Kupindura Kwaungaita Vangangoramba Kukurukurirana
Mashoko: Tariro yevanhu youpenyu inoenderana nokuti vanoona sei Jehovha Mwari uye Umambo hwake hunotungamirirwa naKristu Jesu. Shoko roUmambo hwaMwari rinofadza uye rinotaura nezvetariro bedzi iyo vanhu vangavimba nayo. Ishoko rinochinja upenyu. Tinoda kuti munhu wose arinzwe. Tinoona kuti vashomanana chete vanorigamuchira nokuonga, asi tinoziva kuti vanhu vanofanira kurinzwa kuti vasarudze vachiziva. Kunyange zvakadaro, haasi munhu wose anoda kuteerera, uye hatiedzi kuvamanikidza. Asi nokungwarira kazhinji tinogona kuita kuti vangangoramba kukurukurirana vabvume kudaro. Heino mienzaniso yezvakaitwa nezvimwe Zvapupu zvagara nebasa pazvaitsvaka vakakodzera. (Mat. 10:11) Hatikurudziri kuti uise mumusoro chero mhinduro ipi pane idzi, asi kuti uve nepfungwa yacho mumusoro, woitaura nemashoko ako uye nenzira inoratidza kuti unonyatsofarira munhu wauri kutaura naye. Paunoita izvozvo, unogona kuva nechivimbo chokuti vaya vane mwoyo yakakodzera vachateerera voita zvinoenderana nezviri kuitwa naJehovha kuti avaunze kuurongwa hwake hworudo hunopa upenyu.—Joh. 6:44; Mab. 16:14.
‘HANDIFARIRI’
● ‘Ndingabvunzawo here, Munoreva kuti hamufariri Bhaibheri here, kana kuti hamungofaririwo henyu zvechitendero? Ndinobvunza kudaro nokuti tinosangana nevakawanda vaimbonamata asi vasingachaendi kuchechi nokuti vanoona unyengeri hwakawanda mumachechi (kana kuti, vanofunga kuti chitendero chinongovawo rimwe bhizimisi rokuita mari; kana kuti, havabvumirani nokupindira kunoita chitendero mune zvematongerwo enyika; nezvimwewo). Bhaibheri haritenderiwo zvinhu zvakadaro uye rinopa chikonzero chimwe bedzi chokuti titarisire ramangwana tiine chivimbo.’
● ‘Kana muchireva kuti hamufariri chimwe chitendero, ndinogona kuzvinzwisisa. Asi mungada kuziva kuti tingatarisira ramangwana rakadini tichityira kutanga kwehondo yenyukireya (kana kuti, tingadzivirira sei vana vedu kuti vasashandise zvinodhaka; kana kuti chii chingaitwa nokuparwa kwemhosva kuitira kuti tisatye kufamba mumigwagwa, nezvimwewo). Munoona paine tariro yokupedza dambudziko racho here?’
● ‘Imhaka yokuti munotova nechitendero here? . . . Ndiudzei, Munofunga kuti pachazombova nenguva apo vanhu vose vachapinda chitendero chimwe chete here? . . . Chii chiri kuita sechiri kuzvitadzisa? . . . Kuti zvibudirire, chii chinodiwa?’
● ‘Ndinozvinzwisisa izvozvo. Makore mashomanana apfuura ndaifungawo saizvozvo. Asi ndakaverenga chimwe chinhu muBhaibheri chakandibatsira kuona zvinhu nerimwe ziso. (Muratidze kuti chaiva chii.)’
● ‘Mungada here kuti ndikuratidzei kubva muBhaibheri kuti mungagona sei kuzoonazve hama dzenyu dzakafa (kana kuti, chinangwa chaicho choupenyu chii; kana kuti, kubatsira kwaringaita mhuri dzedu kuti dzirambe dzakabatana; nezvimwewo)?’
● ‘Kana muchireva kuti hamusi kuda kutenga chimwe chinhu, regai kunetseka. Handisi kuita basa rokutengesa. Asi mungada kugara munyika inenge iri paradhiso, isina kurwara uye utsotsi, ine vavakidzani vanokudai zvechokwadi here?’
● ‘Ndiwo mapindurire amunowanzoita kana mukashanyirwa neZvapupu zvaJehovha here? . . . Makambonyatsozvifunga here kuti nei tichingoramba tichishanya kana kuti chii chatinenge tichida kumbotaura? . . . Regai ndikuudzei muchidimbu, ndauya kuti ndikutaurirei chimwe chinhu chandinoziva chamunofanira kuzivawo. Madii kungoteererawo nhasi?’
‘HANDIFARIRI ZVECHITENDERO’
● ‘Ndinonzwisisa manzwiro enyu. Kutaura chokwadi, machechi haasi kuita kuti nyika ino ive nzvimbo yakachengeteka yokugara, handizvo here? . . . Ndingambokubvunzaiwo here, Ndiwo manzwiro amagara muchiita here? . . . Asi munotenda muna Mwari here?’
● ‘Vanhu vakawanda vanonzwawo saizvozvo. Chitendero hachina kumbonyatsovabatsira. Ndicho chimwe chikonzero nei tashanya—nokuti machechi haana kuudza vanhu chokwadi pamusoro paMwari uye zvinhu zvinoshamisa zvaakaronga kuitira vanhu.’
● ‘Asi ndine chokwadi chokuti munoda kuziva ramangwana renyu. Maizviziva here kuti Bhaibheri rakafanotaura zvinhu chaizvo zviri kuitika munyika nhasi? . . . Uye rinoratidza kuti zvichaguma nei.’
● ‘Ndiwo manzwiro amagara muchiita here? . . . Munofungei nezveramangwana?’
‘HANDIFARIRI ZVAPUPU ZVAJEHOVHA’
● ‘Vakawanda vanotiudza izvozvo. Makambozvibvunzawo here kuti nei vanhu vachizvipira kushanya sezvandiri kuita kunyange zvazvo tichiziva kuti vanasaimba vakawanda vangasatitambira? (Taura pfungwa iri pana Ezekieri 9:1-11, wotsanangura kuti munhu wose ari ‘kuiswa chiratidzo’ kuti aponeswe pakutambudzika kukuru kana kuti aparadzwe naMwari zvichienderana nezvaanoita paanonzwa shoko roUmambo.)’
● ‘Ndinonzwisisa zvamuri kutaura nokuti ndaimbonzwawo saizvozvo. Asi ndakangozotiwo regai ndimboteerera mumwe wavo. Uye ndakaona kuti ndakanga ndisina kuudzwa chokwadi pamusoro pavo. (Taura zvimwe zvenhema zvatinowanzopomerwa, wobva watsanangura zvatinotenda.)’
● ‘Munguva pfupi yapfuura ndizvo zvandakataurirawo chimwe Chapupu chakandishanyira. Asi asati aenda, ndakamubvunza mubvunzo wandaifunga kuti aisazombogona kuupindura. Munoda kuuziva here? . . . (Somuenzaniso: Kaini akawana kupi mudzimai wake?)’ (Mharidzo iyi ingashandiswa nevaya vakasangana nezvakadai chaizvo.)
● ‘Ndinozvinzwisisa kana muri munhu anonamata. Hapana mubvunzo kuti munokoshesa chitendero chenyu. Asi ndinofunga kuti munobvuma kuti tose zvedu tinofarira (taura nyaya yakakodzera).’
● ‘Saka hapana mubvunzo kuti mune chitendero chenyu. Ndingabvunzawo here kuti munopinda chechi ipi? . . . Tinofarira kutaura nevanhu vechechi yenyu. Munofungei nezve-(taura nyaya yamungakurukura)?’
● ‘Hungu, ndinozvinzwisisa. Asi tiri kushanya nokuti tiri vanhu vakabatana vanoda kuona vanhu vachigara pamwe chete murugare. Taneta nokunzwa nhau manheru oga oga pamusoro pokurwisana uye kutambura. Ndinovimba kuti ndiwo manzwiro amunoitawo. . . . Asi chii chingaita kuti izvi zvichinje? . . . Tinokurudzirwa nezvinovimbiswa neBhaibheri.’
● ‘Maita henyu nokundiudza zvamunofunga. Mungada here kundiudza kuti chii chamusingafariri patiri? Hamudi zvatinokuratidzai zviri muBhaibheri here, kana kuti kukushanyirai kwatinoita?’
‘NDINE CHITENDERO CHANGU’
● ‘Mungada kundiudzawo here, Chitendero chenyu chinodzidzisa here kuti nguva ichauya apo vanhu vanoda zvakarurama vachagara panyika nokusingaperi? . . . Iyoyo ipfungwa inofadza, handizvo here? . . . Inotaurwa muno chaimo muBhaibheri. (Pis. 37:29; Mat. 5:5; Zvak. 21:4)’
● ‘Ndinobvuma kuti munhu mumwe nomumwe anofanira kuzvisarudzira panyaya iyi. Asi maizviziva here kuti Mwari pachake ari kutsvaka vamwe vanhu kuti vamunamate zvechokwadi? Onai pano pana Johani 4:23, 24. Zvinorevei kunamata Mwari “nechokwadi”? . . . Jehovha akatipei kuti atibatsire kuziva zvinhu zvechokwadi nezvisiri? . . . (Joh. 17:17) Uye cherechedzai kuti izvi zvinokosha sei kwatiri somunhu mumwe nomumwe. (Joh. 17:3)’
● ‘Magara muri munhu anofarira zvokunamata here? . . . Munofunga kuti vanhu vose vachazombonamata vakabatana here? . . . Ndinogara ndichifunga nezvazvo nemhaka yezvakanyorwa pano pana Zvakazarurwa 5:13. . . . Chii chatinofanira kuita kuti tikodzere zviri kutaurwa apa?’
● ‘Ndanga ndichitarisira kuwana mumwe munhu anofarira zvokunamata sezvamunoita. Nhasi vakawanda havafariri. Ndingakubvunzai kuti munonzwa sei nezvinovimbiswa neBhaibheri zvokuti Mwari achatsvaira zvakaipa zvose oita kuti nyika ino ive nzvimbo ichagarwa nevanhu vanoda kururama? Izvi zvinokufadzai here?’
● ‘Muri munhu anoshingaira muchechi yenyu here? . . . Mazuva ano vanhu vari kuwanda kuchechi here? . . . Muri kuona kuti vakawanda vari kunyatsoratidza kuti vanoda chaizvo kushandisa Shoko raMwari muupenyu hwavo here? (Kana kuti, Muri kuona kuti vanhu vomuchechi vakabatana pamafungiro avo zvokuti ndizvo zvingapedza zvinetso zvenyika here?) Takaona kuti zvinobatsira kuti munhu adzidziswe Bhaibheri ari oga.’
● ‘Hapana mubvunzo kuti munogutsikana nechitendero chenyu. Asi vanhu vakawanda havasi kugutsikana nemamiriro akaita zvinhu munyika. Zvichida nemiwo; ndizvo here? . . . Zvose izvi zvichaguma nei?’
● ‘Muri munhu anofarira kuverenga Bhaibheri here? . . . Munowana nguva yokugara muchiriverenga here?’
● ‘Maita henyu nokundiudza izvozvo. Ndinoziva kuti munobvuma kuti pasinei nokusiyana kwakaita zvitendero zvedu, tose tinofarira chaizvo kuti munyika muve norugare (kana kuti, nzira dzokudzivirira vana vedu kuti vasafurirwe; kana kuti, kuva nevavakidzani vanodanana; kana kuti, kuva noukama hwakanaka nevamwe vanhu, uye izvi zvingaoma kana munhu wose achinzwa aomerwa noupenyu).’
● ‘Ndinofara kuziva kuti munofarira zvokunamata. Mazuva ano, vanhu vakawanda havakoshesi zvokunamata. Vamwe vanotofunga kuti Mwari haako. Asi maererano nezvamakadzidziswa, munofunga kuti Mwari munhu akaita sei? . . . Onai kuti Bhaibheri rinotiudza zita rake pachake. (Eks. 6:3; Pis. 83:18)’
● ‘Jesu paakatuma vadzidzi vake kunoparidza, akavaudza kuti vaende kumativi ose enyika, kuitira kuti vaonane nevanhu vakawanda vaiva nezvitendero zvakanga zvakasiyana nechavo. (Mab. 1:8) Asi aiziva kuti vaya vaiva nenzara nenyota yokururama vaizoteerera. Mashoko api chaiwo aakati aizoparadzirwa muzuva redu? (Mat. 24:14) Umambo ihwohwo hunorevei kwatiri?’
‘TINOTOVA VAKRISTU PANO’
● ‘Ndinofara kuziva izvozvo. Saka hapana mubvunzo kuti munotoziva kuti Jesu akaita basa rakafanana neiri, achishanyira vanhu mudzimba dzavo, uye akarayira vadzidzi vake kuti variitewo. Munoziva musoro weshoko ravaiparidza here? . . . Ndizvo zvatauya kuzotaura nezvazvo nhasi. (Ruka 8:1; Dhan. 2:44)’
● ‘Kana zvakadaro, ndine chokwadi chokuti muchanzwisisa kukosha kwezvakataurwa naJesu pano muMharidzo yepaGomo. Aitaura asingatendereri asiwo zvine rudo paakati . . . (Mat. 7:21-23) Saka, mubvunzo watinofanira kuzvibvunza ndewokuti, Ndinoziva zvinodiwa naBaba vokudenga kusvika papi? (Joh. 17:3)’
‘NDAKABATIKANA’
● ‘Saka ndichangotaura muchidimbu. Ndashanya kuti ndingotaura nemi nezvepfungwa imwe chete inokosha. (Taura pfungwa yezvauri kuda kukurukura mumitsetse inenge miviri.)’
● ‘Zvakanaka. Ndichafara kuzokushanyirai pane imwe nguva yamunenge musina kubatikana. Asi ndisati ndaenda, ndingada kukuverengerai rugwaro rumwe chete runotipa chimwe chinhu chinokosha chokufunga nezvacho.’
● ‘Ndinozvinzwisisa. Ini saamai (kana kuti, munhu anoenda kubasa; kana kuti, munhu anoenda kuchikoro) ndakabatikanawo zvikuru. Saka ndichataura muchidimbu. Tose zvedu takatarisana nemamiriro ezvinhu akaoma. Bhaibheri rinoratidza kuti tava pedyo nenguva Mwari paachaparadza mamiriro ezvinhu akaipa aripo iye zvino. Asi pane vachapona. Mubvunzo ndewokuti, Chii chatinofanira kuita, imi neni kuti tiponewo? Bhaibheri rinopindura mubvunzo iwoyo. (Zef. 2:2, 3)’
● ‘Ndosaka ndakushanyirai. Tose takabatikana zvikuru zvokuti dzimwe nguva tinoregeredza zvinhu zvinokosha muupenyu, handizvo here? . . . Ndichataura muchidimbu, asi ndine chokwadi chokuti muchafarira rugwaro runo rumwe chete. (Ruka 17:26, 27) Tose zvedu hatidi kuzviisa mumamiriro ezvinhu akadaro, saka tinofanira kuwana nguva yokudzidza zvinotaurwa neBhaibheri pasinei nokuti takabatikana muupenyu. (Musiyire chokuverenga.)’
● ‘Pane chakaipa here kana tikadzokazve pashure pemaminitsi 30, tamboshanyira vamwe vavakidzani venyu?’
● ‘Saka handidi kukunonotsai. Zvichida ndingazokushanyirai rimwe zuva. Asi ndisati ndaenda, ndinoda kukupai bhuku iri rinokosha. (Muratidze zviri kugoverwa mwedzi iwoyo.) Bhuku iri rine kosi yokudzidza ichaita kuti muzive mhinduro dzeBhaibheri dzemibvunzo yakadai sewokuti (taura mumwe chete kana miviri).’
● ‘Ndine urombo kuti ndakuwanai makabatikana. Sezvamungaziva, ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha. Ndanga ndichida kukuudzai imwe pfungwa inokosha iri muBhaibheri. Asi zvamusina nguva yokuteerera iye zvino, ndinoda kukupai turakiti iri, rinotaura nezve-(taura musoro wacho). Harikutorerei nguva yakawanda kuti muriverenge, asi muchaona kuti rinonakidza zvikuru.’
● ‘Izvozvo hazvina kundiomera kunzwisisa. Zvinoita sokuti nguva haikwani kuti munhu aite zvose zvaanoda kuita. Asi makambozvifungawo here kuti upenyu hwaizenge hwakaita sei kudai maigona kurarama nokusingaperi? Ndinoziva kuti izvozvo zvingaita sokuti hazviitiki. Asi regai ndikuratidzei rugwaro rumwe chete rweBhaibheri runotsanangura kuti zvakadaro zvingaitika sei. (Joh. 17:3) Saka, tinoda kuramba tichiwana zivo iyi yaMwari neyoMwanakomana wake. Ndosaka tichisiyira vanhu mabhuku aya.’
‘NEI VANHU IMI MUCHINGOGARA MUCHITISHANYIRA?’
● ‘Nokuti tinodavira kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira anotaurwa muBhaibheri. Tinoona kuti zvakakosha kuti isu tose tifunge kuti mamiriro ezvinhu aripo parizvino achaguma nei. (Taura chinhu chimwe chete kana zviviri zvichangobva kuitika kana kuti mamiriro ezvinhu aripo.) Mubvunzo ndewokuti, Tinofanira kuitei kuti tipukunyuke kuguma kwemamiriro ezvinhu aripo?’
● ‘Nokuti tinoda Mwari nevavakidzani vedu. Ndizvo zvatinofanira kuita tose, handizvo here?’
‘NDAGARA NDINOTOZIVA BASA RENYU’
● ‘Ndafara zvikuru kunzwa izvozvo. Mune hama yepedyo kana kuti shamwari iri Chapupu here? . . . Ndingabvunzawo here: Munotenda here zvatinodzidzisa zvinobva muBhaibheri, zvokuti tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira,” kuti nokukurumidza Mwari achaparadza vakaipa, uye kuti nyika ino ichava paradhiso ichagarwa nevanhu nokusingaperi vaine utano hwakakwana pamwe chete nevavakidzani vanodanana zvepachokwadi?’
‘HATINA MARI’
● ‘Hatisi kupemha mari. Asi tiri kutsvaka vanhu vokudzidza navo Bhaibheri vasingabhadhari. Imwe nyaya inodzidzwa ndeye-(shandisa musoro wechitsauko chiri mubhuku rinenge richidzidzwa). Ndingakuratidzai kwemaminitsi mashomanana kuti rinodzidzwa sei here? Hamubhadhari kana sendi.’
● ‘Tine hanya nevanhu, kwete mari yavo. (Enderera mberi nenyaya yacho. Varatidze rimwe remabhuku uye tsanangura kuti ringavabatsira sei. Kana vakaratidza kufarira zvechokwadi uye vakavimbisa kuriverenga, vasiyire. Kana zvakakodzera, tsanangura kuti mari inoshandiswa mubasa redu romunyika yose inobva kupi.)’
KANA MUMWE MUNHU AKATI, ‘NDIRI MUBHUDHA’
● Usagumisa kuti zvinotendwa nomunhu wacho zvakafanana nezvevamwe vaBhudha vose. Dzidziso dzevaBhudha hadzinzwisisiki uye dzinotsanangurwa nepakasiyana-siyana. ChiBhudha chokuJapan chakasiyana zvikuru nechiBhudha chokuSoutheast Asia. Uyewo munhu mumwe nomumwe ane maonero ake akasiyana. Zvisinei, kazhinji pfungwa dzinotevera dzinogona kubatsira: (1) ChiBhudha hachibvumi kuti kuna Mwari, Musiki. Asi vaBhudha vakawanda vanonamata zvidhori uye zvinhu zvakasiyiwa naBhudha. (2) Siddhartha Gautama, uyo akapiwa zita rokuti Buddha, akasvika pakuonekwa nevateveri vake somuenzaniso wokunamata, wavaifanira kutevedzera. Aikurudzira kuwana zivo nokudzidza nezvevanhu maererano nemaonero anoita vanhu, uyewo kubvisa zvinokonzera kutambura nokudzora pfungwa kuitira kubvisa zvishuvo zvose zvepanyika. Aidzidzisa kuti nokuita izvi munhu aigona kupinda muNirvana, asingachaberekwizve aine mumwe muviri. (3) VaBhudha vanonamata madzitateguru avo, nokuti vanodavira kuti ndivo vanovapa upenyu.
Mazano okushandisa pakukurukurirana: (1) Paunenge uchitaura nevaBhudha, ratidza kuti hausi munhu wechiKristudhomu. (2) VaBhudha vanoremekedza “mabhuku matsvene,” uye kazhinji vanoremekedza Bhaibheri pamusana pechikonzero ichocho. Pane kuramba uchitaura nezveuzivi hwechiBhudha, taura mashoko anobatsira eBhaibheri. Ita kuti vazive kuti Bhaibheri harisi uziviwo zvahwo hwevanhu asi iShoko rine chiremera rinobva kuMusiki wevanhu, Jehovha Mwari. Kumbira noruremekedzo kana ungavaratidza pfungwa inofadza iri mubhuku iri dzvene, Bhaibheri. (3) VaBhudha vakawanda vanofarira chaizvo nyaya dzine chokuita norugare uye upenyu hwemhuri uye vanoda kutevedzera tsika dzakanaka. Vanowanzofarira kukurukura chero imwe yenyaya idzi. (4) Ratidza kuti Bhaibheri rinotaura kuti matambudziko evanhu achagadziriswa nehurumende yakarurama yokudenga ichatonga pasi rose. Rinotsanangura kuti remangwana renyika richange rakaita sei uye tariro inoshamisa yokurarama nokusingaperi muparadhiso pasi pano. (5) Ungataura kuti Bhaibheri rinotsanangura matangiro akaita upenyu, chinangwa chahwo, mamiriro ezvinhu evakafa, tariro yorumuko uye chikonzero nei paine uipi. Kutaura nomutsa chokwadi chakajeka cheShoko raMwari kuchaita kuti chigamuchirwe mumwoyo yevanhu vakaita semakwai.
Kabhuku kanonzi In Search of a Father kakanyanya kugadzirirwa kubatsira vaBhudha vane mwoyo yakatendeseka.
KANA MUMWE MUNHU AKATI, ‘NDIRI MUHINDU’
● Unofanira kuziva kuti uzivi hwechiHindu hwakaoma zvikuru kunzwisisa uye hahuna gwara kwaro. Ungawana zvichibatsira kuramba uchiyeuka pfungwa dzinotevera: (1) ChiHindu chinodzidzisa kuti mwari anonzi Brahman anosanganisira zvitatu zvinoti—Brahma Musiki, Vishnu Muchengetedzi, uye Siva Muparadzi. Asi vaHindu havafungi kuti kuna mwari ari munhu chaiye. (2) VaHindu vanodavira kuti zvinhu zvose zvakasikwa zvine mweya usingatombofi, kuti mweya unongoramba uchitama-tama, kuti chimiro chaunoberekwa uri chinoenderana nezviito (Karma), kuti mweya unogona chete kusunungurwa pane izvi kana ukabvisa zvishuwo zvose zvenyama, uye kuti kana izvi zvikaitika, mweya unozobatana nomudzimu. (3) Kazhinji, vaHindu vanoremekedza zvimwe zvitendero. Pasinei nokuti vanodzidzisa zvakasiyana nevamwe, vaHindu vanodavira kuti zvitendero zvose zvinodzidzisa chokwadi chakafanana.
Pane kuedza kunzwisisa kuoma kwakaita uzivi kwechiHindu, ratidza chokwadi chinogutsa chinowanikwa muBhaibheri Dzvene. Vanhu vose vanogona kubatsirwa nourongwa hwaJehovha hune rudo hwokuvapa upenyu, uye chokwadi chakajeka chiri muShoko rake chichabaya mwoyo yevaya vane nzara nenyota yokururama. Bhaibheri roga ndiro rinopa tariro chaiyo yechokwadi yeramangwana; Bhaibheri roga ndiro rinopa mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo inokosha inobvunzwa nevanhu vose. Vape mukana wokunzwa mhinduro idzodzo. Zvinofadza kuziva kuti rwiyo 10. 121 ruri muRig-Veda yechiHindu rune musoro unoti “Kuna Mwari Asingazivikanwi.” Dzimwe nguva ungaona zvakakodzera kutaura nezvazvo sezvakangoitwa nomuapostora Pauro paakataura nezveatari yomuAtene yaiva yakanzi “Kuna Mwari Asingazivikanwi.” (Mab. 17:22, 23) Zvinofadza kuti zita raMwari wechiHindu Vishnu, kana risina “V” ndiIsh-nuh, muchiKadheya rinoreva “murume Noa.” Taura zvinotaurwa neBhaibheri nezvezvinorehwa neMafashamo emuzuva raNoa. Vaya vanonetseka nezvetariro yokuberekwazve kwemweya kusingaperi vangabatsirwa nemashoko ari pamapeji 171, 172, pasi pomusoro mukuru unoti “Kutama-tama kwemweya.”
Kabhuku kanonzi The Path of Divine Truth Leading to Liberation uye kanonzi From Kurukshetra to Armageddon—And Your Survival tune mashoko achabatsira zvikuru vaHindu vane mwoyo yakatendeseka.
KANA MUMWE MUNHU AKATI ‘NDIRI MUJUDHA’
● Kutanga, ziva kuti nei munhu wacho achizviti muJudha. Vashoma ndivo vanoita zvechitendero. Kune vakawanda, kuva muJudha kunongova nyaya yerudzi.
Hedzino pfungwa shomanana dzinobatsira dzokufunga nezvadzo: (1) VaJudha vanoita zvechitendero vanoona kutaurwa kwezita raMwari sokunorambidzwa. (2) VaJudha vakawanda vanofunga kuti “Bhaibheri” ibhuku rechiKristu, asi ukataura uchiti “Magwaro echiHebheru,” “Magwaro” kana kuti “Torah,” dambudziko rakadaro harimuki. (3) Vanokoshesa zvikuru tsika dzechinyakare pakunamata kwavo uye vaJudha vakawanda vanoita zvechitendero vanodziona sedzine simba rakaenzana nereMagwaro. (4) Vangabatanidza Jesu Kristu nokutambudzwa kwakaitwa vaJudha noutsinye nechiKristudhomu muzita raJesu. (5) Vanowanzodavira kuti Mwari anoda kuti vaJudha vachengete Sabata, zvinosanganisira kurega kubata mari pazuva iroro.
Kuti muve nezvamunobvumirana ungati: (1) ‘Hapana mubvunzo kuti munobvuma kuti tose tinotarisana nematambudziko akafanana munyika yanhasi, pasinei nokuti tinobva kupi. Munotenda here kuti pachava nechinhu chichagadzirisa matambudziko makuru akatarisana nevanhu nhasi? (Pis. 37:10, 11, 29; 146:3-5; Dhan. 2:44)’ (2) ‘Hatisi vanhu vechiKristudhomu uye hatidaviri Utatu asi tinonamata Mwari waAbrahamu. Tinonyanya kufarira nyaya ine chokuita nokunamata kwechokwadi. Ndingakubvunzaiwo here kuti chokwadi munochiziva sei, zvikurukuru tichifunga nezvekusiyana kukuru pane zvinotendwa nevanhu vechiJudha? . . . (Dheut. 4:2; Isa. 29:13, 14; Pis. 119:160)’ (3) ‘Tinofarira zvikuru zvakavimbiswa Abrahamu naMwari zvokuti vanhu vemarudzi ose vachakomborerwa kuburikidza nemwana wake. (Gen. 22:18)’
Kana munhu wacho akataura kuti haatendi muna Mwari, bvunza kana agara achinzwa saizvozvo. Zvichida ibva wakurukura kuti nei Mwari akabvumira zvakaipa uye kutambura. Kuyeuka nezvokuurayiwa kwevanhu vazhinji nevaNazi kwakaita kuti vaJudha vakawanda vanetseke neizvi.
Kana ukakurukura zvakanakira kushandisa zita raMwari, tanga waona kuti munhu wacho anonzwa sei pamusoro paro. Ratidza kuti Eksodho 20:7 inorambidza kushandisa zita raMwari pasina, asi hairambidzi kurishandisa zvine ruremekedzo. Zvadaro kurukura magwaro akadai saEksodho 3:15 (kana kuti Pisarema 135:13); 1 Madzimambo 8:41-43; Isaya 12:4; Jeremiya 10:25; Maraki 3:16.
Paunokurukura nezvaMesiya: (1) Tanga kutaura nezvezvikomborero zvichavapo kana ava kutonga, pane kutaura nezvekuzivikanwa kwake. (2) Wadaro kurukura magwaro anotaura nezvaMesiya ari munhu. (Gen. 22:17, 18; Zek. 9:9, 10; Dhan. 7:13, 14) (3) Ungada kukurukura kuuya kuviri kwaMesiya. (Enzanisa Dhanieri 7:13, 14 naDhanieri 9:24-26.) (4) Pakutaura nezvaJesu, ita kudaro nenzira inoratidza kufambira mberi kwechinangwa chaMwari. Taura kuti Jesu paaidzidzisa, nguva yakanga yava pedyo kuti Mwari abvumire kuti temberi yechipiri iparadzwe, isingazovakwizve. Asi Jesu akasimbisa kuzadzika kwoMutemo neZvakanyorwa nevaprofita zvaizoita kuti vanhu vane kutenda vazive kuti kune ramangwana rakanaka.