RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • rs p. 254-p. 258
  • Munyengetero

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Munyengetero
  • Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Mashoko Akafanana
  • Nezveminyengetero Inonzwiwa naMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Chipo Chatakapiwa naMwari Chemunyengetero
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Kuswedera Pedyo naMwari Mumunyengetero
    Mwari Anodei Kwatiri?
  • Swedera Pedyo naMwari Nekunyengetera
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
rs p. 254-p. 258

Munyengetero

Tsanangudzo: Kutaura zvinonzwika kana kuti chinyararire senzira yokunamata, munhu achiudza Mwari wechokwadi kana kuti vanamwari venhema zvinhu zviri mumwoyo make.

Unonzwawo sezvinoita vakawanda here vanoti minyengetero yavo haipindurwi?

Mwari anofarira kuteerera minyengetero yevanhu vakaita sei?

Pis. 65:2; Mab. 10:34, 35: “Haiwa imi Munzwi womunyengetero, vanhu vemarudzi ose vachauya kwamuri.” “Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.” (Hazvina basa kuti munhu anobva kupi, kana kuti ane ganda rakaita sei kana kuti ane mari yakadini. Asi chinokosha mwoyo wake nemararamiro aanoita.)

Ruka 11:2: “Pose pamunonyengetera, itii, ‘Baba, zita renyu ngaritsveneswe.’” (Iwe unonyengetera kuna Baba, avo vanonzi neBhaibheri Jehovha here, kana kuti unonyengetera “kuvasande”?)

Joh. 14:6, 14: “Jesu akati kwaari: ‘Ndini nzira nechokwadi noupenyu. Hapana anouya kuna Baba asi nokwandiri. Kana mukakumbira chimwe chinhu muzita rangu, ndichachiita.’” (Unonyengetera muzita raJesu Kristu here, uchiziva kuti sezvo uchitadza unoda kuti akumiririre?)

1 Joh. 5:14: “Ichi ndicho chivimbo chatiinacho kwaari, kuti, zvisinei nokuti chii chatinokumbira maererano nezvaanoda, iye anotinzwa.” (Zvisinei, kuti uve nechivimbo chakadaro unofanira kutanga waziva zvinodiwa naMwari. Zvadaro chiva nechokwadi chokuti zvaunokumbira zvinoenderana nezvaanoda.)

1 Pet. 3:12: “Maziso aJehovha ari pane vakarurama, uye nzeve dzake dziri pakuteterera kwavo; asi chiso chaJehovha chinovenga vaya vanoita zvinhu zvakaipa.” (Wakambowana nguva yokuti udzidze zvinonzi naJehovha muShoko rake zvakarurama uye zvinonzi zvakaipa here?)

1 Joh. 3:22: “Zvinhu zvose zvatinokumbira tinozvigamuchira kubva kwaari, nokuti tiri kuchengeta mirayiro yake uye tiri kuita zvinhu zvinofadza pamberi pake.” (Unoda kufadza Mwari zvechokwadi here, uye uri kuedza nemwoyo wose kuteerera mirayiro yake yawava kutoziva here?)

Isa. 55:6, 7: “Tsvakai Jehovha, achiri kuwanika. Danai kwaari achiri pedyo. Munhu akaipa ngaasiye nzira yake, uye munhu anokuvadza ngaasiye kufunga kwake; uye ngaadzokere kuna Jehovha, iye achamunzwira ngoni, uye kuna Mwari wedu, nokuti achakanganwira zvikuru.” (Jehovha ane mutsa zvechokwadi, anotokumbira kunyange vanhu vaimboita zvakaipa kuti vanyengetere kwaari. Asi kuti vafarirwe naMwari vanotofanira kutanga vapfidza zvechokwadi vosiya mafungiro avaiva nawo uye vochinja mararamiro avo.)

Zvii zvingaita kuti minyengetero yomunhu isanzwiwa naMwari?

Mat. 6:5: “Pamunonyengetera, musava sevanyengeri; nokuti ivo vanoda kunyengetera vakamira mumasinagogi nepamharadzano dzenzira dzakafara kuti vaonekwe nevanhu. Chokwadi ndinoti kwamuri, Ivo vari kuwana mubayiro wavo wakakwana.” (Uyewo Ruka 18:9-14)

Mat. 6:7: “Paunenge uchinyengetera, usadzokorora-dzokorora zvinhu zvakafanana, sezvinoita vanhu vemamwe marudzi, nokuti vanofunga kuti vachanzwiwa nokuda kwokushandisa kwavo mashoko mazhinji.”

Zvir. 28:9: “Munhu anoita kuti nzeve yake irege kunzwa mutemo [waMwari]—kunyange munyengetero wake chinhu chinosemesa.”

Mika 3:4: “Panguva iyoyo vachashevedzera kuna Jehovha kuti vabatsirwe, asi haazovapinduri. Achavavanzira chiso chake panguva iyoyo, zvinoenderana nezvakaipa zvavakaita mumabasa avo.”

Jak. 4:3: “Munokumbira, asi hamugamuchiri, nokuti munokumbirira chinangwa chisina kururama, kuti mushandise zvinhu zvacho pakuchiva kwenyu kuti mufadze nyama.”

Isa. 42:8; Dy; Mat. 4:10, BR: “Ndini Tenzi [“Jehovha,” BUS “Jehovha,” NW]: ndiro zita rangu. Handingatongopi ukuru hwangu kuno mumwe munhu, kunyange kupa mbiri yangu kuzvifananidzo zvakavezwa.” “Namata Tenzi Mwari wako, [“Jehovha Mwari wako,” NW], uchishandira iye chete.” (Uyewo Pisarema 115:4-8, kana kuti 113:4-8.) (Munyengetero inzira yokunamata. Kana ukanyengetera kuzvinhu zvakavezwa, kana kuti zvifananidzo, uchafadza Mwari here?)

Isa. 8:19: “Kana vakati kwamuri: ‘Bvunzai masvikiro kana kuti vafemberi vanorira uye vanotaura nemanzwi ari pasi-pasi,’ vanhu havafaniri kubvunza Mwari wavo here? Vanofanira kubvunza vanhu vakafa nokuda kwevanhu vapenyu here?”

Jak. 1:6, 7: “Ngaarambe achikumbira aine kutenda, aine chokwadi nazvo, nokuti munhu asina chokwadi nazvo akafanana nefungu regungwa rinofambiswa nemhepo richisairirwa kwose kwose nemhepo. Chokwadi, munhu iyeye ngaarege kufunga kuti ane chimwe chinhu chaachagamuchira kubva kuna Jehovha.”

Inyaya dzipi dzakakodzera kunyengeterera?

Mat. 6:9-13: “Saka, munofanira kunyengetera seizvi: ‘[1] Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe. [2] Umambo hwenyu ngahuuye. [3] Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga. [4] Tipei nhasi zvokudya zvedu zvanhasi; uye [5] tikanganwirei zvivi zvedu, sezvatakanganwirawo vakatitadzira. [6] Musatipinza mumuedzo, asi tinunurei pane akaipa.’” (Ona kuti zita raMwari nezvinangwa zvake ndizvo zvinofanira kuiswa pokutanga.)

Pis. 25:4, 5: “Itai kuti ndizive nzira dzenyu, haiwa Jehovha; ndidzidzisei makwara enyu. Ndifambisei muchokwadi chenyu mundidzidzise, nokuti muri Mwari wangu woruponeso.”

Ruka 11:13: “Kana imi muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, kunyange zvazvo makaipa, Baba vari kudenga vachapa vaya vanovakumbira mudzimu mutsvene zvikuru sei!”

1 VaT. 5:17, 18: “Rambai muchinyengetera. Ongai pamusoro pezvinhu zvose.”

Mat. 14:19, 20: “[Jesu] akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, uye achitarira kudenga, akakumbira chikomborero uye, amedura zvingwa, akazvipa vadzidzi, vadzidzi vakazvipawo mapoka acho evanhu. Naizvozvo vose vakadya vakaguta.”

Jak. 5:16: “Munyengetererane.”

Mat. 26:41: “Rambai makarinda murambe muchinyengetera, kuti murege kupinda mumuedzo.”

VaF. 4:6: “Musazvidya mwoyo pamusoro pechinhu chero chipi zvacho, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe chete nokuonga.”

Kana Mumwe Munhu Akati—

‘Tangai manyengetera, mozondiparidzira’

Ungapindura kuti: ‘Ndafara kuziva kuti muri munhu anokoshesa kunyengetera. Zvapupu zvaJehovha zvinogarawo zvichinyengetera. Asi pane zvakataurwa naJesu zvamungave musati mambonzwa nezvokuti tinofanira kunyengetera rini uye sei. Munoziva here kuti akaudza vadzidzi vake kuti vasanyengetera paruzhinji vachiitira kuti vaonekwe sevanhu vakazvipira kuna Mwari kana kuti sevanhu vanonyengetera chaizvo? . . . (Mat. 6:5)’ Ungawedzerawo kuti: ‘Onai kuti ndezvipi zvaakati tinofanira kukoshesa uye zvatinofanira kutanga kutaura patinonyengetera. Ndizvo zvandauya kuzokurukura nemi. (Mat. 6:9, 10)’

Kana kuti ungati: ‘Ndinoziva kuti vanhu vemamwe machechi ndizvo zvavanoita. Asi Zvapupu zvaJehovha hazvidaro, nokuti Jesu akarayira vadzidzi vake mamwe maitirwo ebasa rokuparidza. Panzvimbo pokutaura kuti, “Pamunopinda mumba, tangai manyengetera,” onai zvaakataura, pana Mateu 10:12, 13. . . . Uye pano pandima 7 onai zvavaizofanira kutaura. . . . Umambo ihwohwo hungatibatsira sei imi neni? (Zvak. 21:4)’

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe