RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jr chits. 4 pp. 43-53
  • Ngwarira Kuva Nomwoyo Unonyengera

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ngwarira Kuva Nomwoyo Unonyengera
  • Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • MWOYO INONYENGERA INOGONA KUTSAUSA
  • MAUMBIRWO ATINOITWA NAJEHOVHA
  • BVUMA KUUMBWA NAJEHOVHA
  • Zuva Nezuva Unobvunza Here Kuti, “Jehovha Ari Kupi?”
    Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
  • “Handigoni Kuramba Ndakanyarara”
    Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 24—Jeremia
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • “Uvaudze Shoko Iri”
    Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
Ona Zvimwe
Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
jr chits. 4 pp. 43-53

CHITSAUKO 4

Ngwarira Kuva Nomwoyo Unonyengera

1, 2. Nei zvakaoma kuti tizive zvakanyatsoita mwoyo wedu wokufananidzira?

CHIMBOFUNGIDZIRA rimwe zuva mangwanani uchiri mugumbezi, unonzwa kurwadziwa zvikuru muchipfuva mako uye unotadza kunyatsofema zvakanaka. Unganetseka kuti, ‘Ungava mwoyo usisashandi zvakanaka here?’ Kungoramba dambudziko racho hakungakubatsiri. Zvaizova zvakanaka kutora matanho nokukurumidza. Saka ungashevedza amburenzi kuitira kuti ubatsirwe nenyanzvi dzokurapa. Chiremba anganyatsokuongorora, zvimwe achishandisa muchina unoona kushanda kwemwoyo unonzi, electrocardiograph. Kukurumidza kuziva dambudziko racho uye kurapwa zvinogona kuita kuti usafa.

2 Zvakadini nemwoyo wedu wokufananidzira? Zvingasava nyore kuziva zvawakaita chaizvo. Nei? Tinoverenga muBhaibheri kuti: “Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose uye wakaipa kwazvo. Ndiani angauziva?” (Jer. 17:9) Saka mwoyo wedu unogona kutinyengedza, uchiita kuti tione sokuti hatina kana dambudziko mune zvokunamata, nepo vamwe vangaona zviratidzo zvacho vonetseka. Nei tinganyengedzwa? Chido chatinacho chokuita zvakaipa chingatitsausa, uye Satani nemamiriro ezvinhu aripo zvingatiita kuti tisaone zvakanyatsoita mwoyo wedu. Panyaya yokuongorora mwoyo wedu, tinogona kudzidza kubva kuna Jeremiya uye vanhu veJudha vakararama panguva yake.

3. Zvii zviri kuva vanamwari kuvanhu vakawanda?

3 Ruzhinji rwevaJudha rwakanga rwaratidza kuti mwoyo yavo yakanga yaipa mune zvokunamata. Vakasiya Mwari wechokwadi bedzi kuti vanamate vanamwari vevaKenani, vasingatombonetseki nehana dzavo. Jehovha akati kuvanamati ivavo: “Vanamwari vako vawakazvigadzirira varipiko? Ngavasimuke kana vangakuponesa panguva yedambudziko rako. . . . Vanamwari vako vawanda sezvakaita maguta ako.” (Jer. 2:28) Kana tiri isu hatingambofungidziri tichinamata vanamwari vezvidhori. Zvisinei, pasi peshoko rokuti “mwari,” rimwe duramazwi rinoti: “Munhu kana chimwe chinhu chinokosheswa zvikuru.” Vanhu vakawanda munyika vanoisa basa ravo, utano, mhuri uye kunyange mhuka dzavanotamba nadzo panzvimbo yekutanga muupenyu hwavo. Vamwe vanoona mitambo, vanhu vakakurumbira, ruzivo rwokugadzira zvinhu, kushanya, kana tsika dzavo sezvinhu zvinokosha zvikuru. Vakawanda vanotsvaka zvinhu zvakadaro vachikanganisa ukama hwavo noMusiki. VaKristu vechokwadi vangakanganiswawo here, sezvakaita vaJudha vakararama panguva yaJeremiya?

MWOYO INONYENGERA INOGONA KUTSAUSA

4. Vanhu vaitaura chokwadi here pavakati: “Shoko raJehovha riri kupi? . . . Ngariuye”?

4 Zvimwe uchafarira zvaikurukurwa naJeremiya paakatsanangura kuti mwoyo wakaipa kwazvo. Akaziva kuti vanhu vakanga vachiti: “Shoko raJehovha riri kupi? Tapota, ngariuye.” (Jer. 17:15) Asi vairevesa here? Chitsauko ichocho chaJeremiya chinotanga chichiti: “Chivi chaJudha chakanyorwa nechinyoreso chesimbi. Chakatemerwa pahwendefa remwoyo yavo . . . nomuromo wedhaimani.” Dambudziko guru raiva pakuti vaJudha ivavo vakanga ‘vachivimba nomunhu wepanyika uye vaiita munhu wenyama simba ravo, uye mwoyo yavo yaitsauka pana Jehovha.’ Vakanga vakasiyana nevashoma vaivimba naMwari, vachitarira kwaari kuti avatungamirire uye avakomborere.—Jer. 17:1, 5, 7.

5. Vanhu vomunyika yaJeremiya vakaitei nokutungamirirwa kwavaiitwa naJehovha?

5 Zvakanga zvakaita mwoyo yeruzhinji zvakaoneka nezvavakaita pane zvakataurwa naMwari. (Verenga Jeremiya 17:21, 22.) Somuenzaniso, Sabata raifanira kuva zororo pamabasa avo uye mukana wokuita zvokunamata. Vanhu vomunyika yaJeremiya vaisafanira kuita zvebhizimisi kana kufamba vachinoita mamwe mabasa paSabata. Asi zvavakaita zvakaratidza zvakanga zvakaita mwoyo yavo. “Ivo havana kuteerera kana kurereka nzeve yavo, uye vakaomesa mitsipa yavo kuti varege kunzwa uye kuti varege kugamuchira kurangwa.” Kunyange vaiziva mutemo waMwari, vaiva nemafungiro avowo—vaiva nezvavo zvavaida kuita paSabata.—Jer. 17:23; Isa. 58:13.

6, 7. (a) MuKristu angafunga sei zvisina kuchenjera, pasinei nemazano anobva kumuranda akatendeka mazuva ano? (b) Kupinda kwatinoita misangano kungavhiringidzwa sei?

6 Mazuva ano, hatisi pasi pomutemo weSabata. Asi pane chidzidzo chinotinyevera pane zvakaitwa nevanhu ivavo, zvichiratidza zvakanga zvakaita mwoyo yavo. (VaK. 2:16) Kuti tiite kuda kwaMwari, takarega kutsvaka zvinhu zvoudyire kana kuti zvenyika. Tinoziva kuti hungava upenzi chaihwo kuzvisarudzira nzira yakatinakira yokufadza Mwari. Uye zvimwe tava kuziva vakawanda vakaisa pfungwa dzavo pakuita kuda kwaMwari uye vakawana kuti izvozvo zvinozorodza. Saka, tingatsauswa sei?

7 MuKristu angaita chikanganiso chokufunga kuti mwoyo wake hauzombomutsausi, sezvakaitika kuvakawanda vakararama panguva yaJeremiya. Somuenzaniso, murume angafunga kuti, ‘Ndinofanira kuchengetedza basa kuitira kuti ndiriritire mhuri yangu,’ uye izvozvo zvinonzwisisika. Ko izvozvo zvikaita kuti afunge kuti, ‘Ndinofanira kuwedzera dzidzo yangu kuti ndiwane basa rinobhadhara kana kuti ndirichengetedze’? Izvozvowo zvingaita sezvine musoro, zvichizoita kuti apedzisire ati, ‘Zvinhu zvachinja, uye kuti urarame mazuva ano, unofanira kuwana dzidzo yekukoreji kana kuyunivhesiti kuitira kuti uchengetedze basa rako.’ Zviri nyore zvikuru kuti munhu atange kurerutsa zano rouchenjeri rinobva kumuranda akatendeka akangwara pamusoro pokuwedzera dzidzo obva atanga kurega kupinda mimwe misangano! Panyaya iyi, vamwe vakatsauswa zvishoma nezvishoma nemafungiro uye maonero enyika. (VaEf. 2:2, 3) Bhaibheri rinotinyevera nenzira yakakodzera kuti: “Musarega nyika ichikumbandidzirai muforoma yayo.”—VaR. 12:2, Phillips.a

Mifananidzo iri papeji 46

Mwoyo wako wakakunyengera here kuti urege kupinda misangano?

8. (a) MuKristu angadada nechii? (b) Nei paine zvimwe zvinodiwa zvinopfuura kungoziva chokwadi pamusoro paMwari nezvaakaita?

8 Ichokwadi kuti vamwe vaKristu vomuzana remakore rekutanga vakanga vakapfuma uye zvimwe vachitova nomukurumbira munyika. Ndizvo zvakaitawo vamwe vaKristu mazuva ano. Vanofanira kunzwa sei pamusoro pezvavanenge vakwanisa kuita, uye tinofanira kuona sei vanhu vakadaro? Jehovha akapa mhinduro achishandisa Jeremiya. (Verenga Jeremiya 9:23, 24.) Pane kuzvirova dundundu pamusana pezvinhu zvaanenge aita, kuchenjera kuti munhu abvume kuti kuziva Changamire Wezvinhu zvose kunokosha zvikuru. (1 VaK. 1:31) Zvisinei, zvinorevei kuva nenjere nezivo pamusoro paJehovha? Vanhu vemunguva yaJeremiya vaiziva zita raMwari. Vaizivawo zvaakanga aita pakuponesa madzitateguru avo paGungwa Dzvuku, pavaipinda muNyika Yakapikirwa, munguva dzeVatongi, uye paitonga madzimambo akatendeka. Zvisinei, vakanga vasinganyatsozivi Jehovha kana kutenda zvechokwadi maari. Asi vakati: “Handina mhosva. Chokwadi kutsamwa [kwaMwari] kwakabva kwandiri.”—Jer. 2:35.

Nei zvichikosha kuziva kuti mwoyo wedu unonyengera? Tingaongorora sei mwoyo wedu toziva maonerwo atingave tichiitwa noMuongorori Mukuru wemwoyo?

MAUMBIRWO ATINOITWA NAJEHOVHA

Mifananidzo iri papeji 48

Uri kubvumira Jehovha kuti akuumbe here?

9. Nei tingava nechokwadi chokuti mwoyo womunhu unogona kuchinja, uye izvozvo zvingaitika sei?

9 VaJudha vaiudzwa mashoko aMwari naJeremiya vaifanira kuchinja mwoyo yavo. Zvaiita kuti vachinje nokuti Mwari akataura nezvenhapwa dzaizodzoka kubva kuutapwa achiti: “Ndichadzipa mwoyo wokuti dzindizive, kuti ndini Jehovha; uye dzichava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wadzo, nokuti dzichadzoka kwandiri.” (Jer. 24:7) Kuchinja kwakafanana kunogona kuitikawo mazuva ano. Uyewo, vazhinji vedu tinogona kunatsiridza zvakaita mwoyo yedu mune zvokunamata. Pane zvinhu zvitatu zvinokosha: kunyatsodzidza Shoko raMwari tiri toga, kunyatsonzwisisa mashandiro anoita Mwari muupenyu hwedu, uye kushandisa zvatinenge tadzidza nezvake. Kusiyana nevaya vakararama panguva yaJeremiya, tinofanira kuda kuita kuti mwoyo yedu iongororwe noMuongorori Mukuru wemwoyo. Uye tinogona kuongorora mwoyo yedu tichishandisa Bhaibheri uyewo nokuona zvatakaitirwa naJehovha. (Pis. 17:3) Kuchenjera chaiko kuita kudaro!

10, 11. (a) Nei Jeremiya akaenda kunoona muumbi? (b) Maumbiro anoita Jehovha vanhu anoenderana nechii?

10 Satani anoda kuumba vanhu nokuvambandidzira muforoma imwe chete, asi Mwari anoumba munhu mumwe nomumwe maererano nezvaari. Izvi tinozviona pane zvakaitika kuna Jeremiya. Rimwe zuva, Mwari akamuudza kuti aende kuimba yomuumbi. Muumbi wacho akanga achishandisa vhiri rake, asi mudziyo waaigadzira pawakashatiswa, akangoumba mumwe mudziyo nevhu racho rakanga richiri nyoro. (Verenga Jeremiya 18:1-4.) Nei Jeremiya akaudzwa kuti atarise izvi, uye tingadzidzei pane zvaakaona?

11 Jehovha aida kuratidza Jeremiya nevaIsraeri kuti ane simba rokuumba vanhu nemarudzi kuti vave zvaanoda. Mwari anobata sei ivhu racho? Kusiyana nevanhu vanoumba, Jehovha haakanganisi; uyewo haaparadzi basa remaoko ake chero paangodira. Jehovha zvaanoita nevanhu zvinoenderana nokuti vanoitei paanovaumba.—Verenga Jeremiya 18:6-10.

12. (a) Jehoyakimu akaitei Jehovha paaida kumuumba? (b) Unodzidzei panyaya yaJehoyakimu?

12 Saka, Jehovha anoumba sei munhu mumwe nomumwe? Chinhu chikuru chaanoshandisa mazuva ano iBhaibheri. Munhu paanoverenga uye oita maererano neShoko raMwari, anoratidza kuti munhu worudzii, uye Mwari anogona kumuumba. Ngatimbofunga nezvemuenzaniso waMambo Jehoyakimu kuti tione kuti vanhu vakararama panguva yaJeremiya vangave vakaumbwa sei panyaya dzoupenyu hwezuva nezuva. Mutemo waiti munhu haafaniri ku“biridzira munhu wemaricho,” asi mambo wacho ndizvo chaizvo zvaakaita, achidzvinyirira vamwe vaIsraeri nokuvashandisa kuti vamuvakire “imba hombe” vachipiwa muripo muduku. (Dheut. 24:14; Jer. 22:13, 14, 17) Mwari akaedza kuumba Jehoyakimu achishandisa shoko rake raiziviswa nevaprofita. Asi mambo wacho akatevedzera zvaidiwa nemwoyo wake wainyengera. Akati: “Handisi kuzoteerera” uye akaramba achiita zvaaiita kubva ari muduku. Saka Mwari akati: “[Jehoyakimu] achavigwa sezvinoitwa mbongoro hono, achizvuzvurudzwa uye achiraswa kunze.” (Jer. 22:19, 21) Hungava upenzi chaihwo kuti titaure kuti: ‘Ndizvo zvandingori’! Mazuva ano, Mwari haasi kutuma vaprofita vakaita saJeremiya, asi anotitungamirira. Boka romuranda akatendeka akangwara rinotibatsira kuti tione uye tishandise zvinotaurwa neBhaibheri. Izvi zvingabata zvinhu zvatinoita zuva nezuva, zvakadai semapfekero uye kushambidzika kwedu kana mimhanzi uye kutamba zvine chokuita nemuchato kana chimwe chiitiko. Tichabvuma here kuumbwa neShoko raMwari?

13, 14. (a) Nei vanhu vomuJerusarema vakabvuma kusunungura varanda vavo vechiHebheru? (b) Chii chakaratidza zvakanga zvakanyatsoita mwoyo yevanhu vakanga vaine varanda?

13 Funga mumwe muenzaniso. VaBhabhironi vakagadza Zedhekiya samambo waJudha ari pasi pamambo wavo. Uye, achiita zvaipesana nezano raakapiwa naMwari achishandisa Jeremiya, Zedhekiya akapandukira mambo weBhabhironi. (Jer. 27:8, 12) Saka vaBhabhironi vakabva vakomba Jerusarema. Mambo nemachinda ake vakafunga kuti vaifanira kuita zvinoenderana neMutemo kuti vafarirwe naMwari. Achiziva kuti varanda vechiHebheru vaifanira kusunungurwa mugore rechinomwe rouranda hwavo, Zedhekiya akaita sungano yokusunungura varanda ivavo. (Eks. 21:2; Jer. 34:14) Iye zvino Jerusarema parakanga rakombwa nevavengi, vanhu ndipo pavakanga vava kuona kunaka kwokuti vasunungure varanda vavo!—Verenga Jeremiya 34:8-10.

14 Pave paya, uto reIjipiti rakauya kuzobatsira Jerusarema, zvichiita kuti vaBhabhironi varege kukomba kwavakanga vakaita. (Jer. 37:5) Vaya vakanga vasunungura varanda vavo vaizoitei? Vakamanikidzira varanda vavakanga vasunungura kuti vavashandirezve. (Jer. 34:11) Nyaya iripo ndeyokuti, pavakanga vari mungozi, vaJudha vaiita sevaiteerera mirayiro yaMwari, sokunge kuti izvozvo zvaizovhara kusateerera kwavaimboita. Asi dambudziko racho parakaita serapera, vakatangazve kuita zvavaimboita kare. Pasinei nokuti vainyepera kubvuma zvairehwa noMutemo, zvavakazoita pashure zvakaratidza kuti mwoyo yavo yakanga isingadi kuteerera zvairayirwa neShoko raMwari uye kuti vaumbwe nazvo.

Chidzidzo chipi chinobatsira chaungawana pane zvakanyorwa naJeremiya nezvomuumbi? Jehovha anotiumba sei mazuva ano?

BVUMA KUUMBWA NAJEHOVHA

15. Ungada kuti Jehovha akuumbe kusvika papi? Enzanisira.

15 Tichibatsirwa neungano yaJehovha yomunyika yose, tingaziva zviri muBhaibheri zvinotaura nezvemamwe maitiro. Somuenzaniso, tingaziva zvatinofanira kuita kana tisingawirirani neimwe hama. (VaEf. 4:32) Tingabvuma kuti zano reBhaibheri rakarurama uye nderouchenjeri. Asi ticharatidza kuti tiri ivhu rokuumbisa rakaita sei? Tichabvuma zvechokwadi here kuumbwa naJehovha? Kana tiine mwoyo unoumbika, tichachinja tova vari nani; Muumbi Mukuru achatiumba kuti tive mudziyo wakanaka waachashandisa. (Verenga VaRoma 9:20, 21; 2 Timoti 2:20, 21.) Pane kuratidza kuti tine mwoyo wakaita sewaiva naJehoyakimu kana yevanhu vomunguva yaZedhekiya vaiva nevaranda, tinofanira kubvuma kuumbwa naJehovha kuti atishandise kuita basa rinokudzwa.

16. Jeremiya aiziva chokwadi chipi chinokosha?

16 Kunyange naJeremiya akaumbwa naMwari. Muprofita wacho aiva nemafungiro akaita sei? Unogona kuzviona nokubvuma kwaakaita kuti: “Munhu anofamba haakwanisi kudzora nhanho dzake.” Akabva ateterera achiti: “Haiwa Jehovha, ndiruramisei.” (Jer. 10:23, 24) Vechiduku, muchatevedzera Jeremiya here? Mungangova nezvakawanda zvokusarudza mune ramangwana. Vamwe vechiduku vanoda ‘kudzora nhanho dzavo.’ Muchatsvaka kutungamirirwa naMwari here pakusarudza? Muchaita saJeremiya here, mobvuma nokuzvininipisa kuti vanhu varatidza kuti havagoni kudzora nhanho dzavo? Yeukai kuti: Kana mukatsvaka kutungamirirwa naMwari, achakuumbai.

17-19. (a) Nei Jeremiya akaita rwendo rurefu rwokuenda kuna Yufratesi? (b) Kuteerera kwaJeremiya kungave kwakaedzwa sei? (c) Zvakaitwa naJeremiya nebhandi zvakabatsirei?

17 Basa raJeremiya raisanganisira kuteerera zvairayirwa naMwari. Kudai waiva Jeremiya, ungadai wakateerera mirayiridzo yakadaro here? Pane imwe nguva, Jehovha akaudza Jeremiya kuti atenge bhandi rerineni orisunga. Mwari akabva amurayira kuti aende kuna Yufratesi. Tarira pamepu uye uchaona kuti izvi zvaireva kuti aifanira kufamba rwendo rweanenge makiromita 500. Paaizosvika ikoko, Jeremiya aifanira kuviga bhandi racho mumukaha weibwe obva adzokera kuJerusarema. Uye Mwari akazoita kuti adzokerezve kunotora bhandi racho. (Verenga Jeremiya 13:1-9.) Jeremiya aifanira kufamba anenge makiromita 1 900 kuti apedze nzendo dzacho. Vanotsoropodza Bhaibheri havadaviri kuti angave akafamba madaro akadaro, achizviita kwemwedzi inoverengeka.b (Ezra 7:9) Kunyange zvakadaro, izvozvo ndizvo zvakataurwa naMwari uye zvakaitwa naJeremiya.

18 Funga nezvomuprofita wacho achifamba nomumakomo eJudha, uye zvichienderana nokuti akashandisa nzira ipi, obva apinda nomugwenga akananga kuna Yufratesi. Zvose izvi zvichiitirwa kungonoviga bhandi rerineni chete! Kusavapo kwake kwenguva refu kunofanira kunge kwakaita kuti vavakidzani vake vade kuziva. Paakadzoka, akanga asisina bhandi riya rerineni. Mwari akabva amuudza kuti aitezve rwendo rurefu rwokudzokera kuti anotora bhandi racho, rakanga raora uye “risisina kukodzera chero chinhu chipi zvacho.” Fungidzira kuti zvaizova nyore sei kufunga kuti: ‘Aa, izvi zvazonyanya. Handioni kubatsira kwazvinoita ini.’ Asi Jeremiya haana kudaro, nokuti akanga aumbwa naMwari. Pane kunyunyuta, akaita sezvaakanga arayirwa!

Mifananidzo iri papeji 53

Nei tichifanira kuteerera mirayiridzo yaJehovha kunyange kana tisingainzwisisi zvakakwana?

19 Mwari akatozotsanangura nyaya yacho pashure perwendo rwechipiri. Zvakaitwa naJeremiya zvakava muenzaniso waaizoshandisa pakuzivisa mashoko ane simba: “Vanhu ava vakaipa vari kuramba kuteerera mashoko angu, vari kufamba mukuoma kwemwoyo yavo uye vanoramba vachitevera vamwe vanamwari kuti vavashumire uye kuti vavakotamire, vachavawo sebhandi iri risina charakakodzera.” (Jer. 13:10) Inzira yakanaka zvikuru yakashandiswa naJehovha kudzidzisa vanhu vake! Kuteerera Jehovha nemwoyo wose kwakaitwa naJeremiya nokuita zvinhu zvaiita sezvisingakoshi kwakabatsira zvikuru pane zvakaitwa naJehovha kuti asvike mwoyo yevanhu vacho.—Jer. 13:11.

20. Nei vamwe vanhu vangashamiswa nokuteerera kwako, asi unogona kuva nechokwadi chei?

20 VaKristu mazuva ano havaudzwi kuti vafambe mazana emakiromita senzira yaMwari yokudzidzisa. Zvisinei, kungava here kuti upenyu hwaunorarama somuKristu hungaita kuti vavakidzani vako kana shamwari vashamisike kana kukutsoropodza? Zvingasanganisira mapfekero uye kushambidzika kwako, dzidzo yaunosarudza, basa raunofarira, kana kunyange maonero aunoita doro. Uchatsunga kuteerera mirayiridzo yaMwari saJeremiya here? Zvaunosarudza pamusana pokubvuma kuti Mwari aumbe mwoyo wako zvingaita kuti upe uchapupu hwakanaka. Pasinei nezvingaitika, kuteerera mirayiridzo yaJehovha iri muShoko rake uye kubvuma kutungamirirwa neboka romuranda akatendeka zvichakubatsira nokusingagumi. Pane kutevedzera zvinodiwa nemwoyo unonyengera, unogona kuva akafanana naJeremiya. Iva akatsunga kubvuma kuumbwa naMwari; bvuma kuti akuite kuti uve mudziyo unokudzwa waachashandisa kwenguva refu.

Nei zvichikosha kuti urwise zvinokurudzirwa naSatani, nemwoyo wako usina kukwana uye nenyika?

a NET Bible (2005) rinoti: “Musaenzaniswa nenyika ino.” Mashoko omuzasi anowedzera kuti: “Zviri pachena kuti ‘kuenzaniswa’ nenyika ino kunoonekwa sechinhu chinoitwa kumunhu, nokuti zvinoitika munhu asingafungi zvakakwana. Panguva imwe chete, . . . munhu angave achiti zivei kuenzaniswa kunenge kuchiitika. Kazhinji kacho zvinoitika zvose zviri zviviri.”

b Vamwe vanoti Jeremiya anofanira kunge aienda kunzvimbo yaiva pedyo kwete kuna Yufratesi. Nei? Imwe nyanzvi inoti, “Chinangwa chikuru chokutsoropodza uku ndechokuti muprofita wacho asanetseke nokufamba nzendo mbiri dzaanonzi akaita dzokubva kuJerusarema kuenda kuna Yufratesi.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe