Norway
MUMWE murume wechiduku akanga akatarisa kumahombekombe kweNorway ari mungarava aingoti dai ndachisvika. Ainzi Knud Pederson Hammer. Aimbova mufundisi wechechi yeBaptist kuNorth Dakota, U.S.A., asi gore rakanga rapfuura akanga ava mumwe weVadzidzi veBhaibheri (vava kunzi Zvapupu zvaJehovha). Iye zvino, muna 1892, akanga achidzoka kumusha kunyika kwake kuzoparidzira hama neshamwari.
Vakawanda vemamiriyoni maviri aigara muNorway vaipinda Lutheran State Church. Chido chaKnud chaiva chokubatsira vanhu vomuNorway kuti vazive Mwari wechokwadi, Jehovha, uye vanzwisise kuti Mwari uyu ane rudo haatambudzi vatadzi nokuvapisa mumoto. Aidawo kuvaudza nezvoKutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru, paachaita kuti nyika ive paradhiso.
Ngarava payakanga yava kusvika pachiteshi, Knud ainyatsoyeva makomo marefu ane sinou, mapani aiyevedza, nemakoronga akadzika anobva mugungwa achipinda nepakati pemakomo, pamwe nemasango akakura. Aiziva kuti raiva basa chairo kusvika kunzvimbo dzakatarangana dzaigara vanhu uye dzaive dzisina migwagwa yakawanda nemazambuko. Kunyange zvazvo vakawanda vomuNorway vaigara mumaguta, vamwe vaigara mumaruwa, mumisha yevanhu vanobata hove, kana kuti mumazana ezvitsuwa zvakatevedza mahombekombe. Zvibereko zvokuparidza kwaKnud nokuwedzera kwakazoita vanamati vechokwadi muNorway vachitarisana nematambudziko akakura zvinosimbisa kutenda uye zvinokurudzira vanhu vaMwari munyika yose.
MBEU YOUMAMBO INOBEREKA
Kunyange zvazvo vamwe vokuSkien, guta rokumusha kwaKnud, vakafarira zvaaiparidza, haana kukwanisa kuramba ainavo nokuti aifanira kudzokera kuUnited States kwaiva nemhuri yake. Asi muna 1899, akaita zvokukumbirwa naCharles T. Russell, uyo aitungamirira basa reVadzidzi veBhaibheri panguva iyoyo, kuti aendezve kuNorway. Hama Russell vaida kuti Knud atange ungano muNorway. Knud akaenda nemakopi emavhoriyamu maviri okutanga ebhuku rainzi Millennial Dawn (rakazopedzisira rava kunzi Studies in the Scriptures), iro rakanga rashandurirwa mumutauro wechiDanish wakasangana nechiNorwegian. (Panguva iyoyo chiNorwegian chakanga chakafanana nechiDanish, saka mabhuku aigona kuverengwa muDenmark nomuNorway.) Knud akapupurira kuvanhu vakawanda akavapa mabhuku, asi angoti garei aifanira kudzokerazve kuUnited States.
Gore rakazotevera racho, Ingebret Andersen, aigara pedyo neSkien, akawana bhuku rainzi The Plan of the Ages, zvichida rimwe remabhuku akanga aunzwa naKnud kuNorway. Ingebret akanga ava nenguva achifarira “kuuya kechipiri” kwaKristu, saka iye nemudzimai wake Berthe, vakanakidzwa chaizvo nezvavaiverenga. Ingebret akabva atanga kuparidzira vamwe. Aitoenda kunyange kumachechi chaiko achinoudza vanhu nezvoKutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru. Akazoshanyira vaya vakanga varatidza kufarira zvokuti pasina nguva muSkien makanga matova neungano yaishingaira yeVadzidzi veBhaibheri gumi kana kuti vanopfuura.
Knud paakaudzwa neimwe hama yake nezveungano duku yaiva muSkien, akadzokera kuNorway muna 1904 kunotsvaga Ingebret. Knud akamisa mumwe murume mumugwagwa ndokumubvunza kuti, “Nhai munzvimbo ino munogarawo here mumwe murume anonzi Ingebret Andersen?” “Ehe, ndini wacho,” akadaro murume wacho. Knud akafara zvokuti akabva angovhura sutukesi yake pakati pomugwagwa ipapo kuti aratidze Ingebret mabhuku aakanga auya nawo. Ingebret akafarawo chaizvo kusangana naKnud uye kuona mabhuku akawanda zvakadaro.
Knud akaudza vamwe vake, Vadzidzi veBhaibheri vemuNorway, nezvesangano uye basa rokuparidza. Paakazodzokera kumhuri yake yakanga yava kugara kuCanada, Ungano yeSkien yakanga yakurudzirwa chaizvo kuti ifambire mberi.
KUSVIKA KUDZIMWE NZVIMBO DZOMUNORWAY
Basa rokuparidza muNorway rakazonyatsofambira mberi muna 1903 pakasvika vaparidzi vaishingaira venguva yakazara (vainzi macolporteur), Fritiof Lindkvist, Viktor Feldt, naE. R. Gundersen. Fritiof akasvikogara muguta guru reKristiania (rava kunzi Oslo), uye muna 1904 pamba pake pakatanga kushandiswa sehofisi yeWatch Tower Society, yaigamuchira odha dzemabhuku uye tsamba dzevanhu vaida kutumirwa Zion’s Watch Tower.
Gore ra1903 rava kunopera, Hama Gundersen vachiparidza muTrondheim, iri nechepakati peNorway, vakaparidzira mumwe mukadzi ainzi Lotte Holm, vakamupa mabhuku. Lotte akazodzokera kumusha kwake kuNarvik iri muArctic Circle, akava muparidzi wokutanga kurutivi rwokumaodzanyemba rweNorway. Pava paya, Viktor Feldt akazoenda kuNarvik akanobatsira varume vaviri nemadzimai avo kuva Vadzidzi veBhaibheri. Vakazosangana naLotte, uye pasina nguva boka iri duku rakanga rava kugara richiita misangano yokudzidza Bhaibheri. Hallgerd, munun’una waLotte, akagamuchirawo chokwadi uye vari vaviri vakazoshanda semapiyona aishingaira munzvimbo dzakasiyana-siyana dzeNorway.
Hama Feldt naHama Gundersen vakawana mumwe munhu aifarira zvikuru muBergen muna 1904 na1905 pavakanga vachiparidza. Zion’s Watch Tower yaMarch 1, 1905 yakati: “Mumwe mufundisi akanga akakurumbira wechechi yeFree Mission [yokuBergen] akajekerwa zvikuru nechiedza, uye ava kugara achiparidza Evhangeri yakakwana uye yechokwadi kumhomho inenge yakanyatsoteerera.”
Mufundisi iyeye, Theodor Simonsen, akazopedzisira adzingwa muchechi yeFree Mission nokuti aidzidzisa chokwadi chakanaka chaakanga achangobva kudzidza mumabhuku edu. Zvisinei, kurasikirwa kwakaitwa chechi yacho kwakaita kuti Vadzidzi veBhaibheri vafare. Paakanga ava pakati pevanhu vaJehovha, Theodor aiva hama yaidiwa zvikuru uye mukurukuri akanaka. Akazonogara kuKristiania, kwaiva neungano yeVadzidzi veBhaibheri yairamba ichikura.
MAMWE EMAPIYONA OKUTANGA
Munenge muna 1905, kwaiva neungano dzeVadzidzi veBhaibheri mumaguta mana aiti: Skien, Kristiania, Bergen, neNarvik. Pasina nguva vaparidzi vakati wandei vaishingaira vakatanga kupayona, ndokuendesa mashoko akanaka kunzvimbo dzakawanda dzomuNorway. Mapiyona iwayo okutanga aibva mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana.
Hanzvadzi yokutanga kuva piyona muNorway aiva Helga Hess. Aiva nherera achigara muBergen, kwaakava mudzidzisi wesandesikuru aine makore 17. Paakanzwa Theodor Simonsen achitaura muchechi yeFree Mission nezvezvaakanga adzidza paakaverenga rimwe remabhuku eVadzidzi veBhaibheri, akatanga kufarira ndokubva atanga kuaverengawo. Akasiya basa rake rokudzidzisa sandesikuru, uye muna 1905, ava nemakore 19 akatanga kuparadzira mashoko akanaka muHamar nemuGjøvik.
Rimwe zuva muna 1908, Andreas Øiseth aitema huni papurazi remhuri yavo pedyo neKongsvinger paakashanyirwa nomumwe piyona akasiyirwa bhuku raThe Divine Plan of the Ages. Andreas, uyo akanga achangopfuura makore 20 akafarira zvaakaverenga ndokuodha mamwe mabhuku. Pashure pemwedzi inoverengeka akasiyira purazi kumunun’una wake ndokutanga kupayona. Mumakore masere akazotevera, akaparidza dzinenge nzvimbo dzose dzomuNorway. Akatanga aenda nechokuchamhembe, achishandisa bhasikoro muchirimo uye munguva yechando achishandisa chireyi chinofamba chichiita zvekutsvedza muchando. Paakasvika kuTromsø, akabva ananga kumaodzanyemba akaparidzira nzvimbo dzose dzaiva mumhenderekedzo kusvika kuKristiania.
Anna Andersen, aibva kuRygge pedyo neMoss, aivawo mumwe wemapiyona okutanga. Aiva mukuru wechechi yeSaravhisheni kwemakore uye akanga azvipira kubatsira vanoshayiwa. Munenge muna 1907 akaverenga mamwe emabhuku edu akaona kuti akanga awana chokwadi. MuKristiansund akasangana nomumwe mukuru weSaravhisheni ainzi Hulda Andersen (akazopedzisira ava kunzi Hulda Øiseth aroorwa), akanga afarirawo Bhaibheri. Pasina nguva vakadzi vaviri ava vakaita rwendo rurefu vakananga kuchamhembe nengarava yaitevedza mahombekombe, yakavasvitsa kuKirkenes, pedyo nomuganhu weRussia. Vari munzira vaiburuka pazviteshi zvose vachipa vanhu mabhuku. Munenge muna 1912, Anna akatora upiyona. Kwemakore, akafamba nyika yacho yose nechikepe nebhasikoro, akasvika rinenge guta rose muNorway nemabhuku anotsanangura Bhaibheri. Akatora nguva yakati rebei ari nechokumaodzanyemba kuKristiansand, akatsigira chaizvo ungano yeko yaikura.
Karl Gunberg akamboshanda somuuto womugungwa asati ava Mudzidzi weBhaibheri. Munenge muna 1911, ava nemakore anoti pfuurei 35, akatanga kupayona uye aishanda semurayiridzi wokufambisa ngarava. Kunyange zvazvo aioneka seasingadi zvokutamba, aizivikanwa somunhu anonakidza chaizvo achida zvokusetsa vanhu. Akaparidzira muNorway yose kusvikira achembera, uye ruzivo rwake rwaakawana muchiuto uye somurayiridzi wokufambisa ngarava rwakabatsira chaizvo pakuparadzira mashoko akanaka, sezvatichazoona.
KUSIMBISA HAMA
Muna October 1905, vanhu vakafara zvikuru pakaitwa gungano rokutanga muKristiania. Paiva nevanhu vanenge 15 uye 3 vakabhabhatidzwa. Muna 1906 rimwe gungano rakaitwa muBergen, uye kubvira muna 1909 zvichienda mberi magungano akanga ava kuitwa gore negore, vakurukuri vachibva kuDenmark, Finland, neSweden. Vamwe vehama idzodzo vaishanyirawo ungano sevatariri vanofambira, avo vainzi panguva iyoyo mapilgrim.
Chainakidza zvikuru makore iwayo kushanya kwaimboita Hama Russell. Muna 1909 vakashanya kuBergen neKristiania. Hakusi kufara kwakaita hama nehanzvadzi kuva nomukana wokusangana navo uye kuteerera hurukuro dzavo! Pavakashanya kechipiri muna 1911, vanhu vakawanda vakaudzwa nezvokuuya kwavo zvokuti hama nehanzvadzi 61 dzaivepo dzakafara kuona vanhu vanenge 1 200 vakauya kuzonzwa hurukuro yavose yaHama Russell!
Pashure pemakore matatu, Hama Russell vakagadza Henry Bjørnestad kuti agare achishanyira hama dzomuNorway neSweden, akava chizvarwa chomuNorway chokutanga kuva mutariri anofambira.
KUSHANDA NESIMBA 1914 ASATI ASVIKA
Maturakiti aibuda akatevedzana ainzi Peoples Pulpit akabatsira zvikuru pakuparidza paakabuda muna 1910. Akabatsira Vadzidzi veBhaibheri vakawanda kuti vashingaire mubasa rokuparidza. Hama nehanzvadzi dzakaparadzira zviuru zvematurakiti aya dzisingabhadharisi, pamwe pacho vachiaisa mukati memapepanhau, shungu dzavo dziri dzokufumura nhema dzezvitendero uye kutsanangura chokwadi cheBhaibheri.
Vadzidzi veBhaibheri vaida chaizvo kuona zvaizoitika muna 1914. Bhuku rainzi The Time Is at Hand (vhoriyamu rechipiri remabhuku ainzi Millennial Dawn) raitsanangura kuti nguva dzeMamwe Marudzi dzaizoguma muna 1914 uye izvi zvaizoonekwa nematambudziko uye mhirizhonga, Umambo hwaMwari hwozotanga kutonga. Vadzidzi veBhaibheri vaitarisirawo kuti vaya vachatonga naKristu vaizopiwa mubayiro wavo wokudenga.
Nyaya iyi yaiwanzogara ichitaurwa nezvayo. Somuenzaniso, mamwe manheru muna July 1914, Karl Kristiansen airidza mumhanzi ari mubhendi remuguta reSkien. Panguva yokumbozorora akataura nevanhu vaivepo kuti: “Pashure pemavhiki mashomanana, pane chimwe chinhu chichaitika. Pachatanga paitika hondo, zvematongerwo enyika zvochinjwa, uye vanhu votanga kuita mhirizhonga, Umambo hwaMwari hwozouya.” Pakatanga Hondo Yenyika I, mazuva mashomanana achangobva kutaura mashoko aya, vanhu vakawanda vakauya kwaari vachida kunzwa zvakawanda.
KuArendal iri nechekumaodzanyemba, kwaingova neMudzidzi weBhaibheri mumwe chete muna 1914. Mumwe musi hanzvadzi iyi yakasangana naMia Apesland mumugwagwa ikamuudza kuti Bhaibheri rinoratidza kuti muchirimo cha1914 kwaizova nehondo. Mia akapindura kuti, “Ndinozotenda kana zvaitika.” Mia paakazoona kuti zvakanga zvataurwa nehanzvadzi iyi zvakanga zvava kuitika, akaita zvaakanga avimbisa nokuva mutendi wechokwadi. Mia nehanzvadzi iya yakamuparidzira nevamwe vashoma ndivo vakatanga Ungano yeArendal.
KUFAMBIRA MBERI, KWAKAZOTEVERWA NEMATAMBUDZIKO
Hazvisi zvose zvaitarisirwa neVadzidzi veBhaibheri zvakazoitika muna 1914. Asi, vakaramba vachishingaira pabasa ravo. Kubva muna December 1914 kusvika muna 1915, bhaisikopo remasiraidzi rainakidza rainzi “Photo-Drama of Creation” rakapa uchapupu hwakazonaka kuvanhu vakawanda muKristiania, Bergen, Trondheim, Skien, Arendal, uye Kristiansand.
Zvisinei, izvi zvichangopfuura pakamuka matambudziko. Fritiof Lindkvist, uyo akanga atungamirira basa muNorway kwemakore anenge gumi, akatanga kudzidzisa zvomumusoro make, uye muna 1916 akasiya sangano. Izvi zvakaita kuti hama dzaitungamirira muSweden nomuDenmark dzitungamirirewo basa romuNorway kwemakore mashomanana aizotevera. Muna 1921, Enok Öman akagadzwa kuti atungamirire basa muNorway, uye akaita izvi kusvikira muna 1945.
Pakavawo nokusagadzikana pakafa C. T. Russell muna 1916, akatsiviwa naJ. F. Rutherford pabasa rokutungamirira Vadzidzi veBhaibheri. Kusazadziswa kwakaitwa zvaitarisirwa muna 1914 uye kuchinja kwakaitawo zvinhu musangano zvakaita kuti vakawanda vasiye sangano. Izvi zvakanyanya kuitika muBergen umo makangosara hama imwe chete nehanzvadzi nomwe muungano muna 1918. MuTrondheim mune vakati wandei vakasiya ungano, uye muKristiania mune boka rakasiyawo. Asi vaya vasina kusiya sangano vakazokomborerwa naJehovha.
KUSHINGAIRAZVE
“Mamiriyoni Ari Kurarama Iye Zvino Haazombofi,” ndiwo waiva musoro wehurukuro yainakidza yakapiwa naHama Rutherford muna 1918. Kubva muna 1920 kusvika muna 1925, hurukuro iyi yaikurudzira yakapiwa munyika yose. A. H. Macmillan akabva kudzimbahwe renyika kuNew York kuzopa hurukuro iyoyo mumaguta akati wandei muNorway. MuKristiania, zimba raiungana vanhu payunivhesiti rakazara kuti taa zvokuti vamwe vanhu vakatodzokera kumba vashaya nzvimbo. Asi Hama Öman vakakwira pamusoro perimwe bhokisi raiva pamusuo ndokudaidzira kuti: “Kana mukadzoka pashure peawa imwe chete nehafu, Macmillan achapazve hurukuro yacho!” Zvechokwadiwo vanhu vakazadzazve zimba riya kuti vanzwe Hama Macmillan vachipa hurukuro yacho kechipiri. Kwemakore akati wandei akatevera, hama dzokuNorway dzakazopa hurukuro yacho munzvimbo dzose dzeNorway dzakanga dzasara. Zviuru zvevanhu zvakateerera nechido zvichiudzwa uchapupu hwakasimba hwomuMagwaro hwokuti vakawanda vachapona paAmagedhoni, vorarama nokusingaperi pasi pano. Vakawanda vakawana mashoko iwayo mukabhuku kaiti, Millions Now Living Will Never Die! (Mamiriyoni Ari Kurarama Iye Zvino Haazombofi!)
Kubva muna 1922 kusvika muna 1928, Vadzidzi veBhaibheri vakaparadzira mazana ezviuru zvematurakiti, akadai seraiti A Challenge to World Leaders, A Warning to All Christians, uye raiti, Ecclesiastics Indicted aiva nezvisarudzo zvakanga zvaitwa pamagungano. Vadzidzi veBhaibheri vakawanda vakatangira basa rokuparidza pakuparadzira maturakiti iwayo.
Kunyange zvakadaro ungano dzainonoka kukura. Vamwe vaitoda kubatsirwa kuti vanyatsoita basa iri, kunyange zvazvo mapiyona nevaparidzi vaishingaira vairamba vachiparidza. Uyezve mabhuku ainyanyowanika muchiDanish, chiSwedish kana kuti chiDanish chakasangana nechiNorwegian, asi pakanga pasina echiNorwegian. Saka chii chaifanira kuitwa kuti basa rinyatsofamba?
Ushumiri Hwedu hwoUmambo (hwainzi Bulletin) hwaApril 1925 hwechiNorwegian hwakapa chiziviso chaifadza zvikuru chokuti: “Tiri kukutumirai magazini yeThe Golden Age yokutanga mumutauro wechiNorwegian. Munogona kutsvaka vanhu vanoda kunyoresa kuti vazoitumirwe.” Iyoyo yaiva magazini yaMarch 1925 yeThe Golden Age (yava kunzi Mukai!). The Golden Age yechiNorwegian yakaverengwa nevanhu vakawanda muNorway uyewo muDenmark. Pakazosvika 1936, pakachinjwa zita reThe Golden Age yechiNorwegian yava kunzi Ny Verden (Nyika Itsva), vanhu 6 190 vakanga vanyoresa kuti vatumirwe magazini iyi.
KUVANDUDZWA KWESANGANO UYE POKUSHANDIRA PATSVA
Muna May 1925, Vadzidzi veBhaibheri vaipfuura 500 vaibva kunzvimbo dzakasiyana-siyana dzeScandinavia vakaita gungano muÖrebro, kuSweden. Pagungano racho Hama Rutherford vakazivisa kuti kuCopenhagen muDenmark kwaizovhurwa hofisi yaitungamirira basa muNorthern Europe. Kwaizouya William Dey kubva kuLondon kuzotungamirira basa revanhu vaMwari muDenmark, Norway, Sweden, Finland, nenyika dziri mudunhu reBaltic. Munyika imwe neimwe maizoramba muine mutariri wemo, uye Enok Öman aizoramba ari mutariri muNorway.
William Dey, uyo aibva kuScotland, aiva hama yaishanda nesimba uye akaita kuti basa rokuparidza rifambire mberi chaizvo. Aigona kuronga zvinhu uye akakurudzira hama neunhu hwake hwakanaka uye muenzaniso wake muushumiri. Muna September naOctober 1925, akatenderera Norway yose achironga mabasa eungano maererano nemirayiridzo yaibva kudzimbahwe, achitaura neChirungu achiturikirwa. Hama Dey vakashanda somutariri wehofisi yaitungamirira basa muNorthern Europe kusvikira munguva yeHondo Yenyika II.
Hama dzakanga dzava nenguva dzichitsvaka nzvimbo yakanyatsokodzera yokushandisa sehofisi yeNorway. Muna 1925 imwe hama yakanga yapiwa nhaka yemari yakatenga chivako chine nhurikidzwa nhatu muOslo ndokutengesera sangano nehafu yomutengo wacho. Izvi zvakaitika panguva yaidiwa chivako chacho chaiyo! Chivako ichi chakatibatsira chaizvo kusvika muna 1983.
SANGANO REZVAPUPU ZVINOSHINGAIRA
Gore ra1931 rinokosha zvikuru munhoroondo yevanhu vaMwari pasi pose. Mugore iroro vakagamuchira zita idzva rokuti Zvapupu zvaJehovha. Hama Öman vakati: “Pataigamuchira zita redu idzva tose takasimuka tikadaidzira nomufaro mukuru kuti ‘Ja’ [Hongu].” Hama nehanzvadzi dzakafara kuva nezita rinobva muMagwaro, uye vaiva nechido chokurarama zvinoenderana nezita racho.
Zvaiva pachena kuti Jehovha aikomborera kushanda nesimba kwaiitwa pakuparidza muNorway. Paavhareji, nhamba yevaparidzi yakawedzera kubva pa15 muna 1918, kusvika ku328 muna 1938. Vanhu vaJehovha vakanga vasiri Vadzidzi veBhaibheriwo zvavo; vakanga vari zvapupu zvinoshingaira.
Mumwe muenzaniso ndiEven Gundersrud, uyo akabhabhatidzwa muna 1917 achipinda neUngano yeSkien. Pakutanga mudzimai wake aiviga bhutsu dzake achiedza kumutadzisa kupinda misangano. Asi izvozvo hazvina kumutadzisa nokuti aingoenda asina bhutsu! Mumwe musi akakiyirwa nomudzimai wake muimba yokurara, iye ndokusvetuka nepahwindo. Hapana chaiitwa nomudzimai wake chaitadzisa Even kupinda misangano. Akaramba achiratidza mudzimai wake mutsa. Mudzimai wake akatanga kunyara paaimuona achifamba muguta asina bhutsu. Akatanga kuenda naye kumisangano achida kuziva kuti chii chaimboita kuti murume wake aikoshese zvakadaro. Akazopedzisira avawo mumwe weZvapupu zvaJehovha.
Kushingaira kwaiita ungano yeSkien ndiko kwaiitawo dzimwe ungano makore iwayo. Hama dzaiparidza chaizvo mumaguta nomumaruwa aiva pedyo. Kupera kwevhiki vaiwanzoenda nemarori kana kuti zvikepe, vachiparidza uye vachironga misangano. Pasina nguva pakatangwa mapoka matsva uye ungano munzvimbo iyoyo. Dzimwe ungano dzaishingairawo kuronga basa rokuparidza.
KUFAMBIRA MBERI KWEBASA MUBERGEN
Mumwe wevaparidzi vaishingaira muBergen aiva Torkel Ringereide. Muna 1918 akawana bhurocha rakanga rabudiswa neVadzidzi veBhaibheri. Akatsvaga Hama Dahl, avo vaingova ivo voga hama muUngano yeBergen panguva iyi. Hama Dahl vaiitisa misangano pamba pavo neungano yaiva nehanzvadzi nomwe. Mumwe wehanzvadzi idzi ndiHelga Hess, ambotaurwa, uyo akanga adzoka kuBergen. Torkel akatanga kupinda neungano iyoyo duku akazoroora Helga muna 1919.
Torkel aiva murume asingatyi aiva nezwi guru. Akaita makore akawanda achingova iye oga aikwanisa kupa hurukuro dzavose muungano. Aiwanzopa hurukuro musi weSvondo woga woga, achifumura unyengeri hwevafundisi nedzidziso dzavo dzenhema. Hurukuro dzacho dzaiwanzoziviswa mumapepanhau, uye nhamba yevanhu vaifarira vaipinda misangano yaipfuura nokure nhamba yeVadzidzi veBhaibheri vomunzvimbo macho.
Torkel aikurudzira vateereri kuti vaudzewo vamwe chokwadi chavaidzidza. Muna 1932, Nils Raae aiva mumwe wevateereri ivavo. Nils akanga ava negore achiziva chokwadi, asi akanga asingadi kuparidza. Ungano yakanga yava kuda kutanga mushandirapamwe wakakura nekabhuku kainzi The Kingdom, the Hope of the World, uye Torkel akapa hurukuro yokukurudzira vanhu kuita ushumiri. “Hurukuro iyoyo yainakidza,” akadaro Nils, “yakaita kuti ndinzwe sokuti ndatononokerwa.” Pakupedzisa hurukuro yacho, Torkel akataura mashoko aJehovha ari pana Isaya 6:8 anoti: “Ndichatuma ani, uye ndiani achatiendera?” Torkel akabva azoti: “Tose ngatipindurei sezvakaitwa naIsaya kuti: ‘Ndiri pano! Nditumei’!” Mashoko iwayo akabva aita kuti Nils nomudzimai wake vanzwe manyukunyuku. Pasina kumbozengurira vakabva vatanga ushumiri.
Hama nehanzvadzi vaiwanzoshanyira Torkel naHelga. Vaigara vachikurukura chokwadi, uye vaparidzi vatsva uye vechiduku vaikurudzirwa zvikuru. Vaparidzi vemuBergen vaiwanzoenda kunoparidza munzvimbo dzakapoteredza nechikepe uye nerori. Kana vapedza vaizoungana kuti vataure zvavasangana nazvo vachifara zvavo pamwe chete.
VAPARIDZI VOMUOSLO VANOSHINGAIRA
Muma1920 nema1930 basa rokuparidza raibudirirawo zvikuru munharaunda yeOslo. Mumwe wevaparidzi vemo aiva Olaf Skau, uyo akabhabhatidzwa muna 1923. Muna 1927 akagadzwa kuti ave mutungamiriri webasa, uye akashumira kwemakore akawanda somutariri anogona kuronga uye ane rudo. Aironga basa rokuparidza muOslo, achirongawo nzendo dzepakupera kwevhiki nebhazi kana kuti nerori kuenda kunzvimbo dzakapoteredza guta guru. Ainonoka kurara achidhirowa mepu nokuronga nzendo dzokuparidza.
Vaparidzi vomuOslo vaiparidza mumaguta nomumaruwa, kubvira kuHalden neFredrikstad dziri kumaodzanyemba kweOslo kusvika kuHamar iri kuchamhembe, uye kubva kuKongsvinger iri kumabvazuva kweguta racho kusvika kuDrammen neHønefoss dziri kumavirira. Vaparidzi vaisvika mundima yacho kuma9:00 dzemangwanani voparidza pamba nemba muswere wese. Kazhinji kacho pavaishanya vaironga kuti pave nehurukuro yavose. Basa iri, iro rakaita kuti pazova nemapoka matsva uye ungano, rakatendwa zvikuru nehama nehanzvadzi shomanana dzaiva munzvimbo idzi. Pamumwe mushandirapamwe wemazuva mapfumbamwe wakaitwa muna 1935, vaparidzi 76 vomuOslo vakapa vanhu tumabhuku 13 313, avhareji yemabhuku 175 pamuparidzi!
Esther mudzimai waOlaf, airwara nechirwere chemapfupa saka aigara muwiricheya. Asi hama nehanzvadzi dzaifarira kugara dzichiungana pamba pavo. Olaf ndiye aiwanzobika, achiwanzozivikanwa nenyaya yokubikira vanhu mapapiro ehuku ainaka zvokuti. Asi chichiri kunyanya kuyeukwa neZvapupu zvakura zvakawanda inyaya dzokunamata dzinovaka dzaikurukurwa nezvirahwe zvaishandiswa mashoko omuBhaibheri zvaiitwa pamba pavanaSkau. “Taisambobva pamba pavanaSkau takasuwa,” anoyeuka kudaro Ragnhild Simonsen.
“VAIVA NEMAFUNGIRO AKANAKA OKUTI VAVE NOUPENYU HUSINGAPERI”
Makore akapfuura vanhu vaida zvokunamata uye vaiva nezivo yeBhaibheri yakawanda kupfuura iye zvino. Vakawanda vaida kukurukura nyaya dzomuMagwaro, uye kufanana nomuzana remakore rokutanga, “vaya vaiva nemafungiro akanaka okuti vave noupenyu husingaperi vakava vatendi.”—Mab. 13:48.
Mumwe waivava mukadzi ainzi Durdei Hamre. Muna 1924 akagamuchira kabhuku, kaakabva averenga usiku ihwohwo hwose. Akazoti, “Ndakaenda kunorara ndiri muPentecostal, asi ndakazomuka ndava mumwe weZvapupu zvaJehovha.”
Pakati pema1920 mumwe wevarume vasere vekwaFjelltvedt akateerera hurukuro yavose yaitaura nezvemoto wehero ndokubva apiwa kabhuku kaitaura nezvenyaya yacho. Zvaakaverenga zvakamugutsa kuti dzidziso yokuti vatadzi vanonopiswa ndeyokunyepa. Izvi zvichangobva kuitika, mhuri yavo payakanga yaungana papurazi pavo, iye akaudza nomufaro vakoma vake vatatu nevanun’una vana nehanzvadzi dzake nhatu zvaakanga adzidza. Vakanonoka kurara vachikurukura zvaiva mukabhuku ikako. Munguva pfupi vose vakava Vadzidzi veBhaibheri. Vakawanda vavo vakabva vangotendeuka nevavakaroorana navo. Nokufamba kwenguva vana vavo nevazukuru vakava vaparidzi vanoshingaira, uye vamwe vacho vakazoendesa chokwadi kune dzimwe nzvimbo.
Kufarira kwaiita vanhu zvokunamata kwakava pachena muna 1936 pakauya M. A. Howlett kubva kudzimbahwe renyika yose riri muNew York kuzopa hurukuro pamagungano muBergen neOslo. MuBergen, vanhu 810 vaivapo pakapiwa hurukuro yavose, kusanganisira vafundisi nemumwe bhishopu. Pavanhu vose ivavo, 125 chete ndivo vaiva Zvapupu. MuOslo, umo makanga makaungana Zvapupu 140, pahurukuro yavose paiva nevanhu 1 014!
“VATOTANGA KUUYA!”
Muna 1935 Zvapupu zvaJehovha zvakafara zvikuru pazvakajekeserwa kuti “boka guru” rinotaurwa pana Zvakazarurwa 7:9-17 ndivanaani. Vanhu vaMwari vakafara pavakadzidza kuti vanamati vakazvitsaurira vane tariro yokurarama muparadhiso pasi pano vanogona kubatana nevakazodzwa vasara pakushumira Jehovha. Kutanga gore iroro basa rokuparidza rakanga rava kunyanya kusimbisa kuunganidzwa kweboka guru, raizopona “kutambudzika kukuru,” uye uku kwakava kuunganidzwa kwevanamati vechokwadi kwakakura kusati kwamboitika munhoroondo yevanhu.
Muna 1935 mamwe mapiyona aiva netariro yokuenda kudenga aiparidza mumaruwa pedyo neLillehammer. John Johansen, aiva nemakore gumi, akanyatsoteerera mapiyona aya paaiudza mhuri yake nezvechinangwa chaMwari chokuti nyika ive paradhiso. Paakazosvitsa makore 13, John akanga ava nechido chakasimba chokuudza vamwe nezvetariro yaimufadza zvokuti akakumbira baba vake bhegi ravo ndokuenda kunoparidza mumisha yaive pedyo oga zvake! Iye zvino papfuura makore 70, asi John nomudzimai wake Edith vachiri kushingaira kuparidza, vachifara kuti vakabatsirawo kuti vanhu vawedzere zvikuru mumakore ose apfuura.
Mumwe musi, muna 1937, Olaf Rød aiva pamba pake neimwe hama vachikurukura nezveboka guru. Ndivo voga vaiva Zvapupu muHaugesund, saka vaishaya kuti vanhu vose ivavo vaizounganidzwa sei. Vakabva vanzwa pasuo kugogodzwa. Olaf akavhura suo, ndokuona pakamira Alfred Trengereid. Akanga awana Nharireyomurindi ndokuiverenga akafarira zvaakaverenga. Haana kumbononoka kutora chikepe chake ndokuenda kuHaugesund kuti anowana mabhuku kuna Olaf waaiziva kuti aiva Chapupu. Olaf akashamiswa. ‘Vatotanga kuuya!’ akadaro nechomumwoyo. Uye zvechokwadi vakauya kunyange zvazvo vasina kuuya nenzira imwe chete uye panguva imwe chete. Alfred akava hama kukazovawo nedzimwe hama munzvimbo iyoyo dzakagamuchira mashoko akanaka oUmambo.
ZVIKEPE ZVINOBATSIRA PAKUUNGANIDZA BOKA GURU
Paitanga basa rokuparidza muNorway, kuparidzira vanhu vaigara kwavo voga muzvitsuwa zvakawandisa uye nzvimbo dziri kumahombekombe kwaizezesa. Saka, muna 1928 hofisi yebazi yakatenga chikepe chine injini chakanga chakakura zvokukwanisa kutakura mapiyona maviri kana matatu uye chakasimba zvokukwanisa kufamba mumahombekombe eNorway makazara matombo. Asi ndiani aizokwanisa kufambisa chikepe chakadaro? Karl Gunberg, piyona akanga agara nebasa akazvipira kuchifambisa. Ruzivo rwaakawana paakamboshanda somuuto womugungwa uye mudzidzisi wokufambiswa kwengarava rwakabatsira zvikuru. Chikepe chokutanga, chakapiwa zita rokuti Erihu, chakapindira mugungwa kuOslo, chikananga kumaodzanyemba, chichimira muzviteshi zviri mumahombekombe. Asi humwe usiku nguva yechando muna 1929 kwakaita dutu, Erihu ikapararira pedyo neStavanger. Vanhu vose vakafara kuti hama dzaivemo dzakasvika kumahombekombe pasina akuvara.
Muna 1931 hama dzakatenga chimwe chikepe, dzikachipa zita rokuti Esteri. Karl akachifambisazve achibatsirwa nedzimwe hama mbiri. Chikepe ichi chakashandiswa mundima dzose dzaiva kumavirira nokuchamhembe muNorway kwemakore manomwe akatevera. Muna 1932, Karl akaona kuti nemhaka yokukura, nyama dzakanga dzisisade kuti arambe achifamba nzendo dzine ngozi. Saka akasiyira Johannes Kårstad chikepe ndokutanga kupayona ari nechokumabvazuva muNorway. Muna 1938 Esteri yakatsiviwa nechimwe chikepe chainzi Rute, icho chakashandiswa kusvikira muna 1940 pakazomiswa basa rokuparidza mugungwa neHondo Yenyika II. Mapiyona aya akanga ashandisa chikepe kuparidza nzvimbo dzakakura achipa vanhu mabhuku akawanda. Muna 1939 hama mbiri dzaishandisa Rute, Andreas Hope naMagnus Randal, vakashuma kuti mugore rimwe chete, vakanga vapa vanhu mabhuku, tubhuku nemagazini zvinopfuura 16 000, vakanga varidzira vanhu 2 531 hurukuro 1 072 pagiramufomu.
Kuwedzera pakunakidzwa kwavakaita vachiparidzira, vakanakidzwawo nokuona nzvimbo dzinoyevedza. Andreas Hope akati: “Taienda kuchamhembe zuva nezuva, tichipinda nokubuda mumakoronga anobuda mugungwa tichipoterera makomo marefu. Zvataiona zvaiyevedza uye zvaishamisa.” Munguva yechando, kuchamhembe kweArctic Circle, vaiyeva kubwinya kwechiedza chine ruvara rwunoyevedza chinooneka ikoko. Munguva yokupisa vaipedzwa mate mukanwa nemazuva marefu zuva risingaviri.
HANZVADZI YAISHINGAIRA ICHIPAYONA
Muma1930, nhamba yemapiyona yakakurumidza kuwedzera. Kunyange zvazvo vakanga vasina zvizhinji zvokushandisa muupenyu zvaiva nevakawanda mazuva iwayo, vakashanda ndima yakakura vachiparidza mashoko akanaka uye vachiparadzira mabhuku. Basa ravakaita vachishingaira rakaisa nheyo yokuwedzera kwakazotevera.
Somuenzaniso, mumwe mukadzi ainzi Solveig Løvås (akazopedzisira ava kunzi Solveig Stormyr aroorwa) wokuOslo akanga achitsvaka chokwadi uye akanga apinda chechi dzakasiyana-siyana. Mumwe musi akapinda musangano weZvapupu zvaJehovha akaona kuti akanga awana chokwadi cheBhaibheri. Akabhabhatidzwa muna 1933, uye pashure pemakore maviri akatamira kurutivi rwokuchamhembe muNorway. Kunyange zvazvo Solveig aikamhina zvishoma nemhaka yeporiyo, mumakore matanhatu akaparidza mumaguta akawanda nemisha yaigara vanhu vaibata hove, nemimwe misha miduku kuBodø iri kumaodzanyemba kusvika pasi kwenyika kuKirkenes. Zviuru zvevanhu zvakagamuchira mabhuku anotsanangura Bhaibheri. Mugore rimwe chete, Solveig akawana vanhu 1 100 vaida kunyoresa kuti vazotumirwa magazini edu.
Mumwe munhu akafarira chaizvo aparidzirwa naSolveig muvezi ainzi Dag Jensen aigara mumusha weHennes muVesterålen. Akanga ava nemakore achiwana mabhuku edu kuvamwe vanhu vaifarirawo. Pakauya Solveig kuna Dag, akamunyoresa kuti azopota achitumirwa magazini, iye ndokupfuurira kunoparidza kune dzimwe ndima. Dag akatanga kuparidza ega, achipa vanhu vanofarira mabhuku mashoma aaiva nawo kuti vaverenge vachizomudzorera.
Pachitsuwa cheAndøya, Solveig akasvika muchitangwena maiva nemamwe mazirume aiita basa rokubata hove. Akavaparidzira noushingi, akavaridzira hurukuro pagiramufomu, akakumbira kana vaida kunyoreswa kuti vazotumirwa magazini. Mumwe mubati wehove wechiduku ainzi Frits Madsen aifarira, saka akanyoresa kuti aida magazini. Paakanga apedza kuparidza ndima yacho yose, Solveig akapfuurira nerwendo rwake. Ndizvo zvaiwanzoitwa, kuti mapiyona aiparidza owana vanhu vanofarira, ovapa mabhuku uye onyoresa vanenge vachida kuzotumirwa magazini, oenda kune imwe ndima. Saka vanhu vainge vafarira vaizoitwa sei?
KUFUDZA MAKWAI AMWARI
Muna January 1939 pakava neurongwa hutsva kuvatariri vanofambira. Norway yakakamurwa kuva matunhu mana. Vatariri vematunhu (vainzi varanda vematunhu) vaifanira kupedza nguva yakawanda vari panzvimbo kupfuura zvavaimboita. Basa ravo guru rakanga riri rokubatsira ungano, kuronga ungano itsva, uye kubatsira vaifarira kuti vatange kuparidza. Andreas Kvinge akagadzwa kuti ave mutariri weDunhu 4, iro raitangira kuFlorø kusvika kuKirkenes. Maguta aya akanga akaparadzana nemakiromita 2 600 aingova neungano nhatu chete dzaiti Trondheim, Namsos, neNarvik. Asi maivawo nevaparidzi vaive kwavo voga, mapoka uyewo vanhu vaitumirwa magazini vaifanira kushanyirwa.
Andreas aienda nechokuchamhembe nomudzimai wake Sigrid, kazhinji nebhasikoro. Aiedza kubatsira vaparidzi nevanhu vanofarira kuti vafambire mberi muchokwadi. Mapiyona akadai saSolveig Løvås akaudza Andreas nezvevamwe vanhu vaifarira vaida kubatsirwa. Somuenzaniso akamuudza nezvaDag Jensen aiva kuHennes naFrits Madsen aiva pachitsuwa cheAndøya.
Andreas anoyeuka kuti muna 1940 paakasangana naDag kokutanga, akamuwana “achibvisa ndebvu, saka chiso chake chakanga chakazara sipo. Handimbokanganwi kunyemwerera kwaaiita muromo wake wakapoteredzwa nefuro resipo. Akabva atokanganwa kuti akanga achibvisa ndebvu.” Andreas akabatsira Dag kufambira mberi muchokwadi. Dag aifarira zvikuru, uye pasina nguva akabatsira mudzimai wake Anna, nevakawanda vehama dzake neshamwari kudzidza chokwadi.
Mumusha weBleik uri pachitsuwa cheAndøya, Andreas akatsvaka murume wechiduku aiita basa rokubata hove, Frits Madsen. Vachibatsirwa naAndreas, Frits nomudzimai wake ndivo vakava vokutanga muungano yakazoumbwa ikoko. Mudzimwe nzvimbo dzakawanda, Andreas nomudzimai wake vakashanyira vaya vakanga vatanga kuparidzirwa naSolveig nemamwe mapiyona aishanda nesimba. Andreas nevamwe vatariri vematunhu vakaronga kuti misangano iitwe uye vakatanga ungano. Sezvakangoitwa nevaKristu vomuzana remakore rokutanga, vamwe muNorway vaidyara, vamwe vodiridza, asi “Mwari akaramba achiita kuti zvikure” nenzira inoshamisa.—1 VaK. 3:6.
HONDO YENYIKA II INOSAKADZA NORWAY
Muna April 1940, Norway yakaitwa kuti ipindire muhondo yenyika yechipiri pakapinda mauto eGermany imomo nechisimba. Pangopera mazuva 62 ichirwa, nyika yose yakanga yava kutongwa nehurumende yeGermany yeNazi. Izvi zvakazosara zvoitika maguta akati wandei atosakadzwa nemabhomba. Pashure pemazuva mashomanana hondo yatanga, mapurisa eGestapo akasunga mutariri webazi, Enok Öman, akamuisa mujeri kwevhiki. Vamubvunzurudza kwekanguva, mapurisa akamubudisa. Pashure pemavhiki mashomanana, Gestapo yakatorazve Hama Öman kuti inovabvunzurudza.
Hama dzaitya kuti vaNazi vaizovaendesa kumisasa yevasungwa, sezvakanga zvaitwa kuGermany. Asi vaNazi havana kudaro, uye hama dzakaramba dzichiparidza dzakashinga uye dzichishingaira. Vanhu vaitoita sevakanga vava kunyanya kufarira mashoko akanaka nemhaka yehondo, saka zvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda (zvainzi zvidzidzo zveBhaibheri zvokuenzanisira) zvakatangwa. Hama dzakanga dzichiri kugamuchira Nharireyomurindi yechiDanish yaibva kuDenmark, ukuwo Consolation (Ny Verden) ichiramba ichibudiswa muchiNorwegian. Hama dzakaramba dzichiita misangano nemagungano, uye zvinoshamisa kuti vaparidzi vaiwedzera.
KUTORERWA MABHUKU, KUSUNGWA UYE KURAMBIDZWA KUPARIDZA
Kunyange zvakadaro zvinhu zvakanga zvava kuminama. Mapurisa okuGermany akadzokazve kuhofisi yebazi, akati anoda mabhuku, ndokubvunzurudza Hama Öman. Gore ra1940 rava kunopera, vakatora nechisimba bhuku rainzi Enemies nokuti raiva nemashoko aitaura nezveutongi hweFascism neNazism. Kutanga kwa1941 mapurisa akasunga ndokubvunzurudza mapiyona akawanda. VaNazi vokuGermany nevemuNorway vaimbopinda misangano kuti vasore ungano. Vakuru veNazi vakazouya ndokutora nechisimba mabhuku ose aiva pahofisi aiva nemisoro yokuti Fascism or Freedom uye Government and Peace.
Tisingafungire, muna July 1941, Gestapo yakatanga kuedza kumisa basa redu rokuparidza muNorway. Mapurisa mashanu okuGermany akauya kuBheteri, akatora mabhuku akanga asara, akaenda nemhuri yeBheteri kumuzinda wemapurisa kunoibvunzurudza. Hama Öman vaifanira kupota vachienda kunoonekwa nemapurisa zuva rimwe nerimwe uye vakadaro kwemavhiki 12.
Gestapo yakanyatsoronga ndokutanga kuenda kudzimba dzehama dzaitungamirira ndokutora nechisimba mabhuku ose akabudiswa neWatch Tower Society. Vakaudza hama kuti dzaizoendeswa kumisasa yevasungwa kana dzikaramba dzichiparidza. Gestapo yakasunga hama nehanzvadzi dzakati wandei ikapfigira dzimwe kwemazuva.
KuMoss mapurisa akauya pamba paSigurd Roos akatora mabhuku ake. Sigurd nomudzimai wake neimwe hama vakasungwa. Mapurisa akavaudza kuti vasiye kuparidza uye varege kushandisa zita rokuti Jehovha. Vaparidzi vakatsanangura kuti vaisazomborega kuparidza nezvaJehovha noUmambo hwake. Mapurisa akapedzisira abvuma kuti: “Yaa, ichokwadi hatigoni kukuchinjai zvamunotenda.” Pashure pemaawa mashomanana, vakasunungura vaparidzi ava vakanga vakashinga.
VaNazi vakaendawo kumba kwaOlaf Skau, muOslo. Vakasiya zvinhu zviri ungwanda ngwanda mumba make vakatora maBhaibheri, mabhuku, nemagiramufomu ndokunama dhoo rekabati rake remabhuku. Havana kuwana zvinyorwa zvevaparidzi, izvo zvakanga zvavigwa muovheni. Vakazodzokazve vava nemotokari yokuisira mabhuku acho. Mutungamiri wacho aiva SS-Untersturmführer Klaus Grossmann, muNazi aityiwa zvikuru. Olaf paakabvunza Grossmann kuti vaizoitei nemabhuku anotsanangura Bhaibheri, akati vaizoagaya kusvikira aita mabota.
“Ko hamutombotyi Jehovha here?” vakabvunza kudaro Hama Skau.
“Jehovha wacho anofanira kuchenjera!” muNazi wacho akapindura achizvikudza. VaNazi pavakazokanda mapfumo pasi makore mana akatevera, Grossmann akazviuraya.
Gestapo yakasunga Andreas Kvinge muBodø muna July 1941 ndokumubvunza kwaiwanika Zvapupu nechekuchamhembe muNorway. Achitaura chokwadi akapindura kuti, “Nhasi handisi kuziva kwavari.” Fungidzira kuti Andreas akanzwa sei paaibvunzurudzwa ndokubva mapurisa ati mwarara zvinhu zvose zvaiva mubhegi rake pasi, mapepa aiva nemazita nekero zveungano, zvevashumiri vaiva muungano dzacho, uye zvevanhu vaifarira. Zvisinei, Andreas akatura mafemo paakaona pasina akambofunga kuongorora mapepa acho. Chainyanya kudiwa neGestapo kuita kuti Andreas asaine pepa raitaura kuti kuparidza uye kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha kwairambidzwa.
“Tinoziva kuti basa redu rava kurambidzwa,” akapindura Andreas, “saka ndinogona kusaina kuti ndiri kuzviziva. Asi kunyange zvazvo tichirambidzwa kupa vanhu magazini nemabhuku, ticharamba tichishandisa Bhaibheri uye tichitaura nevanhu nezvoUmambo hwaMwari.” Gestapo yakazobudisa Andreas payakaona kuti aisazochinja zvaaitenda.
VaNazi vakazopedzisira vatora nechisimba imba yaishandiswa nehama sehofisi yebazi. Vakabvumira Hama naHanzvadzi Öman kuramba vachigarapo asi vamwe vose vemhuri yeBheteri vaifanira kuenda.
KUITA MISANGANO TICHIRAMBIDZWA
VaNazi pavakaedza kutsakatisa Zvapupu zvaJehovha, hama dzakangotanga kuita zvinhu zvadzo pachivande. Dzimwe hama shoma dzaifamba dzichishanyira hama nehanzvadzi kuti dzivakurudzire. Søren Lauridsen, akanga amboti shandei paBheteri, akaenda nechokumaodzanyemba muNorway. Uye Andreas Kvinge akaramba achishanyira Zvapupu zvaiva mudunhu rake kuchamhembe, achiwanzoshanda tumabasa twakasiyana-siyana kuti vanhu vasamufungira. Muna 1943, Magnus Randal, akanga amboshanda nechikepe chemapiyona chainzi Rute, akapiwa makero ehama naHama Öman ndokuchovha bhasikoro kwemakiromita 1 200 akananga kuchamhembe kuBodø kunokurudzira hama nehanzvadzi.
Kunyange zvazvo hurumende yakarambidza misangano, mapoka ehama nehanzvadzi akaramba achiungana kuti akurudzirane. Kazhinji vaiungana mudzimba vari mapoka maduku, asi dzimwe nguva vaiungana pachivande vakawanda. Hakusi kufara kwavakaita muna 1942 pavakapinda Chirangaridzo vari 280 munzvimbo mbiri muOslo, 90 vacho vakadya zviratidzo!
Zvapupu zvakatokwanisa kuronga kunyange magungano epachivande munzvimbo dzisina vanhu mumapurazi kana kuti musango. Gungano rakadaro guru pane mamwe ose rakaitwa muna 1943 musango riri pedyo nomusha weSki. Paive nehama nehanzvadzi dzinenge 180 dzaibva munharaunda yeOslo Fjord. Panguva yokumbozorora, vanhu vachidya, pakaerekana pasvika masoja matatu ekuGermany akatasva mabhiza. Saka hama nehanzvadzi dzaizoita sei?
Imwe hama yaitaura chiGerman yakaenda paiva nemasoja ndokubva yanzwa kuti vaida kushambira asi vakanga varasika. Hama hadzina kumbononoka kuvaratidza nzira yacho.
“Unofunga kuti vanhu avo vakaunganirei?” mumwe wemasoja akabvunza vamwe vake pavakanga vava kuenda.
“Pamwe ikwaya,” akapindura mumwe wacho. Hama nehanzvadzi hadzina kuzoda kuvaruramisa pane zvavaifunga asi dzakatofara padzakaona masoja aya achienda nemusango.
KUSHANDA PACHIVANDE
Vaparidzi vakawanda vakanga vaviga mabhuku munzvimbo dzisiri nyore kuoneka. Vamwe vaiacherera pasi vozoafukunura pavanenge vava kuada. Hama Skau, avo vaigadzira magetsi, vakaviga bhokisi remabhuku seri kwetransformer yemagetsi pabasa pavo. Hama Øiseth vakaviga mabhuku mumukoko wenyuchi, uye Hama Kvinge vakaviga avo mumudziyo wavaiisira mbatatisi.
Lotte Holm achityira kuti paichengeterwa mabhuku esangano kuHarstad pangangowanikidzwa, akaenda kunotora mabhokisi ose aiveko. Akakwira chikepe, ndokunyatsoronga mabhokisi acho ndokubva agara pamusoro pawo. Chikepe pachakanga chava kusimuka, Lotte akarohwa nehana paakaona muchikepe muine masoja eGermany akawanda ndokutanga kuzvidya mwoyo achifunga kuti aizoaburutsa sei. Zvisinei, pakanga pasina chokutya. Chikepe pachakasvika pachiteshi, masoja acho akanzwa tsitsi kuona muchembere achitakura zvinhu zvinorema oga, saka vakamubatsira kuburutsa mabhokisi acho ose vakatomubatsira kuaendesa kumba kwake. Masoja iwayo aiva netsika haana kumboziva kuti zvavakaita zvakabatsira Zvapupu.
Pasinei nokurambidzwa kwataiitwa, hama dzakaramba dzichipinza muNorway magazini eNharireyomurindi ainge achangobuda achibva kuSweden nokuDenmark. Vaishandurira nyaya dzokudzidza kuchiNorwegian vachishandisa tapureta vodzitumira muNorway yose. Kwaive nevakanga vakarongwa vaifamba nechitima, mabhasikoro, kana zvikepe vachiendesa zvokudya zvinosimbisa pakunamata kuvaKristu vechokwadi muNorway yose.
VAKARAMBA VACHIPARIDZA
Munguva yehondo, pane zvakaitika zvakava muedzo chaiwo kuhama nehanzvadzi dzomuNorway. Basa redu parakarambidzwa muna July 1941, hama dzakaudzwa kuti dzingwarire kuti dzirege kudenha vaNazi. Saka vakawanda vaiparidza zvisina kurongwa kuhama neshamwari kana kushanyira vanhu vavakanga vambotaura navo. Zvisinei, dzimwe hama dzaifunga kuti kwaiva kunyanya kuzviisa pasi uye kuti hapana chakaipa nokuparidza paimba neimba vachishandisa Bhaibheri chete. Kunyange zvazvo paiva nokusabvumirana nezvokuti basa rokuparidza roitwa sei, vanhu vacho vose vaiva nechido chakasimba chokushumira Jehovha vakatendeka pasinei nokupikiswa.
Hama dzaizoita sei? Nemhaka yehondo zvakanga zvisingaiti kunyorerana nedzimbahwe riri kuNew York, saka zvairatidza kuti nyaya yacho yaisazogadziriswa nokukurumidza. Hama dzaizorega kusabvumirana kwadzo panyaya iyi kuchideredza kutenda kwadzo here, kana kuti dzaizoramba dzichiparidza nepadzaigona napo, dzichimirira kuti Jehovha nesangano rake vazogadzirise nyaya yacho?
Zviri pachena kuti Jehovha aikomborera basa ravaiita vakatendeka, nokuti sangano rakaramba richikura sezvarakanga richiita mumakore mashanu hondo isati yatanga. Pasinei nehondo, kurambidzwa uye kuparidza kwaiitwa nenzira dzakasiyana, nhamba yevaparidzi yakawedzera kubva pa462 muna 1940 kusvika ku689 muna 1945, zvikaita kuti hama dzifare zvechokwadi!
KUBATANA PAKUNAMATA JEHOVHA
Hondo yapera muna 1945, William Dey akauya kuNorway muna July naAugust kuzobatsira hama kurongazve basa radzo. Hama Dey vakaronga kuti misangano iitwe kuOslo, Skien, neBergen vakakumbira hama kuti dzibatane pakuita basa radzo. Akaudza hama kuti dzakanga dzakomborerwa naJehovha, dzakanga dzawedzera uye kuti dzaigona kufambira mberi nechivimbo chokuti Jehovha aizodzitungamirira.
Muna September 1945, Nathan H. Knorr, wokudzimbahwe renyika yose akataura naMarvin F. Anderson, hama yaiva nemakore 28 yaigara muAmerica asi yakanga yakazvarirwa kuDenmark. Hama iyi yakanga yamboshanda paBheteri kuNew York uye iye zvino yaiva mutariri wedunhu muUnited States. Hama Anderson vakabvunzwa naHama Knorr kana vaida kuenda kuNorway kunogadzirisa dzimwe nyaya uye kugarako “kwemakore.” Hama Anderson vakabvuma, kunyange zvazvo vakazogara kwemwedzi yakati wandei vasati vasvika kuNorway.
Hama Anderson vachiri kuronga zvokuenda kuNorway, Hama Knorr naHama Henschel vakaendako muna December 1945. Mirayiridzo yavo yorudo yakaita kuti hama dzidanane uye dzibatane. Panguva iyoyo Hama Knorr vakazivisa kuti Hama Dey vaizotsiva Hama Öman somutariri webazi. Pashure pemwedzi mumwe chete, Hama Anderson vakasvika kuNorway, uye muna February vakagadzwa kuva mutariri webazi. Hondo Yenyika II yapera, vashumiri vaJehovha muNorway yose vakatanga kuparidza nesimba rakawedzerwa, vaine chivimbo chokuti Jehovha aizovakomborera.
SANGANO RAJEHOVHA RINOFAMBIRA MBERI
Marvin Anderson akazosara osvika kuNorway basa rava kutofambira mberi pabazi. Muna September 1945, vaparidzi vakapiwa tubhuku tushanu, kamwe muchiNorwegian uye tuna twaiva muchiSwedish. Mwedzi wakatevera, Nharireyomurindi yaOctober 1, 1945 yakabudiswa muchiNorwegian, uye nokufamba kwenguva mamwe mabhuku akazobudiswawo mumutauro uyu.
Pane zvaiitika zvinosetsa zvinoratidza kuti zvakanga zvakakosha sei kuva nemabhuku muchiNorwegian. Kamwe kabhuku kechiSwedish kaiva nomusoro waiti Hopp, zvichireva kuti “tariro” mumutauro wacho. Asi muchiNorwegian, “hopp” zvinoreva “kusvetuka,” kana kuti “kukwakuka.” Saka vaparidzi vaitofanira kutsanangurira vaverengi kuti mashoko arimo etariro aisareva kuti vasvetuke!
Hama Anderson pavakava mutariri webazi muna 1946, hofisi yebazi yakanga yakawandirwa nevanhu, zvokuti vaigara nedzimwe hama shanu muimba imwe chete. Vanhu vasiri Zvapupu vainge vagara muchivako ichocho kubvira nguva dzevaNazi vakatozonotsvaka pamwe pokugara kuti mhuri yeBheteri yaikura ikwane.
Hama Anderson vakatanga kushanda nesimba pabasa ravo idzva. Hofisi yebazi yakagadziridzwa, uye pakatengwa zvinhu zvitsva zvokushandisa, kusanganisira muchina wokudhinda waitekenywa negumbo. Muna 1946 muungano makatangwa purogiramu yokudzidzisa yainakidza yeChikoro chaMwari Choushumiri. Hama dzakawanda dzakanga dzava kukwanisa kudzidziswa kugadzirira uye kupa hurukuro, zvokuti pasina nguva vakawanda vavo vakanga vava kupa hurukuro dzavose.
Magungano okutanga pashure pehondo akaitirwa kuOslo, Bergen, neTrondheim muna September naOctober 1946. Munzvimbo dzacho dzose dziri nhatu, vanhu 3 011 vakateerera hurukuro yavose yaiti “Muchinda Worugare” uye 52 vakabhabhatidzwa. Izvi zvinofadza chaizvo tikafunga kuti muNorway maingova nevaparidzi 766.
Muna December 1946, basa redunhu, rakanga rambomira kwemakore anopfuura mashanu, rakatangwazve. Hama dzakati wandei dzechiduku, dzimwe dzacho dzakanga dzamboshanda paBheteri, dzakazoitwa vatariri vematunhu (vainzi varanda kune hama). Chinangwa chavo chikuru chaiva chokudzidzisa vaparidzi ushumiri hwepaimba neimba, uye vaiedza kushanda nevaparidzi vakawanda muungano imwe neimwe. Gunnar Marcussen, mumwe wevatariri vanofambira ivavo, anoyeuka kuti mudzimwe ungano aishanda nevaparidzi 50 kusvika ku70 pavhiki raaishanya. Zvishoma nezvishoma, vaparidzi vakava nyanzvi pakuzivisa shoko roUmambo, uye vakasiya zvokushandisa makadhi okupupurira nemagiramufomu zvakanga zvashandiswa kubvira kuma1930. Nyaya yokudzokera kuvanhu vanenge vafarira uye kudzidzisa Bhaibheri yakasimbiswawo.
KUKURUDZIRA BASA ROUPIYONA
Pashure pehondo, vaparidzi vakakurudzirwa kutora upiyona kuti vabatsire vanhu vakawanda vaifarira shoko roUmambo. Izvi zvakaita kuti vaparidzi vakawanda vakanga vambomira kupayona pakarambidzwa basa redu muna 1941, vatangezve basa renguva yakazara. Kunyange zvazvo nyaya dzemari dzakanga dzakaoma, pakazopera 1946 hama nehanzvadzi 47 dzakanga dzatanga kupayona!
Mumwe wemapiyona iwayo ndiSvanhild Neraal, imwe hanzvadzi yakaenda kudunhu reFinnmark riri nechokuchamhembe muna 1946. Svanhild akanga ambopayona ikoko muna 1941 aina Solveig Løvås zvokuti kubhombwa kwakaitwa Kirkenes neVardø kwakaitika vachiona. Svanhild haana kukanganwa vanhu vanofarira vaakawana aina Solveig, saka akadzokera kuKirkenes, uko kwakanga kwasakadzwa nehondo. Vanhu veko vakafunga kuti Svanhild aipenga, nokuenda kunzvimbo iyoyo yakanga isina kana pokugara.
Kunyange zvakadaro, Svanhild akavimba naJehovha zvokuti mumwaka wokutanga wechando airara pahuriri muimba yokubikira yekamba kaigara vamwe vanhu vashanu. Pashure pehondo zvinhu zvakanga zvakaoma zvikuru, uye akatsungirira matambudziko akawanda. Aiwanzomirira zvikepe kuchinaya uye kuine sinou, zvikepe zvacho zvisingasviki nenguva, ndokunge zvatombouya.
Svanhild akasangana nezvakawanda zvinonakidza paaiparidzira vaSami. Kana atadza kuenda kumisha iri kwayo yoga nemabhazi, aienda nezvikepe zvomurwizi kana kuti nebhasikoro. VaSami vanofarira kugamuchira vaenzi, saka vaiwanzomuti apinde mumatende avo aigadzirwa nematehwe emhuka vonyatsoteerera achivapupurira paine vaturikiri. Panguva yokudya vaimukoka kuti vazodya vose nyama yemhuka. Vamwe vakaudzwa mashoko akanaka naSvanhild vakazogamuchira chokwadi.
Kjell Husby, uyo aishanda paBheteri panguva iyoyo, akati nguva dzose bazi raiziva kuti Svanhild ari kupi, vachingoona pakero dzaive pamapepa aaitumira evanhu vaida kuzotumirwa magazini. Mumakore matatu aakagara muFinnmark, akawana vanhu 2 000 vaida kuzotumirwa Nharireyomurindi uye akapa vanhu mabhuku 2 500!
“VABATI VEVANHU”
Pashure pehondo, vaparidzi vakawanda vakashandawo nechido mubasa rokuparidza, uye vakava nezvibereko zvinofadza. Nguva yehondo, Dag Jensen, ambotaurwa nezvake, akanga aparidzira hama neshamwari mumusha muduku weHennes muVesterålen. Vakawanda vakafarira uye vakadzidza Bhaibheri vachishandisa mabhuku edu. Dag akazobhabhatidzwa pakapera hondo muna 1945. Gore rakatevera, pakavambwa ungano muHennes, vanhu 16 vakabhabhatidzirwa pamba paDag. Makore mashanu akazotevera, ungano yaiva nevanhu vanenge 50, uye muna 1971, Dag akashuma kuti vanopfuura 20 muungano iyoyo vakanga vatanga kupayona.
Madiro aiita Dag Jehovha uye kushingairira kwaaiita muushumiri zvaiita kuti vamwe vadewo kumutevedzera. Åshild Rønning, uyo akakurira muungano yacho anoti: “Dag kana asvika pamusha, munhu wose aiona kufara kwaaiita. Munhu wose ainge ari mumba aifara sokufarira kwatinoita zuva.” Dag aigara achikurudzira vana, sepaya pavaiva nehurukuro paChikoro chaMwari Choushumiri. “Aiita kuti tione kuti zvataiita zvaikosha,” anodaro Åshild. Kukurudzirwa nomutsa uku kwakaita kuti Åshild pachake atange kupayona muna 1962, akafarawo kuudza vamwe “mashoko akanaka anokudzwa aMwari anofara,” Jehovha.—1 Tim. 1:11.
Chii chakaita kuti vanhu vakawanda zvakadaro munzvimbo iyi vave Zvapupu zvinoshingaira? Kunyange zvazvo vakawanda vaivamo vakanga vasingaendi kuchechi, vaitenda muna Mwari uye Bhaibheri. Uyezve munzvimbo iyoyo Zvapupu zvakawanda zvaizivikanwa semisoro yemba yakanaka, inotsigirwa nemadzimai ayo akavimbika. Mumwe wemisoro yemba iyi ndiArnulf Jensen, mwana womukoma waDag, uyo akabhabhatidzwa muna 1947. Mukati mevhiki aiita basa rokubata hove, achienda kugungwa nechikepe chake kwemazuva. Asi misi yeChishanu manheru, aidzoka kumba, kunyange kana hove dzanga dzichibatika zvakanaka, vamwe vachisara vachibata mari. Arnulf aiva nechokwadi kuti kupera kwevhiki aiva pamba kuti apinde misangano uye aparidze nemudzimai wake nevana vasere, avo vakazogamuchira chokwadi vose. Misi yeMugovera neSvondo, hama dzaiita basa radzo rokuva “vabati vevanhu,” vachiwanzoshandisa chikepe chaArnulf chokubatisa hove kuenda kunotsvaka vanhu kumisha yaive kwayo yoga.—Mako 1:16-18.
“TIRI KUITA BASA RINOKOSHA”
Kudzidziswa kunoitwa mamishinari kuChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi kuNew York kwabatsira zvikuru hama dziri muNorway. Hans Peter Hemstad naGunnar Marcussen, avo vakapedza kudzidza kuGiriyedhi muna 1948, ndivo vadzidzi vokutanga kubva ikoko. Vakadzoswa kuNorway vakashanda sevatariri vanofambira uye paBheteri, vasati varoora uye vazoroora. Kubvira muna 1948 kusvika muna 2010, vanhu vanenge 45 vokuNorway vakapedza kudzidza kuChikoro cheGiriyedhi. Vanopfuura hafu yavo vakadzoka kuzoshandira kuNorway uye vakashanda sevaparidzi venguva yakazara, kana kuti sevatariri vanofambira kana kuti senhengo dzeBheteri.
Vamwe vemamishinari akadzidziswa kuGiriyedhi akatanga kusvika kuNorway vaiva Andreas Hansen aibva kuDenmark naKalevi Korttila aibva kuFinland. Muna 1951 vakatumirwa kuEast Finnmark, kwavaishanda ndima yakakura vachishandisa zvikepe, mabhasikoro, uye zvinhu zvokufambisa muchando zvinosungirirwa pasi peshangu. Vanhu vakawanda vavakadzidzisa ndevaya vakanga vamboparidzirwa naSvanhild Neraal makore akanga apfuura. Izvi zvakaita kuti mugore rimwe bedzi, nhamba yevaparidzi vaiva mundima mavo iwedzere kubva pa3 kusvika pa15!
Kjell Martinsen aibva kuHennes muVesterålen akapedza kudzidza kuGiriyedhi muna 1953 akatumirwa kuNorway. Akatumirwa kubasa rokufambira kuVestfold neTelemark aine makore 22. Kunyange zvazvo aitya kufambira achiri muduku zvakadaro, anofara paanoyeuka kutambirwa kwaaiitwa nehama dzakanga dzagara nebasa uye kushandira pamwe kwadzaiita naye. Kjell akashanda somutariri anofambira kusvikira muna 2001, paakazonogara nomudzimai wake Jorunn kuSvolvær muLofoten achipayona.
Karen Christensen akabva kuDenmark muna 1950 kuzopayona kuEgersund nokuKongsvinger, kwakanga kusina ungano. Akashanda ndima yacho yose nebhasikoro. Paakapedza kudzidza kuGiriyedhi muna 1954, akatumirwa kuKongsberg. Muna 1956 akaroorwa naMarvin Anderson uye kubvira ipapo vari kushanda paBheteri. Karen ava nemakore anopfuura 60 ari mubasa renguva yakazara. Anoti: “Hatisi vanhu vanokosha, asi tiri kuita basa rinokosha.”
KUBUDIRIRA MUMATARE
Kubva muna 1948 kusvika muna 1951, vanhu vaiwedzera zvinofadza. Muna 1951, vaparidzi vakawedzera nezvikamu 29 muzana, vakasvika nhamba yepamusoro 2 066. Asi panguva iyoyowo vashumiri vaJehovha muNorway vakasangana nematambudziko panyaya dzemitemo.
Nyaya yakanyanya kutsviriridza yaive nechokuita nekuparidza mumigwagwa tichishandisa Nharireyomurindi. Muna November 1949, vamwe vaparidzi vaiita basa romumugwagwa muOslo vakaendeswa kukamba yemapurisa ndokuzoregwa pashure pemaawa mashomanana. Zvapupu zvacho zvakaramba kutyisidzirwa zvokuti pakupera kwevhiki rakatevera zvakaendazve kunoparidza mumigwagwa. Musi waDecember 6, 1949, vaparidzi vose vaiparidza mumugwagwa muOslo vakasungwa. Vakaudzwa kuti vaisabvumirwa kupa vanhu magazini mumugwagwa pasina mvumo yemapurisa. Mapurisa aiti basa racho raiita kuti vanhu vaungane mumugwagwa zvokanganisa vamwe uye zvotadzisa motokari kufamba. Vanomwe vavo vakabvunzurudzwa ndokuendeswa kudare, kwavakanzi varipe mari shomanana kana kuti vagare mujeri kwemazuva matatu.
Sezvo iyi yakanga isiriwo zvayo nyaya yokupiwa mvumo nemapurisa asi iri nyaya yokunamata vakasununguka, hama dzakakwidza nyaya yacho kuDare Repamusorosoro reNorway. Mupepanhau reDagbladet, mumiririri weZvapupu zvaJehovha aibudisa mashoko John Roos akataura kuti basa redu rokuparidza mumugwagwa harina kumbobvira rakanganisa vanhu. Akati: “Kana kuparidza kuchiitwa mumigwagwa kusingakanganisi runyararo rwevanhu, uye kusingatadzisi motokari kufamba, kana kukonzera kuti vanhu vaungane, pane chokukumbirira mvumo kumapurisa here? Haisi kodzero inopiwa munhu wose ane rusununguko rwokunamata here?” Vachimirira mutongo weDare Repamusorosoro, vaparidzi vakaramba vachiparidza mumigwagwa kunyange zvazvo vairamba vachisungwa vachiripiswa. Vamwe vaparidzi vakasungwa kanosvika kagumi.
Musi waJune 17, 1950, Dare Repamusorosoro rakadzima mutongo wakanga wapiwa nedare reguta, vaparidzi vakanzi havana mhosva! Chiitiko ichi nemimwe mitongo yakanaka yakapiwa zvakaratidza kuti Zvapupu zvaJehovha zvine kodzero yepamutemo muNorway yokupa vanhu mabhuku anotsanangura Bhaibheri, mumigwagwa nepaimba nemba, zvisingatangi zvakumbira mapurisa.
MAGUNGANO ASINGAKANGANWIKI
Muma1950 nema1960, magungano akawanda asingakanganwiki akasimbisa sangano uye akaita kuti Zvapupu zvibatane. Nathan H. Knorr naMilton G. Henschel, avo vaibva kudzimbahwe renyika yose vaiva vamwe vevakurukuri pagungano rakaitirwa muLillehammer muna 1951 rakapindwa nevanhu vomuNorway. Vanhu vakadirana vachibva kunzvimbo dzose dziri muNorway. Hakusi kufara kwavakaita pavakaona 89 vachibhabhatidzwa uye 2 391 vachiteerera hurukuro yavose! Mumakore akazotevera vanhu vomuNorway vakazofara kupinda magungano emarudzi akawanda kuLondon neNew York. Muna 1955, Zvapupu zvokuNorway zvinenge 2 000 zvakapinda gungano remarudzi akawanda kuStockholm, Sweden.
Gungano renyika dzakawanda rakaitwa muna 1965 raiti “Shoko Rechokwadi” rakaitirwa kuOslo muNhandare yeUllevål rakafadza vanhu zvechokwadi. Asi pakava nedambudziko. Chikwata chenhabvu chenyika yeNorway chaitamba necheimwe nyika munhandare yacho manheru isu tichifanira kuita gungano mangwana acho. Gurusvusvu reZvapupu rakamirira kunze kwenhandare kusvikira vanhu vebhora vaenda, ndokuzoita chipatapata chokugadzira nhandare kuti izoitirwa gungano. Vakashanda usiku hwose, vachitsvaira, kubvisa marara, uye kumisa matende aizobikirwa. Vakavaka zvikuva, uye chikuva chevaimbi uye, kuti zvinyatsoyevedza, vakavaka imba yokuchengetera zvinhu netumwe tumba tutatu, zvose vakazvipfirira neuswa. Pepanhau reDagbladet rakazoti, “Pakaitwa chishamiso usiku. Nhandare yeUllevål yakachinja kuva nzvimbo inoyevedza . . . Nokushanda nesimba kwakaitwa neZvapupu zvaJehovha.”
Hama nehanzvadzi dzomuNorway dzakagamuchira vanhu vaiuya kugungano vanopfuura 7 000 vakabva kune dzimwe nyika, zvikurukuru kuDenmark. Pakavakwa misasa yematende mune rimwe sango kunze kweguta. Yaive nzvimbo yakanaka dai kunze kwakaramba kwakanaka. Asi vanhu 6 000 vaivepo havakanganwi manayiro akwakaita mazuva okutanga egungano zvokuti vakanga vava kugara mumatope chaimo. Munhu wese akafara pakwakazochinja mazuva maviri okupedzisira. Pasinei nokuti kunze kwakanga kusina kumira zvakanaka, hama dzemuNorway nedzakanga dzashanya dzaifadzwa nokuwadzana, uye dzakazorodzwa nepurogiramu yegungano yainyatsoenderana nenguva. Vakafadzwa chaizvo kuona 199 vachibhabhatidzwa uye 12 332 vachivapo pahurukuro yavose yakapiwa naHama Knorr.
“UPENYU HWEDU HURI MUKUPARIDZA”
Kunze kwokungopupurira paimba neimba uye mumigwagwa, hama nehanzvadzi dzakawanda dzakavawo nezvibereko padzaiparidza zvisina kurongwa. Muna 1936, Konrad Flatøy aiita basa rokukuchidzira moto mungarava, akapa mumwe mukuru womungarava iyi kabhuku. Mukuru wacho, Paul Bruun, akatambira kabhuku kacho ndokukaverenga usiku ihwohwo.
“Ndakabva ndangoona kuti ichi ndicho chokwadi, uye kabhuku kacho kakandiratidza musiyano wechitendero chechokwadi nechenhema,” akadaro Paul. Paul paakaramba achidzidza akatanga kuparidzira vamwe, uye nguva yehondo, akadzidzisa Bhaibheri mumwe mushandi womungarava aifarira. Zivo yeBhaibheri yomushandi uyu payaiwedzera, akatanga kuona zvisingaiti kuti ashandise pfuti dzomungarava. Vakuru vakuru pavakaziva nezvazvo, vakaudza Paul kuti arege kudzidzisa murume uyu Bhaibheri. Paul akaramba, saka vose vari vaviri vakadzingwa basa vava kuLondon. Pashure pemwedzi, ngarava yacho yakarohwa nebhomba remumvura ikanyura. Mushandi wacho akatozova hama yakabhabhatidzwa, uye Paul akazokokwa kuchikoro chemamishinari cheGiriyedhi. Paakapedza kudzidza muna 1954, Paul akaendeswa kuPhilippines somumishinari. Akazodzokera kuNorway akanova mutariri wedunhu, achitsigirwa nomudzimai wake Grethe.
Muna 1948, Holger Abrahamsen aiita basa rokuendesa nokunotora vashandi vaikukura marara mumvura pachiteshi cheNarvik. Aiwanzoti, “Upenyu hwedu huri mukuparidza, tikangorega kuparidza, tafa.” Saka Holger aishandisa mikana yose yaaiwana kuparidzira vanhu vaaitakura. Mumwe wevanhu ivavo, Olvar Djupvik, akafarira, akaudza musikana wake, Anne Lise, nezvetariro yeParadhiso. Vose vakabhabhatidzwa, vakazorera vanakomana vavo vana, avo vakavawo vashumiri vaJehovha. Mumwe wavo Hermann, akava mumishinari kuBolivia nomudzimai wake Laila. Hermann naLaila vakadzoka kuNorway uye iye zvino vari kuita basa rokufambira.
KUFUDZA MAKWAI AJEHOVHA
Kuma1960 nokuma1970 sangano rakagadziridza zvinhu zvinokosha pahofisi yebazi uye kuungano. Roar Hagen akava mutariri webazi achitsiva Marvin Anderson. Akazotsiviwawo naThor Samuelsen muna 1969. Muna 1976 pakagadzwa Dare Rebazi kuti ritungamirire basa pabazi romuNorway, uye vokutanga kuva mudare racho ndiThor Samuelsen, Kåre Fjelltveit naNiels Petersen.
Muna October 1972, matare evakuru akagadzwa kuti afudze muungano. Varume vaiva neruzivo panyaya dzokunamata vakabatsirwa kuti vakwanise kufudza vatsva vakawanda vaigamuchira chokwadi cheBhaibheri. Kubvira ipapo, Jehovha ari kukomborera vanhu vake sezvo vari kumushumira vakavimbika vachibvuma utungamiriri hwake hwerudo.
VASAMI VANOGAMUCHIRA MASHOKO AKANAKA
Pava nemakumi emakore mapiyona akawanda achiparidza mashoko akanaka kuvaSami, kusanganisira vafudzi vemhuka dzinenge nhoro dzine nyanga dzine mapazi vanogara mumakomo eFinnmarksvidda. Kunyange zvazvo vaSami vakawanda vachitaura chiNorwegian, dzimwe nguva vaparidzi vaifanira kushandisa vaturikiri. Mumwe weZvapupu zvokutanga kuparidza zvakanyanya mumutauro wechiSami ndiAksel Falsnes, uyo watingati aiva muSami zvishoma uye aitaura chiSami, chiNorwegian, nechiFinnish. Hanzvadzi yake, iyo yaigara muNorway nechokumaodzanyemba, yakanga yava muchokwadi uye yakanga yamutumira rimwe remabhuku edu, akariverenga nomwoyo wose. KuTroms kwaaigara kwakanga kusina Zvapupu, asi muna 1968 mamwe mapiyona nomutariri wedunhu vakashanyira Aksel vakamubatsira kufambira mberi pakunamata.
Aksel akazova muparidzi anoshingaira. Aiwanzokwidza bhasikoro rake paigwa mangwanani, oyambuka goronga, ozonorishandisa kubva mune mumwe musha kuenda kune mumwe. Nokuziva kwaaiita mutauro wechiSami, Aksel akakwanisa kupa uchapupu hwakanaka kuvanhu vechiSami vaigara kunzvimbo dziri kure muFinnmark.
Aksel munhu akanga akasimba, aienda kumisha yaive kure nekure achishandisa zvinhu zvinosungirirwa pasi pebhutsu zvinotsvedza muchando. Somuenzaniso, rimwe gore chando chava kunopera akatsvedza saizvozvo kubva kuKarasjok achikwira nepamusoro pemakomo kusvika kuKautokeino akazopfuurira kuAlta. Aingotakura bhegi rokubereka kumusana rine tunhu tushomanana twokushandisa nemabhuku. Pashure pemavhiki mashomanana, akasvika pamba peshamwari dzake kuAlta, afamba makiromita 400 achiita zvokutsvedza!
Kutanga kwema1970, vaSami vakati wandei vakauya muchokwadi. KuHammerfest, mumwe murume nemudzimai wake wechiSami vakatanga kudzidza neZvapupu zvaJehovha. Dzimwe hama dzomudzimai wake dzaiva kuAlta dzakabva dzatangawo kufarira. Arne naMarie Ann Milde, mapiyona chaiwo muAlta, vakatanga kudzidza navo Bhaibheri, vachiwanzova nevanhu 10 kana kuti 12 pavanenge vachidzidza. Inenge hafu yevanhu ava yakazova Zvapupu.
“Kuparidza mundima yevaSami hakusi nyore,” anodaro Hartvig Mienna, mumwe piyona wechiSami wokuAlta anoshandisa chimudhudhudhu chinofambiswa muchando kuti asvike kuvanhu vanogara kwavo voga. Anowedzera kuti, “Vanhu vacho vanogara kure nokure zvisingaiti, uye vakawanda havadi kusiya tsika dzavo. Asi vanogamuchira vaenzi, uye takakwanisa kutanga zvidzidzo zveBhaibheri zvakati wandei.”
MAKORE OKUMIRIRA NOMWOYO WOSE
Vaparidzi vairamba vachiwedzera kubvira pakati pema1960 kusvika pakati pema1970. Asi zvaitarisirwa kuti zvaizoitika muna 1975 zvakava muedzo wokutenda chaiwo kudzimwe hama. Vamwe vakasiya sangano pavakaona kutambudzika kukuru kusina kusvika muna 1975; uye pakati pa1976 na1980, nhamba yevaparidzi yakati dererei. Vamwe vakaodzwa mwoyo vakadzikira pabasa ravo rechiKristu kwekanguva. Asi ruzhinji rwakanzwa sei nezvokuenderera mberi nebasa raJehovha?
“Vanhu vaiva nezvavaitarisira muna 1975 uye vaisabatika nomufaro,” anodaro Hans Jakob Lilletvedt, “asi handizvo zvakanga zvakabata kutenda kwangu.”
“Hatina kuzvitsaurira kuna Jehovha tichifunga nezverimwe zuva, saka hapana chatakachinja, takangoenderera mberi noupenyu,” vakadaro John naEdith Johansen, Zvapupu zvava nemakore zvakatendeka.
“Ndichashumira Jehovha nokusingaperi,” akadaro Lea Sørensen. “Zvokuti mugumo uri kuuya muna 1975 kana kuti uchazouya hazvikoshi izvo.”
HOFISI YEBAZI ITSVA
Ma1970 ava kunopera basa repabazi rakawedzera. Saka pakanga pava kudiwa vamwe vashandi vepaBheteri nedzimwe dzimba dzokugara uye dzokushandira. Saka muna 1979 Dare Rinodzora rakabvumira kuti pavakwe hofisi yebazi pedyo neOslo. Gore ra1980 rava kunopera, hama dzakawana nzvimbo yokuvakira yakanaka paYtre Enebakk, anenge makiromita 30 kubva pakati peOslo.
Kuti pasashandiswa mari yakawanda, pakadanwa vanhu vanozvipira kuzovaka. Zvakanga zvakaoma zvikuru kuwana zvokuvakisa, zvokudya uye pokugara pevanhu vanoda kusvika 100, uye kufambisa basa racho.
Hama nehanzvadzi dzemunzvimbo iyoyo uye dzokune dzimwe nyika dzinopfuura 2 000 ‘dzakazvipa nemwoyo unoda.’ (Pis. 110:3) Vakawanda vakabatsira nokupa mbatatisi, muriwo, michero, chingwa, mazai, hove, zvipfeko, uye zvokushandisa. Vamwe vairiga miti musango, vamwe vachicheka matanda acho kuva mapuranga nekamuchina kaive paivakwa pacho. Vakawanda vakapa mipiro yemari uye vamwe vaitikweretesa.
Vamwe vashandi vaiva neunyanzvi vaisakwanisa kuva pabasa pacho nguva dzose, saka rakawanda rebasa racho raifanira kutozoitwa nevanhu vakanga vasina unyanzvi. John Johnson, uyo aitungamirira basa rokuisa magetsi, anotsanangura kuti iye nevamwe vaitungamirira basa racho vaiona sokuti havana zvavaikwanisa. “Vanhu vakadzidza maitirwo ebasa racho uye vakaita basa rakazonaka,” anodaro John. “Zvaishamisa kuona magadzirisiro aiitwa zvinenge zvanetsa uye maperero akazoita basa racho. Zvaioneka kuti Jehovha Mwari aitungamirira kuvaka kwacho.”
Kushanda nesimba kwakaitwa, rupo rwehama nehanzvadzi, uye chikomborero chaJehovha zvakaita kuti basa racho rifambe zvakanaka. Kuvaka kwakatangwa 1981 achangotanga, uye musi waMay 19, 1984, hofisi yebazi itsva yakatsaurirwa naMilton Henschel weDare Rinodzora paakashanyira bazi racho. Kuvaka kwacho kwainakidza uye kwakabatanidza hama dzomuNorway. Vakawanda vakanga vaita basa iri, vakazotora upiyona hwebetsero kana hwenguva dzose mumakore akazotevera basa rokuvaka rapera.
KUKURUMIDZISA BASA ROKUVAKA DZIMBA DZOUMAMBO
Muna 1928 hama ina dzokuFjelltvedt dzakavaka imba yokutanga yokushandisa pakunamata Jehovha mumusha weBergen. Pakazotanga ma1980, ungano dzakati wandei dzakanga dzavaka kana kuti dzatenga Dzimba dzoUmambo. Asi ungano dzakawanda dzakanga dzichiri kuitira misangano mudzimba dzokurenda dzisina kunyatsokodzera. Paivakwa bazi, dzimwe hama dzakakurukura nezvokuti dzaizokurumidzisa sei kuvakwa kweDzimba dzoUmambo. Vaiziva kuti hama dzaiva kuUnited States nokuCanada dzaimisa Dzimba dzoUmambo munguva pfupi, saka vaingoti, ‘Kana hama dzacho dziri kubatsirwa naJehovha kuzviita, chii chingatitadzisa?’
Dzimwe hama dzakatanga kudhirowa mapurani, uye pashure pokunge vavaka imwe yokuedza muAskim muna 1983, muna 1984 vakazomisa dzimwe nhatu munguva pfupi, kuRørvik, Steinkjer, nokuAlta. Vakazviita sei? Chavaingoita kugara vaisa fandesheni vozonyatsoronga vanhu vaizoshanda, vane unyanzvi nevasina, zvokuti basa rose raipera mumazuva mashomanana.
Mumakore gumi akatevera, muNorway Dzimba dzoUmambo dzinenge 80 dzakavakwa munguva pfupi. Hama dzokuNorway dzakazoenda kuIceland kunobatsira kuvaka Dzimba dzoUmambo nhatu. Kunyange zvazvo ungano dzakawanda muNorway dzava neDzimba dzoUmambo, pachine basa panyaya yokuvaka. Dzakavakwa kare dzava kuda kugadziridzwa, dzimwe dzava duku zvokuti dzinoda kuwedzerwa, uye dzimwe dzinofanira kuvakwa.
“UKAMA HWAKASIMBISWA”
Kuvaka Dzimba dzoUmambo kwakaita kuti tive nenzvimbo dzakatinakira uye dzinoyevedza dzokunamatira, uye kwakapa uchapupu hwakanaka kuvanhu. Somuenzaniso, hama nhatu dzakaenda kunotaura nevakuru veguta kuFredrikstad kunoronga nezvokuvaka Imba yoUmambo muna 1987. Vakuru vacho vakaseka pavakanzwa hama dzichiti dzaizopedza kuvaka mumazuva matatu. Asi kunyange pazuva rokutanga, reChishanu, vakuru vacho vakatanga kuona kuti Zvapupu zvaizopedza semarongero azvakanga zvaita. Musi weMugovera mumwe wevakuru vacho akauya nebhendi rake paivakira vanhu, akaita kuti rivaridzire mumhanzi, senzira yokukumbira ruregerero kushora kwaakanga amboita. “Zvinoshamisa chaizvo kuti imi Zvapupu munovaka nokukurumidza zvakadaro, asi chinotonyanya kushamisa ndechokuti mose munenge muchinyemwerera muchifara,” akadaro mumwe mukadzi akaona Imba yoUmambo yeArendal ichivakwa muna 1990.
Iye zvino kune Matare Okuvaka Omunharaunda maviri ari kutungamirira kuvakwa kweDzimba dzoUmambo muNorway yose. Hama nehanzvadzi dzakazvipira kushanda mamwe mabasa akakura uye anoda nguva yakawanda. Somuenzaniso muna 1991 na1992, hama dzaifanira kuwedzera hofisi yebazi. Uye muna 1994, vakavaka Imba Yemagungano yakazonaka muOslo. Muna 2003, boka rokuvaka rakamisa Imba yoUmambo yakakura muBergen, iyo inogona kuitirwa misangano yeungano zvose nemagungano.
Kushandira pamwe uye kubatana pakuita basa iri kwakabatsirawo vashumiri vaJehovha. Imwe hama yakabatsira pakuvaka kubvira muna 1983 inoti: “Izvi zvakabatsira ungano kuti dzinyatsobatana. Ukama hwedu hwakasimbiswa, vamwe vatova shamwari dzepedyo, kushandira pamwe kwedu kwakavandudzika.”
KUWEDZERA KWEBASA PABHETERI
Pakapedza kuvakwa bazi idzva, zvakanga zvava kukwanisika kuti vashandi vawedzerwe uye vaite zvakawanda zvaizobatsira pakuparidza mundima yeNorway. Somuenzaniso, mabhuku akawanda akashandurirwa muchiNorwegian. Hama dzakazofara pakabudiswa Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene muchiNorwegian muna 1996. (Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki yakanga yabuda kare muna 1991.) Iye zvino anenge mabhuku ose akabudiswa neZvapupu zvaJehovha anowanika muchiNorwegian, kusanganisira Insight on the Scriptures.
Bazi idzva raivawo neimba yokurekodhera, iyo yakanga yakamirirwa nemaziso matsvuku. Kutanga muma1960 mitambo yepamagungano yairekodherwa muDzimba dzoUmambo, imba yepamusoro yaiva pedyo nesirin’i uye yaiva pasi pechivako chebazi rekare. Nzvimbo idzi dzakanga dzisingaiti nokuti kakawanda vaimbomira nemhaka yoruzha rwemotokari vozosimudzirazve. Asi pokurekodhera patsva pakaita kuti basa rokurekodha mitambo, mavhidhiyo, uye nziyo dzoUmambo dzemashoko rivandudzike zvikuru. Bazi rinobudisawo Nharireyomurindi neMukai! zvakarekodhwa muchiNorwegian uye rakabudisawo Bhaibheri rose nemamwe mabhuku paCD uye papeji ravanobudisira mashoko rinonzi www.pr2711.com.
VAKANOPARIDZIRA KWAIDIWA VAPARIDZI ZVIKURU
Vaparidzi vanowanzoparidza mumisha iri pedyo, asi kune vamwe vaparidzi vakawanda nemapiyona vakaenda kundima dzainge dzisina ungano kuchamhembe kure zvakadai sokuLongyearbyen iri pazvitsuwa zveSvalbard. Vamwe vaparidzi vakatama kuti vanoparidza mashoko akanaka kuvanhu vanogara kwavo voga uye, pazvaiita vaibva vatanga ungano.
Finn naTordis Jenssen pavakaroorana muna 1950 vaiziva kuti kuHammerfest, rimwe remaguta ari kuchamhembe zvakanyanya kupfuura mamwe maguta ose panyika, kwaidiwa vaparidzi. Kunyange zvazvo Finn naTordis vakanga vasina mari yakawanda, vaiva nemabhasikoro. Shungu dzokuenda, nesimba zvavaiva nazvo zvakaita kuti vachovhe mabhasikoro avo kwemakiromita anenge 900 kubva kuBodø kusvika kuHammerfest. Pavakanga vava pakati nepakati nerwendo rwacho, vakapiwa mari nedzimwe shamwari dzavo vakazopedzisa rwendo rwacho nechikepe. Vava kuHammerfest, Finn naTordis vakatanga kubatikana nebasa rokuparidza uye kukoka vanhu kuhurukuro dzavose dzaipiwa naFinn kupera kwevhiki kumwe nokumwe. Jehovha akakomborera kushanda kwavo nesimba zvokuti pasina nguva vakakwanisa kutanga ungano duku.
Mumwe mukurukuri pagungano reruwa muTrondheim muna 1957 akakurudzira vaparidzi kufunga nezvokutamira kwaidiwa vamwe vaparidzi. Viggo naKaren Markussen, vaigara kuStavanger, vakanga vakanyatsovhura nzeve. Viggo akagumha Karen negokora, Karen akabva aziva kuti murume wake airevei. Akabva ati nechomumwoyo, ‘Hatisisina nguva yakareba tiri muno muStavanger.’ Asi vanasikana vavo vatatu, avo vaiva vaparidzi vose vaine makore aitangira pa11 kusvika ku14 vaizotii nezvokutama?
Mhuri iyi payakazokurukura nezvehurukuro iyi gungano rapera, vose vakabvumirana kuti vaikwanisa kutamira kwaidiwa vaparidzi. Pavakanyorera kubazi vakapindurwa kuti vatamire kuBrumunddal, kwainge kusina ungano. Saka muna 1958, Viggo naKaren vakatengesa imba yavo yemazuva ano, Viggo akatengesa shopu yake yaitengesa fenicha, mhuri yose ndokunogara muimba duku yemapango yaiva pedyo neBrumunddal. Jehovha akakomborera basa ravo rokuzvipira, zvokuti mumakore akatevera, vakawanda vavakadzidza navo vakazova Zvapupu. Pakazobva vanasikana vavo pamba, Viggo naKaren vachizoenda kubasa redunhu, muBrumunddal makanga mava neungano duku yaishingaira yaiva nevaparidzi vanenge 40.
Hama dzechiduku dzisati dzaroora dzakakwanisawo kufambisira mberi basa roUmambo nokutamira kwaisava neungano. Muna 1992 boka rehama dzaipayona, vazhinji vavo vaiva nemakore anenge 19, rakatamira kuMåløy muNord Fjord kunoona vanhu vaiveko vakanga varatidza kuti vanofarira. Vakabatikana nebasa rokuparidza ndokutanga kuitira misangano mumba yavairenda. Mumwe mukadzi akanga achangotanga kufarira wavaidzidza naye aivabata zvakanaka chaizvo zvokuti akanga ava kunge amai vavo. Pave paya mumwe mukuru nomudzimai wake vakatamira kuMåløy, ungano ikabva yatangwa. Hama idzodzo dzechiduku dzakanakidzwa nebasa radzo, kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda, kuita mabasa akawanda eungano, uye kusimbisa ungano itsva yaishingaira. Mumwe wavo akati, “Takadzidza zvitsva pane zvokunamata, uye waiva mukana usingawanzowaniki wokukura panyaya dzokunamata.” Nokushanda zvakaoma kwakaita hama idzi nedzimwewo, iye zvino muUngano yeNord Fjord mune vaparidzi vanenge 30 vanoitisa zvidzidzo zveBhaibheri 50 kusvika ku60.
KUPUPURIRA NEMIMWE MITAURO
Mumakore 20 adarika kana kutopfuura, vanhu vari kutamira muNorway vanga vachiwedzera. Saka ungano dziri kuedza nepadzinogona napo kuvapupurira mumutauro wavo kana kuti mumutauro wavanonzwisisa. Ungano yokutanga muNorway yomutauro usiri wemo, iyo yakatanga muna 1986, yainzi Ungano yeOslo yeLatin, nokuti yaiva nevanhu vaitaura chiPutukezi nechiSpanish, vazhinji vacho vachibva kuLatin America. Munenge mugore iroro vaparidzi vakatanga kuparidza zvakarongwa kuvanhu vaitaura Chirungu munharaunda yeOslo. Vaparidzi vakawana vakawanda vaifarira, vazhinji vacho vaibva kuAfrica nokuAsia. Vamwe vaivawana pavaiparidza mumigwagwa; vamwe munzvimbo dzinosvikira vapoteri. Vaishandisawo mabhuku ane nhamba dzefoni kuti vawane vanhu vane mazita asiri emo vangangodaro vaitaura Chirungu. Vakatanga zvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda, uye muna 1990, Ungano yeOslo yeChirungu yakatangwa.
Kubvira ipapo, vaparidzi vakawanda vomuNorway vari kuedza kudzidza mimwe mitauro. Vachibatsirana nevaparidzi vasiri zvizvarwa zvemo, vakatanga mapoka kana kuti ungano dzevanhu vanotaura chiArabic, chiChinese, Chirungu, chiPersian, chiPolish, chiPunjabi, chiRussian, chiSerbo-Croatian, chiSpanish, chiTagalog, chiTamil, nechiTigrinya.
Vanoshandisa mutauro wemasaini vari kuwedzerawo zvikuru. Pane zviuru zvishomanana zvematsi dzinoshandisa Mutauro Wemasaini wokuNorway, uye sangano riri kushanda zvakaoma kuvabatsira. Muma1970, hama dzakatanga kuturikira mimwe misangano nemagungano edunhu neeruwa dzichishandisa mutauro wemasaini, uye kubvira ipapo, vaparidzi vakati wandei vakadzidza mutauro uyu. Mune dzimwe ungano mava nemapoka emutauro wemasaini, uye muna 2008 ungano yokutanga yomutauro uyu yakatangwa muOslo. MuNorway yose mune vaparidzi vanenge 25 matsi, vanoshandisa mabhuku ari paDVD akashandurirwa Mumutauro Wemasaini wokuNorway.
MATARE OKUKURUKURA NEZVIPATARA
Dzimwe nguva zvinomboomera Zvapupu zvaJehovha kurapwa nenzira yavanobvuma nemhaka yokuti havabvumi kuwedzerwa ropa. Muna 1990 sangano rakaita kuti pave neMatare Okukurukura Nezvipatara (HLC) muNorway kuitira kuti ribatsire Zvapupu zvinenge zvasangana nedambudziko iri uye kuvapa mashoko ezvokurapwa pasingashandiswi ropa. Kubvira muna 1990 kusvikira muna 2010, hama dzedare iri muOslo dzakaita misangano inenge 70 nevashandi vomuzvipatara zvomunharaunda dzavo uye vakabatsira varwere vanopfuura 500. Kushanda kwavo nesimba kwakavabatsira kukurukura navanachiremba vakawanda vanonzwisisa, uye ruzivo rwezvokurapa runopiwa neveHLC ruri kuita kuti vanachiremba vakawanda vashandise dzimwe nzira dzokurapa vasingawedzeri ropa. Varwere nemhuri dzavo vanotenda zvikuru kutsigirwa kwavanoitwawo neMapoka Okushanyira Varwere.
Zvakaitika kune mumwe piyona wechiduku anonzi Helen zvinoratidza kukosha kweurongwa hweHLC. Muna 2007 akarwara zvikuru akaendeswa kuchipatara chekwaaigara. Uwandu hweropa rake hwaiderera nokukurumidza, vanachiremba vakabva vatanga kumumanikidza kuti abvume kuwedzerwa ropa, vachiti ndizvo chete zvaizomuponesa. Achibatsirwa neimwe nhengo yeHLC, Helen akachinjirwa kune chimwe chipatara chakanga chakati kurei uye chine zvokushandisa zviri nani. Pakasvika Helen naamai vake, hama yeHLC yakanga yatovamirira, ikavakurudzira, uye ikavabatsira kuti vaitirwe zvavaida. Vanachiremba vakabvuma kupa Helen mushonga unoita kuti masero matsvuku eropa awedzere. Mumazuva mashomanana ropa rake rakanga rawedzera zvokuti akanga asisiri pangozi. Helen avazve neutano hwakanaka, uye anotenda zvikuru kuti chipatara chakaremekedza zvaanotenda. Helen naamai vake vanoti, “Hatizombokanganwi mashandiro anoita sangano raJehovha uye kutsigirwa kwatakaitwa nehama nehanzvadzi uye kutinyengeterera kwavakaita.”
KUSHINGAIRA PASINEI NOKUNYOMBWA NEVANOBUDISA NHAU
Zvapupu zvaJehovha muNorway zvakambonzi nanga nanga nazvo nemapepanhau, magazini, zvose neredhiyo neTV, zvikurukuru pakati pa1989 na1992. Chimwe chezvikonzero zvacho ndechokutevedzera kwatinoita zvinotaurwa neBhaibheri nezvemabatirwo evanhu vakadzingwa. (1 VaK. 5:9-13; 2 Joh. 10) Kunyombwa uku kwakaita kuti Zvapupu zvivengwe muushumiri, kumabasa, kuchikoro uye mumhuri. Kunyange zvazvo vateveri vaJesu vasingashamiswi kana vachizvidzwa, mamiriro acho ezvinhu akanga asiri nyore kutsungirira.—Mat. 5:11, 12.
“Iyi yaive nguva yakaoma,” inotsanangura kudaro imwe hama, “asi ine zvayaibatsirawo. Yakaita kuti ndiongororezve zvinotaurwa neMagwaro pamusoro pezvandinotenda. Kufungisisa nezvezvokudya zvinosimbisa pakunamata zvatinowana kumuranda akatendeka, akangwara kwakasimbisa kutenda kwangu. Ndinofunga kuti takatosimbiswa kuti titarisane nemiedzo yokutenda.”
Mumwe mutariri wedunhu anoti, “Zvaikurudzira zvikuru kuona ushingi hwaiva nehama nehanzvadzi mazuva iwayo. Taiziva kuti mushonga wacho kuwedzera kushanda nesimba mubasa romumunda, kusanganisira kuparidza mumigwagwa. Chinofadza ndechokuti Zvapupu zvakawanda ndizvo zvazvakaita.”
Cherechedza kusiyana kwakaita zvaitaurwa nevenhau zvisingabvi muMagwaro, nezvakataurwa nomumwe munhu akambenge akadzingwa nezvemurayiro weBhaibheri pamusoro pokudzinga. Fred anoti: “Pandakadzingwa ndiine makore 20, ndakatanga kufungisisa nezvoupenyu hwangu. Kudzingwa kwakanga kusinganakidzi asi kwakandibatsira. Zvaiita sokuti Jehovha aiti kwandiri: ‘Chigadzirisa ukama hwako neni, mwanangu! Ukasasiya nzira dzako dzakaipa zvichakuipira.’ Chidzidzo chandakawana chakaita kuti ndisiye mararamiro angu akaipa. Pane kunyura mukunakirwa nemafaro, ndakatanga kukoshesa chokwadi. Zvakabatsirawo dzimwe shamwari dzangu kuti dzichinje.” Zvinofadza kuti Fred akapfidza, akachinja nzira dzake, akadzorerwa. Iye zvino mukuru muungano.
‘TAGADZIRIRA KUTARISANA NEZUVA RAJEHOVHA’
Kunyange zvazvo vanhu vakawanda vachikoshesa pfuma uye vanhu vasina basa nezvokunamata vari kuwedzera, vashumiri vaJehovha vari kuramba vachikoshesa mabasa okunamata anosimbisa kutenda, akadai sokuverenga Bhaibheri mazuva ose uye kupinda misangano yeungano. Vaparidzi vakawanda vari kuwedzera basa ravo muushumiri nokutora upiyona hwenguva dzose. Imwe hama yakataura maonero ari kuita vakawanda nyaya yacho payakati: “Kana ndisina kugadzirira kutarisana nezuva raJehovha mangwana, kunyange parichazouya ndinenge ndisina kugadzirira. Hatifaniri kudzokera shure. Richauya rimwe zuva.” Mafungiro aya zviri pachena kuti ndiwo ari kuita kuti vanhu varambe vachiwedzera kubvira muna 2001.
Urongwa hwokunamata huri kubatsira ungano uye huri kuwanisa hama dzakawanda dzidzo inobva kuna Mwari, Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri (chava kunzi Chikoro cheBhaibheri Chehama Dzisina Kuroora). Mumwe akachipinda anoti, “Mukana wokudzidza Bhaibheri zvakadzama kwemavhiki masere wakaita kuti ndinyatsonzwisisa chokwadi zvandakanga ndisati ndamboita. Zvose zviri muBhaibheri zvakatanga kunyatsondijekera!” Mumakore makumi maviri apfuura, hama dzinopfuura 60 dzakapedza kudzidza dziri kubatsira kusimbisa ungano dzichidzikurudzira kushanda nesimba.
VAKAKURIRA MUMHURI DZEZVAPUPU ZVAJEHOVHA
Vakawanda vakabhabhatidzwa kuva Zvapupu zvaJehovha mumakore ose aya vakadzidza chokwadi cheBhaibheri kuvabereki vavo. Vamwe vaparidzi vekuNorway vava Zvapupu zvechizvarwa chechitatu, chechina, kana chechishanu. “Ndinowanzofungisisa kuti ndakakomborerwa zvakadini kuzvarirwa mumhuri inoisa kunamatwa kwaJehovha pakutanga,” anodaro Ivan Gåsodden, muzukuru chibvi waIngebret Andersen, Mudzidzi weBhaibheri wokutanga muSkien. “Chakandibatsira kutsigira chokwadi kudzidza ndiri ndoga, kugara ndichiverenga Bhaibheri, uye kuva neshamwari dzakanaka dzine zvinangwa zvakafanana nezvangu.” Vanakomana vaIvan, André naRichard, vanokoshesawo nhaka yavo yokuva noukama naMwari kupfuura zvimwe zvose zvavainazvo.
Mumwe piyona, Bente Bu, muzukuru waMagnus Randal, uyo akashanda nechikepe chainzi Rute anoti: “Ndinotenda zvikuru matangiro akaita upenyu hwangu. Akandichengetedza kuti ndisapinda mumatambudziko akawanda, uye ndinoda kushandisa upenyu hwangu kubatsira vamwe.”
Vamwe vakakura vasina kusimba muchokwadi, vakazova Zvapupu zvaJehovha zvinoshingaira vakura. Somuenzaniso Thomas naSerine Fauskanger wokuBergen, vakarerwa nevabereki vechiKristu, asi havana kukurumidza kufambira mberi. Chii chakazovabatsira kuchinja maonero avaiita kunamata Jehovha?
“Muna 2002 imwe hama yechiduku yakanga yapinda Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri yakauya kuungano kwedu,” anodaro Thomas. “Yakandibatsira kushanda muushumiri uye kuva nezvinangwa zvokunamata.”
Thomas paakanga ava nemakore 25, akaroora Serine, uye muna 2007 vakatamira kuBåtsfjord, Finnmark, kunobatsira mumwe murume aipayona nomudzimai wake kudzidzisa vanhu vaifarira vaiveko. Pasina nguva, Thomas naSerine vakatangawo kupayona. Muna 2009 vakaita mwedzi mitatu vari mumusha wevanhu vaibata hove weKjøllefjord, mundima yaisava nevaparidzi, kwavakatanga zvidzidzo zveBhaibheri zvinopfuura 30 vachibatsirana nevamwe vaparidzi vavakaenda navo. Thomas naSerine vakazotamira pedyo neKjøllefjord kuti vabatsire vanhu vaifarira. Iye zvino vanogara vachiita anenge maawa manomwe kuenda nokudzoka kuti vanobatsira vanhu vanofarira. Vakabatikana zvikuru muupenyu hwavo, asi Serine anoti: “Iye zvino upenyu hwangu hwareruka uye ndiri kufara. Tine zvinhu zvishoma asi zvinotinetsawo zvishoma.”
KUTARISIRA MBERI NOKUTENDA MUNA JEHOVHA
Upenyu hwachinja zvikuru kubvira pakatanga kuparidzwa noMudzidzi weBhaibheri Knud P. Hammer nevamwe muNorway. Pakutanga, vashumiri vaJehovha vaionekwa vakasiyana nevamwe nokuti vaidzidzisa chokwadi cheBhaibheri munzvimbo yaiva nemachechi aiva nesimba uye aidzidzisa nhema. Mumakumi emakore adarika, vanhu vakawanda vanofarira vakadzidza Bhaibheri uye vakatanga kutsigira kunamata kwechokwadi.
Iye zvino vanhu vomuNorway vachinja maonero avo nyaya dzokunamata. Vakawanda havatendi kuti kuna Mwari, uye zvinoonekwa sokuzvikudza kutaura kuti kunongova nechitendero chimwe chete chechokwadi. Zvinotora nguva uye ibasa chairo kuti vanofarira vazive Bhaibheri uye vavake kutenda muna Mwari neBhaibheri. Zvinowanzotora nguva kudzidza kurarama zvinoenderana nezvinotaura Bhaibheri. Kunyange zvakadaro, Jehovha ari kuramba achiita kuti vanhu vanofarira vauye kwaari, vangave vachigara mumisha yevanhu vanobata hove iri kwayo yoga kana kuti mudzimba dzenhurikidzwa dzemazuva ano dziri mumaguta akawanda vanhu.—Joh. 6:44.
Sezviri kungoitawo vamwe vose pasi pose, Zvapupu zvaJehovha muNorway zviri kukoshesa ‘ropafadzo yokuitira basa dzvene’ Changamire Ishe, Jehovha zvisingatyi. (Ruka 1:74) Sezvavanonyatsotsvaka vanhu vanoda kururama mundima iyi yakakura, vanomboona nzvimbo dzinoshamisa dzine runako nerunyararo rwakafanana neparadhiso iyo Musiki akaita chinangwa chokuti ive pasi pose. Pamwe chete nehama dzavo nehanzvadzi dzakavimbika pasi pose, vanamati vaJehovha muNorway vari kumirira nemwoyo wose zuva apo Umambo hwaMwari huchaita kuti kuda kwaMwari kuitwe kwose kwose pasi pano panoyevedza.—Dhan. 2:44; Mat. 6:10.
‘Chigadzirisa ukama hwako neni, mwanangu! Ukasasiya nzira dzako dzakaipa zvichakuipira’
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 106]
Asi izvozvo hazvina kumutadzisa nokuti aingoenda asina bhutsu!
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 111]
“Ndakaenda kunorara ndiri muPentecostal, asi ndakazomuka ndava mumwe weZvapupu zvaJehovha”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 122]
“Yaa, ichokwadi hatigoni kukuchinjai zvamunotenda”
[Mashoko okukwezva vaverengi ari peji 157]
‘Chigadzirisa ukama hwako neni, mwanangu! Ukasasiya nzira dzako dzakaipa zvichakuipira’
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 90]
Zvakaita Norway
Nyika
Norway inozivikanwa nemakoronga akazonaka anobuda nomugungwa achipinda nepakati pemakomo uye makomo anoyevedza, pamwe nezviuru zvezvitsuwa. Nyika yacho yakati kurei kupfuura Italy, tisingasanganisiri tuzvitsuwa tweSvalbard turi pakati penyika yacho neNorth Pole. Kunyange zvazvo Norway ichimbotonhora zvisingaiti, zvikurukuru nechokuchamhembe, kudziya kwemvura yomuAtlantic uye mhepo yacho kunoita kuti nzvimbo dzakawanda dzemunyika iyi dzigare dzichidziya kana tichienzanisa nedzimwe nyika dzemunharaunda iyoyo.
Vanhu
Vazhinji vevanhu mamiriyoni mashanu vanogaramo zvizvarwa zvemuNorway uye vanenge 10 muzana vakatamiramo. Vakawanda verudzi rwechiSami (vaimbonzi vaLapp) vachiri kurarama nokubata hove, kuvhima, uye kuteya mhuka, uyewo kuchengeta mhuka dzine nyanga dzine mapazi dzinonzi mareindeer.
Mutauro
Norwegian ndiwo mutauro wenyika uye unonyorwa nenzira mbiri dzinoti chiBokmål (Mutauro Wemumabhuku), unoshandiswa nevakawanda uye wakafanana zvikuru nechiDanish, uye chiNynorsk (ChiNorwegian Chitsva).
Chinovararamisa
Mari yavo yakawanda inobva mukugadzira oiri nemafuta emotokari uye mumaindasitiri anogadzira zvinhu. Hove ndidzo dzinovawanisa mari yakawanda yokune dzimwe nyika. Inenge 3 muzana yenyika yacho ndiyo inorimwa.
Zvokudya
Zvokudya zveko zvinowanzova hove, nyama, mbatatisi, chingwa uye zvokudya zvinogadzirwa nemukaka. Fårikål (nyama yehwai yakasanganiswa nemakabichi) ndiko kudya kwepasichigare kwakakurumbira munyika iyi. Nokuwedzera kwaita vanhu vakawanda vokune dzimwe nyika muNorway mumakore achangopfuura, vanhu vomunyika iyi vava kudyawo zvimwe zvinodyiwawo kune dzimwe nyika.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 95, 96]
Akashandira Jehovha Nesimba Rake Rose
THEODOR SIMONSEN
AKABEREKWA MUNA 1864
MUDZIDZI WEBHAIBHERI KUBVA MUNA 1905
NHOROONDO Aimbova mufundisi wechechi yeFree Mission akazova mutariri anofambira.
◼ THEODOR paakadzidza mumabhuku edu kuti dzidziso yokuti vanhu vakaipa vanonopiswa inopesana neBhaibheri, akabva atanga kuishora mumharidzo dzake muchechi yeFree Mission zvikafadza vateereri vakawanda. Asi rimwe zuva, apedza kupa mharidzo yake, akapiwa kapepa kakanyorwa kuti, “Iyi ndiyo yanga iri mharidzo yako yekupedzisira nesu!”
Theodor akapa mharidzo iyi yokupedzisira muchechi yeFree Mission muna 1905 uye gore iroro ndiro raakava Mudzidzi weBhaibheri. Zvadaro, akazopa hurukuro dzakawanda kumazana eVadzidzi veBhaibheri avo vainyatsoteerera. Theodor aiita basa rokupenda dzimba kuti ariritire mhuri yake uku achishandisa Migovera neSvondo kuparidza nokudzidzisa. Ruzivo rwaaiva narwo rweBhaibheri uye kutaura akadzikama uye achitsetsenura zvakaita kuti Theodor ave nyanzvi pakudzidzisa. Aiimba nenzwi rakazonaka saka aiwanzotanga uye kupedza hurukuro yake nerwiyo achiridza chiridzwa chake chine tambo.
Muna 1919 mamiriro ezvinhu emhuri yake akaita kuti akwanise kutanga kushumira semutariri anofambira. Akafambira ungano dziri muNorway, Denmark neSweden kusvikira muna 1935. Ibasa rainetesa, raisanganisira kukurudzira ungano uye mapoka ari kwawo oga, uyewo kupa hurukuro mumaguta akanga asina Vadzidzi veBhaibheri. Somuenzaniso: Mumwedzi 12 akambofambira nzvimbo 190 dziri pakati peguta reKristiansand riri kumaodzanyemba nereTromsø riri kuchamhembe. Mazuva iwayo vatariri vanofambira vakanga vasingawanzopfuudza zuva rimwe kana kuti maviri vasati vapfuurira kune imwe ungano. Vaishandisa chero chokufambisa chavaiwana.
Kunyange zvazvo kwakawanda kwaaienda kwakanga kusina Vadzidzi veBhaibheri, vanhu vaifarira vakawanda vaiuya paaipa hurukuro yavose. Somuenzaniso, paakashanyira Bodø muna 1922, iye nemumwe piyona akanga ashanyirawo ikoko, Anna Andersen, vakaparidza uye vakakoka vanhu kuhurukuro yavose. Vamwe vaviri vakauyawo kuhurukuro iyi ndiJohan naOlea Berntsen, avo vaida kuziva zvakawanda nezveBhaibheri. Hurukuro yapera vakakoka Theodor naAnna kumba kwavo kuti vazopindurwa mibvunzo yavo yeBhaibheri. Vaviri ava ndivo vakazova Vadzidzi veBhaibheri vokutanga muBodø.
Theodor akashandiswa pakupa hurukuro dzakawanda dzairekodhwa pagiramufomu dzakabudiswa mumutauro weNorwegian mumakore okuma1930. Akaramba akatendeka kusvikira paakapedza upenyu hwake hwepasi pano muna 1955.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 102]
‘Akafamba naMwari’
ENOK ÖMAN
AKABEREKWA MUNA 1880
AKABHABHATIDZWA MUNA 1911
NHOROONDO Akashanda somutariri webazi kubva muna 1921 kusvika muna 1945.
◼ ENOK paakanga achiri muduku ari kuSweden, akabayiwa mwoyo nenhoroondo yomuBhaibheri yokuti Inoki “akaramba achifamba naMwari wechokwadi.” (Gen. 5:22) Enok aida kuita zvakafanana nezvakaitwa nasazita wake womuBhaibheri. Asi, akazodzidza zvakawanda nezvokufamba naMwari ava nemakore 31, paakaverenga vhoriyamu yokutanga yeStudies in the Scriptures. Akabhabhatidzwa akava mumwe weVadzidzi veBhaibheri ndokutanga kupayona. Akazoshanda pahofisi yebazi romuSweden.
Muna 1917, Enok akatumirwa kuNorway achibva kuSweden kuti anoshanda pahofisi yebazi, uye kutanga muna 1921, akanzi atungamirire basa muNorway. Panguva iyoyo hofisi yeWatch Tower Society yaiva mukamuri rimwe chete remufurati maiva nesaruni yaHanzvadzi Maria Dreyer uye kamuri ravaigara. Pashure pokunge Enok aroora Maria muna 1922, vakashandisa makamuri ake ose sehofisi yebazi. Vakashanda vose paBheteri kusvikira pakafa Maria muna 1944. Muna 1953, Enok akaroorazve ndokutangazve kupayona. Enok ‘akafamba naMwari’ akatendeka, aine tariro yakasimba yokuenda kudenga, kusvikira paakafa muna 1975.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 110]
“Munhu Aitikurudzira Zvikuru”
WILHELM UHRE
AKABEREKWA MUNA 1901
AKABHABHATIDZWA MUNA 1949
NHOROONDO Muparidzi aishingaira kunyange zvazvo aiva nechirwere chetsandanyama chinopedza simba.
◼ WILHELM aiva nechirwere chetsandanyama chakaita kuti atadze kufamba uye aomerwe nokutaura. Zvisinei, munenge muna 1935 paakangonzwa mashoko akanaka, akatanga kuudza vamwe nezvechokwadi chinoshamisa chaakanga achidzidza. Aishandisa mudhudhudhu wake waiva nemavhiri matatu pakuparidza uye aiwanzoenda kuchiteshi cheSortland muVesterålen kuti anoridzira vanhu hurukuro dzeBhaibheri dzakarekodhwa pagiramufomu nokuvapa mabhuku. Nemhaka yokuremara kwake uye kugara ari kwake oga, Wilhelm akatozobhabhatidzwa muna 1949. Asi aiva muparidzi aishingaira. Vakawanda vaiita nzendo vachitevedza mahombekombe vakaudzwa chokwadi naye, vamwe vacho vakatozova Zvapupu zvaJehovha.
Paakanga akwegura, Wilhelm akagara mumusha unochengetwa vakwegura muTromsø. Akaramba achipupurira netsamba achibatsirwa nevamwe vaparidzi. Ushamwari uye unhu hwake, zvaiita kuti akurudzire vamwe, kusanganisira vashandi vepamusha wacho. Paakafa, maneja wacho akati: “Taiwanzofarira kupinda mumba make. Munhu aitikurudzira zvikuru nemhaka yokutenda kwake.”
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 113]
Akaita Zvaakanga Avimbisa
JOHANNES KÅRSTAD
AKABEREKWA MUNA 1903
AKABHABHATIDZWA MUNA 1931
NHOROONDO Akashanda nezvikepe zvemapiyona kwemakore masere.
◼ MUNA 1929, Johannes aiva muchipatara achirapwa tibhii. Akatanga kuverenga Bhaibheri ndokuvimbisa Mwari kuti aizomushumira kana apora.
Ava pedyo kubudiswa, Johannes akaverenga nomwoyo wose mamwe mabhuku eVadzidzi veBhaibheri. Akazowana mamwe mabhuku, akaverenga mamwe acho kana, uye mamwe kashanu, uye pasina nguva akanga ava kutoudzawo vamwe chokwadi chaakanga achangobva kuwana. Paakangopora, akaenda kuBergen ndokushanyira Hama Ringereide, avo vakamukurudzira kuti atange kupayona. Johannes haana kuzeza kutora upiyona, kunyange zvazvo akanga achangotanga kuparidza.
Kubva muna 1931 kusvika muna 1938, akashanda nechikepe chemapiyona chainzi Esteri, uye kwerinenge gore nechainzi Rute, achitevedza mahombekombe kusvikira kuchamhembe kuTromsø. Muna 1939, Johannes akava mutariri anofambira nechokumabvazuva muNorway. Kwekanguva, akambobatsira pabasa repaBheteri. Hondo yeNyika II yapera, akaroora Sigrid vakapayona vose. Muna 1995, Johannes akapedza upenyu hwake hwepasi pano ari muFredrikstad.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 132]
Kuparidza Munzvimbo Dzisingamuomeri Kufamba
RANDI HUSBY
AKABEREKWA MUNA 1922
AKABHABHATIDZWA MUNA 1946
NHOROONDO Ari mubasa renguva yakazara kubvira muna 1946.
◼ VABEREKI vaHanzvadzi Randi Husby vakava Zvapupu zvaJehovha muna 1938 uye iyewo akazosarudzawo kushumira Jehovha. Muna 1946, akaenda kunoshanda kuBheteri kwaakazosangana neimwe hama yechiduku yainzi Kjell Husby. Vakazodanana, ndokuroorana, uye vakazopayona vose. Vakanakidzwa zvikuru neupenyu pamabasa akasiyana-siyana enguva yakazara kusvikira pakazofa Kjell muna 2010.
Mazuva ano Randi haachakwanisi kukwira masitepisi kana kufamba pamikwidza nemhaka yemakumbo ake anorwadza. Asi anofamba zviri nani pasina mikwidza kana masitepisi uye anowanzoonekwa achiparidza mumigwagwa nemuzvitoro zviri muTrondheim. Randi anova nechokwadi chokuti atakura mabhuku emitauro misere kana kuti kupfuura kuti aparidzire munhu wose waanosangana naye. Uyezve, shamwari dzaRandi dzomuungano dzinomuperekedza nemotokari kune vanhu vakawanda vaanogara achipa magazini matsva.
Randi haachakwanisi kuita zvakawanda sezvaaiita kare. Asi achiri kungofara uye ari kugutsikana nokushanda nemweya wake wose achiziva kuti Jehovha ‘haakanganwi basa rake norudo rwaakaratidza nokuda kwezita rake.’—VaH. 6:10.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 149, 150]
Shoko raMwari Rakachinja Upenyu Hwake
VIKTOR UGLEBAKKEN
AKABEREKWA MUNA 1953
AKABHABHATIDZWA MUNA 1981
NHOROONDO Aimbova tsotsi, achidhakwa nembanje nezvimwewo. Aimbonetswawo nemadhimoni akazosununguka.
◼ VIKTOR akatanga kusvuta mbanje nekushandisa zvimwe zvinodhaka achiri muduku, akaguma ava kurarama upenyu hwechitsotsi. Akanga agara achifarira zveBhaibheri, asi muna 1979, aneta nokurarama upenyu husina kunaka, aida kuona kana Shoko raMwari raizogona kumubatsira. Zvisinei, paakaongorora machechi akasiyana-siyana akasara avhiringidzika uye asina kugutsikana.
Viktor akazoda kuzviuraya nemhaka yechirwere chedepression. Akazogamuchira tsamba yaibva kuBergen kuhanzvadzi yake yokwababamukuru, iyo yakanga yatanga kudzidza neZvapupu zvaJehovha. Viktor akabva atamira kuBergen kuti anodzidzawo pamwe chete nayo. Akambotanga achiedza kuratidza Zvapupu kuti zvakanga zvakarasika. Nemhaka yokuti akanga agara achinetseka nokuparara kwezvakatipoteredza, akafara kudzidza kuti Mwari “achaparadza vaya vanoparadza nyika” uye achaita kuti nyika ive paradhiso.—Zvak. 11:18.
Pasina nguva yakareba Viktor akatanga kupinda misangano nehanzvadzi yake, uye akafadzwa nemutsa waakaratidzwa uye kugamuchirwa kwaakaitwa paImba yoUmambo uye mudzimba dzeZvapupu. Zvaakanzwa nezvaakaona zvakamuratidza kuti aifanira kuchinja upenyu hwake osiya zvinodhaka. Kuramba achinyengetera nemwoyo wose, kwakaita kuti Shoko raMwari uye mudzimu mutsvene zvichinje upenyu hwake.—Ruka 11:9, 13; VaH. 4:12.
Zvakanga zvisiri nyore kuti Viktor asvike pakubhabhatidzwa. Akatozobatsirwa naJehovha kuti asununguke pakunetswa nemadhimoni uye kusvutazve mbanje kwaakamboita kaviri. Akabatsirwa nemumwe mukuru paakaudzwa kuti, Jehovha anonzwira ngoni vaya vanomutya “sezvinoita baba vanonzwira ngoni vanakomana vavo.” (Pis. 103:13) Viktor akaramba achifambira mberi pane zvokunamata ndokuzobhabhatidzwa muna 1981. Aifanira kupika jeri nemhosva yaakanga apara kare, asi paakangobuda mujeri akabva atanga kupayona. Kubvira ipapo, akafara kubatsira vamwe vakawanda kuti vave vashumiri vaJehovha. Akabudirira zvikuru pakuparidza mumajeri, uye vamwe vasungwa vaviri vaakadzidzisa vakava Zvapupu.
Iye zvino Viktor munhu anovimbwa naye, somusoro wemhuri uye mukuru. Achiri kupayona pamwe chete nemudzimai wake Tone, nemwanakomana wavo. Viktor anoti, “Chimwe chinhu chakandichinja ushumiri. Ndinoonga Jehovha zvikuru kuti ndava kukwanisa kupawo vamwe pfuma inokosha yokuva noukama naye.”
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 152]
Chimwe Chinhu Chiri Nani Kupfuura Nhabvu
TOM FRISVOLD
AKABEREKWA MUNA 1962
AKABHABHATIDZWA MUNA 1983
NHOROONDO Mutambi wenhabvu aida kushumira Jehovha.
◼ AVA nemakore 20, Tom akanga ava nomukana wokubudirira achitambira chimwe chezvikwata zvinogona nhabvu zvikuru muNorway. Panguva iyoyo, amai vaTom vakanga vatova mumwe weZvapupu zvaJehovha. Rimwe zuva, mumwe piyona wechiduku akanga ashanyira amai vake akati aida kuzodzidza naye Bhaibheri. Tom akabvuma, asi akati akanga asingadi kuzova Chapupu.
Tom akabayiwa mwoyo nokugamuchirwa kwaakaitwa paakatanga kupinda misangano. Akacherechedzawo kuti munhu wose aivhura rugwaro runenge rwataurwa nemukurukuri. “Rinofanira kunge riri Bhaibheri rinoita kuti vanhu ava vave vakanaka kudaro,” akadaro Tom nechomumwoyo.
Tom akazopedzisira aziva kuti akanga awana chokwadi uye akanga ava kuda kushumira Jehovha. Saka aizoudza sei chikwata chake kuti akanga asisade zvenhabvu? Zvinoshamisa kuti, atsanangurira vakuru vechikwata chacho kuti pane zvimwe zviri nani zvaakanga ava kuda kuita muupenyu, vakamubvumidza kusiya.
Tom akabhabhatidzwa muna 1983, akatanga kupayona muna 1985. Muna 1987 akatamira kuHammerfest naViktor Uglebakken kuti vanobatsira kwainyanya kudiwa vaparidzi. Tom akazogadzwa somutariri wedunhu, uye iye zvino ari kushanda paBheteri nomudzimai wake, Kristina.
[Chati/Mifananidzo iri papeji 162, 163]
MAKORE AZVAKAITIKA—Norway
1890
1892 Knud Pederson Hammer anotanga kuparidza muNorway.
1900
1900 Ungano yokutanga inoumbwa.
1904 Hofisi inovhurwa muKristiania (Oslo).
1905 Gungano rokutanga rinoitirwa muKristiania.
1909 uye 1911 C. T. Russell anoshanyira Norway.
1910
1914 Mutariri anofambira wokutanga anogadzwa.
1914-1915 Vanhu vakawanda vanouya kuzoona “Photo-Drama of Creation.”
1920
1920-1925 “Mamiriyoni Ari Kurarama Iye Zvino Haazombofi,” inopiwa muNorway yose.
1925 The Golden Age (Mukai!) inobudiswa muchiNorwegian.
1928-1940 Zvikepe zvaishandiswa kuparidzira mumisha iri kumahombekombe.
1930
1940
1940-1945 Basa rokuparidza rinoenderera mberi pasinei nokupikiswa munguva yehondo.
1945 Nharireyomurindi inobudiswa muchiNorwegian.
1948 Mamishinari akadzidza kuGiriyedhi okutanga anosvika.
1950
1950 Dare Repamusorosoro rinobvumira kushandiswa kwemabhuku pakuparidzira.
1960
1965 Gungano remarudzi akawanda rinoitirwa muOslo.
1970
1980
1984 Bazi idzva rinotsaurirwa.
1990
1990 Matare Okukurukura Nezvipatara anogadzwa.
1994 Imba Yemagungano inotsaurirwa muOslo.
1996 Shanduro yeNyika Itsva inobudiswa muchiNorwegian.
2000
2010
2011 Nhamba dzepamusoro dzemapiyona enguva dzose uye ebetsero, vaparidzi, uye vakapinda Chirangaridzo.
[Girafu/Mufananidzo uri papeji 159]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Vaparidzi Vose
Mapiyona Ose
10,000
8,000
6,000
4,000
2,000
1920 1935 1950 1965 1980 1995 2010
[Mepu dziri papeji 91]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
SWEDEN
STOCKHOLM
Örebro
Gulf of Bothnia
FINLAND
HELSINKI
Gulf of Finland
GUNGWA REBALTIC
DENMARK
COPENHAGEN
NORWAY
OSLO
Kjøllefjord
Båtsfjord
Vardø
Kirkenes
Karasjok
Hammerfest
Alta
Finnmarksvidda
Kautokeino
Tromsø
Harstad
Narvik
Sortland
Hennes
Svolvær
Bodø
Rørvik
Namsos
Steinkjer
Trondheim
Kristiansund
Måløy
Florø
Bergen
Haugesund
Stavanger
Egersund
Kristiansand
Arendal
Skien
Kongsberg
Drammen
Hønefoss
Gjøvik
Lillehammer
Brumunddal
Hamar
Kongsvinger
Ski
Askim
Moss
Halden
Fredrikstad
Oslo Fjord
GUNGWA RENORTH
GUNGWA RENORWAY
Chitsuwa cheAndøya
Bleik
Zvitsuwa zveSvalbard
Longyearbyen
MARUWA
Finnmark
Troms
Telemark
Vestfold
[Mufananidzo uri papeji 88]
Knud Pederson Hammer
[Mufananidzo uri papeji 88, 89]
Reine, iri nechokuchamhembe muNorway
[Mufananidzo uri papeji 92]
Ingebret naBerthe Andersen vaine Ungano yeSkien muna 1911
[Mufananidzo uri papeji 93]
Viktor Feldt
[Mufananidzo uri papeji 94]
Hallgerd Holm (1),Theodor Simonsen (2), naLotte Holm (3)
[Mifananidzo iri papeji 98]
Mapiyona okutanga: (1) Helga Hess, (2) Andreas Øiseth, (3) Karl Gunberg, (4) Hulda Andersen, uye (5) Anna Andersen
[Mufananidzo uri papeji 100]
“Peoples Pulpit”
[Mufananidzo uri papeji 104]
“Golden Age” yechiNorwegian
[Mufananidzo uri papeji 106]
Even Gundersrud
[Mufananidzo uri papeji 107]
VemuUngano yeSkien vaiwanzoenda kunoparidza nerori munzvimbo dzakapoteredza
[Mufananidzo uri papeji 108]
Torkel Ringereide
[Mufananidzo uri papeji 109]
Olaf Skau
[Mifananidzo iri papeji 114]
Karl Gunberg ndiye aifambisa chikepe chainzi “Erihu”
[Mifananidzo iri papeji 115]
Johannes Kårstad ndiye aifambisa chikepe chainzi “Esteri”
[Mifananidzo iri papeji 116]
Andreas Hope naMagnus Randal vaiparidza vachifamba nechikepe chainzi “Rute”
[Mufananidzo uri papeji 117]
Chiedza chine ruvara runoyevedza chinooneka kuNorway nechokuchamhembe
[Mufananidzo uri papeji 118]
Solveig Løvȧs
[Mufananidzo uri papeji 119]
Andreas naSigrid Kvinge
[Mufananidzo uri papeji 124]
Gungano repachivande musango pedyo neSki
[Mufananidzo uri papeji 127]
Marvin Anderson nomudzimai wake Karen
[Mufananidzo uri papeji 128]
Muchina wokudhinda waitekenywa negumbo
[Mufananidzo uri papeji 129]
Gungano romuBergen muna 1946
[Mufananidzo uri papeji 130]
Svanhild Neraal muna 1961
[Mufananidzo uri papeji 133]
Chikepe chaArnulf chaiwanzoshandiswa muushumiri
[Mufananidzo uri papeji 135]
Gunnar Marcussen (1) naHans Peter Hemstad (2) ndivo vanhu vomuNorway vokutanga kupedza kudzidza kuGiriyedhi
[Mufananidzo uri papeji 138]
Misasa yepaiitirwa gungano renyika dzakawanda raiti, “Shoko Rechokwadi”
[Mufananidzo uri papeji 139]
Paul Bruun
[Mufananidzo uri papeji 142]
Hartvig Mienna nevamwe vaparidzi vachishandisa midhudhudhu inofambiswa muchando vachiparidzira vaSami
[Mufananidzo uri papeji 144]
Kuvakwa kwebazi kwakatanga muna 1981
[Mufananidzo uri papeji 145]
Hofisi yebazi nhasi
[Mufananidzo uri papeji 147]
Imba Yemagungano muOslo
[Mufananidzo uri papeji 160]
Kudzidza Bhaibheri mumhuri kwakaita kuti pave nezvizvarwa nezvizvarwa zvevashumiri vaJehovha vakatendeka