Mashandisiro Atingaita Bhurocha raMashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
Bhurocha Idzva Rakagadzirwa Kutibatsira Kudzokera Kuvanhu Vanofarira Uye Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri
1. Ibhurocha ripi idzva rakabudiswa paGungano reRuwa raiti “Chengetedza Mwoyo Wako!” iro rakagadzirirwa kutibatsira kudzokera kuvanhu vanofarira uye kutanga zvidzidzo zveBhaibheri?
1 Pagungano reRuwa raiti “Chengetedza Mwoyo Wako!” takafara kugamuchira bhurocha idzva richatibatsira kudzokera kuvanhu vanofarira uye kutanga zvidzidzo zveBhaibheri. Bhurocha raMashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari! rinotsiva raMwari Anodei, asi akafanana pakuti zvidzidzo zvacho zvipfupi. Nemhaka yokuti zvidzidzo zvacho zvipfupi, izvi zvichatibatsira kuti tikwanise kudzidza nemunhu Bhaibheri kunyange pasuo. Bhurocha raMwari Anodei, raikurukura zvinhu zvinofanira kuitwa nemuKristu uye zvaigona kunge zvakaoma kuti mudzidzi mutsva ajekerwe nazvo. Asi bhurocha idzva iri riri kutaura nezvemashoko akanaka anowanikwa muBhaibheri.—Mab. 15:35.
2. Bhurocha raMashoko Akanaka rakabudisirwei?
2 Rakabudisirwei? Pasi rose hama dzanga dzichikumbira chimwe chinhu chiri nyore chingaita kuti vanhu vade chokwadi uye vazotanga kudzidza bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?, iro ratinoshandisa pakudzidzisa vanhu Bhaibheri. Vanhu vanozeza kudzidza bhuku rakakura vangangoda kudzidza Bhaibheri vachishandisa bhurocha. Chimwezve chakaita kuti bhurocha iri ribudiswe ndechokuti, bhurocha riri nyore kushandura mumitauro yakawanda.
3. Bhurocha iri rakasiyana papi nemamwe mabhuku atinoshandisa pakudzidza nevanhu?
3 Zvarakaita: Mabhuku edu akawanda atinoshandisa pakudzidza nevanhu akagadzirwa nenzira inoita kuti munhu anogona kuzviverengera ojekerwa nechokwadi kunyange asina mumwe anomubatsira. Asi bhurocha iri rakati siyanei. Rinodzidzisa zviri muBhaibheri asi panenge pachida rubatsiro rwomudzidzisi. Saka, pakurigovera kune mumwe munhu, zvakanaka kuti titange taverenga tokurukura ndima imwe chete kana kuti mbiri. Ndima dzacho ipfupi zvokuti dzinogona kukurukurwa makamira pamba pemunhu kana kuti kubasa kwake. Zvakanaka kuti titange nechidzidzo 1, asi kana tichida tinogona kutangira pachidzidzo chero chatinoda chiri mubhurocha iri.
4. Bhurocha iri rinotibatsira sei kuti tidzidzise tichishandisa Bhaibheri?
4 Mumabhuku edu akawanda, mhinduro dzemibvunzo inenge yakadhindwa dzinowanikwa mundima. Asi mubhurocha iri, mhinduro dzinowanikwa muBhaibheri. Vanhu vakawanda vanoda kudzidza vachishandisa Bhaibheri kwete mabhuku edu. Pamagwaro ose anoratidzwa mubhurocha iri hapana rugwaro rwakatorwa mashoko kubva muBhaibheri. Anofanira kuita zvokuverengwa kubva muBhaibheri. Izvi zvinobatsira mudzidzi kuti aone kuti zvaari kudzidza zviri kubva kuna Mwari.—Isa. 54:13.
5. Nei zvichikosha kuti mudzidzisi anyatsogadzirira chidzidzo chimwe nechimwe?
5 Bhurocha iri haritsananguri magwaro ose. Nemhaka yei? Rakagadzirirwa kuti mudzidzi abvunze mibvunzo uye kuti mudzidzisi ashandise unyanzvi hwake pakudzidzisa. Saka zvinokosha kuti chidzidzo chimwe nechimwe chinyatsogadzirirwa. Nyevero: Usataura zvakawandisa. Tinofarira kutsanangura Magwaro. Asi zvinonyanya kubatsira ndezvokuti tikumbire munhu kuti atsanangure zvaanofunga kuti ndizvo zvinorehwa nerugwaro. Kana tikashandisa mibvunzo nouchenjeri, tichakwanisa kumubatsira kuti ashandise pfungwa dzake kuona zvinorehwa nemagwaro.—Mab. 17:2.
6. Tingashandisa sei bhurocha iri: (a) kuvanhu vasingabvumi kuti Mwari ariko uye vasingadi kushandisa Bhaibheri? (b) pakuparidza paimba neimba? (c) pakuudza vanhu kuti tinoda kudzidza navo Bhaibheri? (d) patinodzokera kunoona vanhu vakaratidza kufarira?
6 Kungofanana nezvinoitwa nemabhuku atinoshandisa pakudzidza nevanhu, bhurocha iri rinogona kugoverwa chero nguva pasinei nokuti chii chiri kugoverwa mumwedzi iwoyo. Vakawanda vachanakidzwa nokurishandisa vachiudza vanhu kuti vanoda kudzidza navo Bhaibheri. Uyezve, sezvakataurwa pagungano reruwa, kurishandisa patinodzokera kunoona vakaratidza kufarira “kunogona kuita kuti kudzokerera kunakidze!”—Ona mabhokisi ari pamapeji 5-7.
7. Ungaitisa sei chidzidzo cheBhaibheri uchishandisa bhurocha iri?
7 Tingarishandisa Sei Pakudzidzisa Munhu: Tinogona kutanga kukurukura nokuverenga mubvunzo wakanyorwa nhamba une mashoko matema-tema. Zvadaro, tinogona kuverenga ndima uye rugwaro kana kuti magwaro akatsveyamiswa. Shandisa mibvunzo nouchenjeri kubatsira saimba kuti anzwisise zviri kurehwa norugwaro. Zvadaro, musati maenda kuchikamu chinotevera, bvunza saimba mubvunzo wakanyorwa nemashoko matema-tema kuti uve nechokwadi chokuti anzwisisa. Mumazuva okutanga zvingava zvakanaka kuti mungokurukura mubvunzo mumwe chete. Nokufamba kwenguva, munogona kuwedzera zvamunokurukura kusvikira mava kupedza chidzidzo chimwe nechimwe.
8. Magwaro anofanira kusumwa sei, uye nemhaka yei?
8 Magwaro akanyorwa kunzi “verenga” ndiwo ane mhinduro yakajeka yomubvunzo uri mumashoko matema-tema. Pakusuma rugwaro, hatifaniri kuti, “Muapostora Pauro akanyora kuti” kana kuti, “Cherechedzai muone zvakafanotaurwa naJeremiya.” Saimba anogona kuzofunga kuti mashoko atiri kuverenga ipfungwa dzomumwewo munhu. Zvingava zvakanaka kuti titi, “Shoko raMwari rinoti” kana kuti, “Cherechedzai muone zvakafanotaurwa neBhaibheri.”
9. Magwaro ose anofanira kuverengwa here pachidzidzo?
9 Tinofanira kuverenga magwaro ose here kana kuti tinongoverenga akanzi “verenga”? Zvinosiyana-siyana zvichienderana nemamiriro ezvinhu. Magwaro ose aripo ane chinangwa. Rimwe nerimwe rine mashoko akakosha okuti tikurukure. Asiwo pane dzimwe nguva, tingazoverenga chete magwaro akanzi “verenga” nemhaka yokuti saimba haana nguva, kana kuti haasi kunyatsofarira kana kuti haanyatsogoni kuverenga.
10. Ndirini patingazotanga kushandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?
10 Ndirini Patingazotanga Kudzidza Bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?: Pashure pokunge takurukura kwenguva yakati rebei uye chidzidzo chacho chava kuitwa nguva nenguva, tinogona kubva tatanga bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? kana kuti kuenderera mberi nebhurocha raMashoko Akanaka kusvikira taripedza. Vaparidzi vanogona kushandisa uchenjeri kuti vasarudze kuti voenda here muna Bhaibheri Rinombodzidzisei? Kana tikasarudza kuenda muna Bhaibheri Rinombodzidzisei? tinofanira kubva tatanga kwarinotangira here? Hapana hapo mutemo panyaya iyi. Vanhu vanosiyana-siyana. Asi vadzidzi vakawanda vachabatsirwa chaizvo kana vakadzokorora muudzame nyaya dzavakambodzidza pavanenge vava kushandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?
11. Nei tichifanira kunyatsoshandisa bhurocha idzva iri?
11 Kashoma kuti uwane mashoko akanaka munyika ino, asi isu tine ropafadzo yokuzivisa mashoko akanakisisa. Mashoko iwayo ndeekuti Umambo hwaMwari hwava kutonga uye munguva pfupi huchaita kuti pave nenyika itsva ichange iine kururama. (Mat. 24:14; 2 Pet. 3:13) Tine chokwadi chokuti vakawanda vachanzwa mashoko aya vachabvumirana nemashoko akafemerwa okuti: “Dzakanaka sei pamusoro pemakomo tsoka dzaiye ari kuuya nemashoko akanaka, iye ari kuzivisa rugare, iye ari kuuya nemashoko akanaka echimwe chinhu chiri nani, iye ari kuzivisa ruponeso, iye ari kuti kuZiyoni: ‘Mwari wako ava mambo!’” (Isa. 52:7) Ngatishandisei bhurocha idzva iri kuudza vanhu vari mundima yedu vane nyota nezvemashoko akanaka anobva kuna Mwari!
[Bhokisi riri papeji 5]
Kuvanhu Vasingabvumi Kuti Mwari Ariko Uye Vasingadi Kushandisa Bhaibheri:
● Vaparidzi vakaona kuti mune dzimwe nzvimbo ukangotaura shoko rokuti “Mwari” kana kuti “Bhaibheri” munhu anobva atoti haasi kuda zvokuparidzirwa. Mumamiriro ezvinhu akadaro, musi wokutanga zvingava zvakanaka kukurukura nyaya dzinofarirwa nevanhu vari munharaunda iyoyo, dzakadai sokunaka kwokuva nehurumende yakanaka, kungawanikwa mazano anobatsira mhuri uye kuti ramangwana redu rakamira sei. Zvimwe tinozoshandisa bhurocha raMashoko Akanaka pashure pokunge tamboti kurukurei kanoverengeka zvinhu zvinoita kuti titi Mwari ariko uye kuti Bhaibheri ibhuku rakavimbika.
[Bhokisi riri papeji 6]
Pakuparidza Paimba Neimba:
● “Ndakushanyirai kuti ndikuratidzei kuti zviri nyore zvakadini kuziva chinangwa chaMwari mune ramangwana. Munofunga kuti Mwari achabvisa matambudziko edu here? [Rega apindure.] Bhurocha iri rinoratidza kuti mhinduro yomubvunzo uyu tingaiwanepi muBhaibheri. [Mupe bhurocha, woverenga ndima yokutanga muchitsauko 1, uyewo naJeremiya 29:11.] Kubva pavhesi iyi munofunga kuti Mwari anoda kuti tive neramangwana rakanaka here? [Rega apindure.] Kana muchida ndinogona kukusiyirai bhurocha iroro. Nguva inotevera tinogona kuzokurukura ndima yechipiri kuti tinzwe kuti Bhaibheri rinoti chii pamubvunzo wokuti, ‘Mwari achabvisa sei zviri kukonzera kuti vanhu vatambure?’” Kana saimba achiratidza kuti ane nguva musi wokutanga, unogona kuverenga wokurukura ndima yechipiri nemagwaro matatu aripo. Ronga kuzodzoka mozokurukura mubvunzo wechipiri uri muchidzidzo ichocho.
● “Vanhu vakawanda vanoda kunyengetera asi vanonyanya kuzviita pavanenge vaine matambudziko. Pane dzimwe nguva munombonyengetera here? [Rega apindure.] Munofunga kuti Mwari anoteerera minyengetero yose here, kana kuti pane mimwe minyengetero isingamufadzi? [Rega apindure.] Ndine bhurocha rinoratidza kuti Bhaibheri rinopindura sei mibvunzo iyoyo. [Mupe rimwe bhurocha, mokurukura ndima yokutanga pachidzidzo 12 moverenga magwaro akanzi “verenga.”] Hazvifadzi here kuziva kuti Mwari anoda kuteerera minyengetero yedu? Asi kuti minyengetero yedu inzwiwe, tinofanira kunyatsoziva Mwari. [Endai pachidzidzo 2 womuratidza misoro iripo.] Kana muchida, ndinogona kukusiyirai bhurocha iri, ndozodzoka pane imwe nguva kuti tigonzwa mhinduro dzeBhaibheri kumibvunzo iyi inonakidza.”
● “Ndakushanyirai kuti ndizonzwawo zvamunofunga. Vanhu havasi kuziva kuti ramangwana rakamira sei. Munofunga kuti zvinhu zvichanaka here? [Rega apindure.] Vanhu vakawanda vanoshamisika pavanonzwa kuti Bhaibheri rine mashoko akanaka anogona kutipa tariro. Tarisai muone mimwe yemibvunzo inopindurwa neBhaibheri.” Mupe bhurocha, womukumbira kuti asarudze mubvunzo waanoda kubva pane iri papeji yokupedzisira. Zvadaro chiendai kuchidzidzo chacho womuratidza kuti chidzidzo cheBhaibheri chinoitwa sei. Ronga kuzodzoka mozokurukura mubvunzo unotevera uri muchidzidzo ichocho.
[Bhokisi riri papeji 7]
Edza Kuudza Munhu Kuti Unoda Kudzidza Naye Bhaibheri:
● “Ndakushanyirai kuti ndikuudzei nezvekosi itsva yokudzidza Bhaibheri. Bhurocha iri rine zvidzidzo 15 zvinoratidza kuti munowana papi mhinduro dzemibvunzo inokosha muBhaibheri renyu. [Muratidze zviri pakavha uye zviri papeji yokupedzisira.] Makamboverenga Bhaibheri kuti munyatsorinzwisisa here? [Rega apindure.] Regai ndikuratidzei kuti zvidzidzo zvacho zviri nyore sei. [Kurukurai ndima yokutanga pamubvunzo wechitatu uri muchidzidzo 3 uye moverenga Zvakazarurwa 21:4, 5. Kana zvakakodzera kurukurai ndima inotevera uye nemagwaro akanzi “verenga.”] Kana muchida, ndinogona kukusiyirai bhurocha iri. Tinokukurudzirai kuti mudzidze Bhaibheri kamwe chete kuti muone maitirwo acho tichishandisa bhurocha iri. Kana mukazvifarira, munogona kupfuurira nokudzidza. Munguva inotevera tichakurukura chidzidzo chokutanga. Cherechedzai muone kuti ingori peji imwe chete.”
[Bhokisi riri papeji 7]
Shandisa Bhurocha Iri Pakudzokera Kuvanhu Vanofarira:
● Patinodzokera kuvanhu vanenge varatidza kufarira, tinogona kuti: “Ndafara kukuonai zvekare. Ndakuunzirai bhurocha iri rinoratidza mhinduro dziri muBhaibheri pamibvunzo inobvunzwa nevanhu vakawanda. [Mupe bhurocha racho uye muudze kuti atarise zviri papeji yokupedzisira.] Ndeipi nyaya yamunonyanya kufarira? [Rega apindure. Chiendai panyaya yaasarudza.] Regai ndikuratidzei kuti bhurocha rino tingarishandisa sei kuti tiwane mhinduro muBhaibheri.” Ratidza kuti chidzidzo chinoitwa sei nokukurukura ndima imwe chete kana mbiri uye nemagwaro akanzi “verenga.” Watotanga kudzidza nemunhu Bhaibheri kana watodai! Siyira saimba bhurocha racho uye woronga kuzodzokazve. Kana mapedza chidzidzo chacho munogona kukurukura chimwe chidzidzo chinenge chasarudzwa nasaimba kana kuti motanga chidzidzo chokutanga.