha kusvikira afa, akaratidza kuti chivi chakaitwa naAdhamu hachina kukonzerwa nokuti pane chakakanganiswa noMusiki pamasikiro aakaita munhu asi akaratidza kuti munhu anokwanisa kuramba akaperera zvakakwana kuna Mwari kunyange kana paine matambudziko akakura, saka Jesu akaratidza kuti Jehovha Mwari ndiye Musiki uye Changamire Wezvose Zvakasikwa. Jehovha akanga aitawo chinangwa chokuti rufu rwaJesu rwuite kuti pave nechibayiro chomunhu akakwana chaidiwa, uye chaizoita kuti mabhiriyoni anotenda ararame nokusingaperi muparadhiso pasi pano, zvichiita kuti chinangwa chaJehovha chokutanga chizadzike uye zvichiratidza kuti anoda vanhu zvikuru.—Joh. 3:16; Gen. 1:28.
Pausiku hwokupedzisira hwaaiva pasi pano, Jesu aiva nezvaimunetsa zvikuru! Aiziva kuti Baba vake vokudenga vane chinangwa naye, asi aizivawo kuti aifanira kuramba akatendeka paaiedzwa. Kudai akanga akundikana, zvaizozvidzisa Baba vake zvikuru uye vanhu vaizorasikirwa zvikuru. Nemhaka yezvose zvaizoitwa norufu rwake, zvakanga zvakakodzera kuti Jesu arayire kuti ruyeukwe.
Chingwa newaini zvinoshandiswa paChirangaridzo zvinorevei?
Jesu paaitaura nezvechingwa chisina kuviriswa chaakapa vaapostora vake paaitanga Chirangaridzo akati: “Ichi chinomirira muviri wangu.” (Mako 14:22) Chingwa ichocho chaimirira muviri wake wenyama usina chivi. Aizoupa kuti vanhu vave netariro youpenyu mune remangwana. Muviri uyu ndiwo unoita kuti vaya vanosarudzwa kuti vanotonga kudenga pamwe chete naJesu vave netariro youpenyu, uye izvi ndizvo zvinonyanya kusimbiswa pachiitiko ichi.
Jesu paaipa vaapostora vake vakatendeka waini, akati: “Iyi inomirira ‘ropa rangu resungano,’ richadururirwa vazhinji.” (Mako 14:24) Waini iyoyo yaimirira ropa rake roupenyu. Ropa rake rakateurwa raizoita kuti vaya vaitenda maari vakanganwirwe zvivi. Pachiitiko ichi Jesu akanga ari kutaura nezvekuti ropa iri raizoita kuti vaizonogara nhaka pamwe chete naye vacheneswe pachivi. Mashoko ake anoratidzawo kuti ropa iroro resungano itsva yakaitwa pakati paJehovha Mwari neungano yevaKristu vakazodzwa nomudzimu ndiro raizoita kuti ishande.
Onawo mapeji 231-233, pasi pomusoro unoti “Misa.”
Ndivanaani vanofanira kudya chingwa nokunwa waini?
Ndivanaani vakadya pakatanga Jesu Kudya kwaShe Kwemanheru kwasara nguva pfupi kuti afe? Vateveri vakatendeka vaJesu gumi nomumwe vaakaudza kuti: “Ndinoita sungano nemi, sokuita sungano youmambo neni kwakaita Baba vangu.” (Ruka 22:29) Vaiva vanhu vose vaikokwa naKristu kuti vagotonga pamwe chete naye muUmambo hwake hwokudenga. (Joh. 14:2, 3) Mazuva ano vose vanodya chingwa nokunwa waini vanofanirawo kunge vari vanhu vakapinzwa naKristu ‘musungano yoUmambo’ iyoyo.
Vangani vanodya? Jesu akati panongova ne“boka duku” raizowana mubayiro woUmambo hwokudenga. (Ruka 12:32) Vose pamwe chete vaizosvika 144 000. (Zvak. 14:1-3) Boka iroro rakatanga kusarudzwa muna 33 C.E. Saka zvinonzwisisika kuti iye zvino vashomanana chete ndivo vanodya.
Johani 6:53, 54 inoratidza here kuti vaya vanodya ndivo chete vachawana upenyu husingaperi?
Joh. 6:53, 54: “Jesu akati kwavari: ‘Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, Kana mukasadya nyama yoMwanakomana womunhu nokunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri. Uya anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu ane upenyu husingaperi, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.’”
Zviri pachena kuti kudya uku nokunwa ndekwokufananidzira; dai zvisina kudaro anenge achizviita wacho anenge achityora mutemo waMwari. (Gen. 9:4; Mab. 15:28, 29) Zvisinei, tinofanira kunzwisisa kuti Jesu paakataura mashoko ari pana Johani 6:53, 54, haana kuataura panyaya yokutangwa kweKudya kwaShe Kwemanheru. Pane vakamunzwa hapana kana akaita pfungwa yokuchengeta chirangaridzo nechingwa newaini zvaishandiswa kumirira nyama neropa zvaKristu. Urongwa ihwohwo hwakatozotangwa kwapera rinenge gore, uye muapostora Johani akatozotaura nezvoKudya kwaShe Kwemanheru pashure pezvitsauko zvinomwe (muna Johani 14) muEvhangeri ine zita rake.
Saka munhu angadya sei “nyama yoMwanakomana womunhu nokunwa ropa rake” mupfungwa yokufananidzira kana asingadyi chingwa newaini paChirangaridzo? Cherechedza kuti Jesu akati vaya vaizodya nokunwa saizvozvo vaizowana “upenyu husingaperi.” Asati ataura izvi, mundima 40, paaitsanangura zvinofanira kuitwa nevanhu kuti vawane upenyu husingaperi, akati chii chaiva kuda kwaBaba vake? Ndekwokuti “munhu wose anoona Mwanakomana otenda maari ave noupenyu husingaperi.” Saka zvinonzwisisika kuti ‘kudya nyama yake nokunwa ropa rake’ mupfungwa yokufananidzira kunoitwa nokutenda musimba rinonunura renyama neropa zvaJesu zvakapiwa sechibayiro. Vose vachawana upenyu hwakakwana, kungave kumatenga naKristu kana kuti muParadhiso pasi pano, vanofanira kuva nokutenda.
Chirangaridzo chinofanira kuchengetwa kakawanda sei, uye rini?
Jesu haana kunyatsotaura kuti chaifanira kuchengetwa kakawanda sei. Akangoti: “Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.” (Ruka 22:19) Pauro akati: “Nokuti pose pamunodya chingwa ichi nokunwira mukapu iyi, munoramba muchizivisa rufu rwaShe, kusvikira asvika.” (1 VaK. 11:26) Shoko rokuti “pose” harirevi haro kuti kakawanda pagore; rinogona kureva kuti kamwe chete pagore kwemakore akawanda. Pamunochengeta chiitiko chinokosha, chakadai sezuva ramakaroorana, kana kuti vanhu pavanochengeta chiitiko chinokosha chakaitika munyika yavo, zvinoitwa kangani? Kamwe chete pagore musi wazvakaitika. Izvi zvinoenderanawo nepfungwa yokuti Kudya kwaShe Kwemanheru kwakatanga kuitwa musi wePaseka yechiJudha, iyo yaichengetwa kamwe chete pagore asi yakanga isingaitwi nevaJudha vakanga vava vaKristu.
Zvapupu zvaJehovha zvinochengeta Chirangaridzo zuva ravira musi waNisani 14, maererano nemaverengerwo ekarenda yechiJudha yaishandiswa muzana remakore rokutanga. Zuva rechiJudha rinotanga zuva ravira kusvikira mangwana acho zuva ravira. Saka maererano nekarenda yechiJudha, Jesu akafa musi waakatanga Chirangaridzo. Mwedzi waNisani waitangira paivira zuva pashure pokunge mwedzi wagara zvaioneka muJerusarema. Chirangaridzo chinozoitwa kwapera mazuva 14 kubva ipapo. (Saka musi weChirangaridzo ungasaenderana nomusi wePaseka inochengetwa nevaJudha mazuva ano. Nei? Mwedzi yekarenda yavo yakarongwa kuti itangire panoenderana nokugara kwomwedzi munyika yose, kwete kugara kwomwedzi kunooneka uri muJerusarema, kungazoitika kwapera maawa 18 kusvika ku30. Uyewo vaJudha vakawanda mazuva ano vanochengeta Paseka musi waNisani 15, kwete musi wa14 sezvakaita Jesu maererano nezvakanga zvakanyorwa muMutemo waMosesi.)