RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • rs p. 406-p. 410
  • Vasande

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vasande
  • Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kana Mumwe Munhu Akati—
  • Vasande Vechokwadi Vanogona Kukubatsira Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Tinofanira Kunyengetera Kuvasande Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Ibvumirano Pakati pe“Temberi yaMwari” Nezvidhori muGreece Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Ndinofanira Kunyengetera Kuvasande Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
rs p. 406-p. 410

Vasande

Tsanangudzo: Maererano nedzidziso dzeChechi yeRoma, vasande vanhu vakafa uye parizvino vava kudenga naKristu uye vakapiwa ruremekedzo neChechi pamusana poutsvene nokururama kwavo. Maererano nokutenda kweChechi yeRoma, vasande vanofanira kuonekwa sevarevereri kuna Mwari uye kuti zvisaririra zvevasande uye zvifananidzo zvavo zvinofanira kunamatwa. Mamwewo machechi anokumbira kubatsirwa nevasande. Zvimwe zvitendero zvinodzidzisa kuti vanhu vazvo vose vasande uye havana chivi. Bhaibheri rinotaura kakawanda nezvevasande, kana kuti vatsvene. Rinotaura nezvevateveri vaKristu 144 000 vakazodzwa nomudzimu sevakadaro.

Bhaibheri rinodzidzisa here kuti munhu anofanira kuwana kubwinya kwokudenga asati azivikanwa somusande?

Bhaibheri rinonyatsotaura nezvevatsvene, kana kuti vasande, vari kudenga. Jehovha anotaurwa nezvake se“Mutsvene [chiGiriki, haʹgi·on].”(1 Pet. 1:15, 16; ona Revhitiko 11:45.) Jesu Kristu anorondedzerwa so“Mutsvene [haʹgi·os] waMwari” paanenge ari panyika uye so“mutsvene [haʹgi·os]” kudenga. (Mako 1:24; Zvak. 3:7, JB) Ngirozi “itsvenewo.” (Mab. 10:22, JB) Shoko rimwe chete iroro muchiGiriki chepakutanga rinoshandisirwa vanhu vakawanda vari panyika.

Mab. 9:32, 36-41, BUS: “Petro akati achipote nyika akaburukirawo kuvatsvene [ha·giʹous] vakanga vagere Ridha. Zvino paJopa pakanga paine mukadzi aiva mudzidzi ainzi Tabhita [akanga afa] . . . [Petro] akatendeukira kumutumbi, akati; Tabhita, muka! Akasvinura meso ake; zvino akati achiona Petro, akagara. Akamubata noruoko rwake, akamusimudza, akadana vatsvene nechirikadzi, akamuisa pamberi pavo ari mupenyu.” (Zviri pachena kuti vasande ava vakanga vasati vava kudenga, uye vanhu vaionekwa sevasande vaisangova vaya vakakurumbira vakadai saPetro.)

2 VaK. 1:1; 13:12, 13, BUS: “Pauro muapostora waKristu Jesu nokuda kwaMwari naTimoti hama yedu mukereke yaMwari iri paKorinde pamwe chete nevatsvene [ha·giʹois] vose vari paAkaya yose.” “Kwazisanai nokutsvodana kutsvene. Vatsvene vose vanokukwazisai.” (VaKristu vose ava vepakutanga vakanga vacheneswa neropa raKristu uye vakatsaurirwa kuita basa raMwari sevanhu vane tariro yokugara nhaka pamwe naKristu vainzi vasande, kana kuti vatsvene. Zviri pachena kuti kuzivikanwa kwavo sevasande hakuna kumirirwa kuti vatange vafa.)

Kunyengetera kuva“sande” sevarevereri kuna Mwari kunotenderwa neMagwaro here?

Jesu Kristu akati: “Zvino imi nyengeterai kudai: ‘Baba vedu vari kudenga, . . . ’” Saka minyengetero inofanira kuitwa kuna Baba. Jesu akatiwo: “Ndini nzira, nechokwadi, noupenyu; hapana munhu anouya kuna baba asi nokwandiri. Kana muchikumbira chinhu kwandiri muzita rangu, ndichachiita.” (Mat. 6:9; Joh. 14:6, 14, BUS) Nokudaro Jesu haana kupa pfungwa yokuti chero ani zvake anogona kuva murevereri. NezvaKristu, muapostora Pauro akawedzera kuti: “Kristu Jesu ndiye akafa akamuka kuvakafa, zvino agere parudyi rwaMwari, achitireverera.” “Anogona kuponesa zvakakwana avo vose vanouya kuna Mwari nokwaari nokuti anogara achivareverera kuna Mwari nokusingaperi.” (VaR. 8:34; VaH. 7:25, BD) Kana tichida zvechokwadi kuti minyengetero yedu inzwiwe naMwari hakwaizova kuchenjera here kunyengetera kwaari nenzira inorayirwa neShoko rake? (Onawo peji 207, pasi pemusoro unoti “Mariya.”)

VaEf. 6:18, 19, JB: “Musaneta pakuramba makamuka kuti munyengeterere vatsvene vose; uye ndinyengetererei kuti ndipiwe mukana wokuvhura muromo wangu kuti nditaure ndisingatyi zvakavanzika zveevhangeri.” (Tatsveyamisa mabhii.) (Pano pari kukurudzirwa kunyengeterera vasande asi kwete kunyengetera kwavari kana kuti kuburikidza navo. New Catholic Encyclopedia, 1967, Vol. XI, peji 670, inoti: Kazhinji muTestamende Itsva, minyengetero yose, yomunhu oga kana kuti yevanhu vakawanda, inotaurwa kuna Baba kuburikidza naKristu.”)

VaR. 15:30, BUS: “Ndinokumbira zvikuru, hama dzangu, naShe wedu, Jesu Kristu, uye norudo rwomweya, kuti murwe pamwe chete neni pakunyengetera kwenyu kuna Mwari pamusoro pangu.” (Muapostora Pauro, aiva musande, akakumbira vaKristu vaainamata navo vaivawo vasande kuti vamunyengeterere. Asi onai kuti Pauro haana kunyengetera kuvasande ivavo, uye kumunyengeterera kwavakaita hakuna kutsiva ukama hwepedyo uhwo Pauro aiva nahwo naBaba kuburikidza nomunyengetero. Enzanisa naVaEfeso 3:11, 12, 14.)

Tsika yokunamata zvisaririra nezvifananidzo zve“vasande” inofanira kuonekwa sei?

New Catholic Encyclopedia inobvuma kuti: “Nokudaro hazvina maturo kutsvaka panotsigirwa tsika yokunamata zvisaririra muTestamende Yekare; uye muTestamende Itsva hamunyanyotaurwi nezvezvisaririra. . . . [“Fata” weChechi] Origen anoita seaiona tsika yacho sechiratidzo chechihedheni chokuremekedza chinhu chinooneka.”—(1967), Vol. XII, mapeji 234, 235.

Zvinokosha kuti tizive kuti Mwari akaviga Mosesi, uye hapana munhu akamboona paiva neguva rake. (Dheut. 34:5, 6) Asi Judha 9 inotizivisa kuti ngirozi huru Mikaeri akaitisana nharo naDhiyabhorosi nezvomutumbi waMosesi. Nei? Chinangwa chaMwari chokuuviga nenzira yokuti vanhu vaisazoziva kwokuuwana chakataurwa zvakajeka. Muvengi aida kutungamirira vanhu kumutumbi wacho kuitira kuti uiswe pachena kuti uve chinhu chinonamatwa here?

Nezvokunamatwa kwezvifananidzo zve“vasande,” ona musoro mukuru unoti “Zvifananidzo.”

Nei “vasande” veChechi yeRoma vaine denderedzwa rechiedza pamifananidzo yavo?

New Catholic Encyclopedia inoti: “Chinhu chinozikanwa zvikuru, chinowanika pamifananidzo yevasande vose, igore rinobwinya rinenge rakatenderera musoro womusande. Izvi zvakatanga chiKristu chisati chavapo, uye mienzaniso inowanika mumifananidzo yechiGiriki yakabva muchihedheni; denderedzwa rechiedza raishandiswa pavanhu vanoremekedzwa savanamwari uye vanamwari vakadai saNeptune, Jupiter, Bacchus, uye zvikurukuru Apollo (mwari wezuva) sezvinoratidzwa pamifananidzo uye pamari yesimbi.”—(1967), Vol. XII, peji 963.

New Encyclopædia Britannica inoti: “Mumifananidzo yechiGiriki neyechiRoma mwari wezuva Helios uye madzimambo eRoma vaiwanzooneka vaine korona yemwaranzi. Nemhaka yokuti zvakatanga muchihedheni, korona yacho yaisashandiswa mumifananidzo yechiKristu Chepakutanga, asi, gore rakaita denderedzwa rakagamuchirwa nemadzimambo echiKristu kuti rishandiswe pamifananidzo yavo. Kubva pakati pezana remakore rechina, Kristu airatidzwawo aine chiratidzo ichi choumambo . . . denderedzwa rechiedza rakazotanga kushandiswa muzana remakore rechitanhatu paMhandara Mariya nevamwe vasande.”—(1976), Micropædia, Vol. IV, peji 864.

Zvakakodzera here kusanganisa chiKristu nezviratidzo zvechihedheni?

“Chiedza chingawirirana seiko nerima? Ko Kristu anganzwana seiko naSatani? Uyezve munhu anotenda angagonzwanana seiko nomunhu asingatendi? Ko imba yaMwari ingaita chitenderano neimba yezvifananidzo seiko? Ko inga isu tiri imba yaMwari mupenyu wani! . . . Saka zvino imi chibvai mabuda mukati mavo muzvitsaure, ndizvo zvinotaura Tenzi. Musabata chinhu chakan’ora kwete, kuitira kuti ini ndigokugamuchirai. Ndichava baba venyu, nemiwo muchava vanakomana vangu nevanasikana vangu. Ndizvo zvinotaura Tenzi ane simba rese.”— 2 VaK. 6:14-18, BR.

Vanhu vose veboka rechitendero vangava vasande here vobva vava vasina chivi?

Ichokwadi kuti vose vaiva muungano yechiKristu yomuzana remakore rokutanga vaiva vasande. (1 VaK. 14:33, 34; 2 VaK. 1:1; 13:13, BUS) Vanotsanangurwa sevaya ‘vanokanganwirwa zvivi’ uye ‘vakatsveneswa’ naMwari. (Mab. 26:18; 1 VaK. 1:2, RS, KJ) Zvisinei, havana kuzviita vanhu vasina chivi. Vakaberekwa vari vazukuru vomutadzi Adhamu. Zvavakagara nhaka zvaiwanzoita kuti zvivaomere kuita zvakarurama, sezvakabvumwa nomuapostora Pauro achizvininipisa. (VaR. 7:21-25) Uye muapostora Johani akataura zvakananga kuti: “Kana tichiti, hatina zvivi, tinozvinyengera, chokwadi hachisi matiri.” (1 Joh. 1:8, BUS) Saka kuva musande mupfungwa yokuti shoko racho rinoshandisirwa vateveri vaKristu vechokwadi hakurevi kuti munyama havana kana chivi.

Nezvokuti vaKristu vose vechokwadi nhasi vasande here vane tariro youpenyu hwokudenga, ona mapeji 69-73.

Kana Mumwe Munhu Akati—

‘Unodavira muvasande here?’

Ungapindura kuti: ‘Muri kureva vapi?’ Kana munhu wacho akataura Mariya kana kuti vaapostora, ungawedzera kuti: (1) ‘Hongu, vanotaurwa nezvavo muMagwaro Matsvene, uye ndinodavira zvakanyorwa imomo. Asi ndinonyanyofarira zvavari kuita nhasi uye kubatsirwa kwatinoitwa nazvo, hamuzvifaririwo here? . . . Ndakawana chimwe chinhu chinofadza zvikuru nezvavo muno muMagwaro Matsvene, uye ndingada kukuratidzai. (Zvak. 5:9, 10)’ [Ona kuti, kana munhu abvunza nezvemashoko ari mundima dzacho: BR inoti “vachazotonga pasi pose.” CC inoti “vachazotonga pano pasi.” Kx inoti “vachatonga semadzimambo panyika.” Asi NAB neDy dzinoti “vachatonga panyika.” Kuti uwane mashoko anotaura nezvegirama yechiGiriki, ona peji 73, pasi pomusoro unoti “Denga.”] (2) ‘Upenyu huchange hwakaita sei pasi pehurumende yakadaro? (Zvak. 21:2-4)’

Kana kuti ungati (kana waimbopinda Chechi yeRoma): ‘Kwemakore akawanda ndaipindawo mitambo yevasande uye ndaigara ndichinyengetera kwavari. Asi pane zvandakazoverenga muMagwaro Matsvene zvakaita kuti ndinyatsofunga nezvezvandaiita. Ndapota, ndibvumirei kukuratidzai. (Ona mapeji 407, 408.)’

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe