Rwiyo 133
Tsvaka Mwari Kuti Ununurwe
Rakaprindwa
1. Marudzi anova
Pamwe kuti arwise
Mwanakomana waMwari.
Nguva yawo yakwana.
Haachatongizve;
Umambo hwakagadzwa.
Kristu achapwanya vavengi,
Haangambononoki.
(KORASI)
Tsvaka Mwari ununurwe,
Mutsvake uvimbe naye.
Tsvaka kurura-
ma, utendeke,
Tsigira uchangamire.
Mwari achakununura
Nesimba rake.
2. Zvino toparidza
Mashoko akanaka,
Tichipa vanhu mukana.
Kunzwa kana kuramba.
Nyange zvikaoma,
Mwoyo yedu haityi.
Mwari ane vakavimbika;
Tikachema achanzwa.
(KORASI)
Tsvaka Mwari ununurwe,
Mutsvake uvimbe naye.
Tsvaka kurura-
ma, utendeke,
Tsigira uchangamire.
Mwari achakununura
Nesimba rake.
(Onawo 1 Sam. 2:9; Pis. 2:2, 3, 9; Zvir. 2:8; Mat. 6:33.)