-
Uchawanei Kana Ukauya Pamisangano Yedu yechiKristu?Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
-
-
CHIDZIDZO 5
Kupinda Misangano Yedu yechiKristu Kuchakubatsira Sei?
Argentina
Sierra Leone
Belgium
Malaysia
Vamwe vanhu vakarega kuenda kumachechi nekuti pavaienda ikoko vaishaya mhinduro dzemibvunzo inokosha yavaiva nayo. Saka zvine musoro here kuti upinde misangano yeZvapupu zvaJehovha? Uchawanei kana ukapinda misangano yacho?
Mufaro wekuva pamwe chete nevanhu vanokuda. Panguva yevaapostora, vaKristu vaiita misangano muungano dzavo kuti vanamate Mwari, kuti vadzidze Magwaro uye kuti vakurudzirane. (VaHebheru 10:24, 25) Pavaiungana, vaiona rudo rwavairatidzwa nehama dzavo uye izvozvo zvaiita kuti vanzwe vachifara vaine shamwari dzechokwadi. (2 VaTesaronika 1:3; 3 Johani 14) Tinotevedzera muenzaniso wavo uye tinowanawo mufaro patinoungana sezvavaiita.
Uchadzidza kuti ungashandisa sei zvinotaurwa neBhaibheri. Mazuva ano varume nevakadzi nevana vanoungana pamwe chete sezvaingoitwawo nevanhu vanotaurwa muBhaibheri. Vadzidzisi vane ruzivo vanoshandisa Bhaibheri kuti vatibatsire kuona kuti tingashandisa sei zvarinotaura muupenyu hwedu. (Dheuteronomi 31:12; Nehemiya 8:8) Munhu wese anogona kutaurawo panokumbirwa vateereri kuti vataure uye anogonawo kuimba nevamwe, zvichipa munhu wese mukana wekuti ataure nezvetariro yatinayo sevateveri vaKristu.—VaHebheru 10:23.
Kutenda kwako muna Mwari kuchasimbiswa. Muapostora Pauro akaudza imwe ungano yaivapo mumazuva aakararama kuti: “Ndiri kusuwa kukuonai, . . . kuti tikurudzirane, imi muchindikurudzira nekutenda kwenyu ini ndichikukurudziraiwo nekwangu.” (VaRoma 1:11, 12) Patinogara tichionana nevamwe vatinonamata navo pamisangano yedu, tinosimbisa kutenda kwedu uye chido chedu chekuita zvinodzidziswa neBhaibheri.
Uya uzvionere wega zvinhu izvi pamusangano wedu weungano unotevera. Uchagamuchirwa nemufaro. Hapabhadhariswi mari yekupinda misangano yacho uye vanenge varipo havakumbirwi mari.
Tiri kutevedzera ani pamisangano yedu?
Tinobatsirwa sei nekupinda misangano yechiKristu?
-
-
Kuwadzana Nevatinonamata Navo Kunotibatsira Sei?Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
-
-
CHIDZIDZO 6
Kuwadzana Nevatinonamata Navo Kunotibatsira Sei?
Madagascar
Norway
Lebanon
Italy
Kunyange kana mamiriro ekunze asina kunaka kana kuti tichifanira kupfuura nemumasango kuti tipinde misangano yedu yechiKristu, tinongoramba tichiipinda. SeZvapupu zvaJehovha hatiregi kuenda kumisangano pasinei nematambudziko atinosangana nawo uye kuneta kwati- noita nebasa. Sei tichidaro?
Kuwadzana nevamwe kunotibatsira kuti titsungirire matambudziko. Pauro akanyora kuti tinofanira kuva ‘nehanya nemunhu mumwe nemumwe’ watinonamata naye muungano. (VaHebheru 10:24) Mashoko iwayo anoreva kuti tinofanira kunyatsozivana nevamwe. Kana tikazivana nevatinonamata navo, tinoona kuti vamwe vavo vakakunda matambudziko akafanana needu uye kuti vanogona kutotibatsira kuti tikundewo edu.
Tinowana shamwari dzinonyatsotida. Hama dzedu dzatinoungana nadzo tinodziona seshamwari dzedu chaidzo, kwete sevanhu vatinongozivanawo navo. Dzimwe nguva tinombounganawo tichitandara. Kuwadzana kwatinoita nevamwe kunotibatsira sei? Kunoita kuti tiwedzere kukoshesana uye kudanana kwatinoita. Kana vamwe vedu vakasangana nematambudziko, tinobva tangovabatsira nekuti ishamwari dzedu dzepedyo. (Zvirevo 17:17) Patinowadzana nevanhu vese vari muungano yatinopinda nayo, tinenge tichiratidza kuti tinovada.—1 VaKorinde 12:25, 26.
Tinokukurudzira kuti utsvage shamwari dziri kuita kuda kwaMwari. Uchawana shamwari dzakadaro pakati peZvapupu zvaJehovha. Usarega chimwe chinhu chichikutadzisa kuwadzana nesu.
Kuwadzana nevamwe pamisangano kunotibatsira sei?
Ndiriini pauchada kutanga kuwadzana nesu?
-
-
Misangano Yedu Yakaita Sei?Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
-
-
CHIDZIDZO 7
Misangano Yedu Yakaita Sei?
New Zealand
Japan
Uganda
Lithuania
VaKristu vekare pavaiita misangano yavo vaiwanzonyengetera, kuimba, uye kuverenga Magwaro nekuakurukura. Hapana tutsika twakawanda-wanda twavaiita. (1 VaKorinde 14:26) Tinotevedzera zvavaiita pamisangano yedu.
Zvinhu zvatinodzidza zvinobva muBhaibheri uye zvinobatsira. Pakupera kwevhiki, ungano imwe neimwe inoungana kuti inzwe hurukuro inobva muBhaibheri iyo inoratidza kuti Magwaro anoshanda sei muupenyu hwedu uye kuti zvaanotaura zvinoenderana papi nenguva yatiri. Tese tinokurudzirwa kuti titarisewo muBhaibheri redu panenge pachikurukurwa magwaro acho. Panopera mharidzo yacho, panouya Chidzidzo cheNharireyomurindi. Apa vanhu vari muungano vanogona kutaurawo zvinenge zvichidzidzwa muNharireyomurindi yacho. Chidzidzo ichi chinotibatsira kuti tizive mashandisiro atingaita zvinodzidziswa neBhaibheri muupenyu hwedu. Tese tinodzidza zvinhu zvakafanana muungano dzedu dzinopfuura 110 000 pasi rese.
Tinobatsirwa kuti tive nyanzvi pakudzidzisa. Tinounganawo pakati pevhiki kamwe chete manheru pamusangano une zvikamu zvitatu unonzi Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu. Zvatinokurukura pamusangano uyu zvinotorwa muPurogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa inobudiswa mwedzi wega wega. Chikamu chekutanga chemusangano uyu chinonzi, Pfuma Iri muShoko raMwari uye chinotibatsira kuti tinyatsonzwisisa zvitsauko zveBhaibheri zvatinenge tatoverenga kumba. Pachikamu chechipiri chinonzi, Shanda Nesimba Muushumiri, panenge paine vanoedzesera zvatingaita patinenge tichikurukura nevanhu zviri muBhaibheri. Pavanenge vapedza pane anovapa mazano anovabatsira kuti vawedzere kuverenga nekutaura zvakanaka. (1 Timoti 4:13) Chikamu chekupedzisira chinonzi Kurarama kwechiKristu, uye chinotibatsira kuti tizive mashandisiro atingaita zvinodzidziswa neBhaibheri muupenyu hwedu. Panenge pachibvunzwawo mibvunzo vateereri vachipindura, zvichiita kuti tiwedzere kunzwisisa Bhaibheri.
Pauchapinda misangano yedu hapana mubvunzo kuti uchafadzwa nemhando yedzidzo yauchawana ikoko kubva muBhaibheri.—Isaya 54:13.
Uchadzidzei kana ukauya kumisangano yeZvapupu zvaJehovha?
Pamisangano yatinoita vhiki nevhiki, ndeupi waunoda kuzopinda?
-