Rwiyo 72
Kuva Norudo
Rakaprindwa
1. Tinokumbira kuna Mwari,
Kuti tive nounhu hwake.
Asi hunonyanya kukosha
Ndirwo rudo rwaanotipa.
Tingava nezvipo, nenjere,
Pasina rudo hazvishandi.
Saka ngativei norudo;
Ngatitsunge, tifadze Mwari.
2. Kungodzidzisa vamwe chete,
Hazvina kana kumbokwana.
Ngativadei nezviito,
Tichivabatsira kudzidza.
Rudo runoshivirirawo,
Kunyange zvinhu zvikaoma.
Saka ngatiyeuke, rudo
Runotsungirira pazvose.
(Onawo Joh. 21:17; 1 VaK. 13:13; VaG. 6:2.)