Uprofita
Tsanangudzo: Mashoko akafuridzirwa; kuratidzwa kwezvinodiwa naMwari uye chinangwa chake. Uprofita hungava kufanotaurwa kwechimwe chinhu chichaitika, dzidziso yakafuridzirwa pamusoro pemararamiro, kana kuratidzwa kwemurayiro waMwari kana mutongo wake.
Ndezvipi zvakatoitika zvakanga zvakanyorwa muBhaibheri kuti zvichaitika?
Kuti uone mimwe mienzaniso, ona misoro mikuru inoti “Bhaibheri,” “Mazuva Okupedzisira,” “Misi,” uyewo bhuku rinonzi “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera,” mapeji 343-346.
Ndehupi humwe uprofita huri muBhaibheri hunokosha husati hwazadzika?
1 VaT. 5:3: “Chero panguva yavachati: ‘Rugare nokuchengeteka!’ kuparadzwa kusingatarisirwi kuchabva kwakurumidza kuvawira sokurwadziwa kwomukadzi ane pamuviri; uye havangambopukunyuki.”
Zvak. 17:16: “Nyanga gumi dzawaona, nechikara, izvi zvichavenga hure [Bhabhironi Guru] uye zvichariparadza nokuripfekenura, uye zvichadya nhengo dzaro dzine nyama uye zvichariroromesa nomoto.”
Ezek. 38:14-19: “Uti kuna Gogi, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Hauzozvizivi pazuva iroro here, vanhu vangu, ivo vaIsraeri [vomudzimu] pavachange vachigara vakachengeteka? Iwe uchauya uchibva kunzvimbo yako, uchibva kumativi ari kure kwazvo okuchamhembe, iwe nemarudzi mazhinji auinawo . . . ” “Zvino pazuva iroro, pazuva richauya Gogi panyika yaIsraeri,” ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha, “hasha dzangu dzichakwira mumhino dzangu. Ndichataura ndiine godo, ndiri mumoto wokushatirwa kwangu kukuru.”’”
Dhan. 2:44: “Umambo [hwakagadzwa naMwari] . . . huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu [hwevanhu], uye ihwo huchamira nokusingagumi.”
Ezek. 38:23: “Ndichazviita mukuru, ndozvitsvenesa, ndoita kuti ndizivikanwe pamberi pemarudzi mazhinji; uye vachaziva kuti ndini Jehovha.”
Zvak. 20:1-3: “Ndakaona ngirozi ichiburuka kudenga iine kiyi yegomba rakadzikadzika uye cheni huru iri muruoko rwayo. Yakabata dhiragoni, nyoka yepakutanga, iye Dhiyabhorosi uye Satani, ikamusunga kwemakore ane chiuru. Yakamukanda mugomba rakadzikadzika, ikarivhara, ikariisa chisimbiso iye ari mukati, kuti arege kutsausa marudzi kusvikira makore ane chiuru apera. Pashure pezvinhu izvi anofanira kusunungurwa kwenguva duku.”
Joh. 5:28, 29: “Musashamiswa neizvi, nokuti awa iri kuuya mairi vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi rake, vobuda, vaya vakaita zvakanaka vachamukira upenyu, vaya vaiva netsika yokuita zvakaipa vachamukira kutongwa.”
Zvak. 21:3, 4: “Ndakanzwa inzwi guru richibva kuchigaro choumambo richiti: ‘Tarirai! Tende raMwari riri pakati pevanhu, iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake. Mwari pachake achava navo. Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.’”
1 VaK. 15:24-28: “Kwozotevera mugumo, paanogamuchidza umambo kuna Mwari wake uye Baba . . . Asi zvinhu zvose pazvinenge zvaiswa pasi pake, Mwanakomana achabva azviisawo pasi poUyo akaisa zvinhu zvose pasi pake, kuti Mwari ave zvinhu zvose kuvanhu vose.”
Nei vaKristu vachifanira kufarira chaizvo zvinonzi neBhaibheri zvichaitika?
Mat. 24:42: “Naizvozvo, rambai makarinda nokuti hamuzivi kuti Ishe wenyu ari kuuya zuva ripi.”
2 Pet. 1:19-21: “Tine shoko rouprofita rakaitwa kuti rive rechokwadi kwazvo [zvichibva pakuchinja chitarisiko kwakaita Jesu]; uye muri kuita zvakanaka kuriteerera . . . Nokuti uprofita hahuna kumbounzwa chero panguva ipi zvayo nevanhu, asi vanhu vakataura zvichibva kuna Mwari sezvavaitungamirirwa nomudzimu mutsvene.”
Zvir. 4:18: “Gwara revakarurama rakaita sechiedza chinopenya chinoramba chichiwedzera kupenya kusvikira ava masikati chaiwo.”
Mat. 4:4: “Munhu haangararami nechingwa chete, asi nemashoko ose anobuda mumuromo maJehovha.” (Izvi zvinosanganisira uprofita hunoshamisa hwaakavimbisa.)
2 Tim. 3:16: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakuranga nokururama.” (Saka tinofanira kudzidza nomwoyo wose Shoko raMwari rose.)
Kana Mumwe Munhu Akati—
‘Munonyanyotaura nezvouprofita.
Chinongodiwa chete kutenda Kristu soMuponesi wako worarama upenyu hwakanaka hwechiKristu’
Ungapindura kuti: ‘Kutenda basa raJesu Kristu kunokosha chaizvo. Asi munoziva here kuti chikonzero chimwe chete chakaita kuti vaJudha vomuzana remakore rokutanga vatadze kumugamuchira chaiva chokuti havana kunyatsofungisisa uprofita?’ Ungawedzerawo kuti: (1)) ‘Uprofita huri muMagwaro echiHebheru hwakanga hwagara hwataura kuti Mesiya (Kristu) aizooneka rini uye zvaaizoita. Asi vaJudha vakawanda havana kuteerera zvakataurwa nouprofita uhwu. Pane zvavaitofunga kuti ndizvo zvaizoitwa naMesiya, zvikabva zvaita kuti varambe Mwanakomana waMwari. (Ona mapeji 95, 96, pasi pomusoro unoti “Jesu Kristu.”)’ (2) ‘Mazuva ano tiri kurarama panguva iyo Kristu akatanga kutonga saMambo kudenga uye ari kuita kuti shoko rake riparidzirwe vanhu vemarudzi ose. (Mat. 24:14) Asi vanhu vakawanda vari kutarisira chimwe chinhu.’
Kana kuti ungati: ‘Ndinobvuma kuti zvinokosha kuva muKristu akanaka. Asi ndingava muKristu akanaka here kana ndichiita zvimwe zvakadzidziswa naJesu asi ndorega kuita zvaakati tinofanira kuisa pakutanga? . . . Onai zvaakataura zvakanyorwa pano pana Mateu 6:33.’ Ungawedzerawo kuti: ‘Hachisi chokwadi here kuti Jesu akatidzidzisa kunyengeterera Umambo ihwohwo, uye nemhaka yokutenda kwedu maari soMuponesi wedu tinogona kutaura nezvoUmambo ihwohwo pakutanga tisati takumbira kukanganirwa? (Mat. 6:9-12)’