Rwiyo 53
Kushanda Takabatana
Rakaprindwa
1. Taunzwa m’danga raMwari.
Tofadzwa neShoko rake.
Tiri pamwe murugare,
Zvoita tifare.
Toda kuva vamwe;
Tiwirirane.
Basa raMwari izhinji.
Ari kushandisa Jesu.
Ngatimuteererei
Tichishanda pamwe.
2. Tikumbire kubatana,
Toedza kuva nomutsa;
Rudo runobva rwakura,
Zvichipa rugare.
Runotizorodza,
Ruchitifadza.
Patinonyatsodanana,
Mwari anopa rugare;
Tobatsirwa kubatana
Tichimushumira.
(Onawo Mika 2:12; Zef. 3:9; 1 VaK. 1:10.)