Rwiyo 38
Kandira Mutoro Wako Pana Jehovha
Rakaprindwa
1. She Jehovha, ndinzweiwo,
Ndiri kukutsvakai.
Inzwai kunyengetera kwangu,
Ndirege kutya.
(KORASI)
Kanda mutoro pana
Jehovha akutsigire.
Iye achakubatsira
Kuramba wakamira.
2. Dai ndine mapapiro
Ndaitizira kure,
Kwandisingakuvadzwi
Nevaya vanondivenga.
(KORASI)
Kanda mutoro pana
Jehovha akutsigire.
Iye achakubatsira
Kuramba wakamira.
3. Ndodana kuna Jehovha
Andidzivirirewo.
Anopa rugare, opa
Vanyoro vose simba.
(KORASI)
Kanda mutoro pana
Jehovha akutsigire.
Iye achakubatsira
Kuramba wakamira.
(Onawo Pis. 22:5; 31:1-24.)