Rwiyo 73
Dananai Kwazvo Zvichibva Pamwoyo
1. Rudo ngarubve mumwoyo,
Ndimo marunotangira.
Runoita tinzwe tsitsi
Kune hama dzedu.
Tichawanawo mikana
Yokuratidza kudzida,
Tichitevedzera Mwari,
Uyo ane rudo.
Neshoko nezviito,
Tibatsire vamwe murudo.
Tishandise mikana
Kuita zvakanaka.
Tinoremekedza vamwe,
Tichiva nehanya navo.
Tisambofumura hama.
Tive vakavimbika
Uye vakabatana.
2. Kana tine rudo kwazvo,
Tichanonoka kutsamwa.
Tichavawo nechivimbo
Nevanhu vaMwari.
Tichava shamwari kwadzo,
Tichiyemurawo vamwe.
Toungana tichifara
Kuti tisimbiswe.
Zuva nezuva tose
Tinopotsa pakutaura.
Saka tive vanyoro
Kune vanhu vaMwari.
Tirambe tiri shamwari
Dzinosimbisa ukama.
Zivikanwai norudo,
Muchikudzawo Mwari,
Muchimutevedzera.
(Onawo 1 Pet. 2:17; 3:8; 4:8; 1 Joh. 3:11.)